Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Kuziva “Bhabhironi Guru”

Kuziva “Bhabhironi Guru”

BHUKU raZvakazarurwa rine mashoko asingafaniri kunzwisiswa sezvaari chaizvo. (Zvakazarurwa 1:1) Somuenzaniso, rinotaura nezvomukadzi akanyorwa zita rokuti “Bhabhironi Guru” pahuma yake. Mukadzi uyu anonzi akagara pamapoka evanhu nemarudzi.” (Zvakazarurwa 17:1, 5, 15) Sezvo pasina mukadzi chaiye angaita izvi, Bhabhironi Guru rinofanira kuva rokufananidzira. Saka, hure iri rokufananidzira rinomirirei?

Pana Zvakazarurwa 17:18, mukadzi wokufananidzira mumwe chete iyeye anorondedzerwa se“guta guru rine umambo pamusoro pemadzimambo enyika.” Shoko rokuti “guta” rinoratidza boka revanhu vakarongeka. “Guta guru” iri zvarinodzora “madzimambo enyika,” mukadzi wacho anonzi Bhabhironi Guru anofanira kuva sangano rine simba riri munyika dzose. Nenzira yakakodzera ringanzi umambo hwenyika. Umambo hworudzii? Hwechitendero. Ona kuti dzimwe ndima dzakada kufanana dziri mubhuku raZvakazarurwa dzinoita sei kuti tigumise saizvozvi.

Umambo hunogona kuva hwezvematongerwo enyika, hwezvokutengeserana, kana kuti hwechitendero. Mukadzi anonzi Bhabhironi Guru haasi umambo hwezvematongerwo enyika nokuti Shoko raMwari rinotaura kuti “madzimambo enyika,” kana kuti vezvematongerwo enyika ino, “akaita ufeve” naye. Ufeve hwake hune chokuita nokubatana kwake kwaakaita nevatongi venyika ino uye hunotsanangura nei achinzi “hure guru.”—Zvakazarurwa 17:1, 2; Jakobho 4:4.

Bhabhironi Guru haringavi umambo hwezvokutengeserana nokuti ‘vanotengesa vepanyika,’ avo vanomirira vezvokutengeserana, vachange vachirichema panguva yarinoparadzwa. Kutaura chokwadi, madzimambo nevanotengesa vanorondedzerwa sevakatarira Bhabhironi Guru vari “kure zvishoma.” (Zvakazarurwa 18:3, 9, 10, 15-17) Saka, zvine musoro kugumisa kuti Bhabhironi Guru harisi umambo hwezvematongerwo enyika kana kuti hwezvokutengeserana, asi hwechitendero.

Kuzivikanwa kwechitendero kweBhabhironi Guru kunosimbiswazve nemashoko okuti rinotsausa marudzi ose ne‘tsika yaro yokuita zvemidzimu.’ (Zvakazarurwa 18:23) Kuita zvemidzimu kwose zvakunokonzerwa nechitendero uye zvemadhimoni, hazvishamisi kuti Bhabhironi Guru i“nzvimbo inogarwa nemadhimoni.” (Zvakazarurwa 18:2; Dheuteronomio 18:10-12) Umambo uhwu hunorondedzerwawo sohunobishairira kushora chitendero chechokwadi, huchitambudza “vaprofita” uye “vatsvene.” (Zvakazarurwa 18:24) Kutaura chokwadi, Bhabhironi Guru rinovenga kwazvo chitendero chechokwadi zvokuti rinotambudza nechisimba uye rinotouraya “zvapupu zvaJesu.” (Zvakazarurwa 17:6) Saka, zviri pachena kuti mukadzi uyu ane zita rokuti Bhabhironi Guru anomirira umambo hwenyika hwechitendero chenhema, uhwo hunosanganisira zvitendero zvose zvinoshora Jehovha Mwari.