Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

Jesu Kristu Ndiani?

Jesu Kristu Ndiani?
  • Basa rinokosha raJesu nderei?

  • Akabva kupi?

  • Aiva munhu akaita sei?

1, 2. (a) Nei kuziva nezvomumwe munhu akakurumbira kusingarevi kuti unonyatsomuziva? (b) Kuvhiringidzika kupi kuripo pamusoro paJesu?

MUNYIKA mune vanhu vakawanda vakakurumbira. Vamwe vanozivikanwa zvikuru munzvimbo yavanogara, guta, kana kuti nyika. Vamwe vanozivikanwa munyika yose. Zvisinei, kungoziva zita romumwe munhu akakurumbira hazvirevi kuti unonyatsomuziva. Hazvirevi kuti unoziva zvakadzama mamiriro ake ezvinhu uye zvaari chaizvo somunhu.

2 Vanhu vari munyika yose vakanzwa chimwe chinhu nezvaJesu Kristu, kunyange zvazvo akararama panyika makore anenge 2 000 akapfuura. Nepo vakawanda vanovhiringidzika pamusoro pokuti Jesu aimbova ani chaizvo. Vamwe vanoti aingovawo zvake munhu akanaka. Vamwe vanotaura kuti aingovawo zvake muprofita. Uyezve vamwe vanodavira kuti Jesu ndiye Mwari uye anofanira kunamatwa. Anofanira kunamatwa here?

3. Nei zvichikosha kuti uzive chokwadi pamusoro paJesu?

3 Zvinokosha kuti uzive chokwadi pamusoro paJesu. Nei? Nokuti Bhaibheri rinoti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Chaizvoizvo, kuziva chokwadi pamusoro paJehovha Mwari uye Jesu Kristu kunogona kuita kuti munhu awane upenyu husingaperi muparadhiso pasi pano. (Johani 14:6) Uyezve, Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wemararamiro uye kubata vamwe. (Johani 13:34, 35) Muchitsauko chokutanga chebhuku rino, takakurukura chokwadi pamusoro paMwari. Iye zvino ngatikurukurei zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro paJesu Kristu.

MESIYA AKAPIKIRWA

4. Zita rokuti “Mesiya” uye “Kristu” anorevei?

4 Kare kare Jesu asati aberekwa, Bhaibheri rakafanotaura kuuya kwouya aizotumwa naMwari saMesiya, kana kuti Kristu. Zita rokuti “Mesiya” (kubva mushoko rechiHebheru) uye rokuti “Kristu” (kubva mushoko rechiGiriki) ose anoreva “Muzodziwa.” Uyu akapikirwa aizozodzwa, kureva kuti, aizosarudzwa naMwari kuti ave munzvimbo inokosha. Muzvitsauko zvichazotevera zvebhuku rino, tichadzidza zvakawanda nezvenzvimbo inokosha yaMesiya pakuzadziswa kwezvipikirwa zvaMwari. Tichadzidzawo nezvezvikomborero izvo Jesu anogona kutiunzira kunyange iye zvino. Zvisinei, Jesu asati aberekwa, hapana mubvunzo kuti vakawanda vainetseka kuti, ‘Ndiani achava Mesiya?’

5. Vadzidzi vaJesu vaiva nechokwadi chizere chei nezvake?

5 Muzana remakore rokutanga C.E., vadzidzi vaJesu wokuNazareta vaiva nechokwadi chizere chokuti iye ndiye aiva Mesiya akanga afanotaurwa. (Johani 1:41) Mumwe wevadzidzi vacho, murume ainzi Simoni Petro, akataura pachena kuna Jesu kuti: “Ndimi Kristu.” (Mateu 16:16) Zvisinei, vadzidzi ivavo vaigona sei kuva nechokwadi—uye isu tingava sei nechokwadi—chokuti chaizvoizvo Jesu ndiye Mesiya akapikirwa?

6. Enzanisira kuti Jehovha akabatsira sei vanhu vakatendeka kuziva Mesiya.

6 Vaprofita vaMwari vakararama Jesu asati auya vakafanotaura mashoko akadzama pamusoro paMesiya. Mashoko aya akanga akadzama aizobatsira vamwe kuti vamuzive. Tingazvienzanisira seizvi: Ngatitii waizokumbirwa kuenda kuchiteshi chemabhazi chakazara vanhu kana kuti chezvitima kana kuti kunhandare yendege kunotambira mumwe munhu wausina kumbobvira waona. Zvaisazobatsira here kudai mumwe munhu aizokupa mashoko akadzama mashomanana ane chokuita nomunhu wacho? Saizvozvowo, achishandisa vaprofita vomuBhaibheri, Jehovha akapa rondedzero yakatodzama yezvaizoitwa naMesiya uye zvaizoitika kwaari. Kuzadzika kwouhwu uprofita hwakawanda kwaizobatsira vanhu vakatendeka kunyatsomuziva.

7. Ndohupi uprofita huviri hwakazadzika hwaiva nechokuita naJesu?

7 Funga nezvemienzaniso miviri chete. Kutanga, kuchine makore anodarika 700, muprofita Mika akafanotaura kuti Iye akapikirwa wacho aizoberekerwa muBhetrehema, taundi duku raiva munyika yeJudha. (Mika 5:2) Jesu akamboberekerwa kupi chaizvo? Chokwadi, mutaundi iroro chairo! (Mateu 2:1, 3-9) Chechipiri, kuchine mazana emakore akawanda, uprofita hwakanyorwa pana Dhanieri 9:25 hwakataura gore chairo raizoonekwa Mesiya—29 C.E. * Kuzadzika kwouprofita uhwu nohumwe kunoratidza kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya akapikirwa.

Paakabhabhatidzwa, Jesu akava Mesiya, kana kuti Kristu

8, 9. Uchapupu hupi hwokuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya hwakava pachena paakabhabhatidzwa?

8 Humwe uchapupu hwokuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya hwakava pachena gore ra29 C.E. rava kuda kunopera. Iroro ndiro gore rakaenda Jesu kuna Johani Mubhabhatidzi kuti anobhabhatidzwa muRwizi rwaJodhani. Jehovha akanga avimbisa kupa Johani chiratidzo chaizoita kuti azive Mesiya. Johani akaona chiratidzo ichocho pakabhabhatidzwa Jesu. Bhaibheri rinotaura kuti izvi ndizvo zvakaitika: “Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga akavhurika, Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva uchiuya paari. Tarira! Kwaivawo neinzwi rakabva kumatenga rakati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.’” (Mateu 3:16, 17) Pashure pokunge aona uye anzwa zvakanga zvaitika, Johani haana kuva nomubvunzo kuti Jesu akanga atumwa naMwari. (Johani 1:32-34) Panguva yakadururwa mudzimu waMwari, kana kuti simba rinoita basa paari zuva iroro, Jesu akava Mesiya, kana kuti Kristu, uya akasarudzwa kuti ave Mutungamiriri uye Mambo.—Isaya 55:4.

9 Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri uye uchapupu hwaJehovha Mwari pachake zvinoratidza pachena kuti Jesu ndiye akanga ari Mesiya akapikirwa. Asi Bhaibheri rinopindura mimwe mibvunzo miviri inokosha pamusoro paJesu Kristu: Akabva kupi, uye aiva munhu akaita sei?

JESU AKABVA KUPI?

10. Bhaibheri rinodzidzisei nezvokuvapo kwaJesu asati auya pasi pano?

10 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu akararama mudenga asati auya pasi pano. Mika akaprofita kuti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema uye akataurawo kuti Iye aiva we“panguva yokutangatanga.” (Mika 5:2) Kakawanda, Jesu pachake akataura kuti akararama kudenga asati aberekwa somunhu. (Johani 3:13; 6:38, 62; 17:4, 5) Sechisikwa chomudzimu chaiva kudenga, Jesu aiva noukama chaihwo naJehovha.

11. Bhaibheri rinoratidza sei kuti Jesu ndiye Mwanakomana waJehovha anokosha zvikuru?

11 Jesu ndiye Mwanakomana waJehovha anokosha zvikuru—uye izvozvo zvine chikonzero chakanaka. Iye anonzi “dangwe rezvisikwa zvose,” nokuti aiva chisikwa chokutanga chaMwari. * (VaKorose 1:15) Pane chimwewo chinhu chinoita kuti Mwanakomana uyu ave anokosha chaizvo. Iye ndiye “Mwanakomana . . . akaberekwa ari mumwe oga.” (Johani 3:16) Izvi zvinoreva kuti Jesu ndiye chete akasikwa naMwari zvakananga. Jesu ndiye chete akashandiswa naMwari paakasika zvimwe zvinhu zvose. (VaKorose 1:16) Uyewo Jesu anonzi “Shoko.” (Johani 1:14) Izvi zvinotiudza kuti aitaura achimiririra Mwari, pasina mubvunzo achiendesa mashoko uye murayiridzo kune vamwe vanakomana vaBaba, vomudzimu uye vanhu.

12. Tinoziva sei kuti Mwanakomana wedangwe haana kuenzana naMwari?

12 Mwanakomana wedangwe akaenzana naMwari, sezvinodavirwa nevamwe here? Izvozvo handizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Sezvataona mundima yapfuura, Mwanakomana akaita zvokusikwa. Saka zviri pachena kuti iye akava nepaakatangira, nepo Jehovha Mwari haana paakatangira kana mugumo. (Pisarema 90:2) Mwanakomana akaberekwa ari mumwe oga haana kumbofunga nezvokuedza kuti ave akaenzana naBaba vake. Bhaibheri rinodzidzisa zviri pachena kuti Baba vakuru pane Mwanakomana. (Johani 14:28; 1 VaKorinde 11:3) Jehovha chete ndiye “Wemasimbaose.” (Genesisi 17:1) Saka hapana waakaenzana naye. *

13. Bhaibheri rinorevei parinotaura nezvoMwanakomana so“mufananidzo waMwari asingaoneki”?

13 Jehovha noMwanakomana wake wedangwe vaishamwaridzana zvikuru kwemabhiriyoni emakore—kare kare matenga azere nenyeredzi uye nyika zvisati zvasikwa. Vanofanira kuva vaidanana zvikuru! (Johani 3:35; 14:31) Mwanakomana uyu anodiwa akanga akangoita saBaba vake. Ndokusaka Bhaibheri richitaura nezvoMwanakomana wacho so“mufananidzo waMwari asingaoneki.” (VaKorose 1:15) Chokwadi, mwanakomana womunhu zvaangava akafanana zvikuru nababa vake munzira dzakasiyana-siyana, Mwanakomana uyu wokudenga akaratidza zvakaita Baba vake uye unhu hwavo.

14. Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga akasvika sei pakuberekwa somunhu?

14 Mwanakomana waJehovha akaberekwa ari mumwe oga akabva kudenga achizvidira, akauya pasi pano kuzorarama somunhu. Asi ungashamisika kuti, ‘Zvakaitika sei kuti chisikwa chomudzimu chiberekwe somunhu?’ Kuti aite izvi, Jehovha akaita chishamiso. Akatamisa upenyu hwoMwanakomana wake wedangwe kubva kudenga kuenda mudumbu remhandara yechiJudha yainzi Mariya. Hapana baba vari munhu vakabatanidzwa. Saka Mariya akabereka mwanakomana akakwana ndokumutumidza kuti Jesu.—Ruka 1:30-35.

JESU AIVA MUNHU AKAITA SEI?

15. Nei tichigona kutaura kuti kuburikidza naJesu tinosvika pakuziva Jehovha zviri nani?

15 Zvakataurwa uye zvakaitwa naJesu paaiva pasi pano zvinotibatsira kumuziva zvakanaka. Uyewo, kuburikidza naJesu tinosvika pakuziva Jehovha zviri nani. Nei zvakadaro? Yeuka kuti Mwanakomana uyu mufananidzo wakakwana waBaba vake. Ndokusaka Jesu akaudza mumwe wevadzidzi vake kuti: “Aona ini aonawo Baba.” (Johani 14:9) Mabhuku eBhaibheri mana anozivikanwa seEvhangeri—Mateu, Mako, Ruka, uye Johani—anotiudza zvakawanda nezvoupenyu, basa, uye unhu hwaJesu Kristu.

16. Ndezvipi zvainyanya kutaurwa naJesu, uye zvaaidzidzisa zvaibva kupi?

16 Jesu ainyanya kuzivikanwa so“Mudzidzisi.” (Johani 1:38; 13:13) Akadzidzisei? Ainyanya kutaura nezve“mashoko akanaka oumambo”—kureva Umambo hwaMwari, hurumende yokudenga ichatonga nyika yose uye ichaunza zvikomborero zvisingaperi kuvanhu vanoteerera. (Mateu 4:23) Zvaaitaura izvi zvaiva zvaani? Jesu pachake akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma,” kureva Jehovha. (Johani 7:16) Jesu aiziva kuti Baba vake vaida kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka oUmambo. Muchitsauko 8, tichadzidza zvimwe zvine chokuita noUmambo hwaMwari uye zvahuchaita.

17. Jesu aidzidzisira kupi, uye nei akaita zvakawanda kwazvo kuti adzidzise vamwe?

17 Jesu aidzidzisira kupi? Kwose kwose kwaaiwana vanhu—mumaruwa uyewo mumaguta, mumisha, mumisika, uye mudzimba dzavo. Jesu aisatarisira kuti vanhu vauye kwaari. Iye ndiye aienda kwavaiva. (Mako 6:56; Ruka 19:5, 6) Jesu akaitirei zvakawanda zvose izvozvo uye kushandisa nguva yake yakawanda kwazvo achiparidza uye achidzidzisa? Nokuti kuita izvozvo ndizvo zvaidiwa naMwari kuti aite. Jesu aiita zvaidiwa naBaba vake nguva dzose. (Johani 8:28, 29) Asi paiva nechimwe chikonzero nei aiparidza. Ainzwira tsitsi mapoka evanhu vaiuya kuzomuona. (Mateu 9:35, 36) Vakanga vangosiyiwa zvavo nevatungamiriri vavo vechitendero, avo vaifanira kunge vachivadzidzisa chokwadi pamusoro paMwari uye zvinangwa zvake. Jesu aiziva kuti vanhu vacho vaida zvikuru kunzwa shoko roUmambo.

18. Unonyanya kufarira unhu hupi hwaJesu?

18 Jesu aiva munhu aiva netsiye nyoro uye ainzwira tsitsi chaizvo. Saka vamwe vaiona zviri nyore kutaura naye uye kuti aiva nomutsa. Kunyange vana vainzwa vakasununguka vainaye. (Mako 10:13-16) Jesu akanga asingasaruri. Aivenga uori uye kusaruramisira. (Mateu 21:12, 13) Panguva apo vakadzi vaisanyanya kuremekedzwa uye vaiva neropafadzo shoma, iye aivaremekedza. (Johani 4:9, 27) Jesu aizvininipisa zvechokwadi. Pane imwe nguva, akageza tsoka dzevaapostora vake, basa raiwanzoitwa nomushandi akaderera.

Jesu aiparidza chero kwaaiwana vanhu

19. Muenzaniso upi unoratidza kuti Jesu aiva nehanya zvikuru nezvaidiwa nevamwe?

19 Jesu aiva nehanya zvikuru nezvaidiwa nevamwe. Izvi zvainyanya kuoneka paaiita zvishamiso zvokuporesa achitungamirirwa nomudzimu waMwari. (Mateu 14:14) Somuenzaniso, mumwe murume aiva nemaperembudzi akauya kuna Jesu akati: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Jesu pachake akanzwa kurwadziwa kwomurume uyu uye kutambura kwake. Asiririswa, Jesu akatambanudza ruoko rwake, akabata murume wacho, achiti: “Ndinoda. Cheneswa.” Uye murume wacho airwara akaporeswa! (Mako 1:40-42) Ungafungidzira here kuti murume iyeye akanzwa sei?

AKARAMBA AKATENDEKA KUSVIKA PAKUPEDZISIRA

20, 21. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuteerera Mwari nokuvimbika?

20 Jesu akaratidza muenzaniso wakanaka kwazvo wokuteerera Mwari nokuvimbika. Akaramba akatendeka kuna Baba vake vokudenga mumamiriro ezvinhu ose uye pasinei nokushorwa kwemarudzi ose uye kutambura. Jesu akarwisa zvakasimba uye zvinobudirira miedzo yaSatani. (Mateu 4:1-11) Pane imwe nguva, dzimwe hama dzaJesu hadzina kumutenda, dzichitotaura kuti akanga “ava kupenga.” (Mako 3:21) Asi Jesu haana kudzirega dzichimukanganisa; akaramba achingoita basa raMwari. Pasinei nokunyombwa uye kuitirwa zvakaipa, Jesu akaramba achizvidzora, asingamboedzi kukuvadza vaimushora.—1 Petro 2:21-23.

21 Jesu akaramba akatendeka kusvika pakufa—kuurayiwa nevavengi vake zvine utsinye uye zvairwadza. (VaFiripi 2:8) Funga zvaakatsungirira pazuva rokupedzisira roupenyu hwake somunhu. Akasungwa, akapomerwa nezvapupu zvenhema, akatongwa nevatongi vane uori, akasekwa nemhomho yevanhu, uye akatambudzwa nevarwi. Arovererwa padanda, akafema kokupedzisira, achishevedzera kuti: “Zvaitika!” (Johani 19:30) Zvisinei, pazuva rechitatu Jesu afa, Baba vake vokudenga vakamumutsirazve kuupenyu hwomudzimu. (1 Petro 3:18) Kwapera vhiki shomanana, iye akadzokera kudenga. Ikoko, “akagara kuruoko rworudyi rwaMwari” ndokumirira kugamuchira simba rokuva mambo.—VaHebheru 10:12, 13.

22. Jesu akapedzei nokuramba akatendeka kusvika pakufa?

22 Jesu akapedzei nokuramba akatendeka kusvika pakufa? Chaizvoizvo kufa kwaJesu kunoita kuti tiwane mukana woupenyu husingagumi muparadhiso pasi pano, maererano nechinangwa chaJehovha chepakutanga. Kuti rufu rwaJesu runoita sei kuti izvozvo zviitike zvichakurukurwa muchitsauko chinotevera.

^ ndima 7 Kuti uwane kutsanangurwa kwouprofita hwaDhanieri hwakazadzika hwaiva nechokuita naJesu, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 197-9.

^ ndima 11 Jehovha anonzi Baba nokuti ndiye Musiki. (Isaya 64:8) Sezvo Jesu akasikwa naMwari, iye anonzi Mwanakomana waMwari. Nokuda kwezvikonzero zvakafanana, zvimwe zvisikwa zvomudzimu kunyange munhu Adhamu zvinonzi vanakomana vaMwari.—Jobho 1:6; Ruka 3:38.

^ ndima 12 Nokuda kwohumwe uchapupu hunoratidza kuti Mwanakomana wedangwe haana kuenzana naMwari, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 201-4.