Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 3

Ida Vaya Vanodiwa naMwari

Ida Vaya Vanodiwa naMwari

“Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera.”—ZVIREVO 13:20.

1-3. (a) Ichokwadi chipi chisingarambiki chinotaurwa neBhaibheri? (b) Tingasarudza sei shamwari dzinotivaka?

VANHU vanogona kunzi vakaita sechipanji; chinonwiririra chero zviri pachinenge chaiswa. Zviri nyore zvikuru kutevedzera tsika, mararamiro uye unhu hwevanhu vatinoshamwaridzana navo kunyange tisiri kuziva kuti ndizvo zviri kuitika.

2 Bhaibheri rinotaura chokwadi chisingarambiki parinoti: “Munhu anofamba nevanhu vakachenjera achava akachenjera, asi iye anofambidzana nemapenzi zvichamuipira.” (Zvirevo 13:20) Chirevo ichi hachisi kungotaura nezvomunhu watinoonana naye nenguva dziri kure. Mashoko okuti “anofamba nevanhu” anoreva ushamwari hunogara huripo. * Richitaura nezvendima iyi, rimwe bhuku rinotsanangura mashoko omuBhaibheri rinoti: “Kufamba nomumwe munhu kuri kureva kuwirirana uye kuva mukombe nechirongo.” Haubvumi here kuti tinowanzotevedzera vanhu vatinoda? Sezvo mwoyo yedu iri pavanhu vatinoda, zviri nyore kuti vatiite kuti tive vanhu vakanaka kana kuti vakaipa.

3 Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, zvinokosha kuti titsvake shamwari dzinotivaka. Tingazviita sei? Muchidimbu tingati tinofanira kuda vaya vanodiwa naMwari, toita kuti shamwari dzake dzive dzeduwo. Pafunge. Ndedzipi shamwari dziri nani dzatingawana dzingapfuura dziya dzine unhu hunodiwa naJehovha? Saka iye zvino ngationgororei kuti Mwari anoda vanhu vakaita sei. Kana tava kuziva maonero aJehovha, tinenge tava kukwanisa kusarudza shamwari dzakanaka.

VANHU VANOSARUDZWA NAMWARI SESHAMWARI

4. Nei Jehovha aine kodzero yokusarudza shamwari, uye nei akati nezvaAbrahamu “shamwari yangu”?

4 Panyaya yeshamwari, Jehovha haangosarudzi wose wose. Izvozvo zvakakodzera nokuti ndiye Changamire Ishe wezvinhu zvose zvakasikwa, saka kushamwaridzana naye chikomborero chakakura kupfuura zvose. Saka ndivanaani vaanosarudza kuti vave shamwari dzake? Jehovha anoswedera pedyo nevaya vanovimba naye uye vanotenda maari zvizere. Somuenzaniso funga nezvaAbrahamu, murume aiva nokutenda kwaishamisa. Hapana muedzo wokutenda unopfuura wokuti baba vakumbirwe kuuraya mwana wavo sechibayiro. * Asi Abrahamu “akaita sokunge akanga atobayira Isaka,” achitenda zvakazara kuti “Mwari akanga achikwanisa kumumutsa kunyange kubva kuvakafa.” (VaHebheru 11:17-19) Kutenda uye kuteerera kwakaita Abrahamu ndiko kwakaita kuti Jehovha azomuti “shamwari yangu.”—Isaya 41:8; Jakobho 2:21-23.

5. Jehovha anoona sei vaya vanomuteerera nokuvimbika?

5 Jehovha anokoshesa zvikuru vanhu vanomuteerera nokuvimbika. Anoda vaya vanokoshesa kuvimbika kwaari kupfuura zvimwe zvinhu zvose. (Verenga 2 Samueri 22:26.) Sezvatakaona muChitsauko 1 chebhuku rino, Jehovha anofarira zvikuru vaya vanosarudza kumuteerera zvichibva pamwoyo. Zvirevo 3:32 inoti iye “anoshamwaridzana nevakarurama.” Vaya vanoita zvinodiwa naMwari nokuvimbika vanokokwa naJehovha nomutsa: Vanogona kuva vaeni ‘mutende’ rake, kureva kuti vanokokwa kuti vamunamate uye kuti vakwanise kutaura naye vachinyengetera pavanongodira.—Pisarema 15:1-5.

6. Tingaratidza sei kuti tinoda Jesu, uye Jehovha anonzwa sei nezvevaya vanoda Mwanakomana wake?

6 Jehovha anoda vaya vanoda Jesu, Mwanakomana wake akaberekwa ari oga. Jesu akati: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, uye Baba vangu vachamuda, uye tichauya kwaari togara naye.” (Johani 14:23) Tingaratidza sei kuti tinoda Jesu? Hapana zvimwe kunze kwokutevedzera mirayiro yake, inosanganisira basa rokuparidza mashoko akanaka nokuita vadzidzi. (Mateu 28:19, 20; Johani 14:15, 21) Tinoratidzawo kuti tinoda Jesu ‘patinonyatsotevera tsoka dzake’ tichimutevedzera mumashoko nezviito nepatinogona napo sevanhu vane chivi. (1 Petro 2:21) Jehovha anofadzwa kwazvo nezvinoedza kuitwa nevaya vanoda Mwanakomana wake zvichiita kuti vararame vachimutevedzera.

7. Nei kuri kuchenjera kushamwaridzana neshamwari dzaJehovha?

7 Kutenda, kuvimbika, kuteerera, uye kuda Jesu nezvaanodzidzisa, zvinhu zvinotsvakwa naJehovha muvanhu vaanoti ishamwari dzake. Mumwe nomumwe wedu anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Shamwari dzangu dzepedyo ndizvo zvadziri here? Shamwari dzaJehovha ndidzo shamwari dzanguwo here?’ Kana tikazvibvunza mibvunzo iyoyo tinenge taratidza kuchenjera. Vanhu vanovavarira kuva nounhu hunodiwa naMwari uye vanoshingairira kuparidza mashoko akanaka oUmambo vanotiita kuti tirambe tiine shungu dzekufadza Mwari.—Ona bhokisi rakanzi “ Shamwari Yakanaka Yakaita Sei?

KUDZIDZA PAMUENZANISO WOMUBHAIBHERI

8. Unonzwa sei paunoverenga nezvoushamwari hwaiva (a) naNaomi naRute? (b) nevaHebheru vechiduku vatatu? (c) naPauro naTimoti?

8 Magwaro ane mienzaniso yakawanda yevanhu vakabatsirwa nokusarudza shamwari dzakanaka. Unogona kuverenga nezvoushamwari hwaNaomi nomuroora wake Rute, hwevaHebheru vechiduku vatatu vakaramba vakabatana muBhabhironi, uyewo hwaPauro naTimoti. (Rute 1:16; Dhanieri 3:17, 18; 1 VaKorinde 4:17; VaFiripi 2:20-22) Zvisinei, ngatimbotarisai mumwe muenzaniso unoshamisa: ushamwari hwaDhavhidhi naJonatani.

9, 10. Chii chakaita kuti Dhavhidhi naJonatani vave bhandi nebhurugwa?

9 Bhaibheri rinoti Dhavhidhi paakauraya Goriyati, “mweya waJonatani wakanamatirana nomweya waDhavhidhi, Jonatani akatanga kumuda sokuda kwaaiita mweya wake.” (1 Samueri 18:1) Ushamwari hwavo hwakabva hwatanga, zvokuti kunyange vaiva vemazera akasiyana, vakaramba vachiwirirana kusvika pakafa Jonatani muhondo. * (2 Samueri 1:26) Chii chakavaita kuti vabve vava bhandi nebhurugwa?

10 Dhavhidhi naJonatani vakabatanidzwa nokuda kwavaiita Mwari uye chido chavo chakasimba chokuramba vakatendeka kwaari. Kunamata ndiko kwaibatanidza varume vaviri ava. Vose vaiva nounhu hwaiita kuti vadanane. Jonatani anofanira kunge akafadzwa noushingi uye kushingaira kwaiita mukomana uyu akanga asingatyi kumiririra zita raJehovha. Uyuwo Dhavhidhi anofanira kunge airemekedza murume uyu aiva mukuru kwaari. Jonatani aitsigira urongwa hwaJehovha uye ainyanya kukoshesa zvido zvaDhavhidhi kupfuura zvake. Somuenzaniso, funga zvakaitika apo zvinhu zvakanga zvaomera Dhavhidhi, achidzungaira musango achitiza Mambo Sauro akaipa, baba vaJonatani. Achiratidza kuvimbika kunoshamisa, Jonatani ndiye ‘akatoenda kwaiva naDhavhidhi . . . kuti asimbise ruoko rwake pamusoro paMwari.’ (1 Samueri 23:16) Funga kuti Dhavhidhi anofanira kuva akanzwa sei pakauya shamwari yake yepamwoyo kuzomutsigira nokumukurudzira! *

11. Panyaya yeushamwari, tinodzidzei pana Jonatani naDhavhidhi?

11 Tinodzidzei pana Jonatani naDhavhidhi? Chikuru chatinodzidza ndechokuti, chinhu chinokosha kupfuura zvose kushamwari ndechokuti dzose dzide Mwari. Patinofambidzana nevanhu vanotenda zvatinotenda, vane tsika sedzedu, uye vane chido chakafanana nechedu chokuramba vakatendeka kuna Mwari, tinopanana mazano, tichitaurirana manzwiro edu uye zvatakasangana nazvo zvinokurudzira nezvinovaka. (Verenga VaRoma 1:11, 12.) Shamwari dzinoda Mwari zvakadaro tinodziwana pakati pevatinonamata navo. Saka zvinoreva here kuti munhu wose anopinda misangano paImba yoUmambo ishamwari yakanaka? Kwete hazvo.

KUSARUDZA SHAMWARI DZEPEDYO

12, 13. (a) Nei tichifanira kuita zvokusarudza shamwari kunyange pakati pevaKristu? (b) VaKristu vekutanga vaiva nedambudziko rei, uye Pauro akavanyevera zvakasimba achitii?

12 Kunyange muungano, tinofanira kuita zvokusarudza shamwari kuitira kuti tiwane dzinotivaka panyaya dzokunamata. Izvi zvinofanira kutishamisa here? Hazvingashamisi hazvo. Vamwe vaKristu vari muungano vanotora nguva kuti vave noukama hwakasimba naMwari, sezvinongoitawo michero iri pamuti iyo isingaibvi nguva imwe chete. Saka muungano chero ipi zvayo, tinowana vaKristu vane ukama naMwari huri pazvidanho zvakasiyana-siyana. (VaHebheru 5:12–6:3) Zviri pachena kuti tinofanira kuva nomwoyo murefu uye rudo kuvatsva nevaya vasina kusimba, nokuti tinoda kuvabatsira kusimbisa ukama hwavo naMwari.—VaRoma 14:1; 15:1.

13 Dzimwe nguva muungano munogona kumboitika zvimwe zvinhu zvingada kuti tichenjerere vatinoshamwaridzana navo. Vamwe vanhu vangaita zvinhu zvinosiya vamwe vaine mibvunzo. Vamwe vanogona kutanga tsika yokungoshora kana kuti kungonyunyuta pose pose. Ungano dzevaKristu vekutanga dzaivawo nedambudziko rakadaro. Kunyange zvazvo vakawanda vakanga vakatendeseka, paiva nevamwe vakanga vasingaiti zvakanaka. Muapostora Pauro akanyevera ungano yokuKorinde nemhaka yevamwe vakanga vasingararami maererano nedzidziso dzechiKristu achiti: “Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.” (1 VaKorinde 15:12, 33) Pauro akanyevera Timoti kuti kunyange pakati pevamwe vaKristu pangava nevamwe vasingazvibati zvakanaka. Timoti akaudzwa kuti atambire kure nevakadaro, kureva kuti vasava shamwari dzake dzepedyo.​—Verenga 2 Timoti 2:20-22.

14. Tingashandisa sei zvinorehwa nenyevero yaPauro pamusoro peshamwari?

14 Tingashandisa sei zvinorehwa nenyevero yaPauro? Nokurega kuva noushamwari hwepedyo naani zvake, angava muungano kana kuti kunze, anogona kushatisa unhu hwedu. (2 VaTesaronika 3:6, 7, 14) Tinofanira kuchengetedza ukama hwedu naMwari. Yeuka kuti takafanana nechipanji, tinotora mafungiro nemaitiro eshamwari dzedu. Sezvo tisingagoni kunyika chipanji muvhiniga totarisira kuchibudisa chava nemvura, hatigoniwo kushamwaridzana nevanhu vane unhu hwakaipa totarisira kuzova nehwakanaka.—1 VaKorinde 5:6.

Unogona kuwana shamwari dzakanaka pane vaunonamata navo

15. Ungaita sei kuti uwane shamwari dzinonyatsoda zvokunamata?

15 Tinofara nokuti mukana wokuwana shamwari dzakanaka pakati pevatinonamata navo wakakura zvechokwadi. (Pisarema 133:1) Muungano ungawana sei shamwari dzinonyatsoda zvokunamata? Kana iwe uchiedza kuva nounhu hunodiwa naMwari, vaya vari kuedzawo kudaro vanobva vada kuva pedyo newe. Iwewo unofanira kutora matanho okuti uve neshamwari itsva. (Ona bhokisi rakanzi “ Zvatakaita Kuti Tive Neshamwari Dzakanaka.”) Tsvaka vaya vane unhu hwaunoda kuva nahwo. Shandisa zano reBhaibheri rokuti “wedzerai,” wotsvaka shamwari pane vaunonamata navo pasinei norudzi rwavo kana kuti nyika yavanobva. (2 VaKorinde 6:13; verenga 1 Petro 2:17.) Usangoti kwati kwati nevezera rako chete. Yeuka kuti Jonatani aiva mukuru kuna Dhavhidhi nokure. Vanhu vakura vanogona kukupa ruzivo rwakawanda uye uchenjeri.

PAKAVA NEKUPESANA

16, 17. Kana watinonamata naye akatirwadzisa neimwe nzira, nei tisingafaniri kusiya ungano?

16 Sezvo vanhu vari muungano vaine unhu hwakasiyana-siyana uye mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana, vanogona kumbopesana. Mumwe watinonamata naye angataura kana kuita zvinhu zvinotirwadza. (Zvirevo 12:18) Dzimwe nguva chingapesanisa vanhu, kusiyana kwounhu, kusanzwisisana, kana kuti kuona zvinhu nenzira dzakasiyana. Tichabva tagumburwa zvekuti tingabva tasiya ungano here? Hatizoiti izvozvo kana tichinyatsoda Jehovha uye vaya vaanoda.

17 Sezvo ari iye Musiki wedu uye Mutsigiri Woupenyu, Jehovha ane kodzero yokuti timude uye tizvipire kwaari zvizere. (Zvakazarurwa 4:11) Uyezve zvakakodzera kuti titsigire nokuvimbika ungano yaanoshandisa. (VaHebheru 13:17) Saka kana mumwe watinonamata naye akatirwadzisa kana kutiodza mwoyo, hatizoratidzi kunyunyuta nokusiya ungano. Tingasiyirei ungano? Jehovha haasi iye anenge atitadzira. Kana tichida Jehovha hatingambofi takamusiya pamwe nevanhu vake!—Verenga Pisarema 119:165.

18. (a) Tingaitei kuti tibatsire kuti muungano muve norugare? (b) Kukanganwira kana paine chikonzero chakanaka kunounza zvikomborero zvipi?

18 Kuda kwatinoita vatinonamata navo kunoita kuti tiite kuti muungano muve norugare. Jehovha haatarisiri kuti vanhu vaanoda vasatombotadza, saka isu ndizvo zvatinofanira kuitawo. Rudo runoita kuti tisatarise tunhu tuduku tunokanganiswa nevamwe, tichiyeuka kuti tose tinotadza. (Zvirevo 17:9; 1 Petro 4:8) Rudo runoita kuti tirambe ‘tichikanganwirana nomwoyo wose.’ (VaKorose 3:13) Hapasi pose pazviri nyore kushandisa zano iri. Kana tikarega pfungwa dzakaipa dzichitikurira, tinogona kuramba takagumbuka, zvimwe tichifunga kuti kugumbuka kwedu kuri kuranga munhu akatikanganisira. Asi chokwadi ndechokuti kana tichiramba takagumbuka tiri kutozvikuvadza. Kukanganwira kana paine chikonzero chakanaka, kunounza zvikomborero zvakawanda. (Ruka 17:3, 4) Kunotipa rugare mupfungwa nomumwoyo, kunochengeta rugare muungano uye, kupfuura zvose, kunochengetedza ukama hwedu naJehovha.—Mateu 6:14, 15; VaRoma 14:19.

PAZVAKAKODZERA KUGURA USHAMWARI

19. Zvii zvingaita kuti tizogura ushamwari nomumwe munhu?

19 Dzimwe nguva tinoudzwa kuti tigure ushamwari nomumwe munhu anga ari muungano. Izvi zvinoitika panodzingwa mumwe munhu anenge achityora mitemo yaMwari asingapfidzi kana kuti atsauka pakutenda kuburikidza nokudzidzisa dzidziso yenhema, kana kuti paanozvibvisa oga musangano. Shoko raMwari rinotiudza zvakajeka kuti ‘tirege kufambidzana’ nevakadaro. * (Verenga 1 VaKorinde 5:11-13; 2 Johani 9-11) Zvechokwadi zvingava zvakaoma kuti tisiyane nomumwe munhu zvichida anga ari shamwari kana kuti hama yepedyo. Tichatsigira Jehovha zvakasimba here tichiratidza kuti takavimbika kwaari nokumitemo yake yakarurama zvokuti hapana chinouya pakati pedu naye? Yeuka kuti Jehovha anokoshesa zvikuru kuvimbika nokuteerera.

20, 21. (a) Nei kudzinga vanhu muungano kuchiratidza rudo? (b) Nei zvichikosha kuti tisarudze shamwari nokungwarira?

20 Urongwa hwokudzinga hunoratidza kuti Jehovha anotida zvechokwadi. Sei?Kudzinga mutadzi anenge asingapfidzi kunoratidza kuda zita raJehovha dzvene nezvose zvarinomiririra. (1 Petro 1:15, 16) Kudzinga kunoita kuti ungano igare yakachena. Vaya vakatendeka vanochengetedzwa kuti varege kusvibiswa nevanhu vanotadza nemaune saka vanogona kuenderera mberi vachinamata vachiziva kuti ungano yakavadzivirira kuti vasakanganiswe nenyika ino yakaipa. (1 VaKorinde 5:7; VaHebheru 12:15, 16) Chirango chacho chakasimba chinoratidza kuti mutadzi ari kudiwa. Pamwe izvozvo zvinobva zvamupengenutsa zvoita kuti atore matanho anodiwa kuti adzoke kuna Jehovha.—VaHebheru 12:11.

21 Hatigoni kuramba chokwadi chokuti vanhu vatinoshamwaridzana navo vanogona kutivaka kana kuti kutiparadza. Saka zvinokosha kuti tisarudze shamwari nokungwarira. Kana tichiita kuti shamwari dzaJehovha dzive dzeduwo, uye tichida vaya vanodiwa naMwari, tichava neshamwari dzakawanda dzakanaka zvikuru. Kufanana nechipanji, zvatinonwiririra kwavari zvichatibatsira kuti tizadzise chido chedu chekufadza Jehovha.

^ ndima 2 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “fambidzana” rinoshandurwawo kuti “shamwaridzana.”​—Vatongi 14:20; Zvirevo 22:24.

^ ndima 4 Paakakumbira Abrahamu kuita izvi, Jehovha aipa mufananidzo wezvaazoita iye pachake achipa Mwanakomana wake akaberekwa ari oga. (Johani 3:16) Panyaya yaAbrahamu, Jehovha akapindira akamupa gondohwe rakatsiva Isaka.​—Genesisi 22:1, 2, 9-13.

^ ndima 9 Dhavhidhi aiva ‘mukomana hake,’ paakauraya Goriyati uye aiva nemakore anenge 30 pakazofa Jonatani. (1 Samueri 17:33; 31:2; 2 Samueri 5:4) Zvinoratidza kuti Jonatani, uyo angangove aiva nemakore 60 paakazofa, aiva mukuru kuna Dhavhidhi nemakore anenge 30.

^ ndima 10 Sezvakanyorwa pana 1 Samueri 23:17, Jonatani akataura zvinhu zvishanu kuti akurudzire Dhavhidhi: (1) Akakurudzira Dhavhidhi kuti asatye. (2) Akaudza Dhavhidhi kuti aiva nechokwadi chokuti zvaiitwa naSauro zvaisazobudirira. (3) Akayeuchidza Dhavhidhi kuti aizova mambo sokuvimbisa kwaive kwaitwa naMwari. (4) Akamuvimbisa kuti aizova akavimbika kwaari. (5) Akaudza Dhavhidhi kuti kunyange Sauro aiziva kuti Jonatani aive akavimbika kuna Dhavhidhi.

^ ndima 19 Kuti uwane mamwe mashoko nezvokuti ungaita sei nevanhu vakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musangano, ona Mashoko Okuwedzera, panyaya inoti “Mabatiro Atinofanira Kuita Munhu Akadzingwa.”