Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 8

Umambo hwaMwari Chii?

Umambo hwaMwari Chii?
  • Bhaibheri rinotiudzei nezvoUmambo hwaMwari?

  • Umambo hwaMwari huchaitei?

  • Umambo hwacho huchaita kuti zvinoda Mwari zviitwe panyika rini?

1. Munyengetero upi wakakurumbira uchaongororwa iye zvino?

MAMIRIYONI evanhu munyika yose vanoziva munyengetero unowanzonzi nevakawanda Munyengetero waShe. Mashoko aya anotaura nezvomunyengetero wakakurumbira wakapiwa naJesu Kristu pachake achienzanisira. Iwo munyengetero une zvaunoreva chaizvo, uye kukurukura zvikumbiro zvawo zvitatu zvokutanga kuchakubatsira kudzidza zvakawanda pamusoro pezvinonyatsodzidziswa neBhaibheri.

2. Ndezvipi zvinhu zvitatu izvo Jesu akadzidzisa vadzidzi vake kunyengeterera?

2 Paakatanga munyengetero uyu wokuenzanisira, Jesu akarayira vakanga vakamuteerera kuti: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: ‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’” (Mateu 6:9-13) Zvikumbiro zvitatu izvi zvinorevei?

3. Chii chatinofanira kuziva nezvoUmambo hwaMwari?

3 Kusvika iye zvino tadzidza zvakawanda nezvezita raMwari rokuti Jehovha. Uye tati kurukurei zvinodiwa naMwari—zvaakaita uye zvaachaitira vanhu. Zvisinei, Jesu akanga achitaura nezvechii paakatiudza kuti tinyengetere tichiti: “Umambo hwenyu ngahuuye”? Umambo hwaMwari chii? Kuuya kwahwo kuchatsvenesa sei zita raMwari, kana kuti kuriita dzvene? Uye kuuya kwoUmambo kwakabatana sei nokuita zvinoda Mwari?

CHIRI UMAMBO HWAMWARI

4. Umambo hwaMwari chii, uye Mambo wahwo ndiani?

4 Umambo hwaMwari ihurumende yakatangwa naJehovha Mwari ina Mambo akasarudzwa naMwari. Mambo woUmambo hwaMwari ndiani? NdiJesu Kristu. Jesu saMambo, mukuru kupfuura vatongi vose vevanhu uye anonzi “Mambo wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe wevaya vanotonga semadzishe.” (1 Timoti 6:15) Ane simba rokuita zvakanaka kwazvo kupfuura chero mutongi wevanhu upi zvake, kunyange akanaka kwazvo wavo.

5. Umambo hwaMwari huchatonga huri kupi, uye huchatonga chii?

5 Umambo hwaMwari huchatonga huri kupi? Ko Jesu anombova kupi? Chokwadi unoyeuka uchidzidza kuti akaurayirwa padanda rokutambudzikira, akabva azomutswa. Nguva pfupi izvozvo zvaitika, akakwira kudenga. (Mabasa 2:33) Saka, ikoko ndiko kune Umambo hwaMwari—kudenga. Ndokusaka Bhaibheri richihuti ‘umambo hwokudenga.’ (2 Timoti 4:18) Kunyange zvazvo Umambo hwaMwari huri kudenga, ihwo huchatonga nyika.—Zvakazarurwa 11:15.

6, 7. Chii chinoita kuti Jesu ave Mambo anoshamisa?

6 Chii chinoita kuti Jesu ave Mambo anoshamisa? Kutanga, haazombofi. Richienzanisa Jesu nemamwe madzimambo ari vanhu, Bhaibheri rinomuti “iye oga asingafi, anogara muchiedza chisingasvikiki.” (1 Timoti 6:16) Izvi zvinoreva kuti zvakanaka zvose zvinoitwa naJesu zvicharamba zviripo. Uye achaita zvakawanda zvichabatsira vanhu.

7 Funga nezvouprofita hweBhaibheri uhwu pamusoro paJesu hunoti: “Mudzimu waJehovha uchagara pamusoro pake, mudzimu wouchenjeri uye wokunzwisisa, mudzimu wezano uye wokuva nesimba, mudzimu wokuziva uye wokutya Jehovha; uye iye achafara pakutya Jehovha. Haazotongi nokungoona chete nemaziso ake, kana kungotsiura maererano nezvaanenge anzwa nenzeve dzake. Asi achatongera vakaderera nokururama, uye achatsiura nokururama nokuda kwevanyoro venyika.” (Isaya 11:2-4) Mashoko iwayo anoratidza kuti Jesu aizova Mambo akarurama uye anonzwira tsitsi vanhu vari panyika. Waizoda kuva nomutongi akadaro here?

8. Ndivanaani vachatonga naJesu?

8 Hechino chimwe chokwadi chine chokuita noUmambo hwaMwari: Jesu haazotongi ari oga. Achava nevamwe vaachatonga navo. Somuenzaniso, muapostora Pauro akaudza Timoti kuti: “Kana tikaramba tichitsungirira, tichatongawo pamwe chete semadzimambo.” (2 Timoti 2:12) Chokwadi, Pauro, Timoti, uye vamwe vanhu vakatendeka vakasarudzwa naMwari vachatonga pamwe chete naJesu muUmambo hwokudenga. Vangani vachava nomukana iwoyo unoshamisa?

9. Vangani vachatonga pamwe chete naJesu, uye Mwari akatanga kuvasarudza rini?

9 Sezvakataurwa muChitsauko 7 chebhuku rino, muapostora Johani akaratidzwa “Gwayana [Jesu Kristu] rimire paGomo reZiyoni [nzvimbo yake youmambo kudenga], riine vane zviuru zvine zana nemakumi mana nezvina vakanga vaine zita raro nezita raBaba varo rakanyorwa pahuma dzavo.” Vane 144 000 ivavo ndivanaani? Johani pachake anotiudza kuti: “Ava ndivo vanoramba vachitevera Gwayana pasinei nokwarinoenda. Ava vakatengwa pakati pevanhu sezvibereko zvokutanga kuna Mwari nokuGwayana.” (Zvakazarurwa 14:1, 4) Chokwadi, ivo vateveri vaJesu Kristu vakatendeka vakanyatsosarudzwa kuti vanotonga kudenga pamwe naye. Pashure pokunge vamutswa kubva murufu vachienda kuupenyu hwokudenga, “vachatonga semadzimambo pamusoro penyika” pamwe chete naJesu. (Zvakazarurwa 5:10) Kubvira pamazuva evaapostora, Mwari ave achisarudza vaKristu vakatendeka kuti azadzise nhamba yevane 144 000.

10. Nei urongwa hwokuti Jesu nevane 144 000 vatonge vanhu kuri kuratidzwa kworudo?

10 Urongwa hwakaitwa hwokuti Jesu nevane 144 000 vatonge vanhu kuratidzwa kworudo kukuru. Kutanga, Jesu anoziva zvazvinoreva kuva munhu uye kutambura. Pauro akataura kuti Jesu haasi munhu “asingagoni kunzwira tsitsi kusava nesimba kwedu, asi akaedzwa muzvinhu zvose kufanana nesu, asi iye akaramba asina chivi.” (VaHebheru 4:15; 5:8) Vaachatonga navo vakatamburawo uye vakatsungirira sevanhu. Uyewo, vakarwisana nokusakwana, vakatsungirira marudzi ose okurwara. Zvechokwadi, ivo vachanzwisisa matambudziko anotarisana nevanhu!

UMAMBO HWAMWARI HUCHAITEI?

11. Nei Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaifanira kunyengeterera kuda kwaMwari kuti kuitwe kudenga?

11 Jesu paakataura kuti vadzidzi vake vaifanira kunyengeterera Umambo hwaMwari kuti huuye, akataurawo kuti vaifanira kunyengeterera kuti kuda kwaMwari kuitwe “panyika, sezvakunoitwa kudenga.” Mwari ari kudenga, uye zvaanoda zvagara zvichiitwa ikoko nengirozi dzakatendeka. Zvisinei, muChitsauko 3 chebhuku rino, takadzidza kuti ngirozi yakaipa yakarega kuita zvinoda Mwari, ikaita kuti Adhamu naEvha vatadze. MuChitsauko 10, tichadzidza zvakawanda pamusoro pezvinodzidziswa neBhaibheri nezvengirozi iyoyo yakaipa, yatinoziva saSatani Dhiyabhorosi. Satani nezvisikwa zvomudzimu, ngirozi dzakasarudza kumutevera—dzinonzi madhimoni—vakabvumirwa kuramba vari kudenga kwenguva yakati. Saka, panguva iyoyo havasi vose mudenga vaiita zvaidiwa naMwari. Izvozvo zvaizochinja Umambo hwaMwari pahwaizotanga kutonga. Mambo akanga achangobva kugadzwa, Jesu Kristu, aifanira kurwa naSatani.—Zvakazarurwa 12:7-9.

12. Ndezvipi zviitiko zviviri zvinokosha zvinorondedzerwa pana Zvakazarurwa 12:10?

12 Mashoko ouprofita anotevera anorondedzera zvaizoitika: “Ndakanzwa inzwi guru kudenga richiti: ‘Zvino ruponeso rwazoitika nesimba noumambo hwaMwari wedu nechiremera chaKristu wake, nokuti anopomera hama dzedu [Satani] akandwa pasi, anodzipomera masikati nousiku pamberi paMwari wedu!’” (Zvakazarurwa 12:10) Waona here zviitiko zviviri zvinokosha kwazvo zvarondedzerwa mundima yeBhaibheri iyoyo? Kutanga, Umambo hwaMwari huchitungamirirwa naJesu Kristu hunotanga kutonga. Chechipiri, Satani anodzingwa kudenga ndokukandwa panyika.

13. Kudzingwa kwaSatani kudenga kwakaguma nei?

13 Zviitiko zviviri izvozvo zvakaguma nei? Pamusoro pezvakaitika kudenga, tinoverenga kuti: “Saka farai, imi matenga nemi munogara maari!” (Zvakazarurwa 12:12) Chokwadi, ngirozi dzakatendeka dziri kudenga dzinofara, nokuti iye zvino Satani nemadhimoni ake zvavasisiko kudenga, wose ariko akatendeka kuna Jehovha Mwari. Kune rugare rwakakwana, rusingakanganiswi uye kunzwanana. Zvinoda Mwari zviri kuitwa kudenga.

Kudzingwa kwakaitwa Satani nemadhimoni ake kudenga kwakaunza nhamo panyika. Matambudziko akadaro achakurumidza kupera

14. Satani zvaakakandwa panyika chii chakaitika?

14 Zvisinei, zvakadini nenyika? Bhaibheri rinoti: “Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:12) Satani akatsamwa nokudzingwa kwaakaitwa kudenga uye kuva kwake asarirwa nenguva pfupi. Akatsamwa kudaro anokonzera matambudziko, kana kuti “nhamo,” panyika. Tichadzidza zvakawanda nezve“nhamo” iyoyo muchitsauko chinotevera. Asi tichifunga nezvaizvozvo, tingabvunza kuti, Umambo hungaita sei kuti zvinodiwa naMwari zviitwe panyika?

15. Ndezvipi zvinoda Mwari nokuda kwenyika?

15 Yeuka zvinoda Mwari nokuda kwenyika. Wakadzidza nezvazvo muChitsauko 3. MuEdheni, Mwari akaratidza kuti zvaanoda ndezvokuti nyika ino ive paradhiso izere nevanhu vasingafi, vakarurama. Satani akaita kuti Adhamu naEvha vatadze, uye izvozvo zvakanonotsa kuzadzika kwezvinoda Mwari nokuda kwenyika asi hazvina kuzvichinja. Jehovha achine chinangwa chokuti “vakarurama vachagara nhaka yenyika, vachagara mairi nokusingaperi.” (Pisarema 37:29) Uye Umambo hwaMwari huchaita izvozvo. Sei?

16, 17. Dhanieri 2:44 inotiudzei nezvoUmambo hwaMwari?

16 Funga nezvouprofita huri pana Dhanieri 2:44. Ipapo tinoverenga kuti: “Mumazuva emadzimambo iwayo, Mwari wokudenga achamutsa umambo husingazomboparadzwi. Umambo hwacho hahuzopfuudzwi kune vamwe vanhu. Huchapwanya, hwogumisa umambo hwose uhwu, uye ihwo huchamira nokusingagumi.” Izvi zvinotiudzei nezvoUmambo hwaMwari?

17 Kutanga, zvinotiudza kuti Umambo hwaMwari hwaizogadzwa “mumazuva emadzimambo iwayo,” kana kuti humwe umambo huchiripo. Chechipiri, zvinotiudza kuti Umambo hwacho huchagara nokusingaperi. Hahuzokundwi uye hahuzotsiviwi neimwe hurumende. Chechitatu, tinoona kuti pachava nehondo pakati poUmambo hwaMwari noumambo hwenyika ino. Umambo hwaMwari huchakunda. Pakupedzisira, ihwo huchava hurumende imwe chete inenge ichitonga vanhu. Panguva iyoyo vanhu vachava noutongi hwakanaka kwazvo hwavasati vambowana.

18. Hondo yokupedzisira pakati poUmambo hwaMwari nehurumende dzenyika ino inonzi chii?

18 Bhaibheri rine zvakawanda zvokutaura nezvehondo yokupedzisira pakati poUmambo hwaMwari nehurumende dzenyika ino. Somuenzaniso, rinodzidzisa kuti mugumo zvaunoswedera pedyo, midzimu yakaipa ichaparadzira nhema kuti inyengedze “madzimambo enyika yose inogarwa.” Nechinangwa chei? “Kuti [i]aunganidzire [madzimambo] kuhondo yezuva guru raMwari Wemasimbaose.” Madzimambo enyika achaungana “kunzvimbo inonzi Ha-Magedhoni muchiHebheru.” (Zvakazarurwa 16:14, 16) Nokuda kwezvinotaurwa mundima idzodzo mbiri, kurwisana kwokupedzisira pakati pehurumende dzevanhu noUmambo hwaMwari kunonzi hondo yeHa-Magedhoni, kana kuti Amagedhoni.

19, 20. Chii chinotadzisa zvinoda Mwari kuti zviitwe panyika iye zvino?

19 Umambo hwaMwari huchapedzei neAmagedhoni? Chimbofungazve nezvokuti zvinodiwa naMwari nokuda kwenyika ndezvipi. Jehovha Mwari akaita chinangwa chokuti nyika izare nevanhu vakarurama, vakakwana vanenge vachimushumira muParadhiso. Chii chinotadzisa izvozvo kuti zviitike iye zvino? Kutanga, tine zvivi, uye tinorwara tofa. Zvisinei, takadzidza muChitsauko 5 kuti Jesu akatifira kuitira kuti tirarame nokusingaperi. Zvimwe unoyeuka mashoko akanyorwa muEvhangeri yaJohani anoti: “Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.”—Johani 3:16.

20 Rimwe dambudziko nderokuti vanhu vakawanda vanoita zvinhu zvakaipa. Vanoreva nhema, vanonyengera, uye vanoita unzenza. Havadi kuita zvinoda Mwari. Vanhu vanoita zvinhu zvakaipa vachaparadzwa muhondo yaMwari yeAmagedhoni. (Pisarema 37:10) Chimwezve chikonzero nei zvinoda Mwari zvisiri kuitwa panyika ndechokuti hurumende hadzikurudziri vanhu kuzviita. Hurumende dzakawanda dzave dzisina simba, dziine utsinye, uye dziine uori. Bhaibheri rinoti nenzira yakajeka: “Munhu akatonga mumwe munhu achimukuvadza.”—Muparidzi 8:9.

21. Umambo huchaita sei kuti zvinoda Mwari zviitwe panyika?

21 Pashure peAmagedhoni, vanhu vachange vava pasi pehurumende imwe chete, Umambo hwaMwari. Umambo ihwohwo huchaita zvinoda Mwari uye huchaunza zvikomborero zvinoshamisa. Somuenzaniso, huchabvisa Satani nemadhimoni ake. (Zvakazarurwa 20:1-3) Simba rechibayiro chaJesu richashandiswa zvokuti vanhu vakatendeka havazorwarizve, vofa. Asi, mukutonga kwoUmambo vachazokwanisa kurarama nokusingaperi. (Zvakazarurwa 22:1-3) Nyika ichaitwa paradhiso. Saka Umambo huchaita kuti zvinoda Mwari zviitwe panyika uye huchatsvenesa zita raMwari. Izvi zvinorevei? Zvinoreva kuti pakupedzisira muUmambo hwaMwari munhu wose anenge ari mupenyu achakudza zita raJehovha.

UMAMBO HWAMWARI HUCHAITA IZVOZVO RINI?

22. Nei tichiziva kuti Umambo hwaMwari hahuna kuuya Jesu paaiva pasi pano kana kuti achangomutswa?

22 Jesu paakaudza vateveri vake kuti vanyengetere vachiti, “Umambo hwenyu ngahuuye,” zvaiva pachena kuti Umambo ihwohwo hwakanga husati hwauya panguva iyoyo. Hwakauya here Jesu paakakwira kudenga? Kwete, nokuti Petro naPauro vakataura kuti pashure pokunge Jesu amutswa, uprofita huri pana Pisarema 110:1 hwakazadzika paari, hwokuti: “Jehovha akati kunaShe wangu: ‘Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.’” (Mabasa 2:32-35; VaHebheru 10:12, 13) Paiva nenguva yokumirira.

Umambo hwaMwari pahuchange hwava kutonga kuda kwake kuchaitwa panyika sezvakunoitwa kudenga

23. (a) Umambo hwaMwari hwakatanga kutonga rini? (b) Chii chichakurukurwa muchitsauko chinotevera?

23 Zvaizotora nguva yakareba sei? Muzana remakore rechi19, vadzidzi veBhaibheri vomwoyo wose vakaratidza kuti nguva yacho yokumirira yaizoguma muna 1914. (Nezvomusi uyu, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 215-18.) Zviitiko zvenyika zvakatanga muna 1914 zvinosimbisa kuti kuverenga makore ikoko kwevadzidzi veBhaibheri vomwoyo wose kwakanga kwakarurama. Kuzadzika kwouprofita hweBhaibheri kunoratidza kuti muna 1914, Kristu akava Mambo uye Umambo hwaMwari hwokudenga hwakatanga kutonga. Saka, tiri kurarama mu“nguva pfupi” iyo Satani asarirwa nayo. (Zvakazarurwa 12:12; Pisarema 110:2) Tinogonawo kutaura nechivimbo kuti nokukurumidza Umambo hwaMwari huchaita chimwe chinhu kuitira kuti zvinoda Mwari zviitwe panyika. Unoona here izvi zviri mashoko anofadza zvikuru? Unodavira here kuti ndezvechokwadi? Chitsauko chinotevera chichakubatsira kuona kuti zvechokwadi Bhaibheri rinodzidzisa zvinhu izvi.