Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

Vakafa Vari Kupi?

Vakafa Vari Kupi?
  • Chii chinoitika kwatiri patinofa?

  • Nei tichifa?

  • Zvinganyaradza here kuziva chokwadi pamusoro porufu?

1-3. Vanhu vanobvunza mibvunzo ipi pamusoro porufu, uye zvitendero zvakasiyana-siyana zvinoipindura sei?

IYI mibvunzo yakafungwa nevanhu kwezviuru zvemakore. Mibvunzo inokosha. Hazvinei nokuti tiri vanaani kana kuti tinogara kupi, mhinduro dzacho dzine chokuita nomumwe nomumwe wedu.

2 Muchitsauko chakapfuura, takadzidza kuti chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu chakaita sei kuti pave nomukana wokuwana upenyu husingaperi. Takadzidzawo kuti Bhaibheri rinofanotaura nezvenguva apo ‘rufu rusingazovipo.’ (Zvakazarurwa 21:4) Munguva ino, tose tinofa. “Vapenyu vanoziva kuti vachazofa,” akadaro Mambo akachenjera Soromoni. (Muparidzi 9:5) Tinoedza kurarama sezvatingagona. Asi, tinoshamisika kuti chii chichaitika kwatiri patichafa.

3 Vadiwa vedu pavanofa, tinochema. Uye tingabvunza kuti: ‘Chii chaitika kwavari? Vari kutambura here? Vari kutitarisira here? Tinogona kuvabatsira here? Tichazombovaonazve here?’ Zvitendero zviri munyika zvinopindura mibvunzo iyi zvakasiyana-siyana. Zvimwe zvinodzidzisa kuti kana ukararama upenyu hwakanaka, uchaenda kudenga asi kana ukararama upenyu hwakaipa, uchatsva munzvimbo inotambudzirwa vanhu. Zvimwe zvitendero zvinodzidzisa kuti parufu, vanhu vanoenda kunyika yemidzimu kuti vanova nemadzitateguru avo. Uyewo zvimwe zvinodzidzisa kuti vakafa vanoenda kunyika yepasi kuti vanotongwa, vobva vaberekwazve vava nomumwe muviri.

4. Zvitendero zvakawanda zvine pfungwa ipi yakafanana ine chokuita norufu?

4 Dzidziso dzezvitendero dzakadaro dzine pfungwa imwe chete yakafanana—yokuti chimwe chikamu chedu chinopukunyuka rufu rwomuviri wenyama. Maererano nezvinenge zvitendero zvose, zvekare uye zvemazuva ano, nenzira yakati tinorarama nokusingaperi tichikwanisa kuona, kunzwa, uye kufunga. Asi, izvozvo zvingava zvakadaro sei? Manzwiro edu, pamwe chete nepfungwa dzedu, zvose zvakabatanidzwa nokushanda kwouropi hwedu. Patinofa, uropi hunomira kushanda. Zvataiyeuka, manzwiro edu, uye pfungwa hazvirambi zvichishanda zviri zvoga nenzira inoshamisa. Hazvipukunyuke kuparara kwouropi hwedu.

CHII CHINOMBOITIKA CHAIZVO PARUFU?

5, 6. Bhaibheri rinodzidzisei nezvemamiriro ezvinhu evakafa?

5 Chinoitika parufu hachisi chinhu chakavanzika kuna Jehovha, Musiki wouropi. Anoziva chokwadi, uye muShoko rake, Bhaibheri, anotsanangura mamiriro ezvinhu evakafa. Dzidziso yaro yakajeka ndeiyi: Munhu paanofa, anoguma kuvapo. Rufu kusava noupenyu. Vakafa havaoni kana kunzwa kana kufunga. Hapana kana chikamu chedu chimwe chete chinopukunyuka rufu rwomuviri. Hatina mweya kana kuti mudzimu usingafi. *

Rimi racho raenda kupi?

6 Pashure pokunge Soromoni ataura kuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, akanyora kuti: “Asi vakafa havana kana chavanoziva.” Akabva awedzera pachokwadi ichocho chinokosha nokutaura kuti vakafa havagoni kuratidza rudo kana ruvengo uye kuti “[muguva] hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo kana uchenjeri.” (Muparidzi 9:5, 6, 10) Nenzira yakafanana, Pisarema 146:4 rinotaura kuti panofa munhu, “pfungwa dzake dzinoparara.” Tinofa uye hatipukunyuki rufu rwemiviri yedu. Upenyu hwatiinahwo hwakafanana nerimi rekenduru. Kana rimi racho rikadzimwa, hapana kwarinoenda. Harisisipo chete.

ZVAKATAURWA NAJESU NEZVORUFU

7. Jesu akatsanangura sei zvakaita rufu?

7 Jesu Kristu akataura nezvemamiriro ezvinhu evakafa. Akaita izvozvo pamusoro paRazaro, munhu waainyatsoziva uye uyo akanga afa. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Razaro shamwari yedu azorora.” Vadzidzi vakafunga kuti Jesu aireva kuti Razaro akanga achizorora akarara, kuti apore pakurwara kwaaiita. Vakanga vasina kururama. Jesu akatsanangura kuti: “Razaro afa.” (Johani 11:11-14) Ona kuti Jesu akafananidza rufu nokuzorora uye kurara. Razaro akanga asiri kudenga kana kuti muhero inopisa. Akanga asina kuenda kunosangana nengirozi kana kuti madzitateguru. Razaro akanga asiri kuberekwazve somumwe munhu. Akanga akazorora murufu, sokunge akanga akafa nehope asingatomboroti. Mamwe magwaro anofananidzawo rufu nokurara. Somuenzaniso, pakatemwa mudzidzi Stefani nematombo kusvikira afa, Bhaibheri rinoti “akarara.” (Mabasa 7:60) Saizvozvowo, muapostora Pauro akanyora nezvevamwe vomunguva yake vakanga “vakarara” murufu.—1 VaKorinde 15:6.

Jehovha akasika vanhu kuti vararame nokusingaperi pasi pano

8. Tinoziva sei kuti Mwari akanga asingadi kuti vanhu vafe?

8 Pakutanga, Mwari aida kuti vanhu vafe here? Kana! Jehovha akasika vanhu kuti vararame nokusingaperi pasi pano. Sezvatakadzidza kwokutanga mubhuku rino, Mwari akaisa vanhu vaviri vokutanga muparadhiso yaifadza kwazvo. Akavakomborera noutano hwakakwana. Jehovha aida kuti vave nezvakanaka chete. Chero mubereki upi zvake ane rudo angada kuti vana vake varwadziwe nokuchembera uye kufa here? Chokwadi kwete! Jehovha aida vana vake uye aida kuti vave nomufaro usingaperi pasi pano. Nezvevanhu, Bhaibheri rinoti: “[Jehovha] akaisawo nguva isingagumi mumwoyo mavo.” (Muparidzi 3:11) Mwari akatisika tiine chido chokurarama nokusingaperi. Uye akaita kuti pave nomukana wokuti chido ichocho chizadziswe.

CHIKONZERO NEI VANHU VACHIFA

9. Adhamu akarambidzwei naJehovha, uye nei murayiro uyu wakanga usina kuoma kuti ateerere?

9 Saka nei vanhu vachifa? Kuti tiwane mhinduro yacho, tinofanira kufunga zvakaitika pakwaingova nomurume mumwe chete uye mukadzi mumwe chete panyika. Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Jehovha Mwari akameresa miti yose inoyevedza panyika, yakanakira kudya.” (Genesisi 2:9) Zvisinei, pane chimwe chete chavakarambidzwa. Jehovha akaudza Adhamu kuti: “Ungadya miti yose yomunda kusvikira waguta. Asi usadya muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, nokuti nezuva raunoudya chokwadi uchafa.” (Genesisi 2:16, 17) Murayiro uyu wakanga usina kuoma kuteerera. Paiva nemimwe miti yakawanda iyo Adhamu naEvha vaigona kudya. Asi zvino vakapiwa mukana chaiwo wokuratidza kuonga kwavo Uya akanga avapa zvinhu zvose, kusanganisira upenyu hwakakwana. Kuteerera kwavo kwaizoratidzawo kuti vairemekedza chiremera chaBaba vavo vokudenga uye kuti vaida kutungamirira kwavo kworudo.

10, 11. (a) Vanhu vaviri vokutanga vakasvika sei pakusateerera Mwari? (b) Nei kusateerera kwaAdhamu naEvha kwakanga kuri nyaya yakakomba?

10 Zvinosuruvarisa kuti vanhu vaviri vokutanga vakasarudza kusateerera Jehovha. Achitaura achishandisa nyoka, Satani akabvunza Evha kuti: “Ichokwadi here kuti Mwari akati hamufaniri kudya miti yose yomumunda?” Evha akapindura kuti: “Tingadya hedu michero yemiti yomumunda. Asi kana kuri kudya muchero womuti uri pakati pomunda, Mwari akati, ‘Musaudya, kana kuubata kuti murege kufa.’”—Genesisi 3:1-3.

11 “Chokwadi hamungafi,” akadaro Satani. “Mwari anoziva kuti zuva ramuchaudya, maziso enyu achasvinudzwa uye muchava vakafanana naMwari, muchiziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesisi 3:4, 5) Satani aida kuti Evha adavire kuti aizobatsirwa nokudya muchero wakarambidzwa. Maererano naSatani, Evha aigona kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa; aigona kuita zvaaida. Satani akapomerawo Jehovha kuti akanga areva nhema nezvemigumisiro yokudya muchero wacho. Evha akadavira Satani. Saka akatanha mimwe michero yacho akadya. Akabva apa murume wake, naiye akadyawo. Havana kuita izvi vasingazivi. Vaiziva kuti vakanga vachinyatsoita zvavakanga vaudzwa naMwari kuti varege kuita. Nokudya muchero wacho, vakaramba kuteerera murayiro wakanga uri nyore uye wakanaka vachitoziva zvavo. Vakaratidza kuzvidza Baba vavo vokudenga uye chiremera chavo. Kusaremekedza Musiki wavo ane rudo kwakadaro kwakanga kusingagoni kuregererwa!

12. Chii chingatibatsira kunzwisisa manzwiro akaita Jehovha apo Adhamu naEvha vakaita zvaipesana naye?

12 Kuenzanisira: Waizonzwa sei kudai waizorera uye kutarisira mwanakomana kana kuti mwanasikana aisazokuteerera nenzira yairatidza kuti iye akanga asingakuremekedzi kana kuti kukuda? Izvozvo zvaizokurwadza chaizvo. Saka, chimbofungidzira kurwadziwa uko Jehovha anofanira kuva akanzwa apo Adhamu naEvha vakaita zvaipesana naye.

Adhamu akabva muguruva, uye akadzokera kuguruva

13. Jehovha akati chii chaizoitika kuna Adhamu paaizofa, uye izvi zvinorevei?

13 Jehovha akanga asina chikonzero chokuita kuti Adhamu naEvha vakanga vasingateereri varambe varipo nokusingaperi. Ivo vakafa, sezvaakanga ataura chaizvo. Adhamu naEvha vakaguma kuvapo. Havana kuenda kunyika yemidzimu. Tinoziva izvi nokuda kwezvakataurwa naJehovha kuna Adhamu pashure pokutaura naye nezvokusateerera kwake. Mwari akati: “[Ucha]dzokera kuvhu, nokuti wakatorwa kwariri. Zvauri guruva uchadzokera kuguruva.” (Genesisi 3:19) Mwari akanga asika Adhamu neguruva renyika. (Genesisi 2:7) Izvozvo zvisati zvaitika, Adhamu akanga asipo. Saka, Jehovha paakati Adhamu aizodzokera kuguruva, aireva kuti Adhamu aizodzokera pakusavapo. Adhamu aizova asina upenyu seguruva raakanga atorwa kwariri.

14. Nei tichifa?

14 Adhamu naEvha vangadai vari vapenyu nhasi, asi vakafa nokuti vakasarudza kusateerera Mwari ndokutadza. Isu tinofa nokuti chivi chaAdhamu pamwe chete norufu zvakapfuudzwa kuvazukuru vake vose. (VaRoma 5:12) Chivi ichocho chakafanana nechirwere chakaipisisa chokuberekwa nacho chisina anogona kuchinzvenga. Mugumisiro wacho, rufu, kutukwa. Rufu muvengi, kwete shamwari. (1 VaKorinde 15:26) Tinoonga zvikuru kuti Jehovha akagovera rudzikinuro kuti atinunure pamuvengi uyu anotyisa!

KUZIVA CHOKWADI PAMUSORO PORUFU KUNOBATSIRA

15. Nei zvichinyaradza kuziva chokwadi pamusoro porufu?

15 Zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pemamiriro ezvinhu evakafa zvinonyaradza. Sezvataona, vakafa havarwadziwi. Hapana chikonzero chokuti tivatye, nokuti havagoni kutikuvadza. Havadi rubatsiro rwedu, uye ivo havagoni kutibatsira. Hatigoni kutaura navo, uye ivo havagoni kutaura nesu. Vatungamiriri vakawanda vezvitendero vanotaura zvenhema kuti vanogona kubatsira vaya vakafa, uye vanhu vanodavira vatungamiriri vakadaro vanovapa mari. Asi kuziva chokwadi kunotidzivirira pakunyengedzwa nevaya vanodzidzisa nhema dzakadaro.

16. Ndiani akavhiringidza dzidziso dzezvitendero zvakawanda, uye sei?

16 Chitendero chako chinobvumirana nezvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro pevakafa here? Zvitendero zvakawanda hazvidaro. Nei? Nokuti zvazvinodzidzisa zvakavhiringidzwa naSatani. Anoshandisa chitendero chenhema kuita kuti vanhu vadavire kuti pashure pokunge miviri yavo yafa, vachapfuurira kurarama munyika yemidzimu. Idzi inhema dzinobatanidzwa naSatani nedzimwe nhema kuti atsause vanhu pana Jehovha Mwari. Sei?

17. Nei dzidziso yokutambudzwa nokusingagumi ichizvidza Jehovha?

17 Sezvataona kare, zvimwe zvitendero zvinodzidzisa kuti kana munhu akararama upenyu hwakaipa, pashure pokufa achaenda kunzvimbo yokutambudzwa achipiswa kuti atambure nokusingaperi. Dzidziso iyi inozvidza Mwari. Jehovha ndiMwari ane rudo, uye aisazomboita kuti vanhu vatambure seizvi. (1 Johani 4:8) Waizonzwa sei pamusoro pomunhu anoranga mwana asingateereri nokuisa maoko ake mumoto? Waizoremekedza munhu akadaro here? Chokwadi, waizoda kunyange kumuziva here? Kana! Zvimwe waizofunga kuti ane utsinye chaizvo. Asi Satani anoda kuti tidavire kuti Jehovha anotambudza vanhu mumoto nokusingaperi—kwemabhiriyoni emakore asingaverengeki!

18. Kunamata vakafa kunotorwa panhema dzipi dzechitendero?

18 Satani anoshandisawo zvimwe zvitendero kudzidzisa kuti kana vanhu vafa vanova midzimu inofanira kuremekedzwa uye kukudzwa nevapenyu. Maererano nedzidziso iyi, midzimu yevakafa inogona kuva shamwari dzine simba kana kuti vavengi vanotyisa. Vanhu vazhinji vanodavira nhema idzi. Vanotya vakafa uye vanovaremekedza nokuvanamata. Kusiyana neizvi, Bhaibheri rinodzidzisa kuti vakafa vakarara uye kuti tinofanira kungonamata Mwari wechokwadi, Jehovha, Musiki wedu noMugoveri.—Zvakazarurwa 4:11.

19. Kuziva chokwadi pamusoro porufu kunotibatsira kunzwisisa imwe dzidziso yeBhaibheri ipi?

19 Kuziva chokwadi pamusoro pevakafa kunokudzivirira pakutsauswa nenhema dzechitendero. Kunokubatsirawo kunzwisisa dzimwe dzidziso dzeBhaibheri. Somuenzaniso, paunoziva kuti vanhu havaendi kunyika yemidzimu pavanofa, chipikirwa choupenyu husingaperi muparadhiso pasi pano chinova nezvachinonyatsoreva kwauri.

20. Muchitsauko chinotevera tichakurukura mubvunzo upi?

20 Kare kare, murume akanga akatendeka ainzi Jobho akabvunza mubvunzo uyu: “Kana murume akagwinya akafa, angararamazve here?” (Jobho 14:14) Munhu asina upenyu akarara murufu angadzoswa kuupenyu here? Zvinodzidziswa neBhaibheri pamusoro peizvi zvinonyaradza kwazvo, sezvicharatidzwa nechitsauko chinotevera.

^ ndima 5 Kuti uwane kukurukurwa kwemashoko okuti “mweya” uye “mudzimu,” tapota ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 208-11.