Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

Tsigira Kunamata Kwechokwadi

Tsigira Kunamata Kwechokwadi
  • Bhaibheri rinodzidzisei nezvokushandiswa kwemifananidzo uye kunamata madzitateguru?

  • VaKristu vanoona sei mazororo echitendero?

  • Ungatsanangurira sei vamwe zvaunotenda usingavagumburi?

1, 2. Mubvunzo upi waunofanira kuzvibvunza pashure pokusiya chitendero chenhema, uye nei uchifunga kuti izvi zvinokosha?

NGATITII waziva kuti nzvimbo yose yauri kugara yakasvibiswa. Mumwe munhu ave achirasira marara ane chepfu munzvimbo yacho pachivande, uye iye zvino mamiriro acho ezvinhu ava kuisa upenyu pangozi. Waizoita sei? Hapana mubvunzo kuti waizobva imomo kana waikwanisa. Asi pashure pokuita izvozvo, waizongotarisana nomubvunzo uyu unokosha, ‘Ndakakuvadzwa here nechepfu?’

2 Mamiriro ezvinhu akafanana anovapo pane zvechitendero chenhema. Bhaibheri rinodzidzisa kuti kunamata kwakadaro kwakasvibiswa nedzidziso uye maitiro zvisina kuchena. (2 VaKorinde 6:17) Ndokusaka zvichikosha kuti ubude mu“Bhabhironi Guru,” umambo hwenyika hwechitendero chenhema. (Zvakazarurwa 18:2, 4) Wakaita izvi here? Kana zvakadaro, unofanira kurumbidzwa. Zvisinei, hazvina kukwana kungozviparadzanisa kana kuti kubuda muchitendero chenhema. Pashure paizvozvo, unofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndichine zvimwe zvinhu zvokunamata kwenhema zvakasaririra mandiri here?’ Funga nezvemimwe mienzaniso.

MIFANANIDZO UYE KUNAMATA MADZITATEGURU

3. (a) Bhaibheri rinotii nezvokushandiswa kwemifananidzo, uye nei vamwe vangaomerwa nokubvuma maonero aMwari? (b) Chii chaunofanira kuita nezvinhu chero zvipi zvazvo zvauinazvo zvine chokuita nokunamata kwenhema?

3 Kwemakore vamwe vave vaine mifananidzo kana kuti nzvimbo dzinochengeterwa zvinhu zvitsvene mumusha mavo. Ko iwe unazvo here? Kana zvakadaro, ungafunga kuti hazvinzwisisiki kana kuti hazvina kururama kunyengetera kuna Mwari pasina rubatsiro rwezvinhu zvinooneka zvakadaro. Ungatozviona zvakaoma kuti usiyane nezvimwe zvinhu izvi. Asi Mwari ndiye anotaura manamatirwo aanofanira kuitwa, uye Bhaibheri rinodzidzisa kuti haadi kuti tishandise mifananidzo. (Eksodho 20:4, 5; Pisarema 115:4-8; Isaya 42:8; 1 Johani 5:21) Naizvozvo unogona kutsigira kunamata kwechokwadi nokuparadza zvinhu chero zvipi zvazvo zvauinazvo zvine chokuita nokunamata kwenhema. Zvechokwadi, svika pakuzviona sokuonekwa kwazvinoitwa naJehovha—sechinhu “chinosemesa.”—Dheuteronomio 27:15.

4. (a) Tinoziva sei kuti kunamata madzitateguru hakubatsiri? (b) Nei Jehovha akarambidza vanhu vake kuita zvemidzimu chero kupi zvako?

4 Kunamata madzitateguru kwakazara muzvitendero zvenhema zvakawanda. Vasati vadzidza chokwadi cheBhaibheri, vamwe vaidavira kuti vakafa vane zvavanoziva vari munzvimbo isingaoneki uye kuti vanogona kubatsira kana kuti kukuvadza vapenyu. Zvichida waiwanzoita zvakawanda kuti ufadze madzitateguru ako akafa. Asi sezvawakadzidza muChitsauko 6 chebhuku rino, vakafa hapana kwavari uye havana chavanoziva. Saka, kuedza kukurukura navo hakubatsiri. Mashoko chero api zvawo anoita seanobva kumudiwa akafa zvechokwadi anobva kumadhimoni. Saka, Jehovha akarambidza vaIsraeri kuedza kutaura nevakafa kana kuti kuita zvemidzimu chero kupi zvako.—Dheuteronomio 18:10-12.

5. Ungaitei kana kare waishandisa mifananidzo kana kuti wainamata madzitateguru?

5 Kana kushandisa mifananidzo kana kuti kunamata madzitateguru zvaiva manamatiro ako ekare, ungaitei? Verenga uye fungisisa zvikamu zveBhaibheri zvinokuratidza maonero anoita Mwari zvinhu izvi. Nyengetera kuna Jehovha zuva nezuva nezvechido chako chokutsigira kunamata kwechokwadi, uye mukumbire kuti akubatsire kufunga sezvaanoita.—Isaya 55:9.

KRISIMASI—YAISAPEMBERERWA NEVAKRISTU VEPAKUTANGA

6, 7. (a) Krisimasi inonzi kupemberera chii, uye vateveri vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakaichengeta here? (b) Kupembererwa kwemazuva okuberekwa kwakanga kwakabatana nechii munguva yevadzidzi vaJesu vepakutanga?

6 Kunamata kwomunhu kungasvibiswa nechitendero chenhema panyaya dzemazororo akakurumbira. Somuenzaniso, funga nezveKrisimasi. Krisimasi inonzi kupemberera kuberekwa kwaJesu Kristu, uye zvinenge zvitendero zvose zvinoti ndezvechiKristu zvinoipemberera. Asi, hapana uchapupu hwokuti vadzidzi vaJesu vomuzana remakore rokutanga vakachengeta zororo rakadaro. Bhuku rinonzi Sacred Origins of Profound Things rinoti: “Kwemazana maviri emakore pashure pokuberekwa kwaKristu, hapana aiziva, uye vanhu vashomanana ndivo vaiva nehanya nomusi chaiwo waakaberekwa.”

7 Kunyange kudai vadzidzi vaJesu vakaziva musi chaiwo waakaberekwa, vangadai vasina kuupemberera. Nei? Nokuti, sokutaura kunoita The World Book Encyclopedia, vaKristu vepakutanga “vaiona kupemberera kuberekwa kwomunhu chero upi zvake setsika yechihedheni.” Kuchengetwa kwemazuva okuberekwa kunongotaurwa muBhaibheri chete ndokuya kwevatongi vaviri vakanga vasinganamati Jehovha. (Genesisi 40:20; Mako 6:21) Kupemberera mazuva okuberekwa kwaiitirwawo kuremekedza vanamwari vechihedheni. Somuenzaniso, pana May 24 vaRoma vaipemberera zuva rokuberekwa kwamwarikadzi Diana. Pazuva raitevera, vaichengeta zuva rokuberekwa kwamwari wavo wezuva, Apollo. Saka, kupembererwa kwemazuva okuberekwa kwakanga kwakabatana nechihedheni, kwete nechiKristu.

8. Tsanangura kubatana kwakaita kupembererwa kwezuva rokuberekwa nokutenda mashura.

8 Pane chimwe chikonzero nei vaKristu vomuzana remakore rokutanga vaisapemberera zuva rokuberekwa kwaJesu. Zvingangodaro kuti vadzidzi vake vaiziva kuti kupemberera mazuva okuberekwa kwakanga kwakabatana nemashura. Somuenzaniso, vaGiriki vakawanda nevaRoma vomunguva yekare vaidavira kuti mudzimu waivapo pakuberekwa kwomunhu mumwe nomumwe uye waidzivirira munhu iyeye kwoupenyu hwose. “Mudzimu uyu waiva noukama husinganzwisisiki namwari aiva nezuva rokuzvarwa rakaberekwa munhu wacho,” rinodaro bhuku rinonzi The Lore of Birthdays. Chokwadi Jehovha aisazofadzwa nomutambo chero upi zvawo waizobatanidza Jesu nokutenda mashura. (Isaya 65:11, 12) Saka Krisimasi yakasvika sei pakupembererwa nevanhu vakawanda?

KWAKABVA KRISIMASI

9. December 25 akasarudzwa sei kuti ave musi wokupemberera kuberekwa kwaJesu?

9 Vanhu vakatanga kuchengeta kuberekwa kwaJesu pana December 25 patodarika mazana emakore anoverengeka pashure pokunge ararama pano pasi. Asi iwoyo handiwo waiva musi wakaberekwa Jesu, nokuti zviri pachena kuti akaberekwa muna October. * Saka nei December 25 akasarudzwa? Gare gare, zvichida vamwe vaizviti vaKristu “vakashuva kuti musi wacho uwirirane nomutambo wechihedheni weRoma wokupemberera ‘musi wokuberekwa kwezuva risingakundwi.’” (The New Encyclopædia Britannica) Muchando, zuva paraiita sokuti harina simba zvakanyanya, vahedheni vaiita mitambo yokuita kuti zuva iri raiunza kudziya nechiedza ridzoke richibva kwarainge raenda kure kure. Vaifunga kuti December 25 ndiwo musi waitanga kudzoka zuva. Vachiedza kutendeutsa vahedheni, vatungamiriri vezvitendero vakagamuchira mutambo uyu ndokuedza kuita kuti uite sowe“chiKristu.” *

10. Munguva yakapfuura, nei vamwe vanhu vaisapemberera Krisimasi?

10 Vanhu vave vachiziva kwenguva refu kuti Krisimasi inobva kuchihedheni. Zvayaisabva mumagwaro, Krisimasi yakarambidzwa muEngland uye mune dzimwe nyika dzaiva pasi peAmerica muzana remakore rechi17. Chero munhu upi zvake aigara kumba achirega kuenda kubasa pazuva reKrisimasi aifanira kubhadhariswa. Zvisinei, munguva pfupi, tsika dzacho dzekare dzakanga dzadzoka, uye dzimwe itsva dzakawedzerwa. Krisimasi yakavazve zororo guru, uye ndizvo zvaichiri munyika dzakawanda. Zvisinei, nokuda kwokubatana kwakaita Krisimasi nechitendero chenhema, vaya vanoda kufadza Mwari havaipembereri kana kuti chero mamwe mazororo anobva mukunamata kwechihedheni. *

KWAKABVA MAZORORO KUNOMBONYANYA KUKOSHA HERE?

11. Nei vamwe vanhu vachipemberera mazororo, asi chii chatinofanira kunyanya kuva nehanya nacho?

11 Vamwe vanobvuma kuti mazororo akadai seKrisimasi akabva kuchihedheni asi vanofunga kuti hazvina kuipa kuapemberera. Chokwadika, vanhu vakawanda vanenge vasingafungi nezvokunamata kwenhema pavanochengeta mazororo. Iyi nguva inoitawo kuti mhuri dzive nemikana yokuva pamwe chete. Aya ndiwo manzwiro aunoita here? Kana zvakadaro, zvimwe kuda mhuri, kwete kuda chitendero chenhema, ndiko kunoita kuti kutsigira kunamata kwechokwadi kuite sokwakaoma. Iva nechokwadi chokuti Jehovha, uyo akatanga mhuri, anoda kuti uve noukama hwakanaka nehama dzako. (VaEfeso 3:14, 15) Asi unogona kusimbisa kubatana kwakadaro nenzira dzinofarirwa naMwari. Nezvenyaya yatinofanira kunyanya kuva nehanya nayo, muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”—VaEfeso 5:10.

Waizodya here suwiti yakanhongwa munoyerera mvura yetsvina?

12. Enzanisira nei tichifanira kudzivisa tsika uye mhemberero zvakabva munzvimbo dzisina kuchena.

12 Zvimwe unofunga kuti kwakabva mazororo hakunei nokupembererwa kwaanoitwa mazuva ano. Kwaakabva kunombonyanya kukosha here? Hungu! Kuenzanisira: Ngatitii waizoona suwiti iri munoyerera mvura yetsvina. Waizonhonga suwiti iyoyo woidya here? Chokwadika kwete! Suwiti iyoyo haina kuchena. Kufanana nesuwiti iyoyo, mazororo angaita seakanaka, asi akatorwa munzvimbo dzisina kuchena. Kuti titsigire kunamata kwechokwadi, tinofanira kuva nemaonero akaita seaya omuprofita Isaya, uyo akaudza vanamati vechokwadi kuti: “Musabata chinhu chisina kuchena.”—Isaya 52:11.

SHANDISA UNGWARU PANE ZVAUNOITA NEVAMWE

13. Matambudziko api angamuka pausingabatanidzwi mumazororo?

13 Matambudziko angamuka paunosarudza kusabatanidzwa mumazororo. Somuenzaniso, vaunoshanda navo vanganetseka kuti nei usingaiti zvimwe zvinoitwa pabasa zvine chokuita nemazororo. Zvakadini kana ukapiwa chipo cheKrisimasi? Zvaizova zvakaipa here kuchitambira? Zvakadini kana wawakaroorana naye asingatendi zvaunotenda? Ungava sei nechokwadi chokuti vana vako havanzwi sokuti vari kunyimwa chimwe chinhu nokuti havapembereri mazororo?

14, 15. Ungaita sei kana ukanzi muve nezororo rakanaka kana kuti kana mumwe munhu achida kukupa chipo?

14 Ungwaru hunodiwa kuti unzwisise zvokuita mumamiriro ezvinhu mamwe nemamwe. Kana ukangonzi muve nezororo rakanaka, unogona kungotenda munhu wacho. Asi ngatitii uri kukurukura nomunhu waunogara uchiona kana kuti waunoshanda naye. Kana zvakadaro, ungasarudza kutaura zvakawanda. Muzviitiko zvose, ngwarira. Bhaibheri rinopa zano rokuti: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita.” (VaKorose 4:6) Ngwarira kuti urege kuratidza kuti hauremekedzi vamwe. Asi, nounyanzvi tsanangura maonero ako. Nyatsotsanangura kuti haushori kupa zvipo uye kuungana asi unosarudza kubatanidzwa muzviitiko izvi panguva yakasiyana.

15 Zvakadini kana mumwe munhu achida kukupa chipo? Zvakawanda zvine chokuita nemamiriro acho ezvinhu. Munhu wacho anenge achikupa angati: “Ndinoziva kuti haupembereri zororo racho. Asi ndiri kuda kukupa izvi.” Ungasarudza kuti kutambira chipo chacho mumamiriro ezvinhu iwayo hakuna kufanana nokubatanidzwa muzororo racho. Chokwadi, kana munhu wacho ari kukupa asingazivi zvaunotenda, ungataura kuti hauchengeti zororo racho. Izvi zvaizobatsira kutsanangura nei uchigamuchira chipo asi usingapiwo chipo panguva yakadaro. Ukuwo, kwaizova kuchenjera kusatambira chipo kana chikapiwa nevavariro iri pachena yokuratidza kuti hauomereri pane zvaunotenda kana kuti waizobvuma kuti uwane zvinhu zvokunyama.

ZVAKADINI NENHENGO DZEMHURI?

16. Ungashandisa sei unyanzvi pakukurukura nyaya dzine chokuita nemazororo?

16 Zvakadini kana nhengo dzemhuri dzisingatendi zvaunotenda? Zvakare, zviite nokungwarira. Hapana chikonzero chokupikisa tsika yoga yoga kana kuti mhemberero iyo hama dzako dzinosarudza kuchengeta. Asi, remekedza maonero adzo, iwe sezvaunoda kuti dziremekedze maonero ako. (Mateu 7:12) Dzivisa maitiro chero api zvawo angaita kuti ubatanidzwe muzororo racho. Asi, ratidza kunzwisisa pazvinhu zvisinei nokupemberera kwacho chaiko. Chokwadi, nguva dzose unofanira kuita zvinhu zvinokusiya uine hana yakanaka.—1 Timoti 1:18, 19.

17. Ungabatsira sei vana vako kuti varege kunzwa sokuti vari kunyimwa chimwe chinhu nokuti vanoona kuti vamwe vari kupemberera mazororo?

17 Ungaitei kuti vana vako varege kunzwa sokuti vari kunyimwa chimwe chinhu nokuti havapembereri mazororo asiri omumagwaro? Zvakawanda zvine chokuita nezvaunoita pane dzimwe nguva dzegore. Vamwe vabereki vanoronga nguva dzokupa vana vavo zvipo. Chimwe chezvipo zvakanakisisa chaungapa vana vako inguva yako uye kutarisira kworudo.

NAMATA NENZIRA YECHOKWADI

Kunamata nenzira yechokwadi kunounza mufaro chaiwo

18. Kupinda misangano yechiKristu kungakubatsira sei kutsigira kunamata kwechokwadi?

18 Kuti ufadze Mwari, unofanira kuramba kunamata kwenhema, wotsigira kunamata kwechokwadi. Izvi zvinosanganisirei? Bhaibheri rinoti: “Ngatirangarirane kuti tikurudzirane kuva norudo nemabasa akanaka kwazvo, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, kunyanya zvamunoona zuva richiswedera pedyo.” (VaHebheru 10:24, 25) Misangano yechiKristu inguva dzinofadza dzokuti unamate Mwari nenzira yaanofarira. (Pisarema 22:22; 122:1) Pamisangano yakadaro, vaKristu vakatendeka ‘vanokurudzirana.’—VaRoma 1:12.

19. Nei zvichikosha kuti uudze vamwe zvinhu zvawakadzidza muBhaibheri?

19 Imwe nzira yaungatsigira nayo kunamata kwechokwadi ndeyokuudza vamwe zvinhu zvawakadzidza muBhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Zvechokwadi, vanhu vakawanda vari “kuchema nokugomera” nokuda kwezvakaipa zviri kuitika munyika mazuva ano. (Ezekieri 9:4) Zvimwe unoziva vanhu vari kudaro. Wadii kutaura navo nezvetariro yako inobva muBhaibheri yenguva yemberi? Sezvaunoshamwaridzana nevaKristu vechokwadi uye sezvaunoudza vamwe chokwadi cheBhaibheri chinoshamisa chawakadzidza, uchaona kuti kuda tsika dzokunamata kwenhema chero kupi zvako kungave kwakasara mumwoyo mako kuchanyangarika zvishoma nezvishoma. Iva nechokwadi chokuti uchafara zvikuru uye uchawana zvikomborero zvakawanda kana ukatsigira kunamata kwechokwadi.—Maraki 3:10.

^ ndima 9 Mutambo unonzi Saturnalia wakabatsirawo pakusarudzwa kwaDecember 25. Mutambo uyu waikudza mwari wokurima weRoma waiitwa pana December 17-24. Kuita mabiko, kufara, uye kupa zvipo zvaiitwa pamutambo weSaturnalia.

^ ndima 10 Kuti uwane kukurukurwa kwokuti vaKristu vechokwadi vanoona sei mazororo akakurumbira, ona Mashoko Okuwedzera, mapeji 222-3.