Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 6

Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka

Kusarudza Kwaungaita Varaidzo Yakanaka

“Itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”​—1 VAKORINDE 10:31.

1, 2. Zvinhu zvipi zvatinogona kusarudza panyaya yevaraidzo?

FUNGIDZIRA uchida kudya muchero unonaka asi wobva waona kuti une pakaora. Uchaita sei? Unogona kudya muchero wacho wose, zvose nepakaora; unogona kuurasa wose nepakaora pacho; kana kuti unogona kucheka pakaora wodya pakanaka. Uchasarudza zvipi?

2 Varaidzo yakaitawo somuchero iwoyo. Dzimwe nguva unenge uchida kumbozvivaraidza hako asi unoona kuti zvinhu zviri kuvaraidza vanhu mazuva ano zvakaipa, kana kuti zvinotsigira tsika dzakaora. Saka uchaita sei? Vamwe vanongomedza nezvakaora zvacho vachinakidzwa nechero zvipi zvinovaraidza zvavanowana munyika. Vamwe vangabva vasiyana nevaraidzo zvachose kuti vave nechokwadi chokuti havazvipinzi pane ngozi. Vamwewo vanongwarira vosiyana nevaraidzo inokuvadza asi pano neapo vachinakidzwa zvavo neimwe yakati nakei. Uchasarudza zvipi kuti urambe uri murudo rwaMwari?

3. Tava kuzokurukura nezvei?

3 Vazhinji vedu vangasarudza chechitatu chacho. Tinoziva kuti varaidzo inokosha asi tinoda chete iya isingakanganisi tsika dzedu. Saka, tinofanira kufunga nezvokuti tingaziva sei yakanaka neisina. Zvisinei, ngatitangei nokukurukura kuti zvatinosarudza panyaya yevaraidzo zvingakanganisa sei kunamata kwatinoita Jehovha.

“ITAI ZVINHU ZVOSE KUTI MWARI AKUDZWE”

4. Kuzvitsaurira kwedu kunofanira kuchinja sei kusarudza kwatinoita varaidzo?

4 Chimwe Chapupu chakwegura chakabhabhatidzwa muna 1946 chakati: “Ndinotova nechokwadi chekuti ndinenge ndiripo pose panopiwa hurukuro yorubhabhatidzo uye ndinonyatsoteerera sokunge kuti ndini ndiri kubhabhatidzwa.” Nei achidaro? Akatsanangura kuti, “Kuramba ndichiyeuka kuzvitsaurira kwangu chimwe chezvinhu zvinokosha zviri kuita kuti ndirambe ndakatendeka.” Hapana mubvunzo kuti uchabvumirana nemashoko iwayo. Kuzviyeuchidza kuti wakavimbisa Jehovha kuti uchamushumira kwoupenyu hwako hwose kuchaita kuti utsungirire. (Verenga Muparidzi 5:4.) Kufungisisa kuzvitsaurira kwawakaita kunobatsirawo pakuti kuchachinja maonero aunoita ushumiri hwechiKristu nezvimwe zvinhu zvose zvaunoita muupenyu, kusanganisira varaidzo. Muapostora Pauro akasimbisa chokwadi ichocho paakanyorera vaKristu vemazuva ake kuti: “Mungave muri kudya kana kunwa kana kuita chero chimwe chinhu chipi zvacho, itai zvinhu zvose kuti Mwari akudzwe.”—1 VaKorinde 10:31.

5. Revhitiko 22:18-20 inotibatsira sei kuona yambiro iri muna VaRoma 12:1?

5 Chinhu chose chaunoita muupenyu chinobatana nokunamata kwaunoita Jehovha. Mutsamba yake kuvaRoma, Pauro akashandisa mashoko ane simba kuti abatsire vaainamata navo kunzwisisa chokwadi ichi. Akavakurudzira achiti: “Mupe miviri yenyu sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari, iro basa dzvene nesimba renyu rokufunga.” (VaRoma 12:1) Muviri uyu unosanganisira pfungwa, mwoyo, uye simba. Zvose izvi unozvishandisa pakushumira Mwari. (Mako 12:30) Pauro anotaura nezvokushumira kwomwoyo wose ikoko sechibayiro. Mumashoko iwayo munotova neyambiro. MuMutemo waMosesi, chibayiro chaive chakaremara chairambwa naMwari. (Revhitiko 22:18-20) Saizvozvowo, kana kunamata kwomuKristu kuine pamwe pakasviba, kucharambwa naMwari. Izvozvo zvingaitika sei?

6, 7. MuKristu angasvibisa sei muviri wake, uye chii chinogona kuguma chaitika?

6 Pauro akapa zano vaKristu vaive muRoma achiti: “Musaramba muchipa nhengo dzenyu [kana kuti “nhengo dzemiviri yenyu,” Bhaibheri Rinoera] kuchivi.” Pauro akavaudzawo kuti ‘vauraye mabasa omuviri.’ (VaRoma 6:12-14; 8:13) Kwokutanga-tanga mutsamba yake, akanga apa mienzaniso ‘yemabasa enyama’ akadaro. Nezvevanhu vanotadza, tinoverenga kuti: “Miromo yavo izere nokutuka.” “Tsoka dzavo dzinokurumidzira kuteura ropa.” “Kutya Mwari hakusi pamberi pavo.” * (VaRoma 3:13-18) MuKristu angasvibisa muviri wake kana akashandisa “nhengo” dzomuviri wake pakuita zvivi zvakadaro. Somuenzaniso, kana muKristu nhasi achiona zvinhu zvakaipa zvakadai sezvinhu zvinonyadzisira kana kuti zvekurwisana, anenge ‘achipa [maziso ake] kuchivi’ saka anenge achisvibisa muviri wake wose. Kunamata kwose kwaanoita kwakafanana nechibayiro chinenge chisisiri chitsvene uye chisingagamuchirwi naMwari. (Dheuteronomio 15:21; 1 Petro 1:14-16; 2 Petro 3:11) Chokwadi munhu angarasikirwa zvakadaro kuri kuda kungovaraidzwa chete nezvinhu zvakaipa?

7 Zviri pachena kuti varaidzo inosarudzwa nomuKristu inogona kumukanganisa zvikuru. Saka chokwadi tinoda kusarudza varaidzo inoita kuti chibayiro chedu kuna Mwari chiwedzere kunaka kwete varaidzo inochisvibisa. Iye zvino ngatikurukurei kuti tingaziva sei varaidzo yakanaka neisina.

“SEMAI ZVAKAIPA”

8, 9. (a) Varaidzo inogona kunzi ine mhando mbiri dzipi? (b) Ivaraidzo ipi yatinodzivisa, uye nei?

8 Varaidzo inogona kunzi ine mhando mbiri. Imwe inosanganisira iya yokuti vaKristu vanodzivisa zvachose; imwe yacho ndeiya yokuti vaKristu vangazvionera kana yakavanakira kana kuti kwete. Ngatitangei nokukurukura yokutanga yacho, inodziviswa nevaKristu.

9 Sezvakakurukurwa muChitsauko 1, imwe varaidzo inokurudzira zvinhu zvinonyatsorambidzwa neBhaibheri. Somuenzaniso, funga nezvezvinhu zvoutsinye kana kuti zvoudhimoni, zvinonyadzisira kana kuti zvinokurudzira tsika dzakaipa uye dzakafumuka, zvinowanika paIndaneti, mumabhaisikopo, mumapurogiramu eTV, uye munziyo. Sezvo varaidzo yakadaro ichinyatsoratidza zviri pachena kuti inopesana nezvinotaurwa neBhaibheri kana kuti ichityora mitemo yeBhaibheri, vaKristu vechokwadi vanofanira kusiyana nayo. (Mabasa 15:28, 29; 1 VaKorinde 6:9, 10; Zvakazarurwa 21:8) Paunorega kuzvivaraidza nezvinhu zvakadaro, unenge uchiratidza Jehovha kuti zvechokwadi ‘unosema zvakaipa’ uye kuti uri kuramba ‘uchibva pane zvakaipa.’ Ukadaro unenge uine “kutenda kusina unyengeri.”—VaRoma 12:9; Pisarema 34:14; 1 Timoti 1:5.

10. Mafungiro api pamusoro pevaraidzo anokuvadza, uye nei achikuvadza?

10 Zvisinei, vamwe vangafunga kuti kuvaraidzwa nezvinhu zvakadaro zvinotonyatsooneka kuti zvakaipa hakukuvadzi. Vanoti, ‘Kuzviona paTV ndingaona hangu, asi ini handifi ndakaita zvinhu zvakadaro.’ Mafungiro akadaro ndeokuzvinyengera uye anokuvadza. (Verenga Jeremiya 17:9.) Kana tichinakidzwa nokuona zvinhu zvinonzi naJehovha zvakaipa, tinenge ‘tichisema zvakaipa’ here? Kugara tichitarira zvinhu zvinoratidza mufambiro wakaipa kunotindivadza hana dzedu. (Pisarema 119:70; 1 Timoti 4:1, 2) Maitiro akadaro achaita kuti tiite zvakaipa kana kuti tisaona zvakaipa zvinoitwa nevamwe.

11. Chii chinoratidza kuti VaGaratiya 6:7 inotaura chokwadi panyaya dzevaraidzo?

11 Izvi zvinowanzoitika zvechokwadi. Vamwe vaKristu vakaita zvakaipa nemhaka yezvavaigara vachiona. Vakazozvionera kuti “zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” (VaGaratiya 6:7) Asi izvozvo zvinogona kudziviswa. Kana ukanyatsodyara zvinhu zvakanaka mupfungwa dzako, uchakohwa zvinhu zvakanaka muupenyu hwako nemufaro.​—Ona bhokisi rakanzi “ Ndinofanira Kusarudza Varaidzo Yorudzii?

 

KUSARUDZA ZVINOENDERANA NEZVINOTAURWA NEBHAIBHERI

12. VaGaratiya 6:5 inoshanda sei panyaya yevaraidzo, uye chii chinotitungamirira pakusarudza yatinenge tichida?

12 Ngatichikurukura nezvemhando yechipiri yevaraidzo, iya isingarambidzwi kana kubvumirwa zviri pachena neShoko raMwari. Pavaraidzo yakadaro, muKristu mumwe nomumwe anofanira kuzvisarudzira oga yaanoona yakamunakira. (Verenga VaGaratiya 6:5.) Zvisinei, izvi hazvirevi kuti hatina chinotitungamirira pakusarudza kwacho. Mashoko ari muBhaibheri anoita kuti tinzwisise mafungiro aJehovha. Kana tikaaongorora, tichabatsirwa kunzwisisa “kuti zvinodiwa naJehovha ndezvipi” pazvinhu zvose, kusanganisira varaidzo yatinosarudza.—VaEfeso 5:17.

13. Chii chichatibatsira kuti tisiyane nevaraidzo isingafadzi Jehovha?

13 Zvinonzwisisika kuti vaKristu havana kuenzana pakunzwisisa kwavanoita zvinhu zvine chokuita netsika. (VaFiripi 1:9) Uyezve vaKristu vanoziva kuti panyaya yevaraidzo, vanhu vanofarira zvakasiyana-siyana. Saka hatingatarisiri kuti vaKristu vose vachasarudza zvakanyatsofanana. Kunyange zvakadaro, patinorega zvinotaurwa naMwari zvichitungamirira pfungwa dzedu nomwoyo, tinobva tavawo nechido chakasimba chokusiyana nevaraidzo ingagumbura Jehovha.—Pisarema 119:11, 129; 1 Petro 2:16.

14. (a) Chii chatinofanira kufunga nezvacho pakusarudza varaidzo? (b) Tingaita sei kuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvirambe zviri panzvimbo yokutanga muupenyu?

14 Pakusarudza varaidzo, pane chimwe chinhu chinokosha chokufunga nezvacho: nguva yako. Varaidzo yaunosarudza inoratidza kuti zvinhu zvipi zvaunoti zvakarurama, asi nguva yaunopedzera pairi inoratidza kuti zvinhu zvipi zvaunokoshesa. KuvaKristu zviri pachena kuti kunamata ndiko kunokosha kupfuura zvimwe zvose. (Verenga Mateu 6:33.) Chii chaungaita kuti uve nechokwadi chokuti zvinhu zvine chokuita noUmambo zvinoramba zviri panzvimbo yokutanga muupenyu hwako? Muapostora Pauro akati: “Rambai muchinyatsochenjerera kuti kufamba kwamunoita kurege kuita sezvinoita vanhu vasina kuchenjera asi sezvinoita vakachenjera, muchizvitengera nguva yakakodzera.” (VaEfeso 5:15, 16) Chokwadi, kunyatsoziva pokugumira panyaya yenguva yaunoshandisa uchizvivaraidza kuchakubatsira kuva nenguva yokuita ‘zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe,’ kureva zviya zvinoita kuti uve noukama hwakanaka naMwari.—VaFiripi 1:10.

15. Nei kuri kuchenjera kuchekera miganhu yedu nechokure patinosarudza varaidzo?

15 Kuchenjerawo kuti tichekere miganhu yedu tiri nechokure pakusarudza varaidzo. Izvozvo zvinorevei? Ngatidzokerei kumuenzaniso uya womuchero. Kuti urege kuzodya nepakaora usingazivi, haubvi wacheka pakaora pacho chete asi kuti uchachekera nechekure uchipatenderera. Saizvozvowo, kuchenjera kuti tisasarudza varaidzo iri pedyo neyakaipa. MuKristu akachenjera haangosiyani nevaraidzo inotyora mirayiro yeBhaibheri zvakajeka chete, asi kuti anosiyanawo neiya inomutsa mibvunzo kana kuti inoita seine zvimwe zvinhu zvinokanganisa ukama hwomunhu naMwari. (Zvirevo 4:25-27) Kunyatsotevedzera zviri muShoko raMwari kuchakubatsira kuita izvozvo chaizvo.

“ZVINHU ZVOSE ZVAKACHENA”

Kushandisa zvinotaurwa naMwari pakusarudza varaidzo kunotidzivirira kuti tisakanganisa ukama hwedu naye

16. (a) Tingaratidza sei kuti tinoona zvinhu sezvinoita Jehovha panyaya yetsika? (b) Tingaita sei kuti kushandisa zvinotaurwa neBhaibheri kuve mararamiro edu?

16 Pavanosarudza varaidzo, vaKristu vanotanga vafunga maonero aJehovha. Bhaibheri rinotaura kuti Jehovha anonzwa sei nezvenyaya yacho uye rinotaurawo zvaanoda kuti zvitevedzerwe. Somuenzaniso, Mambo Soromoni akanyora zvinhu zvakati kuti zvinovengwa naJehovha, zvakadai ‘sorurimi runoreva nhema, maoko anoteura ropa risina mhosva, mwoyo unoronga mazano anokuvadza, tsoka dzinokurumidza kumhanyira zvakaipa.’ (Zvirevo 6:16-19) Maonero aJehovha anofanira kuita kuti uone sei nyaya iyi? Munyori wepisarema anokurudzira achiti, “Haiwa imi vanoda Jehovha, vengai zvakaipa.” (Pisarema 97:10) Varaidzo yaunosarudza inofanira kuratidza kuti zvechokwadi unovenga zvinovengwa naJehovha. (VaGaratiya 5:19-21) Yeukawo kuti zvaunoita uri pachivande zvinoratidza kuti uri munhu werudzii kupfuura zvaunoita uri paruzhinji. (Pisarema 11:4; 16:8) Saka nguva dzose unofanira kusarudza zvinhu uchitungamirirwa neBhaibheri kuti uratidze kuti une chido chekuraramawo zvinoenderana nemaonero aJehovha panyaya dzetsika. Aya achava mararamiro ako.—2 VaKorinde 3:18.

17. Tisati tasarudza varaidzo, mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

17 Chii chimwe chaungaita kuti uve nechokwadi chokuti uchaita zvinoenderana nemafungiro aJehovha pakusarudza varaidzo? Funga nezvomubvunzo wokuti, ‘Varaidzo iyi haizondikanganisi kana kuti kukanganisa ukama hwangu naMwari here?’ Somuenzaniso usati waona rimwe firimu, zvibvunze kuti, ‘Zviri mariri zvichasiya hana yangu yava sei?’ Ngatikurukurei zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyoyo.

18, 19. (a) Mashoko ari pana VaFiripi 4:8 anotibatsira sei kuziva kana varaidzo yedu yakanaka? (b) Ndeapi mamwe mashoko angakubatsira kusarudza varaidzo yakanaka? (Ona mashoko omuzasi.)

18 Rugwaro runonyanya kushanda panyaya iyi ndiVaFiripi 4:8, iyo inoti: “Zvinhu zvose zvechokwadi, zvinhu zvose zvokuva nehanya nazvo, zvinhu zvose zvakarurama, zvinhu zvose zvakachena, zvinhu zvose zvinodiwa, zvinhu zvose zvinotaurwa zvakanaka nezvazvo, kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.” Ichokwadi kuti Pauro akanga asiri kutaura nezvevaraidzo, asi nezvezvinhu zvatinofungisisa mumwoyo medu izvo zvinofanira kufadza Mwari. (Pisarema 19:14) Asi mashoko aPauro ane zvaanoreva zvinogona kushanda panyaya yevaraidzo. Sei?

19 Zvibvunze kuti, “Mafirimu, uye mitambo yemavhidhiyo, nziyo, nezvimwewo zvandinofarira, zvinozadza pfungwa dzangu ‘nezvinhu zvose zvakachena’ here?” Somuenzaniso, pashure pokuona firimu, mifananidzo yakaita sei inosara iri mupfungwa dzako? Kana ichifadza, yakachena, uye ichikupa zororo, unobva waziva kuti varaidzo yako yakanaka. Zvisinei, kana firimu racho richiita kuti ufunge zvinhu zvisina kuchena, zvinoreva kuti varaidzo yako haina kunaka, inotokuvadza. (Mateu 12:33; Mako 7:20-23) Nei? Nokuti kufunga nezvezvinhu zvisina kuchena kunoita kuti ugare uchinetseka, kunokuvadza hana yako yakadzidziswa neBhaibheri, uye kunogona kuparadza ukama hwako naMwari. (VaEfeso 5:5; 1 Timoti 1:5, 19) Sezvo varaidzo yakadaro ichikuvadza iwe pachako, ibva wasiyana nayo. * (VaRoma 12:2) Ita somunyori wepisarema uyo akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.”—Pisarema 119:37.

TSVAKA ZVAKANAKIRA VAMWE

20, 21. Mashoko ari pana 1 VaKorinde 10:23, 24 anoshanda sei pakusarudza varaidzo yakanaka?

20 Pauro akataura mashoko ari muBhaibheri anokosha zvikuru anoda kufungwa nezvawo paunosarudza zvokuita. Akati: “Zvinhu zvose zvinobvumirwa nomutemo; asi hazvisi zvinhu zvose zvinovaka. Mumwe nomumwe ngaarege kuramba achitsvaka zvake oga, asi zvomumwe munhu.” (1 VaKorinde 10:23, 24) Mashoko iwayo anoshanda sei pakusarudza varaidzo yakanaka? Unofanira kuzvibvunza kuti, ‘Varaidzo yandichasarudza ichaita kuti vamwe vanzwe sei?’

21 Hana yako ingakubvumira kuti usarudze imwe varaidzo yaunoona ‘seinobvumirwa nomutemo’ kana kuti seisina kuipa. Zvisinei, kana ukacherechedza kuti hana dzevamwe vaunonamata navo dzinoita kuti vaone varaidzo iyoyo seyakaipa, ungasarudza kuisiya. Nei? Nokuti haudi kuita sezvakataurwa naPauro, ‘kutadzira hama dzako,’ kana kuti kunyange “kutadzira Kristu,” uchiita kuti zvinyanye kuomera vaunonamata navo kuramba vakatendeka kuna Mwari. Unonzwisisa zano rokuti: “Musava zvinhu zvinogumbura.” (1 VaKorinde 8:12; 10:32) VaKristu vechokwadi nhasi vanoteerera zano raPauro rokuti tifunge vamwe uye tinzwisise, tosiyana nevaraidzo ingava ‘ichibvumirwa nomutemo’ asi ‘isingavaki.’—VaRoma 14:1; 15:1.

22. Nei vaKristu vachibvuma kuti vamwe vave nemaonero akasiyana neavo panyaya dzokuti munhu oga oga azvisarudzire?

22 Zvisinei, pane zvimwewo zvingada kufungwa nezvazvo panyaya yokutsvaka zvakanakira vamwe. MuKristu ane hana isingamubvumiri kuita zvimwe zvinhu haafaniri kubva ati vamwe vose vari muungano vave nemaonero seake pavaraidzo yaanoti ndiyo yakanaka. Kana akadaro, anenge ava kuita somutyairi anoda kuti vamwe vose vafambe nesipidhi yakaita seyake. Izvozvo hazvina musoro. Kuda vamwe vaKristu kunofanira kuita kuti mumwe munhu ane hana isingamubvumiri kuita zvimwe zvinhu aremekedze vamwe vake vane maonero akasiyana neake panyaya yevaraidzo, chero bedzi vasingadariki zvinotarisirwa kuvaKristu. Kana achidaro achaita kuti ‘kunzwisisa kwake kuzivikanwe nevanhu vose.’—VaFiripi 4:5; Muparidzi 7:16.

23. Ungava sei nechokwadi chokuti unosarudza varaidzo yakanaka?

23 Muchidimbu, ungaita sei kuti uve nechokwadi chokuti unosarudza varaidzo yakanaka? Siyana nevaraidzo inoratidza zvinhu zvinotonyatsooneka kuti zvakaipa, zvisina unhu uye zvinoshorwa zviri pachena neShoko raMwari. Tevedzera zvinotaurwa neBhaibheri zvinogona kushandiswa pavaraidzo isingataurwi nezita muBhaibheri. Siyana nevaraidzo inokuvadza hana yako, uye iva nechido chekusiya iya inogona kukuvadza hana dzevamwe, zvikurukuru vaya vaunonamata navo. Tsidza mumwoyo mako kuita izvi kuitira kuti Mwari akudzwe uye kuti iwe nemhuri yako murambe muri murudo rwake.

^ ndima 6 MuchiGiriki mashoko aya anoti, ‘Kutya Mwari hakusi pamberi pemaziso avo.’

^ ndima 19 Mamwe mashoko angashandiswa pakusarudza varaidzo anowanika pana Zvirevo 3:31; 13:20; VaEfeso 5:3, 4; uye VaKorose 3:5, 8, 20.