Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

“Mweya” uye “Mudzimu”—Mashoko Aya Anomborevei Chaizvo?

“Mweya” uye “Mudzimu”—Mashoko Aya Anomborevei Chaizvo?

PAUNONZWA shoko rokuti “mweya” uye rokuti “mudzimu,” chii chinouya mupfungwa dzako? Vakawanda vanodavira kuti mashoko aya anoreva chimwe chinhu chisingaoneki uye chisingafi chiri matiri. Vanofunga kuti parufu ichi chikamu chomunhu chisingaoneki chinobuda mumuviri chopfuurira kurarama. Chitendero ichi zvachakapararira kwazvo, vakawanda vanoshamisika kudzidza kuti izvozvo handizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Saka, mweya chii, uye mudzimu chii maererano neShoko raMwari?

“MWEYA” SOKUSHANDISWA KUNOITWA SHOKO RACHO MUBHAIBHERI

Kutanga, funga nezvomweya. Ungayeuka kuti pakutanga Bhaibheri rakanyorwa kunyanya muchiHebheru nechiGiriki. Pavainyora nezvomweya, vanyori veBhaibheri vaishandisa shoko rechiHebheru rokuti neʹphesh kana kuti shoko rechiGiriki rokuti psy·kheʹ. Mashoko aya anooneka muMagwaro kanopfuura ka800, uye Shanduro yeNyika Itsva inoashandura zvakafanana kuti “mweya.” Paunoongorora mashandisirwo anoitwa shoko rokuti “mweya” muBhaibheri, zvinova pachena kuti shoko iri rinonyanya kureva (1) vanhu, (2) mhuka, kana kuti (3) upenyu uhwo munhu kana kuti mhuka inahwo. Ngatikurukurei mamwe magwaro anopa pfungwa idzi nhatu dzakasiyana.

Vanhu. “Mumazuva aNoa . . . vanhu vashoma, iyo mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.” (1 Petro 3:20) Pano, zviri pachena kuti shoko rokuti “mweya” rinoreva vanhu—Noa, mudzimai wake, vanakomana vake vatatu, uye madzimai avo. Eksodho 16:16 inotaura nezvemirayiridzo yakapiwa vaIsraeri nezvokuunganidza mana. Vakaudzwa kuti: “Zvinhongei, . . . maererano nokuwanda kwemweya iyo mumwe nomumwe wenyu anayo mutende rake.” Saka chitsama chemana yaiunganidzwa chaienderana nokuwanda kwevanhu vaiva mumhuri yoga yoga. Mimwe mienzaniso yomuBhaibheri yokushandiswa kunoitwa shoko rokuti “mweya” kumunhu kana kuti vanhu inowanika pana Genesisi 46:18; Joshua 11:11; Mabasa 27:37; uye VaRoma 13:1.

Mhuka. Munhoroondo yeBhaibheri yokusika, tinoverenga kuti: “Mwari akabva ati: ‘Mvura ngaizare nemweya mipenyu mizhinji uye zvisikwa zvinobhururuka ngazvibhururuke pamusoro penyika pakatarisana nenzvimbo huru yematenga.’ Mwari akabva ati: ‘Nyika ngaibudise mweya mipenyu maererano nemarudzi ayo, zvipfuwo nezvinokambaira nemhuka dzomusango dzenyika maererano nemarudzi azvo.’ Uye zvakaita saizvozvo.” (Genesisi 1:20, 24) Mundima idzi, hove, zvipfuwo, uye mhuka dzomusango zvose zvinoshandisirwa shoko rakafanana—“mweya.” Shiri nedzimwe mhuka dzinonzi mweya pana Genesisi 9:10; Revhitiko 11:46; uye Numeri 31:28.

Upenyu hwomunhu. Dzimwe nguva shoko rokuti “mweya” rinoreva upenyu hwomunhu. Jehovha akaudza Mosesi kuti: “Varume vose vakanga vachivhima mweya wako vakafa.” (Eksodho 4:19) Vavengi vaMosesi vakanga vachivhimei? Vakanga vachitsvaka kugumisa upenyu hwaMosesi. Nguva yakanga yapfuura, Rakeri paakanga achisununguka mwanakomana wake Bhenjamini, ‘mweya wake wakanga uchibuda (nokuti akafa).” (Genesisi 35:16-19) Panguva iyoyo, Rakeri akarasikirwa noupenyu hwake. Fungawo nezvemashoko aJesu okuti: “Ndini mufudzi akanaka kwazvo; mufudzi akanaka kwazvo anopa mweya wake nokuda kwemakwai.” (Johani 10:11) Jesu akapa mweya wake, kana kuti upenyu, nokuda kwevanhu. Mundima idzi dzeBhaibheri, shoko rokuti “mweya” rinotaura zviri pachena nezvoupenyu hwomunhu. Uchawana mimwe mienzaniso yepfungwa iyi yeshoko rokuti “mweya” pana 1 Madzimambo 17:17-23; Mateu 10:39; Johani 15:13; uye Mabasa 20:10.

Kudzidzazve Shoko raMwari kuchakuratidza kuti hapana muBhaibheri rose panobatanidzwa mashoko okuti “kusafa” kana kuti “kusaguma” neshoko rokuti “mweya.” Asi, Magwaro anotaura kuti mweya unofa. (Ezekieri 18:4, 20) Saka, Bhaibheri rinodana munhu anenge afa kuti “mweya . . . wakafa.”—Revhitiko 21:11.

KUZIVA CHINONZI “MUDZIMU”

Iye zvino ngatikurukurei kushandiswa kunoitwa shoko rokuti “mudzimu” muBhaibheri. Vamwe vanhu vanofunga kuti “mudzimu” rinongova rimwe shoko rokuti “mweya.” Zvisinei, izvozvo handizvo. Bhaibheri rinojekesa kuti shoko rokuti “mudzimu” nerokuti “mweya” anoreva zvinhu zviviri zvakasiyana. Anosiyana sei?

Vanyori veBhaibheri vakashandisa shoko rechiHebheru rokuti ruʹach kana kuti rechiGiriki rokuti pneuʹma pavainyora nezvo“mudzimu.” Magwaro pachawo anoratidza zvinoreva mashoko iwayo. Somuenzaniso, Pisarema 104:29 rinoti: “Kana [Jehovha] mukabvisa simba razvo roupenyu [mudzimu kana kuti ruʹach], izvo zvinofa, uye zvinodzokera kuguruva razvo.” Uye Jakobho 2:26 inoratidza kuti ‘muviri usina simba roupenyu [mudzimu kana kuti pneuʹma] wakafa.’ Saka, mundima idzi “mudzimu” unoreva chinoita kuti muviri uve mupenyu. Pasina mudzimu, muviri wakafa. Saka, muBhaibheri shoko rokuti ruʹach haringoshandurwi kuti “mudzimu” chete asiwo “simba,” kana kuti simba roupenyu. Somuenzaniso, nezveMafashamo omunguva yaNoa, Mwari akati: “Ndiri kuunza mafashamo emvura panyika kuti ndiparadze nyama yose ine simba [ruʹach] roupenyu rinoshanda mairi iri pasi pedenga.” (Genesisi 6:17; 7:15, 22) Saka, shoko rokuti “mudzimu” rinoreva simba risingaoneki (chinhu chinopa upenyu) chinoita kuti zvisikwa zvose zvipenyu zvirarame.

Mweya nomudzimu hazvina kufanana. Muviri unoda mudzimu kufanana neredhiyo inoda magetsi—kuti ushande. Kuenzanisirazve izvi, funga nezvekaredhiyo kanotakurika. Paunoisa mabhatiri mukaredhiyo kanotakurika, wokabatidza, magetsi ari mumabhatiri acho anoita kuti karedhiyo kaite sokuti kava noupenyu. Zvisinei, pasina mabhatiri, karedhiyo kacho kakafa. Ndizvo zvakaitawo imwe redhiyo painobviswa pamagetsi. Saizvozvowo, mudzimu isimba rinoita kuti miviri yedu ive mipenyu. Uyewo, kufanana nemagetsi, mudzimu haunzwi uye haugoni kufunga. Isimbawo zvaro risiri munhu. Asi pasina mudzimu iwoyo, kana kuti simba roupenyu, miviri yedu ‘inofa, uye inodzokera kuguruva rayo,’ sezvakataurwa nomunyori wepisarema.

Ichitaura nezvokufa kwomunhu, Muparidzi 12:7 inoti: “Guruva [romuviri wake] rinodzokera kuivhu sezvarakanga rakaita uye simba roupenyu [kana kuti mudzimu] rinodzokera kuna Mwari wechokwadi akaripa.” Mudzimu, kana kuti simba roupenyu, paunobuda mumuviri, muviri unofa uye unodzokera kwawakabva—kuvhu. Saizvozvowo, simba roupenyu rinodzokera kwarakabva—kuna Mwari. (Jobho 34:14, 15; Pisarema 36:9) Izvi hazvirevi kuti simba roupenyu rinonyatsofamba richienda kudenga. Asi zvinoreva kuti kumunhu anofa, tariro chero ipi zvayo youpenyu hwomunguva yemberi iri kuna Jehovha Mwari. Zvakaita sokuti upenyu hwake huri mumaoko aMwari. Mudzimu, kana kuti simba roupenyu, unogona kudzorerwa kuti munhu araramezve pachishandiswa simba raMwari chete.

Zvinonyaradza kwazvo kuziva kuti izvi ndizvo chaizvo zvichaitwa naMwari kune vose vaya vakazorora “mumakuva”! (Johani 5:28, 29) Panguva yokumuka, Jehovha achagadzirira munhu akarara murufu muviri mutsva oita kuti uve mupenyu nokuisa mudzimu, kana kuti simba roupenyu mauri. Chokwadi iroro richava zuva rinofadza zvikuru!

Kana uchida kudzidza zvakawanda nezveshoko rokuti “mweya” uye rokuti “mudzimu” sokushandiswa kwaanoitwa muBhaibheri, uchawana mashoko anokosha mubhurocha rinonzi Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa? uye pamapeji 245-249, 265-269, ebhuku rinonzi Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro, ose akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.