Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 1

“Kuda Mwari Kunoreva Izvi”

“Kuda Mwari Kunoreva Izvi”

“Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.”—1 JOHANI 5:3.

1, 2. Chii chinoita kuti ude Jehovha Mwari?

UNODA Mwari here? Kana wakazvitsaurira kuna Jehovha Mwari, chokwadi unonyatsoti hongu zvakasimba, uye haungambotadzi kudaro! Tagara tinotofanira kuda Jehovha. Chaizvoizvo tinoda Mwari nokuti iye anotida. Bhaibheri rinotaura nezvazvo richiti: “Tine rudo, nokuti [Jehovha] akatanga kutida.”—1 Johani 4:19.

2 Jehovha ndiye akatanga kutida. Akatipa pasi rino rakanaka zvikuru kuti rive musha wedu. Anotipa zvose zvatinoda pakurarama. (Mateu 5:43-48) Zvinotokosha zvikuru ndezvokuti anotipa zvatinoda pakunamata. Akatipa Shoko rake Bhaibheri. Uyezve, anotiudza kuti takasununguka kunyengetera kwaari achitivimbisa kuti achatinzwa uye kuti achatipa mudzimu wake mutsvene kuti utibatsire. (Pisarema 65:2; Ruka 11:13) Kupfuura zvose, akatuma Mwanakomana wake anokosha kupfuura vose kuti atidzikinure kuitira kuti tinunurwe pachivi norufu. Saka Jehovha anotida zvechokwadi!​—Verenga Johani 3:16; VaRoma 5:8.

3. (a) Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira kuitei? (b) Mubvunzo upi unokosha watinofanira kuzvibvunza, uye mhinduro yacho inowanika kupi?

3 Jehovha anoda kuti rudo rwake rutibatsire nokusingaperi. Zvisinei, zviri kwatiri kuti tibatsirwe norudo rwake kana kuti kwete. Shoko raMwari rinotikurudzira richiti: “Rambai muri murudo rwaMwari . . . muchifunga nezvoupenyu husingaperi.” (Judha 21) Shoko rokuti “rambai” riri kuratidza kuti, kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tine zvatinofanira kuita. Tinofanira kumudawo zvinooneka. Saka tinofanira kuzvibvunza mubvunzo uyu unokosha: ‘Ndingaratidza sei kuti ndinoda Mwari?’ Mhinduro yacho inowanika mumashoko akafuridzirwa omuapostora Johani anoti: “Kuda Mwari kunoreva izvi, kuti tichengete mirayiro yake; uye mirayiro yake hairemi.” (1 Johani 5:3) Zvakanaka kuti tinyatsoongorora zvinorehwa nemashoko aya nokuti tinoda kuratidza Mwari wedu kuti tinomuda zvechokwadi.

“KUDA MWARI KUNOREVA IZVI”

4, 5. Rondedzera kuti kuda Jehovha kwakatanga sei kukura mumwoyo mako.

4 Muapostora Johani airevei paakanyora mashoko okuti “kuda Mwari”? Unoyeuka here pawakatanga kuda Jehovha mumwoyo mako?

Kuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa ndiwo mavambo oupenyu hwokuteerera Jehovha nomwoyo wose

5 Chimbofunga kwekanguva pawakatanga kudzidza chokwadi nezvaJehovha nezvinangwa zvake uchibva watanga kutenda maari. Wakanzwisisa kuti kunyange zvazvo wakaberekwa uine chivi wakaparadzaniswa naMwari, Jehovha akaita kuti Kristu akuvhurire nzira yokuti uzova noupenyu hwakakwana hwakaraswa naAdhamu uye kuti uzogara nhaka youpenyu husingaperi. (Mateu 20:28; VaRoma 5:12, 18) Wakatanga kuona kuti Jehovha akazvipira zvikuru paakatuma Mwanakomana wake anokosha kupfuura vose kuti azokufira. Izvi zvakakubaya mwoyo, uye wakatanga kuda Mwari waziva kuti akakuda zvakadaro.—Verenga 1 Johani 4:9, 10.

6. Rudo rwechokwadi runoratidzwa sei, uye kuda Mwari kwakaita kuti uitei?

6 Zvisinei, manzwiro iwayo aingova mavambo okuda Jehovha nomwoyo wose. Rudo harungogumiri mumwoyo kana kuti pakutaura chete. Kuda Mwari zvechokwadi haisi nyaya yekungoti, “Ndinoda Jehovha.” Sezvinoita kutenda, rudo rwechokwadi runooneka nezviito. (Jakobho 2:26) Kutaura zvazviri, tinoratidza kuti tine rudo nokuita zvinhu zvinofadza munhu watinoda. Nokudaro, kuda kwaunoita Jehovha pakwakadzika midzi mumwoyo mako, wakanzwa uchida kurarama nenzira inofadza Baba vako vokudenga. Uri Chapupu chakabhabhatidzwa here? Kana zvakadaro, rudo rwakadzama urwu nokuzvipira ndizvo zvakaita kuti usarudze chinhu ichi chinokosha zvikuru muupenyu hwako. Wakazvitsaurira kuna Jehovha kuti uite kuda kwake, ukazobhabhatidzwa kuti uratidze kuti wakanga wazvitsaurira kwaari. (Verenga VaRoma 14:7, 8.) Kuzadzisa vimbiso yedu iyi kuna Jehovha kunosanganisira mashoko akazotevera kutaurwa nomuapostora Johani.

“TICHENGETE MIRAYIRO YAKE”

7. Mimwe mirayiro yaMwari ndeipi, uye kuichengeta kunosanganisirei?

7 Johani anotsanangura zvinorehwa nokuda Mwari achiti: “Tichengete mirayiro yake.” Mirayiro yaMwari ndeipi? Jehovha anotipa mirayiro iri pachena yakati kuti achishandisa Shoko rake Bhaibheri. Somuenzaniso, anorambidza zvinhu zvakadai sokudhakwa, ufeve, kunamata zvidhori, kuba uye kunyepa. (1 VaKorinde 5:11; 6:18; 10:14; VaEfeso 4:28; VaKorose 3:9) Kuchengeta mirayiro yaMwari kunosanganisira kurarama zvinoenderana netsika dzakajeka dzinotaurwa neBhaibheri.

8, 9. Tingaziva sei zvinofadza Jehovha kunyange kana pasina mitemo yeBhaibheri yakajeka? Ipa muenzaniso.

8 Zvisinei, kuti tifadze Jehovha, hatifaniri kungoteerera mirayiro yake iri pachena chete. Jehovha haatiomeseri nemitemo inodonongodza zvose zvatinoita zuva nezuva. Saka zuva nezuva tingasangana nemamiriro ezvinhu asina mirayiro yakajeka iri muBhaibheri. Kana zvadaro, tingaziva sei zvichafadza Jehovha? Bhaibheri rinoratidza zvakajeka mafungiro aMwari. Patinodzidza Bhaibheri, tinoziva zvinodiwa naJehovha nezvaanovenga. (Verenga Pisarema 97:10; Zvirevo 6:16-19) Tinobva tanzwisisa mafungiro nezviito zvaanofarira. Kana tikaramba tichidzidza kuti Jehovha ndiMwari akaita sei uye tozivawo nzira dzake, zvatinosarudza nezvatinoita zvichatungamirirwa nemafungiro ake. Nokudaro, kunyange dzimwe nguva zvimwe zvinhu zvisingataurwi zvakajeka muBhaibheri, kazhinji tinogona kuziva “kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi.”—VaEfeso 5:17.

9 Somuenzaniso, Bhaibheri harina parinonyatsoti tisaona mafirimu kana kuti mapurogiramu eTV anoratidza zvekurwa kana kuti unzenza. Asi tinofanira here kupiwa mutemo wakajeka wokuti tisaona zvinhu zvakadaro? Tinoziva maonero anoita Jehovha nyaya idzi. Shoko rake rinotiudza zvakajeka kuti: ‘Jehovha anovenga munhu wose anoda zvechisimba [kana kuti zvekurwa].’ (Pisarema 11:5) Rinotiwo: “Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Kana tikafungisisa mashoko iwayo akafuridzirwa, tinogona kunyatsonzwisisa zvinodiwa naJehovha. Naizvozvo hatisarudzi kuvaraidzwa nokuona zvinhu zvinovengwa naMwari wedu. Tinoziva kuti Jehovha anofara patinorega zvinhu zvakaipa zviri kushambadzirwa nenyika ino zvichinzi ndezvekungozvivaraidza. *

10, 11. Nei tichisarudza kuteerera Jehovha, uye tinomuteerera sei?

10 Ndechipi chikonzero chikuru chokuti titeerere mirayiro yaMwari? Nei zuva nezuva tichida kurarama tichiita zvatinoziva kuti ndiwo mafungiro aMwari? Hatisarudzi mararamiro aya tichingotyira kurangwa kana kuti kuwirwa nematambudziko anowira vaya vasingateereri Mwari. (VaGaratiya 6:7) Asi, tinoona kuteerera Jehovha somukana unokosha wokuratidza kuti tinomuda. Semwana anenge achida kunzi aita zvakanaka nababa vake, isuwo tinoda kuti Jehovha adaro. (Pisarema 5:12) Ndiye Baba vedu, uye tinomuda. Hakuna chingatifadza kana kutigutsa kudarika kuziva kuti tiri kurarama nenzira inoita kuti ‘Jehovha atifarire.’—Zvirevo 12:2.

11 Saka hatiteereri sokunge tiri kumanikidzwa; uye hatisarudzi zvatinoda kuteerera kana kuti kuteerera nokuti tinoda kuwana mubayiro. * Hatisarudzi mitemo yokuteerera neyokurega kuteerera, tichizongoteerera pazvinenge zvakatinakira chete. Asi ‘tinoteerera zvichibva pamwoyo.’ (VaRoma 6:17) Tinonzwa sezvaiita munyori wepisarema uyo akati: ‘Ndinoda kwazvo mirayiro yenyu.’ (Pisarema 119:47) Chokwadi, tinoda kuteerera Jehovha. Tinoziva kuti akakodzera kuti timuteerere zvakakwana kunyange zvodini uye ndizvo zvaanoda. (Dheuteronomio 12:32) Tinoda kuti Jehovha ataure nezvedu sezvinoita Shoko rake parinotaura nezvaNoa. Richitaura nezvatateguru wekare iyeye akatendeka uyo akaratidza kuti aida Mwari nokumuteerera kwemakore akawanda, Bhaibheri rinoti: “Noa akaita maererano nezvose zvaakanga arayirwa naMwari. Akaita izvozvo chaizvo.”—Genesisi 6:22.

12. Kuteerera kworudzii kunofadza mwoyo waJehovha?

12 Jehovha anonzwa sei patinomuteerera nomwoyo wose? Shoko rake rinoti kana tikadaro, ‘tinofadza mwoyo wake.’ (Zvirevo 27:11) Kuteerera kwatinoita kungabva kwafadza mwoyo waChangamire Ishe wezvinhu zvose zvakasikwa here? Haangambotadzi kufara! Jehovha akatisika sevanhu vanokwanisa kuzvisarudzira. Izvi zvinoreva kuti takasununguka kusarudza zvatinoda; kuteerera Mwari kana kusamuteerera. (Dheuteronomio 30:15, 16, 19, 20) Patinosarudza kuteerera Jehovha tisingamanikidzwi uye zvichibva pakuti tinoda Mwari nomwoyo wose, tinoita kuti Baba vedu vokudenga vafare zvikuru. (Zvirevo 11:20) Tinenge tichisarudzawo mararamiro akanakisisa.

“MIRAYIRO YAKE HAIREMI”

13, 14. Nei zvinganzi ‘mirayiro yaMwari hairemi,’ uye izvi zvingafananidzwa nokuita sei?

13 Muapostora Johani anotiudza chimwe chinhu chinokurudzira nezvemirayiro yaJehovha achiti: “Mirayiro yake hairemi.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti ‘kurema’ pana 1 Johani 5:3 rinoreva zvinoita chinhu chawakatakura. * Imwe shanduro yeBhaibheri inoti: “Mirayiro yake haitiomeri.” (Bhaibheri Dzvene, Testamende Itsva) Mirayiro yaJehovha haitiomeseri uye haitidzvinyiriri. Kunyange vanhu vakaberekerwa muchivi vanokwanisa kuteerera mirayiro yake.

14 Tinogona kuzvifananidza neizvi: Shamwari yako yepamwoyo inokukumbira kuti uibatsire kutama. Pane mabhokisi akawanda anoda kutakurwa. Mamwe akareruka zvokuti munhu mumwe chete anoatakura zviri nyore, asi mamwe acho anorema zvokuti anoda kuti vanhu vaviri vabatirane. Shamwari yako inosarudza mabhokisi okuti utakure. Ingakukumbira here kuti utakure mabhokisi ainoziva kuti haukwanisi kuatakura? Kwete. Haingadi kuti uzvikuvadze paunoedza kuatakura woga. Saka Mwari wedu ane mutsa uye anotida haangatikumbiri kuteerera mirayiro yakatiomera. (Dheuteronomio 30:11-14) Haangambotikumbiri kuti titakure mutoro unorema zvakadaro. Jehovha anoziva zvatisingakwanisi kuita “nokuti iye anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa, achiyeuka kuti tiri guruva.”—Pisarema 103:14.

15. Nei tingavimba kuti mirayiro yaJehovha yakanyatsotinakira?

15 Mirayiro yaJehovha haitomboremi, inototibatsira zvikuru. (Verenga Isaya 48:17.) Ndokusaka Mosesi akaudza vaIsraeri vekare kuti: “Jehovha akatirayira kuti tiite mirau yose iyi, kuti titye Jehovha Mwari wedu kuti zvitinakire nguva dzose, kuti tirambe tiri vapenyu sezvazviri nhasi.” (Dheuteronomio 6:24) Isu tinogonawo kuva nechivimbo chokuti Jehovha paanotipa mitemo yake, anenge achifunga zvinenge zvakatinakira nokusingaperi. Hapana chingambomutadzisa kudaro! Jehovha ndiMwari ane uchenjeri husingagumi. (VaRoma 11:33) Saka anoziva zvakanyatsotinakira. Bhaibheri rinoti Jehovha rudo. (1 Johani 4:8) Sezvo ari rudo, zvinhu zvose zvaanotaura uye zvaanoita zvinotungamirirwa narwo. Mitemo yose yaanopa vashumiri vake inobva parudo.

16. Pasinei nokuti nyika ino yakaora inotifurira, uye kuti nyama yedu ine chivi inongoda kuti titadze, nei zvichiita kuti tirarame tichiteerera?

16 Izvi hazvirevi kuti kuteerera Mwari kuri nyore. Tinofanira kurwisa kuti tisafurirwa nenyika ino yakaora “iri musimba reakaipa.” (1 Johani 5:19) Tinofanira kurwisanawo nenyama yedu ine chivi, iyo inongoda kuti tityore mitemo yaMwari. (VaRoma 7:21-25) Asi kana tichida Mwari tichakunda. Jehovha anokomborera vaya vanoda kuratidza kuti vanomuda kuburikidza nokumuteerera. Anopa mudzimu wake mutsvene “vaya vanomuteerera somutongi.” (Mabasa 5:32) Mudzimu iwoyo unoita kuti tive nezvibereko zvakanaka, kureva unhu hwakanaka hunogona kutibatsira kurarama tichimuteerera.—VaGaratiya 5:22, 23.

17, 18. (a) Tichaongororei mubhuku rino, uye patinenge tichidaro chii chatinofanira kugara tichiyeuka? (b) Tichakurukurei muchitsauko chinotevera?

17 Mubhuku rino, tichaongorora mitemo nemirayiro yaJehovha pamusoro petsika nezvimwewo zvinoratidza zvaanoda. Patinenge tichidaro, pane zvinhu zvinokosha zvatinoda kugara tichiyeuka. Ngatiyeukei kuti Jehovha haatimanikidzi kuteerera mitemo nemirayiro yake; anoda kuti timuteerere zvichibva pamwoyo. Tisakanganwa kuti Jehovha ari kutikumbira kuti tirarame nenzira ichatiunzira zvikomborero zvakawanda iye zvino uye inotungamirira kuupenyu husingaperi mune remangwana. Ngatizivei kuti kuteerera nomwoyo wose kunotipa mukana unokosha wokuratidza Jehovha kuti tinomuda zvikuru.

18 Kuti tikwanise kusiyanisa chakanaka nechakaipa, Jehovha akaratidza rudo nokutipa hana. Asi kuti ititungamirire zvakavimbika, hana yedu inoda kudzidziswa, sezvatichakurukura muchitsauko chinotevera.

^ ndima 11 Kunyange midzimu yakaipa inoteerera kana yamanikidzwa. Jesu paakabvisa madhimoni pane vamwe vanhu, madhimoni akamanikidzwa kubvuma simba rake uye kuteerera, kunyange zvazvo akanga asingadi.—Mako 1:27; 5:7-13.

^ ndima 13 Pana Mateu 23:4, shoko iri rinoshandiswa kureva “mitoro inorema,” tumitemo notutsika twevanhu twaiiswa nevanyori nevaFarisi kuti vanhuwo zvavo vateerere. Shoko iroro rinoshandurwawo kuti ‘kudzvinyirira’ pana Mabasa 20:29, 30 uye rinoreva vakatsauka pakutenda vane udzvinyiriri ‘vanotaura zvinhu zvisina kururama’ uye vanotsvaka kutsausa vamwe.