Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Jesu Akaberekwa Muna December Here?

Jesu Akaberekwa Muna December Here?

BHAIBHERI haritiudzi pakaberekwa Jesu. Zvisinei, rinotipa chikonzero chakanaka chokugumisa kuti haana kuberekwa muna December.

Funga nezvemamiriro okunze panguva iyoyo yegore muBhetrehema, umo Jesu akaberekerwa. Mwedzi wechiJudha waKisrevhi (unoenderana naNovember/December) waiva mwedzi waitonhora uye wainaya. Mwedzi waitevera iwoyo waiva Tebheti (December/January). Ndiwo waitonhora zvakanyanyisa pagore, uchitombova nesinou munzvimbo dzakakwirira. Ngationei zvatinoudzwa neBhaibheri nezvemamiriro okunze enzvimbo iyoyo.

Munyori weBhaibheri anonzi Ezra anoratidza kuti zvechokwadi Kisrevhi waiva mwedzi waizivikanwa kuti waitonhora uye wainaya. Pashure pokutaura kuti boka revanhu vakanga vaungana muJerusarema “mumwedzi wechipfumbamwe [Kisrevhi] pazuva rechimakumi maviri romwedzi,” Ezra anotaura kuti vanhu ‘vaidedereswa nemvura yainaya.’ Nezvemamiriro okunze panguva iyoyo yegore, vanhu vakanga vaungana vakati: “Uno mwaka wokunaya kwemvura, hazvibviri kumira panze.” (Ezra 10:9, 13; Jeremiya 36:22) Hazvishamisi kuti vafudzi vaigara kudivi iroro renyika vaiva nechokwadi chokuti ivo nemapoka avo ezvipfuwo vaisava kunze usiku December paaisvika!

Zvisinei, Bhaibheri rinotaura kuti vafudzi vakanga vari musango vachifudza mapoka avo ezvipfuwo usiku pakaberekwa Jesu. Kutaura chokwadi, munyori weBhaibheri Ruka anoratidza kuti panguva iyoyo, “vafudzi vaigara kunze kwemisha vachitarisira mapoka avo ezvipfuwo panguva dzokurinda usiku” pedyo neBhetrehema. (Ruka 2:8-12) Ona kuti zvechokwadi vafudzi vaigara kunze kwemisha, kwete kungofamba-famba kunze mukati mezuva. Vaiva nemapoka avo ezvipfuwo musango usiku. Kutsanangurwa ikoko kwokugara kunze kwemisha kunokodzera mamiriro okunze anotonhora uye okunaya eBhetrehema muna December here? Kwete, hakukodzeri. Naizvozvo mamiriro ezvinhu ane chokuita nokuberekwa kwaJesu anoratidza kuti haana kuberekwa muna December. *

Shoko raMwari rinotiudza nguva chaiyo yakafa Jesu, asi rinotipa mashoko mashomanana ane chokuita nepaakaberekwa. Izvi zvinotiyeuchidza mashoko aMambo Soromoni okuti: “Zita rakanaka riri nani pane mafuta akanaka, uye zuva rokufa riri nani pane zuva rokuberekwa kwomunhu.” (Muparidzi 7:1) Saka, hazvishamisi kuti Bhaibheri rinopa mashoko akawanda, akadzama ane chokuita noushumiri hwaJesu uye rufu asi mashoko mashomanana ane chokuita nenguva yaakaberekwa.

Jesu paakaberekwa, vafudzi nemapoka avo ezvipfuwo vaiva musango usiku

^ ndima 1 Kuti uwane mamwe mashoko, ona mapeji 215-218 ebhuku rinonzi Kukurukurirana Tichishandisa Magwaro rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.