Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 18

Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari

Kubhabhatidzwa uye Ukama Hwako naMwari
  • Munhu anofanira kubhabhatidzwa sei kuti ave muKristu?

  • Kuti ukwanise kubhabhatidzwa, matanho api aunofanira kutora?

  • Munhu anozvitsaurira sei kuna Mwari?

  • Ndechipi chikonzero chaicho nei munhu achifanira kubhabhatidzwa?

1. Nei mukuru mukuru wedare wokuItiopiya akakumbira kubhabhatidzwa?

“TARIRA! Mvura zhinji; chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?” Mubvunzo iwoyo wakabvunzwa nomukuru mukuru wedare wokuItiopiya muzana remakore rokutanga. MuKristu ainzi Firipi akanga amuratidza kuti Jesu ndiye aiva Mesiya akapikirwa. Abayiwa mwoyo nezvaakanga adzidza muMagwaro, murume wacho wokuItiopiya akaita maererano nezvaakanga adzidza. Akaratidza kuti aida kubhabhatidzwa!—Mabasa 8:26-36.

2. Nei uchifanira kufunga zvakadzama nezvorubhabhatidzo?

2 Kana wakanyatsodzidza zvitsauko zvokutanga zvebhuku rino nomumwe weZvapupu zvaJehovha, unganzwa wagadzirira kubvunza kuti, ‘Chii chinonditadzisa kubhabhatidzwa?’ Kusvika iye zvino wadzidza nezvechipikirwa cheBhaibheri choupenyu husingaperi muParadhiso. (Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3, 4) Wadzidzawo nezvemamiriro ezvinhu echokwadi evakafa uye tariro yorumuko. (Muparidzi 9:5; Johani 5:28, 29) Zvichida wave uchishamwaridzana neZvapupu zvaJehovha pamisangano yazvo yeungano uye wazvionera kuti vanonamata sei zvechokwadi. (Johani 13:35) Zvinotonyanya kukosha ndezvokuti zvichida wakatotanga kuva noukama hwomunhu oga naJehovha Mwari.

3. (a) Jesu akarayirei vadzidzi vake? (b) Rubhabhatidzo rwomumvura runoitwa sei?

3 Ungaratidza sei kuti unoda kushumira Mwari? Jesu akaudza vateveri vake kuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.” (Mateu 28:19) Jesu pachake akaratidza muenzaniso nokubhabhatidzwa mumvura. Haana kusaswa mvura, uye haana kungodirwa mvura mumusoro. (Mateu 3:16) Shoko rokuti “bhabhatidza” rinobva mushoko rechiGiriki rinoreva “kunyudza.” Saka rubhabhatidzo rwechiKristu runoreva kunyatsonyudzwa mumvura.

4. Rubhabhatidzo rwomumvura runoratidzei?

4 Vose vanoda kuva noukama naJehovha Mwari vanofanira kubhabhatidzwa mumvura. Rubhabhatidzo runoratidza pachena chido chako chokushumira Mwari. Runoratidza kuti unofara kuita zvinoda Jehovha. (Pisarema 40:7, 8) Zvisinei, kuti ukwanise kubhabhatidzwa, pane matanho chaiwo aunofanira kutora.

ZIVO UYE KUTENDA ZVINODIWA

5. (a) Nderipi danho rokutanga rokuti ukwanise kubhabhatidzwa? (b) Nei misangano yechiKristu ichikosha?

5 Wakatotanga kutora danho rokutanga. Sei? Nokuwana zivo pamusoro paJehovha Mwari naJesu Kristu, zvichida nokudzidza Bhaibheri zvakarongeka. (Johani 17:3) Asi pachine zvakawanda zvokuti udzidze. VaKristu vanoda kuti ‘vazadzwe nezivo yakarurama pamusoro pokuda kwaMwari.’ (VaKorose 1:9) Kupinda misangano yeungano yeZvapupu zvaJehovha kunokubatsira zvikuru pakuita izvi. Zvinokosha kuti upinde misangano yakadaro. (VaHebheru 10:24, 25) Kupinda misangano nguva dzose kuchakubatsira kuwedzera zivo yako pamusoro paMwari.

Kuwana zivo yakarurama yeShoko raMwari idanho rinokosha rokuti uzokwanisa kubhabhatidzwa

6. Unofanira kuva nezivo yeBhaibheri yakawanda zvakadini kuti ukwanise kubhabhatidzwa?

6 Chokwadi, haufaniri hako kuziva zvose zviri muBhaibheri kuti ukwanise kubhabhatidzwa. Mukuru mukuru wedare wokuItiopiya akanga aine zivo yakati, asi aida kubatsirwa kuti anzwisise zvimwe zvikamu zveMagwaro. (Mabasa 8:30, 31) Saizvozvowo, uchine zvakawanda zvokuti udzidze. Kutaura chokwadi, hauzombomiri kudzidza nezvaMwari. (Muparidzi 3:11) Zvisinei, usati wabhabhatidzwa, unofanira kuziva uye kubvuma dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. (VaHebheru 5:12) Dzidziso dzakadaro dzinosanganisira chokwadi chine chokuita nemamiriro ezvinhu evakafa uye kukosha kwezita raMwari uye Umambo hwake.

7. Kudzidza Bhaibheri kunofanira kuita kuti uite sei?

7 Zvisinei, zivo chete haina kukwana, nokuti “pasina kutenda hazvibviri kunyatsomufadza” Mwari. (VaHebheru 11:6) Bhaibheri rinotiudza kuti vamwe vanhu muguta rekare reKorinde pavakanzwa zvaiparidzwa nevaKristu, “vakatanga kutenda, vakabhabhatidzwa.” (Mabasa 18:8) Saizvozvowo, kudzidza Bhaibheri kunofanira kukuzadza nokutenda kuri muShoko raMwari rakafuridzirwa. Kudzidza Bhaibheri kunofanira kukubatsira kutenda zvipikirwa zvaMwari uye simba rinoponesa rechibayiro chaJesu.—Joshua 23:14; Mabasa 4:12; 2 Timoti 3:16, 17.

KUUDZA VAMWE CHOKWADI CHEBHAIBHERI

8. Chii chichaita kuti uudze vamwe zvawakadzidza?

8 Kutenda zvakunokura mumwoyo mako, uchaona zvakaoma kusaudza vamwe zvawakadzidza. (Jeremiya 20:9) Uchanzwa uchida zvakasimba kuudza vamwe nezvaMwari uye zvinangwa zvake.—2 VaKorinde 4:13.

Kutenda kunofanira kuita kuti uudze vamwe zvaunotenda

9, 10. (a) Ungatanga kuudza ani chokwadi cheBhaibheri? (b) Unofanira kuitei kana uchida kuita basa rakarongeka rokuparidza reZvapupu zvaJehovha?

9 Ungatanga kuudza vamwe chokwadi cheBhaibheri nokutaura nezvacho nokungwarira kuhama dzako, shamwari, vavakidzani, uye vaunoshanda navo. Pashure penguva yakati, uchanzwa uchida kuita basa rokuparidza rakarongeka reZvapupu zvaJehovha. Panguva iyoyo, inzwa wakasununguka kutaura nezvazvo neChapupu chiri kukudzidzisa Bhaibheri. Kana zvikaonekwa kuti unokwanisa kuita ushumiri hwepachena, urongwa huchaitwa hwokuti iwe nomudzidzisi wako muonane nevakuru vaviri veungano.

10 Izvi zvichaita kuti ukwanise kuzivana nevamwe vakuru vechiKristu zviri nani, avo vanofudza boka raMwari. (Mabasa 20:28; 1 Petro 5:2, 3) Kana vakuru ava vakaona kuti unonzwisisa uye unodavira dzidziso dzeBhaibheri dzinokosha, vakaona kuti uri kurarama maererano nechokwadi chaMwari chinokosha, uye kuti zvechokwadi unoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, vachakuudza kuti unokwanisa kuita ushumiri hwepachena somuparidzi wemashoko akanaka asati abhabhatidzwa.

11. Vamwe vangafanira kuchinja zvinhu zvipi vasati vakwanisa kuita ushumiri hwepachena?

11 Ivo vangaonawo kuti ungada kuchinja zvimwe zvinhu mumararamiro ako uye tsika kuti ukwanise kuita ushumiri hwepachena. Izvi zvingasanganisira kurega zvimwe zvinhu zvawave uchiita pachivande. Saka, usati wabvunza nezvokuva muparidzi asati abhabhatidzwa, unofanira kunge usina chivi chakakomba, chakadai sokuita unzenza, udhakwa, uye kushandisa zvisina kukodzera zvinhu zvinodhaka.—1 VaKorinde 6:9, 10; VaGaratiya 5:19-21.

KUPFIDZA UYE KUTENDEUKA

12. Nei kupfidza kuchifanira kuitwa?

12 Unofanira kutora mamwe matanho usati wakwanisa kubhabhatidzwa. Muapostora Petro akati: “Pfidzai, mutendeuke kuti zvivi zvenyu zvidzimwe.” (Mabasa 3:19) Kupfidza kunoreva kuzvidemba nomwoyo wose nokuda kwechimwe chinhu chawakaita. Zviri pachena kuti kupfidza kunofanirawo kuitwa kana munhu airarama upenyu hwounzenza, asi zvakakodzerawo kunyange kana munhu airarama upenyu hwaiva netsika dzakati nakei. Nei? Nokuti vanhu vose vatadzi uye vanoda kukanganwirwa naMwari. (VaRoma 3:23; 5:12) Usati wadzidza Bhaibheri, waisaziva zvaidiwa naMwari. Saka waizorarama sei zvizere maererano nezvaanoda? Naizvozvo, kupfidza kunofanira kuitwa.

13. Kutendeuka kuita sei?

13 Kupfidza kunofanira kuteverwa nokutendeuka. Haufaniri kungozvidemba chete. Unofanira kuramba mararamiro ako ekare, wotsunga kwazvo kuti uchaita zvakarurama kubvira zvino zvichienda mberi. Kupfidza uye kutendeuka matanho aunofanira kutora usati wabhabhatidzwa.

KUZVITSAURIRA

14. Nderipi danho rinokosha raunofanira kutora usati wabhabhatidzwa?

14 Pane rimwe danho rinokosha raunofanira kutora usati wabhabhatidzwa. Unofanira kuzvitsaurira kuna Jehovha Mwari.

Wakazvitsaurira kuna Mwari uchinyengetera here?

15, 16. Kuzvitsaurira kuna Mwari kunorevei, uye chii chinoita kuti munhu aite izvi?

15 Paunozvitsaurira kuna Jehovha Mwari uchinyengetera nomwoyo wose, unovimbisa kuzvipira zvachose kwaari nokusingaperi. (Dheuteronomio 6:15) Zvisinei, nei munhu aizoda kuita izvozvo? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngatitii murume atanga kupfimba mukadzi. Paanoziva zvakawanda nezvomukadzi wacho uye paanoona kuti ane unhu hwakanaka, zvinoitawo kuti anzwe achida kuva pedyo naye zvakanyanya. Nokufamba kwenguva, zvinotarisirwa kuti anozomuudza kuti ava kuda kumuroora. Chokwadi, kuroorana kuchareva kuva nemamwe mabasa okuwedzera. Asi rudo ruchaita kuti murume wacho atore danho iroro rinokosha.

16 Paunosvika pakuziva uye kuda Jehovha, unonzwa uchida kumushumira usingambozezi kana kuti kuisa miganho pakumunamata. Munhu wose anoda kutevera Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, anofanira ‘kuzviramba.’ (Mako 8:34) Tinozviramba nokuva nechokwadi chokuti zvatinoda isu pachedu uye zvatinovavarira hazvititadzisi kuteerera Mwari zvizere. Saka, usati wabhabhatidzwa, kuita zvinoda Jehovha Mwari kunofanira kuva chinangwa chako chikuru muupenyu.—1 Petro 4:2.

KUKUNDA KUTYA KUZOKUNDIKANA

17. Nei vamwe vangazengurira kuzvitsaurira kuna Mwari?

17 Vamwe vanozengurira kuzvitsaurira kuna Jehovha nokuti vanoti ityei kutora danho rakakomba kudaro. Vangatya kuzozvidavirira kuna Mwari somuKristu akazvitsaurira. Vachityira kuti vangazokundikana uye vangazoodza mwoyo Jehovha, vanofunga kuti zvakanakisisa kusazvitsaurira kwaari.

18. Chii chingaita kuti uzvitsaurire kuna Jehovha?

18 Sezvaunodzidza kuda Jehovha, uchanzwa uchida kuzvitsaurira kwaari uye kuita zvose zvaunokwanisa kuti urarame maererano nako. (Muparidzi 5:4) Pashure pokuzvitsaurira, chokwadi uchada ‘kufamba zvakakodzera Jehovha, kuti umufadze kwazvo.’ (VaKorose 1:10) Pamusana pokuda kwako Mwari, hauzofungi kuti kuita zvaanoda kwakanyanya kuoma. Hapana mubvunzo kuti uchabvumirana nomuapostora Johani, uyo akanyora kuti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 Johani 5:3.

19. Nei usingafaniri kutya kuzvitsaurira kuna Mwari?

19 Haufaniri hako kuva munhu akakwana kuti uzvitsaurire kuna Mwari. Jehovha anoziva zvausingakwanisi kuita uye haambotarisiri kuti uite zvakawanda kupfuura zvaunokwanisa. (Pisarema 103:14) Anoda kuti ubudirire uye achakutsigira nokukubatsira. (Isaya 41:10) Unogona kuva nechokwadi chokuti kana ukavimba naJehovha nomwoyo wako wose, iye “acharuramisa makwara ako.”—Zvirevo 3:5, 6.

KURATIDZA KUZVITSAURIRA KWAKO NOKUBHABHATIDZWA

20. Nei kuzvitsaurira kuna Jehovha kusingagoni kuramba kuri nyaya isingazivikanwi nevamwe?

20 Kufunga nezvezvinhu zvatichangobva kukurukura kungakubatsira kuzvitsaurira kuna Jehovha uchinyengetera. Munhu wose anoda Mwari zvechokwadi anofanirawo ‘kuzivisa pachena kuti awane ruponeso.’ (VaRoma 10:10) Unoita sei izvozvo?

Kubhabhatidzwa kunoreva kuti hatichararamizve sezvataiita kare uye tava kuraramira kuita zvinoda Mwari

21, 22. Unga“zivisa pachena” sei kutenda kwako?

21 Udza murongi mudare revakuru weungano yenyu kuti unoda kubhabhatidzwa. Iye acharonga kuti vamwe vakuru vadzokorore newe mibvunzo inoverengeka inotaura nezvedzidziso dzeBhaibheri dzinokosha. Kana vakuru ava vakabvumirana kuti unokwanisa, vachakuudza kuti unogona kubhabhatidzwa pamukana unotevera. * Hurukuro inodzokorora zvinorehwa norubhabhatidzo inowanzopiwa pazviitiko zvakadaro. Mukurukuri wacho anobva akumbira vose vanenge vachida kubhabhatidzwa kuti vapindure mibvunzo miviri iri nyore seimwe nzira yoku“zivisa pachena” kutenda kwavo.

22 Rubhabhatidzo pacharwo ndirwo runokuzivisa pachena somunhu akazvitsaurira kuna Mwari uye ava mumwe weZvapupu zvaJehovha. Vanenge vachida kubhabhatidzwa vanonyatsonyudzwa mumvura kuti varatidze pachena kuti vakazvitsaurira kuna Jehovha.

ZVINOREHWA NOKUBHABHATIDZWA KWAKO

23. Kubhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene” kunorevei?

23 Jesu akataura kuti vadzidzi vake vaizobhabhatidzwa “muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene.” (Mateu 28:19) Izvi zvinoreva kuti munhu anenge achibhabhatidzwa anobvuma chiremera chaJehovha Mwari uye chaJesu Kristu. (Pisarema 83:18; Mateu 28:18) Anobvumawo kushanda uye basa romudzimu mutsvene waMwari, kana kuti simba rinoita basa.—VaGaratiya 5:22, 23; 2 Petro 1:21.

24, 25. (a) Kubhabhatidzwa kunoratidzei? (b) Mubvunzo upi unofanira kupindurwa?

24 Zvisinei, kubhabhatidzwa hakusi kungozvinyudza mumvura. Kune zvakunomirira zvinokosha kwazvo. Kunyura pasi pemvura kunoratidza kuti hauchararamizve sezvawaiita kare. Kubudiswa mumvura kunoratidza kuti iye zvino wava kuraramira kuita zvinoda Mwari. Yeukawo kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari pachake, kwete kubasa, chinangwa, vamwe vanhu, kana kuti sangano. Kuzvitsaurira kwako uye kubhabhatidzwa ndiko kutanga kwoushamwari chaihwo naMwari—ukama hwepedyo pedyo naye.—Pisarema 25:14.

25 Kubhabhatidzwa hakurevi kuti uchaponeswa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchishandira kuponeswa kwenyu nokutya nokudedera.” (VaFiripi 2:12) Kubhabhatidzwa kunongova zvako mavambo. Mubvunzo ndewokuti, Ungaramba sei uri murudo rwaMwari? Chitsauko chedu chokupedzisira chichapindura.

^ ndima 21 Kubhabhatidzwa kunogara kuchiitwa pamagungano egore negore uye kokorodzano dzinoitwa neZvapupu zvaJehovha.