Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 14

Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze

Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze
  • Chii chinodiwa kuti uve murume akanaka?

  • Mukadzi angaitei kuti ave mudzimai anobudirira?

  • Ndezvipi zvinodiwa kuti munhu ave mubereki akanaka?

  • Vana vangabatsira sei kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze?

1. Chii chinoita kuti pave noupenyu hwemhuri hunofadza?

JEHOVHA MWARI anoda kuti upenyu hwenyu hwemhuri hufadze. Shoko rake, Bhaibheri, rinoudza nhengo yoga yoga yemhuri zvokuita, richitsanangura basa iro Mwari anoda kuti mumwe nomumwe aite. Nhengo dzemhuri padzinoita mabasa adzo maererano nezano raMwari, migumisiro yacho inogutsa zvikuru. Jesu akati: “Vanofara vaya vanonzwa shoko raMwari vachirichengeta!”—Ruka 11:28.

2. Kufara kwemhuri kunobva pakuziva kwedu chii?

2 Kufara kwemhuri kunonyanya kubva pakuziva kwedu kuti mhuri yakatangwa naJehovha, uyo Jesu akadana kuti “Baba vedu.” (Mateu 6:9) Mhuri dzose dziri panyika dziripo nokuda kwaBaba vedu vokudenga—uye zvechokwadi vanoziva chinoita kuti mhuri dzifare. (VaEfeso 3:14, 15) Saka, Bhaibheri rinodzidzisei nezvebasa renhengo yoga yoga yemhuri?

MHURI YAKATANGWA NAMWARI

3. Bhaibheri rinotsanangura sei kutanga kwemhuri yevanhu, uye nei tichiziva kuti zvarinotaura ichokwadi?

3 Jehovha akasika vanhu vokutanga, Adhamu naEvha, akavabatanidza somurume nomudzimai. Akavaisa mumusha weparadhiso pasi pano wakanga wakanaka—munda weEdheni—akavaudza kuti vave nevana. “Berekai muwande, muzadze nyika,” akadaro Jehovha. (Genesisi 1:26-28; 2:18, 21-24) Iyi haisi nyayawo zvayo kana kuti ngano, nokuti Jesu akaratidza kuti zvinotaurwa naGenesisi pamusoro pokutanga kwakaita upenyu hwemhuri ichokwadi. (Mateu 19:4, 5) Kunyange zvazvo tichitarisana nematambudziko akawanda uye iye zvino upenyu husina kuita sezvaida Mwari kuti huve, ngationei kuti nei mhuri ichigona kufara.

4. (a) Nhengo yoga yoga yemhuri ingaitei kuti mhuri ifare? (b) Nei kudzidza nezvoupenyu hwaJesu kuchikosha zvikuru pakuita kuti mhuri ifare?

4 Nhengo yoga yoga yemhuri inogona kubatsira kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze nokutevedzera Mwari mukuratidza rudo. (VaEfeso 5:1, 2) Zvisinei, tingatevedzera Mwari sei, isu tisingagoni kunyange kumuona? Tinogona kudzidza zvinoitwa naMwari nokuti akatuma Mwanakomana wake wedangwe kubva kudenga achiuya panyika. (Johani 1:14, 18) Paaiva panyika, Mwanakomana uyu, Jesu Kristu, akanyatsotevedzera Baba vake vokudenga zvokuti kuona uye kunzwa zvaitaurwa naJesu kwakanga kwakangofanana nokuva pamwe chete naJehovha uye kunzwa zvaaitaura. (Johani 14:9) Saka, nokudzidza nezvorudo rwakaratidzwa naJesu uye kutevera muenzaniso wake, mumwe nomumwe wedu anogona kubatsira kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze zvikuru.

MUENZANISO NOKUDA KWEVARUME

5, 6. (a) Nzira iyo Jesu anobata nayo ungano inoratidza sei muenzaniso nokuda kwevarume? (b) Kuti munhu akanganwirwe zvivi anofanira kuitei?

5 Bhaibheri rinotaura kuti varume vanofanira kubata madzimai avo sokubata kwaiita Jesu vadzidzi vake. Funga zvinorayirwa neBhaibheri zvokuti: “Varume, rambai muchida madzimai enyu, Kristu zvaakadawo ungano, akazvipa nokuda kwayo . . . Saizvozvo varume vanofanira kuda madzimai avo semiviri yavo. Anoda mudzimai wake anozvida, nokuti hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira, sezvinoitirawo Kristu ungano.”VaEfeso 5:23, 25-29.

6 Kuda kwaJesu ungano yake yevadzidzi kunoratidza muenzaniso wakakwana nokuda kwevarume. Jesu “akavada kusvikira kumugumo,” achibayira upenyu hwake nokuda kwavo, kunyange zvazvo vakanga vasina kukwana. (Johani 13:1; 15:13) Saizvozvowo, varume vanokurudzirwa kuti: “Rambai muchida madzimai enyu uye musaatsamwira kwazvo.” (VaKorose 3:19) Chii chichabatsira murume kushandisa zano rakadai, kunyanya kana mudzimai wake dzimwe nguva achikundikana kushandisa ungwaru? Anofanira kuyeuka kuti iye anokanganisawo uye zvaanofanira kuita kuti akanganwirwe naMwari. Anofanira kuitei? Anofanira kukanganwira vaya vanomutadzira, uye izvozvo zvinosanganisira mudzimai wake. Chokwadi, mudzimai wacho anofanira kuitawo saizvozvo. (Mateu 6:12, 14, 15) Unoona here nei vamwe vakataura kuti mhuri inobudirira mubatanidzwa wevanhu vaviri vanokanganwirana?

7. Jesu aifunga nezvechii, achiratidza muenzaniso upi nokuda kwevarume?

7 Varume vanofanirawo kucherechedza kuti Jesu aigara achiratidza kuva nehanya nevadzidzi vake. Aifunga nezvezvinhu zvavaisakwanisa uye zvavaida zvokunyama. Somuenzaniso, pavakanga vaneta, akati: “Uyai, imi, muri moga kunzvimbo isina vanhu muzorore zvishoma.” (Mako 6:30-32) Madzimai anofanirawo kufungwa nezvawo. Bhaibheri rinoarondedzera so“mudziyo usina simba” uyo varume vanorayirwa kuti va‘kudze.’ Nei? Nokuti varume nemadzimai vanowana “nyasha dzoupenyu dzisina kukodzera kuwanwa” pamwe chete. (1 Petro 3:7) Varume vanofanira kuyeuka kuti chinhu chinoita kuti munhu akoshe kuna Mwari kutendeka, kwete kuti munhurume kana kuti munhukadzi.—Pisarema 101:6.

8. (a) Murume “anoda mudzimai wake anozvida” sei? (b) Kuva “nyama imwe” kunorevei kumurume nomudzimai wake?

8 Bhaibheri rinotaura kuti murume “anoda mudzimai wake anozvida.” Izvi zvakadaro nokuti murume nomudzimai wake “havasisirizve vaviri, asi nyama imwe,” sezvakataurwa naJesu. (Mateu 19:6) Saka vanofanira kungorara pamwe chete ivo voga kwete nomumwe munhu. (Zvirevo 5:15-21; VaHebheru 13:4) Vanogona kuita izvi kana vachiratidza kuva nehanya kusina udyire pane zvinodiwa nomumwe. (1 VaKorinde 7:3-5) Chinokosha chiyeuchidzo ichi: “Hapana murume akambovenga nyama yake; asi anoipa zvokudya uye anoitarisira.” Varume vanofanira kuda madzimai avo sezvavanozviita, vachiyeuka kuti vanozvidavirira kumusoro wavo, Jesu Kristu.—VaEfeso 5:29; 1 VaKorinde 11:3.

9. Unhu hupi hwaJesu hunotaurwa pana VaFiripi 1:8, uye nei varume vachifanira kuratidza unhu uhwu kumadzimai avo?

9 Muapostora Pauro akataura nezvo‘rudo rukuru runa Kristu Jesu.’ (VaFiripi 1:8) Unyoro hwaJesu hwaiva unhu hwaizorodza, hwaifadza vakadzi vaya vakava vadzidzi vake. (Johani 20:1, 11-13, 16) Uye vakadzi vanoda chaizvo kudiwa nevarume vavo.

MUENZANISO NOKUDA KWEVAKADZI

10. Jesu anoratidza sei muenzaniso nokuda kwemadzimai?

10 Mhuri isangano, uye kuti ishande zvakanaka, inoda musoro. Kunyange Jesu ane Uya waanofanira kuzviisa pasi soMusoro wake. “Musoro waKristu ndiMwari,” “musoro womukadzi [zvaari] murume.” (1 VaKorinde 11:3) Kuzviisa pasi poumusoro hwaMwari kwaJesu muenzaniso wakanaka zvikuru, tose zvedu zvatiine musoro watinofanira kuzviisa pasi pawo.

11. Mudzimai anofanira kuva nemafungiro api pamusoro pomurume wake, uye mufambiro wake ungaguma nei?

11 Varume vasina kukwana vanokanganisa uye vanowanzotadza kuva misoro yemhuri inonzi ndiyo yakanaka. Saka, mudzimai anofanira kuitei? Haafaniri kuzvidza zvinoitwa nomurume wake kana kuti kuedza kutora umusoro hwake. Mudzimai anofanira kuyeuka kuti kuna Mwari, kuva munhu akanyarara uye munyoro kunokosha zvikuru. (1 Petro 3:4) Nokuratidza unhu hwakadaro, achazviona zviri nyore zvikuru kuzviisa pasi sezvinodiwa naMwari, kunyange mumamiriro ezvinhu anoedza. Uyezve, Bhaibheri rinoti: “Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake kwazvo.” (VaEfeso 5:33) Asi zvakadini kana murume wacho asingabvumi Kristu soMusoro wake? Bhaibheri rinokurudzira madzimai kuti: “Zviisei pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, muvawane nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa, nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru.”1 Petro 3:1, 2.

12. Nei zvisina kuipa kuti mudzimai ataure zvaanofunga nenzira yokuremekedza?

12 Zvisinei nokuti mudzimai anonamata pamwe chete nomurume wake kana kuti kwete, kana akataura zvaanofunga nokungwarira zvinosiyana nezvomurume wake, anenge asiri kuratidza kusaremekedza. Maonero ake angava akarurama, uye mhuri yose inogona kubatsirwa kana murume akamuteerera. Kunyange zvazvo Abrahamu asina kubvuma apo mudzimai wake Sara, akataura zvaibatsira pakugadzirisa rimwe dambudziko romumhuri, Mwari akamuudza kuti: “Teerera inzwi rake.” (Genesisi 21:9-12) Chokwadi, murume paanoita chisarudzo chokupedzisira chisingapesani nomutemo waMwari, mudzimai wake anoratidza kuzviisa pasi nokuchitsigira.—Mabasa 5:29; VaEfeso 5:24.

Sara akaratidza muenzaniso upi wakanaka nokuda kwemadzimai?

13. (a) Tito 2:4, 5 inokurudzira vakadzi vakaroorwa kuitei? (b) Bhaibheri rinotii nezvokuparadzana uye kurambana?

13 Pakuita basa rake, mudzimai anogona kuita zvakawanda pakutarisira mhuri. Somuenzaniso, Bhaibheri rinoratidza kuti vakadzi vakaroorwa vanofanira ‘kuda varume vavo, vana vavo, kuva nepfungwa dzakanaka, vakachena, vanoita mabasa epamba, vakanaka, vanozviisa pasi pevarume vavo.’ (Tito 2:4, 5) Mudzimai ane vana anoita saizvozvi achadiwa uye acharemekedzwa zvechigarire nemhuri yake. (Zvirevo 31:10, 28) Zvisinei, kuroorana zvakuri mubatanidzwa wevanhu vasina kukwana, mamwe mamiriro ezvinhu akanyanyisa angaguma nokuparadzana kana kuti kurambana. Bhaibheri rinobvumira kuti vanhu vaparadzane mune mamwe mamiriro ezvinhu. Asi, kuparadzana inyaya yakakomba, nokuti Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Mudzimai haafaniri kubva kumurume wake; . . . uye murume haafaniri kusiya mudzimai wake.” (1 VaKorinde 7:10, 11) Uye ufeve chete hunoitwa nomumwe wavo ndihwo hunopa chikonzero chomuMagwaro chokurambana.—Mateu 19:9.

MUENZANISO WAKAKWANA NOKUDA KWEVABEREKI

14. Jesu akabata sei vana, uye vana vanodei kuvabereki vavo?

14 Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana nokuda kwevabereki munzira yaakabata nayo vana. Vamwe pavakaedza kudzivisa vana kuuya kuna Jesu, iye akati: “Regai vana vaduku vauye kwandiri; musaedza kuvadzivisa.” Bhaibheri rinotaura kuti akabva “agumbatira vana mumaoko ake, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.” (Mako 10:13-16) Sezvo Jesu akapedza nguva aine vana, iwe haufaniri kuitawo saizvozvo kuvanakomana nevanasikana vako here? Havangodi nguva yako shomanana, asi yakawanda. Unofanira kuwana nguva yokuvadzidzisa, nokuti izvozvo ndizvo izvo Jehovha anorayira vabereki kuti vaite.—Dheuteronomio 6:4-9.

15. Vabereki vangaitei kuti vadzivirire vana vavo?

15 Nyika ino zvairi kuramba ichiipa, vana vanoda vabereki vachavadzivirira pavanhu vanotsvaka kuita zvounzenza navo. Funga nzira iyo Jesu akadzivirira nayo vadzidzi vake, vaakadana norudo kuti “vana vaduku.” Paakasungwa uye ava kuda kunourayiwa, Jesu akaita kuti vakwanise kutiza. (Johani 13:33; 18:7-9) Somubereki, unofanira kungwarira kuedza kunoita Dhiyabhorosi kukuvadza vana vako. Unofanira kugara wavanyevera. * (1 Petro 5:8) Kuchengeteka kwavo mumuviri, pakunamata, uye mutsika hakuna kumbova pangozi zvakanyanya saiye zvino.

Vabereki vangadzidzei panzira iyo Jesu akabata nayo vana?

16. Vabereki vangadzidzei pane zvakaitwa naJesu nokusakwana kwevadzidzi vake?

16 Pausiku hwokupedzisira Jesu asati afa, vadzidzi vake vakaitirana nharo pamusoro pokuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. Panzvimbo pokuvatsamwira, Jesu nenzira yorudo akaramba achivakumbira kuti vasadaro neshoko uye nomuenzaniso. (Ruka 22:24-27; Johani 13:3-8) Kana uri mubereki, unogona kuona here kutevera kwaungaita muenzaniso waJesu pakururamisa kwaunoita vana vako? Chokwadi, vanoda kurangwa, asi kunofanira kuitwa “zvakafanira” uye usina kutsamwa. Waisazoda kutaura usina kufunga ‘sokubaya kunoita bakatwa.’ (Jeremiya 30:11; Zvirevo 12:18) Kuranga kunofanira kuitwa zvokuti mwana wako anozoona kuti kwange kwakakodzera sei.—VaEfeso 6:4; VaHebheru 12:9-11.

MUENZANISO NOKUDA KWEVANA

17. Jesu akaratidza muenzaniso wakakwana nokuda kwevana munzira dzipi?

17 Vana vanogona kudzidza kuna Jesu here? Chokwadi, vanogona! Nomuenzaniso wake, Jesu akaratidza kuteerera vabereki kunofanira kuita vana. “Ndinotaura,” iye akadaro, “sokudzidziswa kwandakaitwa naBaba.” Akawedzera kuti: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza.” (Johani 8:28, 29) Jesu aiteerera Baba vake vokudenga, uye Bhaibheri rinoudza vana kuti vateerere vabereki vavo. (VaEfeso 6:1-3) Kunyange zvazvo Jesu akanga ari mwana akakwana, aiteerera vabereki vake vevanhu, Josefa naMariya, vakanga vasina kukwana. Chokwadi, izvozvo zvakaita kuti nhengo yoga yoga yemhuri yaJesu ifare!—Ruka 2:4, 5, 51, 52.

18. Nei Jesu aiteerera Baba vake vokudenga nguva dzose, uye ndiani anofara vana pavanoteerera vabereki vavo mazuva ano?

18 Vana vangaona here nzira idzo vangava saJesu zvakanyanya, voita kuti vabereki vavo vafare? Chokwadi, vaduku dzimwe nguva vangazviona zvakaoma kuteerera vabereki vavo, asi izvozvo ndizvo izvo Mwari anoda kuti vana vaite. (Zvirevo 1:8; 6:20) Jesu aiteerera Baba vake vokudenga nguva dzose, kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma. Pane imwe nguva, Mwari paaida kuti Jesu aite chimwe chinhu chakanga chakaoma kwazvo, Jesu akati: “Bvisai kapu iyi [chimwe chinhu chaidiwa] kwandiri.” Kunyange zvakadaro, Jesu akaita zvakakumbirwa naMwari, nokuti aiziva kuti Baba vake vaiziva zvakanga zvakanakisisa. (Ruka 22:42) Nokudzidza kuteerera, vana vachaita kuti vabereki vavo naBaba vavo vokudenga vafare kwazvo. *Zvirevo 23:22-25.

Vanhu vaduku vanofanira kufunga nezvechii pavanoedzwa?

19. (a) Satani anoedza sei vana? (b) Maitiro akaipa evana angaitei kuvabereki?

19 Dhiyabhorosi akaedza Jesu, uye tinogona kuva nechokwadi chokuti achaedzawo vaduku kuti vaite zvakaipa. (Mateu 4:1-10) Satani Dhiyabhorosi anoshandisa kuda kufanana nevezera rako, uko kungave kwakaoma kuti urwise. Saka, zvinokosha zvikuru kuti vana varege kushamwaridzana nevanhu vanoita zvakaipa! (1 VaKorinde 15:33) Mwanasikana waJakobho ainzi Dhina aishamwaridzana nevaya vaisanamata Jehovha, uye izvi zvakaguma nematambudziko akawanda. (Genesisi 34:1, 2) Funga kuti mhuri yaizorwadziwa sei kudai imwe nhengo yayo yaizoita unzenza!—Zvirevo 17:21, 25.

CHINHU CHINOKOSHA CHINOITA KUTI MHURI IFARE

20. Kuti upenyu hwemhuri hufadze, nhengo yoga yoga yemhuri inofanira kuitei?

20 Matambudziko emhuri ari nyore kurarama nawo kana zano reBhaibheri rikashandiswa. Chokwadi, kushandisa zano rakadaro ndiko kunoita kuti mhuri ifare. Saka varume, idai madzimai enyu, uye abatei sokubatwa kunoitwa ungano naJesu. Madzimai, zviisei pasi poumusoro hwevarume venyu, uye teverai muenzaniso womukadzi anokwanisa anorondedzerwa pana Zvirevo 31:10-31. Vabereki, rovedzai vana venyu. (Zvirevo 22:6) Vanababa, ‘tungamirirai dzimba dzenyu zvakanaka.’ (1 Timoti 3:4, 5; 5:8) Uye vana, teererai vabereki venyu. (VaKorose 3:20) Mumhuri hapana akakwana, nokuti vose vanokanganisa. Naizvozvo zvininipisei, muchikumbirana ruregerero.

21. Itarisiro dzipi dzinoshamisa dziri mberi, uye tingava sei noupenyu hwemhuri hunofadza iye zvino?

21 Zvechokwadi, Bhaibheri rizere nemazano anokosha uye murayiridzo zvine chokuita noupenyu hwemhuri. Uyezve, rinotidzidzisa nezvenyika itsva yaMwari uye paradhiso yepasi pano inenge izere nevanhu vanofara vanonamata Jehovha. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Chokwadi idzodzo itarisiro dzinoshamisa dziri mberi! Kunyange iye zvino, tinogona kuva noupenyu hwemhuri hunofadza nokushandisa mirayiridzo yaMwari iri muShoko rake, Bhaibheri.

^ ndima 15 Rubatsiro pakudzivirira vana runowanika muchitsauko 32 chebhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 18 Kudai mubereki aizokumbira mwana kutyora mutemo waMwari, ipapo ndipo chete pazvaizova zvakarurama kuti mwana asateerere.—Mabasa 5:29.