Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Kudya kwaShe Kwemanheru—Chiitiko Chinokudza Mwari

Kudya kwaShe Kwemanheru—Chiitiko Chinokudza Mwari

VAKRISTU vanorayirwa kuchengeta Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Chiitiko ichi chinonziwo “kudya kwaShe kwemanheru.” (1 VaKorinde 11:20) Chii chinomboita kuti chiitiko ichocho chive chinokosha zvikuru? Chinofanira kuchengetwa rini uye sei?

Jesu Kristu akatanga chiitiko ichi usiku hwePaseka yechiJudha muna 33 C.E. Paseka yaiva mutambo waiitwa kamwe chete pagore, pazuva rechi14 romwedzi wechiJudha waNisani. Kuti vawane musi iwoyo, zviri pachena kuti vaJudha vaimirira zuva muchirimo rinenge riine maawa anenge 12 echiedza uye 12 erima. Kugara kwomwedzi kunooneka kwokutanga kunenge kuri pedyo nezuva iri kwairatidza kutanga kwaNisani. Paseka yaisvika mazuva 14 gare gare, pashure pokunyura kwezuva.

Jesu akachengeta Paseka pamwe chete nevaapostora vake, akadzinga Judhasi Iskariyoti, akabva atanga Kudya kwaShe Kwemanheru. Kudya uku kwakatsiva Paseka yechiJudha, saka kunofanira kuitwa kamwe chete pagore.

Evhangeri yaMateu inoshuma kuti: “Jesu akatora chingwa uye, akumbira chikomborero, akachimedura uye, achichipa vadzidzi, akati: ‘Torai, mudye. Ichi chinomirira muviri wangu.’ Uyewo, akatora kapu uye aonga, akaipa kwavari, achiti: ‘Inwai, imi mose; nokuti iyi inomirira “ropa rangu resungano,” richadururirwa vazhinji nokuda kwokukanganwirwa zvivi.’”—Mateu 26:26-28.

Vamwe vanodavira kuti Jesu akachinja chingwa chacho kuva nyama yake chaiyo uye waini yacho kuva ropa rake. Zvisinei, muviri wenyama waJesu wakanga uchakakwana paakavapa chingwa ichi. Vaapostora vaJesu zvechokwadi vakanga vachidya nyama yake chaiyo uye vachinwa ropa rake here? Kwete, nokuti izvozvo zvingadai zvakava kudya nyama yomunhu uye kutyorwa kwomutemo waMwari. (Genesisi 9:3, 4; Revhitiko 17:10) Maererano naRuka 22:20, Jesu akati: “Kapu iyi inomirira sungano itsva muropa rangu, ramuchadururirwa.” Kapu iyoyo yakava chaizvoizvo “sungano itsva” here? Izvozvo zvaisaita, sezvo sungano chiri chibvumirano, kwete chinhu chinobatika.

Saka, zvose zviri zviviri, chingwa newaini zvinhu zvokungofananidzira chete. Chingwa chinofananidzira muviri waKristu wakakwana. Jesu akashandisa chingwa chakasara pakudya Paseka. Chingwa chacho chaigadzirwa chisina mbiriso. (Eksodho 12:8) Bhaibheri rinoshandisa mbiriso sechiratidzo chechivi kana kuti uori. Saka chingwa chinomirira muviri wakakwana wakabayirwa naJesu. Iwo wakanga usina chivi.—Mateu 16:11, 12; 1 VaKorinde 5:6, 7; 1 Petro 2:22; 1 Johani 2:1, 2.

Waini tsvuku inomirira ropa raJesu. Ropa iroro rinoita kuti sungano itsva ishande. Jesu akati ropa rake rakadururwa “nokuda kwokukanganwirwa zvivi.” Saka vanhu vanogona kuva vakachena kuna Mwari uye vanogona kupinda musungano itsva naJehovha. (VaHebheru 9:14; 10:16, 17) Sungano iyi, kana kuti chibvumirano, inoita kuti vaKristu vakatendeka 144 000 vakwanise kuenda kudenga. Ikoko vachanoshumira vari madzimambo nevapristi kuti vamwe vanhu vose vakomborerwe.—Genesisi 22:18; Jeremiya 31:31-33; 1 Petro 2:9; Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1-3.

Ndivanaani vanofanira kudya izvi zviratidzo zveChirangaridzo? Zvinonzwisisika kuti vaya chete vari musungano itsva—kureva vaya vane tariro yokuenda kudenga—ndivo vanofanira kudya chingwa uye kunwa waini. Mudzimu mutsvene waMwari unoita kuti vakadaro vave nechokwadi chokuti vakasarudzwa kuti vave madzimambo okudenga. (VaRoma 8:16) Ivowo vari musungano yoUmambo naJesu.—Ruka 22:29.

Zvakadini nevaya vane tariro yokurarama nokusingaperi muParadhiso pasi pano? Vanoteerera murayiro waJesu uye vanopinda Kudya kwaShe Kwemanheru, asi vanenge vachingova vacherechedzi vanoremekedza, kwete vaya vanodya. Kamwe chete pagore pashure pokunyura kwezuva pana Nisani 14, Zvapupu zvaJehovha zvinochengeta Kudya kwaShe Kwemanheru. Kunyange zvazvo zviuru zvishomanana chete munyika yose zvichiti zvine tariro yokumatenga, chiitiko ichi chinokosha kuvaKristu vose. Inguva apo vanhu vose vanogona kufungisisa rudo rwakanaka kwazvo rwaJehovha Mwari naJesu Kristu.—Johani 3:16.