Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri

Zvisikwa Zvomudzimu—Zvazvinoita Kwatiri
  • Ngirozi dzinobatsira vanhu here?

  • Midzimu yakaipa yakakanganisa sei vanhu?

  • Tinofanira kutya midzimu yakaipa here?

1. Nei tichifanira kuda kudzidza nezvengirozi?

KAKAWANDA kuziva munhu kunosanganisira kuziva chimwe chinhu nezvemhuri yake. Saizvozvowo, kuziva Jehovha Mwari kunosanganisira kuziva zviri nani mhuri yake yengirozi. Bhaibheri rinodana ngirozi kuti ‘vanakomana vaMwari.’ (Jobho 38:7) Saka, basa radzo muchinangwa chaMwari nderei? Pane zvadzakaitawo here pane zvakaitika kuvanhu munguva yakapfuura? Ngirozi dzine zvadzinoita paupenyu hwako here? Kana zvakadaro, sei?

2. Ngirozi dzakabva kupi, uye ingani?

2 Bhaibheri rinotaura nezvengirozi kane mazana. Ngatimbokurukurei nzvimbo shomanana madzinotaurwa kuti tidzidze zvakawanda nezvengirozi. Ngirozi dzakabva kupi? VaKorose 1:16 inoti: “Pachishandiswa iye [Jesu Kristu] zvimwe zvinhu zvose zvakasikwa zviri kumatenga nezviri panyika.” Saka, zvisikwa zvose zvomudzimu zvinonzi ngirozi zvakasikwa chimwe nechimwe naJehovha Mwari achishandisa Mwanakomana wake wedangwe. Kune ngirozi ngani? Bhaibheri rinoratidza kuti mazana emamiriyoni engirozi dzakasikwa, uye dzose zvadzo dzine simba.—Pisarema 103:20. *

3. Jobho 38:4-7 inotiudzei nezvengirozi?

3 Shoko raMwari, Bhaibheri, rinotiudza kuti nheyo dzenyika padzakavakwa, ‘vanakomana vose vaMwari vakatanga kushevedzera vachirumbidza.’ (Jobho 38:4-7) Saka ngirozi dzakanga dziripo kare kare vanhu vasati vasikwa, kunyange nyika isati yasikwa. Ndima iyi yeBhaibheri inoratidzawo kuti ngirozi dzine manzwiro adzinoita, nokuti inoti “dzakashevedzera nomufaro pamwe chete.” Ona kuti “vanakomana vose vaMwari” vakafara pamwe chete. Panguva iyoyo, ngirozi dzose dzakanga dziri mhuri yakabatana yaishumira Jehovha Mwari.

KUTSIGIRA UYE KUDZIVIRIRA KUNOITA NGIROZI

4. Bhaibheri rinoratidza sei kuti ngirozi dzakatendeka dzinofarira zvinoitwa nevanhu?

4 Kubvira pazvakaona vanhu vokutanga vachisikwa, zvisikwa zvomudzimu zvakatendeka zvakaratidza kufarira chaizvo kukura kwemhuri yevanhu uye kuzadzika kwechinangwa chaMwari. (Zvirevo 8:30, 31; 1 Petro 1:11, 12) Zvisinei, nokufamba kwenguva, ngirozi dzakaona kuti vakawanda vemhuri yevanhu vakatsauka pakushumira Musiki wavo ane rudo. Hapana mubvunzo kuti izvi zvakasuruvarisa ngirozi dzakatendeka. Ukuwo, pose apo kunyange munhu mumwe chete anodzoka kuna Jehovha, “mufaro unovapo pakati pengirozi.” (Ruka 15:10) Ngirozi zvadziine hanya chaizvo nokugara zvakanaka kwevaya vanoshumira Mwari, hazvishamisi kuti Jehovha akashandisa ashandisazve ngirozi kuti dzisimbise uye dzidzivirire vashumiri vake vakatendeka vari pasi pano. (VaHebheru 1:7, 14) Funga nezvemimwe mienzaniso.

“Mwari wangu atuma ngirozi yake, ikavhara miromo yeshumba.”—Dhanieri 6:22

5. Mienzaniso ipi yokutsigira kwengirozi yatinowana muBhaibheri?

5 Ngirozi mbiri dzakabatsira murume akanga akarurama Roti nevanasikana vake kuti vapukunyuke kuparadzwa kwemaguta akanga akaipa eSodhoma neGomora nokuvabudisa munzvimbo iyoyo. (Genesisi 19:15, 16) Mazana emakore gare gare, muprofita Dhanieri akakandwa mugomba reshumba, asi haana kukuvadzwa uye akati: “Mwari wangu atuma ngirozi yake, ikavhara miromo yeshumba.” (Dhanieri 6:22) Muzana remakore rokutanga C.E., imwe ngirozi yakasunungura muapostora Petro mujeri. (Mabasa 12:6-11) Uyezve, ngirozi dzakatsigira Jesu paakatanga ushumiri hwake pasi pano. (Mako 1:13) Uye nguva pfupi Jesu asati afa, imwe ngirozi yakazviratidza kuna Jesu, “ikamusimbisa.” (Ruka 22:43) Izvozvo zvinofanira kuva zvakanyaradza Jesu zvikuru panguva idzodzo dzaikosha chaizvo muupenyu hwake!

6. (a) Ngirozi dzinodzivirira vanhu vaMwari sei mazuva ano? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura iye zvino?

6 Mazuva ano, vashumiri vaMwari vari pasi pano havachaoni ngirozi. Kunyange zvazvo dzisingaoneki nemaziso evanhu, ngirozi dzaMwari dzine simba dzichiri kudzivirira vanhu vake, kunyanya pachinhu chero chipi zvacho chinokuvadza pakunamata. Bhaibheri rinoti: “Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomba vose vanomutya, uye inovanunura.” (Pisarema 34:7) Nei mashoko iwayo achifanira kutinyaradza zvikuru? Nokuti kune zvisikwa zvomudzimu zvakaipa uye zvine ngozi zvinoda kutiparadza! Zvisikwa izvozvo ndivanaani? Zvinobva kupi? Zviri kuedza kutikuvadza sei? Kuti tiwane mhinduro, regai tikurukure zvishoma chimwe chinhu chakaitika apo vanhu vakatanga kuvapo.

ZVISIKWA ZVOMUDZIMU ZVATAKAVENGANA NAZVO

7. Satani akabudirira zvakadini kutsausa vanhu pana Mwari?

7 Sezvatakadzidza muChitsauko 3 chebhuku rino, imwe yengirozi yakatanga chido chokutonga vamwe, ikabva yapandukira Mwari. Ngirozi iyi yakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi. (Zvakazarurwa 12:9) Mumakore anenge 1 600 pashure pokunge anyengera Evha, Satani akabudirira kutsausa vanenge vanhu vose pana Mwari kunze kwevashomanana vakanga vakatendeka, vakadai saAbheri, Inoki, uye Noa.—VaHebheru 11:4, 5, 7.

8. (a) Dzimwe ngirozi dzakava sei madhimoni? (b) Kuti apone Mafashamo omunguva yaNoa, madhimoni aifanira kuitei?

8 Munguva yaNoa, dzimwe ngirozi dzakapandukira Jehovha. Dzakasiya nzvimbo yadzo mumhuri yaMwari yokudenga, dzikauya panyika, dzikapfeka miviri yenyama. Nei? Tinoverenga pana Genesisi 6:2 kuti: “Vanakomana vaMwari wechokwadi vakaona vanasikana vevanhu, kuti vakanga vakanaka; vakatora madzimai, kureva ose avakasarudza.” Asi Jehovha Mwari haana kubvumira zvaiitwa nengirozi idzi uye uori hwaikonzerwa naizvozvo pavanhu kuti zvipfuurire. Akaunza mafashamo panyika yose ayo akaparadza vanhu vose vakanga vakaipa, akachengetedza vashumiri vake vakatendeka chete. (Genesisi 7:17, 23) Saka, ngirozi dzakapanduka, kana kuti madhimoni, dzakamanikidzwa kusiya miviri yadzo yenyama ndokudzokera kudenga sezvisikwa zvomudzimu. Dzakanga dzatsigira Dhiyabhorosi, uyo akabva ava “mutongi wemadhimoni.”—Mateu 9:34.

9. (a) Chii chakaitika kumadhimoni paakadzokera kudenga? (b) Chii chatichakurukura chine chokuita nemadhimoni?

9 Ngirozi dzakanga dzisingateereri padzakadzokera kudenga, hadzina kugamuchirwa, kufanana nomutongi wadzo Satani. (2 Petro 2:4) Kunyange zvazvo iye zvino dzisingakwanisi kupfeka miviri yevanhu, dzichiri kukanganisa vanhu chaizvo. Chokwadi, achibatsirwa nemadhimoni aya, Satani “ari kutsausa nyika yose inogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9; 1 Johani 5:19) Sei? Madhimoni anonyanya kushandisa nzira dzokuti atsause vanhu. (2 VaKorinde 2:11) Ngatikurukurei dzimwe nzira dzacho.

MATSAUSIRE ANOITA MADHIMONI

10. Kuita zvemidzimu chii?

10 Kuti atsause vanhu, madhimoni anoshandisa kuita zvemidzimu. Kuita zvemidzimu kubatanidzwa nemadhimoni, zvakananga kana kuti pachishandiswa svikiro. Bhaibheri rinoshora kuita zvemidzimu uye rinotinyevera kuti tirege zvinhu zvose zvine chokuita nako. (VaGaratiya 5:19-21) Madhimoni anoshandisa kuita zvemidzimu sokungoshandiswa kunoitwa hwambo nevabati vehove. Mubati wehove anoshandisa hwambo hwakasiyana-siyana kuti abate hove dzakasiyana-siyana. Saizvozvowo, midzimu yakaipa inoshandisa kuita zvemidzimu kwakasiyana-siyana kuitira kuti vanhu vose vakasiyana-siyana vave pasi payo.

11. Kushopera kuita sei, uye nei tichifanira kukudzivisa?

11 Imwe mhando yehwambo hunoshandiswa nemadhimoni kushopera. Kushopera kuita sei? Iko kuedza kuziva nezvenguva yemberi kana kuti chimwe chinhu chisingazivikanwi. Dzimwe mhando dzokushopera ndeidzi, kududzira kushanda kwenyeredzi paupenyu hwevanhu, kushandisa makadhi kutsvaka remangwana romunhu, kutarisa muchibhora chinoonekera, kududzira mitsetse yomuchanza, kutenda mashura, kana kuti kurotswa. Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachifunga kuti kushopera hakukuvadzi, Bhaibheri rinoratidza kuti vafemberi vanoshanda pamwe chete nemidzimu yakaipa. Somuenzaniso, Mabasa 16:16-18 inotaura nezve“dhimoni rokushopera” raiita kuti mumwe musikana ‘afembere.’ Asi haana kuzokwanisa kuita izvi dhimoni racho parakadzingwa maari.

Madhimoni anoshandisa nzira dzakasiyana-siyana kunyengedza vanhu

12. Nei zviine ngozi kuedza kukurukurirana nevakafa?

12 Imwe nzira inoshandiswa nemadhimoni kutsausa vanhu ndeyokuvakurudzira kubvunza vakafa. Vanhu vanenge vachitambudzika nokufirwa nomunhu wavanoda vanowanzonyengedzwa nepfungwa dzisina kururama dzine chokuita nevakafa. Svikiro ringapa mashoko anokosha kana kuti ringataura nenzwi rinoita seromunhu akafa. Somugumisiro, vanhu vakawanda vanodavira kuti vakafa zvechokwadi vapenyu uye kukurukura navo kuchabatsira vapenyu kutsungirira kushungurudzika. Asi “kunyaradzwa” chero kupi zvako kwakadaro ndokwenhema uyewo kune ngozi. Nei? Nokuti madhimoni anogona kuedzesera inzwi romunhu akafa, opa svikiro mashoko ane chokuita nomunhu wacho akafa. (1 Samueri 28:3-19) Uyezve, sezvatakadzidza muChitsauko 6, vakafa havasisipo. (Pisarema 115:17) Saka munhu “anobvunza vakafa” anenge atsauswa nemidzimu yakaipa uye anenge achiita zvinopesana nezvinodiwa naMwari. (Dheuteronomio 18:10, 11; Isaya 8:19) Naizvozvo, ngwarira kuti urambe hwambo uhwu hune ngozi hunoshandiswa nemadhimoni.

13. Vakawanda vaimbotya madhimoni vakakwanisa kuitei?

13 Midzimu yakaipa haingotsausi vanhu chete asi inovatyisidzirawo. Mazuva ano, Satani nemadhimoni ake vanoziva kuti vanongova ne“nguva pfupi” vasati vaitwa kuti varege kuita basa, uye iye zvino varura kupfuura kare. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Kunyange zvakadaro, zviuru zvevanhu vaimborarama zuva roga roga vachitya midzimu yakaipa yakadaro vakakwanisa kusununguka. Vakaita sei izvi? Munhu angaitei kunyange zvazvo kana achitoita zvemidzimu?

NZIRA DZOKURWISA NADZO MIDZIMU YAKAIPA

14. Kufanana nevaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muEfeso, tingarega sei kukurukurirana nemidzimu yakaipa?

14 Bhaibheri rinotiudza nzira dzokurwisa nadzo midzimu yakaipa uye dzokurega kukurukurirana nayo. Funga nezvomuenzaniso wevaKristu vomuzana remakore rokutanga vaiva muguta reEfeso. Vamwe vavo vaiita zvemidzimu vasati vava vaKristu. Pavakasarudza kurega kuita zvemidzimu, vakaitei? Bhaibheri rinoti: “Vazhinji vevaya vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vose.” (Mabasa 19:19) Nokuparadza mabhuku avo aiva nechokuita nemashiripiti, vaKristu vatsva ivavo vakaratidza muenzaniso kune vaya vanoda kurwisa midzimu yakaipa mazuva ano. Vanhu vanoda kushumira Jehovha vanofanira kurasa zvose zvine chokuita nemidzimu. Izvozvo zvinosanganisira mabhuku, magazini, mafirimu, mapepa anonamirwa kumadziro uye nziyo dzakarekodhwa dzinosimudzira kuita zvemidzimu uye dzinoita kuti kuite sokunofadza. Zvimwe zvinofanira kuraswawo matumwa kana kuti mazango zvinoshandiswa kudzivirira pane zvakaipa.—1 VaKorinde 10:21.

15. Kuti tirwise masimba emidzimu yakaipa, tinofanira kuitei?

15 Makore akawanda pashure pokunge vaKristu vaiva muEfeso vaparadza mabhuku avo ezvemashiripiti, muapostora Pauro akavanyorera achiti: ‘Tinorwa nemasimba emidzimu yakaipa.’ (VaEfeso 6:12) Madhimoni akanga asina kukanda mapfumo pasi. Akanga achiri kuedza kukunda. Saka, chii chimwe chaifanira kuitwa nevaKristu ivavo? “Kupfuura zvinhu zvose,” akadaro Pauro, “torai nhoo huru yokutenda, yamuchakwanisa kudzima nayo zvombo zvinopisa zvinoita zvokukandwa zveakaipa,” Satani. (VaEfeso 6:16) Kana nhoo yedu yokutenda ikava yakasimba chaizvo, tichakwanisawo kurwisa kwazvo masimba emidzimu yakaipa.—Mateu 17:20.

16. Tingasimbisa sei kutenda kwedu?

16 Saka, tingasimbisa sei kutenda kwedu? Nokudzidza Bhaibheri. Kusimba kworusvingo rwokudzivirira kunobva zvakanyanya pakusimba kwefaundesheni yarwo. Saizvozvowo, kusimba kwokutenda kwedu kunobva zvakanyanya pakusimba kwepakwakavakirwa, pazivo yakarurama yeShoko raMwari, Bhaibheri. Kana tikaverenga uye tikadzidza Bhaibheri zuva nezuva, kutenda kwedu kuchava kwakasimba. Sorusvingo rwakasimba, kutenda kwakadaro kuchatidzivirira pakukanganiswa nemidzimu yakaipa.—1 Johani 5:5.

17. Nderipi danho rinokosha kuti tirwise midzimu yakaipa?

17 VaKristu ivavo vaiva muEfeso vaifanira kutora rimwe danho ripi? Vaifanira kudzivirirwazve nokuti vaigara muguta rakanga rakazara noudhimoni. Saka Pauro akavaudza kuti: “Ramba[i] muchinyengetera mumudzimu nguva dzose nokunyengetera kworudzi rwose nokuteterera.” (VaEfeso 6:18) Isuwo zvatinogara munyika izere noudhimoni, kunyengetera nomwoyo wose kuna Jehovha kuti atidzivirire kunokosha pakurwisa midzimu yakaipa. Chokwadi, tinofanira kushandisa zita raJehovha muminyengetero yedu. (Zvirevo 18:10) Saka, tinofanira kuramba tichinyengetera kuna Mwari kuti ‘atinunure pane akaipa,’ Satani Dhiyabhorosi. (Mateu 6:13) Jehovha achapindura minyengetero yomwoyo wose yakadaro.—Pisarema 145:19.

18, 19. (a) Nei tingava nechokwadi chokuti tichakunda pakurwisana kwedu nezvisikwa zvomudzimu zvakaipa? (b) Mubvunzo upi uchapindurwa muchitsauko chinotevera?

18 Midzimu yakaipa ine ngozi, asi hatifaniri kurarama tichiitya kana tikarwisa Dhiyabhorosi uye tikaswedera pedyo naMwari nokuita zvaanoda. (Jakobho 4:7, 8) Simba remidzimu yakaipa rine zvarisingagoni kuita. Yakarangwa munguva yaNoa, uye yakatarisana nokutongwa kwayo kwokupedzisira munguva yemberi. (Judha 6) Yeukawo kuti tinodzivirirwa nengirozi dzaJehovha dzine simba. (2 Madzimambo 6:15-17) Ngirozi idzodzo dzinofarira zvikuru kutiona tichibudirira pakurwisa midzimu yakaipa. Ngirozi dzakarurama dzinoita sedziri kutikurudzira dzichitirovera maoko. Saka ngatirambei tiri pedyo naJehovha nemhuri yake yezvisikwa zvomudzimu zvakatendeka. Ngatidziviseiwo kuita zvemidzimu kwose, togara tichishandisa zano reShoko raMwari. (1 Petro 5:6, 7; 2 Petro 2:9) Izvozvo zvingaita kuti tive nechokwadi chokuti tichakunda pakurwisana kwedu nezvisikwa zvemidzimu yakaipa.

19 Asi nei Mwari akabvumira midzimu yakaipa uye uipi kuti zvirambe zviripo, izvo zvakonzera kuti vanhu vatambure zvikuru? Mubvunzo iwoyo uchapindurwa muchitsauko chinotevera.

^ ndima 2 Nezvengirozi dzakarurama, Zvakazarurwa 5:11 inoti: ‘Kuwanda kwadzo kwakanga kuri makumi ezviuru emakumi ezviuru.’ Saka Bhaibheri rinoratidza kuti kune mazana emamiriyoni engirozi dzakasikwa.