Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?

Nei Mwari Achibvumira Kutambura?
  • Mwari ndiye akakonzera kutambura kuri munyika here?

  • Inyaya ipi yakamutswa mumunda weEdheni?

  • Mwari achabvisa sei migumisiro yokutambura kwevanhu?

1, 2. Mazuva ano vanhu vanotarisana nokutambura kwakaita sei, zvichiita kuti vakawanda vabvunze mibvunzo ipi?

PASHURE pokurwisana kwakaipa mune imwe nyika yasakadzwa nehondo, zviuru zvevakadzi nevana vasiri varwi vakanga vaurayiwa vakavigwa muguva rimwe chete rakanga rakapoteredzwa notumichinjikwa. Kamuchinjikwa kamwe nekamwe kaiva neshoko iri: “Nei?” Dzimwe nguva iwoyo ndiwo mubvunzo unorwadza zvikuru unobvunzwa nevanhu vose. Vanhu vanoubvunza vakasuruvara apo hondo, njodzi, hosha, kana kuti mhosva inoparwa zvinouraya vanhu vavanoda vasina mhosva, zvinoparadza misha yavo, kana kuti zvinounza kutambura kusingatauriki nedzimwe nzira. Vanoda kuziva nei matambudziko akadaro achivawira.

2 Nei Mwari achibvumira kutambura? Kana Jehovha Mwari aine simba rose, aine rudo, akachenjera, uye akarurama, nei nyika izere kwazvo noruvengo uye kusaruramisira? Wakambonetseka nezvinhu izvi iwe pachako here?

3, 4. (a) Chii chinoratidza kuti hazvina kuipa kubvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura? (b) Jehovha anonzwa sei pamusoro pouipi uye kutambura?

3 Zvakaipa here kubvunza kuti nei Mwari achibvumira kutambura? Vamwe vanonetseka kuti kubvunza mubvunzo wakadaro kunoreva kuti havana kutenda kwakakwana kana kuti vari kuratidza kusaremekedza Mwari. Zvisinei, paunenge uchiverenga Bhaibheri, uchaona kuti vanhu vakanga vakatendeka, vaitya Mwari, vaiva nemibvunzo yakafanana. Somuenzaniso, muprofita Habhakuki akabvunza Jehovha kuti: “Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza? Nei kupamba nokuita zvechisimba zviri pamberi pangu, nei kupopotedzana kuchiitika, uye nei kukakavara kuchiitwa?”—Habhakuki 1:3.

Jehovha achagumisa kutambura kwose

4 Jehovha akatuka here muprofita wacho akatendeka Habhakuki nokuti akanga abvunza mibvunzo yakadaro? Kwete. Pane kudaro, Mwari akabatanidza mashoko aHabhakuki omwoyo wose munhoroondo yakafuridzirwa yeBhaibheri. Mwari akamubatsirawo kuti anyatsonzwisisa zvinhu uye kuti ave nokutenda kwakasimba. Jehovha anoda kukuitira zvakafanana. Yeuka kuti Bhaibheri rinodzidzisa kuti “iye ane hanya nemi.” (1 Petro 5:7) Mwari anovenga uipi uye kutambura kwahunokonzera kupfuura chero munhu upi zvake. (Isaya 55:8, 9) Saka, nei munyika muine kutambura kwakawanda kudai?

NEI PAINE KUTAMBURA KWAKAWANDA KUDAI?

5. Ndezvipi zvikonzero zvinopiwa dzimwe nguva pakutsanangura kutambura kwevanhu, asi Bhaibheri rinodzidzisei?

5 Vanhu vezvitendero zvakasiyana-siyana vakaenda kuvafundisi vavo nevadzidzisi kunobvunza nei paine kutambura kwakawanda kudai. Kakawanda, mhinduro ndeyokuti kutambura kuda kwaMwari uye kuti kare kare akasarudza zvose zvaizoitika, kusanganisira zviitiko zvinotyisa. Vakawanda vanoudzwa kuti maitiro aMwari haatsananguriki kana kuti iye anouraya vanhu—kunyange vana—kuti ave navo kudenga. Zvisinei, sezvawakadzidza, Jehovha Mwari haambokonzeri zvinhu zvakaipa. Bhaibheri rinoti: “Mwari wechokwadi haamboiti zvakaipa, uye Wemasimbaose haamboiti zvisina kururama!”—Jobho 34:10.

6. Nei vanhu vakawanda vachiita chikanganiso chokupa Mwari mhosva yokutambura kuri munyika?

6 Unoziva here nei vanhu vachiita chikanganiso chokupa Mwari mhosva yokutambura kwose kuri munyika? Kakawanda, vanopa Mwari Wemasimbaose mhosva nokuti vanofunga kuti ndiye mutongi chaiye wenyika ino. Havazivi chokwadi chiri nyore asi chinokosha chinodzidziswa neBhaibheri. Wakadzidza chokwadi ichocho muChitsauko 3 chebhuku rino. Mutongi chaiye wenyika ino ndiSatani Dhiyabhorosi.

7, 8. (a) Nyika inoratidza sei unhu hwomutongi wayo? (b) Kusakwana kwevanhu uye “nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi” zvinoitawo sei kuti vanhu vatambure?

7 Bhaibheri rinotaura zviri pachena kuti: “Nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Paunofunga nezvazvo, izvozvo hazvina musoro here? Nyika ino inoratidza unhu hwechisikwa chomudzimu chisingaoneki chiri “kutsausa nyika yose inogarwa.” (Zvakazarurwa 12:9) Satani ane ruvengo, anonyengera, uye ane utsinye. Saka nyika iri musimba rake yakazarawo noruvengo, kunyengera uye utsinye. Ndicho chimwe chikonzero nei paine kutambura kwakawanda kudai.

8 Chikonzero chechipiri nei paine kutambura kwakawanda kudai ndechokuti, sezvakakurukurwa muChitsauko 3, vanhu vave vasina kukwana uye vaine zvivi kubvira vanhu pavakapanduka mumunda weEdheni. Vanhu vane zvivi vanowanzorwira kutonga vamwe, uye izvi zvinoguma nehondo, udzvinyiriri, uye kutambura. (Muparidzi 4:1; 8:9) Chikonzero chechitatu chokutambura i“nguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Muparidzi 9:11) Munyika umo Jehovha asiri Mutongi anodzivirira, vanhu vangatambura nokuti zvinongoitikawo kuti vanova munzvimbo ine ngozi panguva inoitika njodzi yacho.

9. Nei tingava nechokwadi chokuti Jehovha ane chikonzero chakanaka chokubvumira kuti kutambura kupfuurire?

9 Zvinotinyaradza kuziva kuti Mwari haakonzeri kutambura. Haasi iye anokonzera hondo, kuparwa kwemhosva, udzvinyiriri, kana kunyange njodzi dzinongoitika dzoga izvo zvinoita kuti vanhu vatambure. Asi, tinofanira kuziva kuti, Nei Jehovha achibvumira kutambura kwose uku? Kana ari iye Wemasimbaose, ane simba rokumisa kutambura. Saka, nei asingashandisi simba rake? Mwari ane rudo watinoziva anofanira kuva nechikonzero chakanaka.—1 Johani 4:8.

NYAYA INOKOSHA INOMUTSWA

10. Satani akaramba chii, uye sei?

10 Kuti tizive kuti nei Mwari achibvumira kutambura, tinofanira kufunga zvakaitika kare panguva apo kutambura kwakatanga. Satani paakaita kuti Adhamu naEvha vasateerere Jehovha, nyaya inokosha yakamutswa. Satani haana kuramba kuti Jehovha ane simba. Iye anotoziva kuti simba raJehovha harina parinogumira. Asi chaakaramba ikodzero yokutonga yaJehovha. Nokutaura kuti Mwari aiva murevi wenhema anonyima vanhu vaanotonga zvinhu zvakanaka, Satani akapomera Jehovha kuti mutongi akaipa. (Genesisi 3:2-5) Satani akataura nenzira isina kunanga kuti vanhu vaizobudirira vasingatongwi naMwari. Izvi zvakadenha uchangamire hwaJehovha, kodzero yake yokutonga.

11. Nei Jehovha asina kungoparadza vapanduki muEdheni?

11 Adhamu naEvha vakapandukira Jehovha. Chaizvoizvo, vakati: ‘Hatidi kuti Jehovha ave Mutongi wedu. Tinogona kuzvisarudzira chakanaka nechakaipa.’ Jehovha aizogadzirisa sei nyaya iyoyo? Aizodzidzisa sei zvisikwa zvose zvakangwara kuti vapanduki vacho vakanga vasina kururama uye kuti nzira yake zvechokwadi ndiyo yakanakisisa? Mumwe munhu angataura kuti Mwari aifanira kunge akangoparadza vapanduki vacho ndokutanga patsva. Asi Jehovha akanga ataura chinangwa chake chokuzadza pasi nevana vaAdhamu naEvha, uye aida kuti vararame muparadhiso pasi pano. (Genesisi 1:28) Jehovha anozadzisa zvinangwa zvake nguva dzose. (Isaya 55:10, 11) Kunze kwaizvozvo, kuparadza vapanduki muEdheni kungadai kusina kugadzirisa nyaya yakanga yamutswa yaiva nechokuita nekodzero yaJehovha yokutonga.

12, 13. Enzanisira nei Jehovha akabvumira Satani kuva mutongi wenyika ino uye kuti nei Mwari akabvumira kuti vanhu vazvitonge.

12 Ngatimbofungei nezvomuenzaniso. Chimbofungidzira kuti mudzidzisi ari kuudza vadzidzi vake kuti vangagadzirisa sei dambudziko rakaoma. Mumwe mudzidzi akangwara asi anopandukira anotaura kuti nzira iri kushandiswa nomudzidzisi kugadzirisa dambudziko racho haina kururama. Achiratidza kuti mudzidzisi haakwanisi, mupanduki uyu anoomerera pakuti anoziva nzira iri nani yokugadzirisa dambudziko racho. Vamwe vadzidzi vanofunga kuti akarurama, uye vanopandukawo. Mudzidzisi wacho anofanira kuitei? Kana akadzinga vapanduki vacho mukirasi, izvi zvichaita kuti vamwe vadzidzi vaitei? Havazofungi here kuti mumwe wavo wavanodzidza naye uye vamwe vabatana naye vakarurama? Vamwe vadzidzi vose vari mukirasi yacho vangasvika pakusaremekedza mudzidzisi wacho, vachifunga kuti anotya kuratidzwa kuti haana kururama. Asi ngatitii mudzidzisi wacho anobvumira mupanduki wacho kuratidza kirasi kuti iye aizogadzirisa dambudziko racho sei.

Mudzidzi anokwanisa kupfuura mudzidzisi here?

13 Jehovha akaita zvakafanana nezvinoitwa nomudzidzisi wacho. Yeuka kuti vapanduki vaiva muEdheni handivo chete vaibatanidzwa. Mamiriyoni engirozi akanga akatarisa. (Jobho 38:7; Dhanieri 7:10) Kugadzirisa kwakaita Jehovha kupanduka kwacho kwaizova nezvakwaizoita zvakanyanya pangirozi dzose idzodzo uye pakupedzisira pazvisikwa zvose zvakangwara. Saka, Jehovha akaitei? Akabvumira Satani kuti aratidze matongero aaizoita vanhu. Mwari akabvumirawo vanhu kuti vazvitonge vachitungamirirwa naSatani.

14. Kusarudza kwaJehovha kuti vanhu vazvitonge kuchabatsirei?

14 Mudzidzisi womumuenzaniso wedu anoziva kuti mupanduki wacho nevamwe vadzidzi vari kumutsigira havana kururama. Asi anozivawo kuti kuvapa mukana wokuedza kuratidza pfungwa yavo kuchabatsira kirasi yose. Vapanduki vacho pavanokundikana, vadzidzi vose vakatendeseka vachaona kuti mudzidzisi ndiye chete anokwanisa kutungamirira kirasi. Vachanzwisisa nei mudzidzisi achizobvisa chero vapi zvavo vanopanduka mukirasi yacho. Saizvozvowo, Jehovha anoziva kuti vanhu vose vane mwoyo yakatendeseka uye ngirozi vachabatsirwa nokuona kuti Satani nevamwe vaakapanduka navo vakundikana uye kuti vanhu havagoni kuzvitonga. Kufanana naJeremiya womunguva yekare, vachadzidza chokwadi ichi chinokosha: “Haiwa Jehovha, ndinonyatsoziva kuti nzira yomunhu wepanyika haisi yake. Munhu anofamba haakwanisi kudzora nhanho dzake.”—Jeremiya 10:23.

NEI KWENGUVA REFU KUDAI?

15, 16. (a) Nei Jehovha akabvumira kuti kutambura kupfuurire kwenguva yakareba kudai? (b) Nei Jehovha asina kudzivisa zvinhu zvakadai semhosva dzakaipa kwazvo dzinoparwa?

15 Zvisinei, nei Jehovha akabvumira kuti kutambura kupfuurire kwenguva refu kudai? Nei asingaiti kuti zvinhu zvakaipa zvirege kuitika? Funga zvinhu zviviri izvo mudzidzisi womumuenzaniso wedu aisazoita. Kutanga, aisazodzivisa mudzidzi wacho apanduka kutaura nzira yake yokugadzirisa zvinhu. Chechipiri, mudzidzisi wacho aisazobatsira mupanduki wacho kugadzirisa zvinhu. Saizvozvowo, funga nezvezvinhu zviviri izvo Jehovha akatsunga kusaita. Kutanga, haana kudzivisa Satani nevaya vanomutsigira kuedza kuratidza kuti vakarurama. Saka zvave zvakakodzera kubvumira kuti nguva ipfuure. Muzviuru zvemakore zvenhoroondo yevanhu, vanhu vakaedza kuzvitonga kwakasiyana-siyana, kana kuti hurumende dzevanhu. Vanhu vakabudirira mune zvesayenzi nezvimwe zvinhu, asi kusaruramisira, urombo, kuparwa kwemhosva, uye hondo zvakatonyanya kuwedzera. Iye zvino kutonga kwevanhu kwaratidza kuti kwakundikana.

16 Chechipiri, Jehovha haana kubatsira Satani kutonga nyika ino. Somuenzaniso, kudai Mwari aizodzivisa mhosva dzakaipa kwazvo dzinoparwa, chaizvoizvo aisazova achitsigira kuti vapanduki vakarurama here? Mwari aisazova achiita kuti vanhu vafunge kuti zvimwe vanhu vanogona kuzvitonga pasina matambudziko anovapo here? Kudai Jehovha aizoita izvozvo, aizotsigirawo nhema. Zvisinei, ‘hazvibviri kuti Mwari areve nhema.’—VaHebheru 6:18.

17, 18. Jehovha achaitei nezvakaipa zvose zvakakonzerwa nokutonga kwevanhu uye kukanganisa kwaSatani?

17 Zvisinei, zvakadini nezvakaipa zvose zvakaitwa munguva refu Mwari paange achipandukirwa? Tinofanira kuyeuka kuti Jehovha ane masimba ose. Saka, anogona uye achabvisa migumisiro yose yokutambura kwevanhu. Sezvatakatodzidza, kuparadzwa kuri kuitwa nyika yedu kuchagadziriswa nokuchinja nyika yacho kuti ive Paradhiso. Migumisiro yechivi ichabviswa nokutenda chibayiro chorudzikinuro chaJesu, uye migumisiro yorufu ichachinjwa pachishandiswa rumuko. Saka Mwari achashandisa Jesu “kuti aputse mabasa aDhiyabhorosi.” (1 Johani 3:8) Jehovha achaita zvose izvi panguva yakakodzera chaiyo. Tinogona kufara kuti haana kukurumidza kuzviita, nokuti kushivirira kwake kwakatipa mukana wokudzidza chokwadi uye kumushumira. (2 Petro 3:9, 10) Munguva iyi, Mwari ave achishingaira kutsvaka vanhu vanomunamata nomwoyo wose uye kuvabatsira kutsungirira chero kutambura kupi zvako kungauya pavari munyika ino yatambura.—Johani 4:23; 1 VaKorinde 10:13.

18 Vamwe vangashamisika kuti, Kutambura kwose uku kungadai kusina kudziviswa here kudai Mwari akanga asika Adhamu naEvha nenzira yokuti vaisazopanduka? Kuti mubvunzo iwoyo upindurwe, unofanira kuyeuka chipo chinokosha chawakapiwa naJehovha.

UCHASHANDISA SEI CHIPO CHAKABVA KUNA MWARI?

Mwari achakubatsira kutsungirira kutambura

19. Jehovha akatipa chipo chipi chinokosha, uye nei tichifanira kuchikoshesa?

19 Sezvatakaona muChitsauko 5, vanhu vakasikwa vaine rusununguko rwokusarudza. Unoziva here kuti ichocho chipo chinokosha zvakadini? Mwari akasika mhuka dzisingaverengeki, uye idzi dzinoita zvinhu nouchenjeri hwadzakapiwa pakusikwa. (Zvirevo 30:24) Munhu akagadzira marobhoti anogona kurongerwa kuti aite zvose zvaanenge arayirwa. Taizofara here kudai Mwari akanga atisika saizvozvo? Kwete, tinofara kuti tine rusununguko rwokusarudza kuti tinoda kuva vanhu vakaita sei, mararamiro atinoda, ushamwari hwatinoda kuva nahwo, nezvimwewo. Tinofarira kuva norusununguko rwakati, uye izvozvo ndizvo izvo Mwari anoda kuti tive nazvo.

20, 21.

20 Jehovha haafariri basa rinoitwa munhu achiita zvokumanikidzwa. (2 VaKorinde 9:7) Kuenzanisira: Ndezvipi zvaizonyanya kufadza mubereki—kutaura kwomwana kuti “Ndinokudai” nokuti anenge audzwa kuti adaro kana kuti kutaura izvozvo zvichibva pamwoyo? Saka mubvunzo ndewokuti, Iwe uchashandisa sei kuzvisarudzira kwawakapiwa naJehovha? Satani, Adhamu, uye Evha vakashandisa kuzvisarudzira nenzira yakaipa kwazvo. Vakaramba Jehovha Mwari. Iwe uchaitei?

21 Une mukana wokushandisa zvakanaka kwazvo chipo chinoshamisa ichocho chokuzvisarudzira. Unogona kubatana nemamiriyoni evanhu vakasarudza kutsigira Jehovha. Vanoita kuti Mwari afare nokuti vanoshingairira kuratidza kuti Satani murevi wenhema uye mutongi akundikana zvinosiririsa. (Zvirevo 27:11) Iwewo unogona kuita izvozvo nokusarudza mararamiro akarurama. Izvi zvichatsanangurwa muchitsauko chinotevera.