Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

“Tizai Ufeve”

“Tizai Ufeve”

“Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori.”—VAKOROSE 3:5.

1, 2. Bharami akaronga sei kuisa vanhu vaJehovha pangozi?

MUREDZI anoenda kunoraura panzvimbo yaanofarira. Ane rudzi rwehove rwaari kuda kubata, saka anosarudza hwambo hwakadai sehwemisi, hunofarirwa nehove dzacho obva akanda chirauro mumvura. Angoti garei, nheme, kana kuti chituba, chinotanga kutamba-tamba, chonyura, uye ohwipura chirauro chake chakabata hove yaanga achida. Anosekerera achiziva kuti hwambo hwaashandisa ndihwo chaihwo.

2 Muna 1473 B.C.E., mumwe murume ainzi Bharami akanyatsofunga nezvohumwe hwambo hwokushandisa. Zvisinei, chaaida kubata vaiva vanhu vaMwari, avo vaiva vakadzika misasa paMapani eMoabhi, pamuganhu weNyika Yakapikirwa. Bharami aizviti muprofita waJehovha, asi chokwadi ndechokuti aiva munhu ane makaro akanga avimbiswa mubhadharo kuti atuke vaIsraeri. Zvisinei, kupindira kwaJehovha kwakaita kuti Bharami atokomborera vaIsraeri. Atsunga kuwana mubhadharo wake, Bharami akafunga kuti zvichida aigona kuita kuti Mwari atuke vanhu vake, kana vakaitwa kuti vamutadzire zvakaipisisa. Achifunga nezvezano iroro, Bharami akashandisa hwambo uhwu—vakadzi veMoabhi vaiita kuti varume vade kuita zvepabonde navo.—Numeri 22:1-7; 31:15, 16; Zvakazarurwa 2:14.

3. Zano raBharami rakabudirira zvakadini?

3 Zano iri rakabudirira here? Hongu, rakati budirirei. Makumi ezviuru zvevarume vechiIsraeri vakadyira pahwambo hwacho nokuita “unzenza nevanasikana veMoabhi.” Vakatotanga kunyange kunamata vamwari veMoabhi, vaisanganisira Bhaari wePeori, mwari wokubereka, kana kuti wezvepabonde. Izvi zvakaita kuti vaIsraeri 24 000 vafire pamuganhu chaipo weNyika Yakapikirwa. Iri raiva dambudziko rakakura zvisingatauriki!—Numeri 25:1-9.

4. Nei zviuru zvevaIsraeri zvakadyira pakuita unzenza?

4 Chii chakaita kuti dambudziko iri riitike? Vakawanda vavo vakava nomwoyo wakaipa ndokusiya Jehovha, anova ndiye akanga avasunungura muIjipiti, avapa zvokudya murenje, uye avatungamirira achivachengetedza kusvika pamuganhu wenyika yakapikirwa. (VaHebheru 3:12) Achitaura nezvenyaya yacho, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ngatiregeiwo kuva netsika yokuita ufeve, sevamwe vavo vakaita ufeve, vakazongofa, zviuru makumi maviri nezvitatu pazuva rimwe chete.” *1 VaKorinde 10:8.

5, 6. Nei nhoroondo yechivi chevaIsraeri paMapani eMoabhi ichitibatsira nhasi?

5 Nhoroondo iri muna Numeri ine zvidzidzo zvakawanda kuvanhu vaMwari nhasi, avo vari pamuganhu wenyika yakapikirwa inotopfuura yevaIsraeri nokure. (1 VaKorinde 10:11) Somuenzaniso, madiro anoita nyika ino zvepabonde anotopfuura evaMoabhi vekare. Uyezve, gore negore zviuru zvevaKristu zvinoita unzenza, hunova ihwo hwambo humwe chete hwakabata vaIsraeri. (2 VaKorinde 2:11) Uye, kufanana naZimri, uyo akaita chivindi akashamisira nomukadzi wechiMidhiyani achipinda naye mutende rake mumusasa wevaIsraeri chaimo, vamwe vanowadzana nevanhu vaMwari nhasi vanofurira vamwe muungano yechiKristu.—Numeri 25:6, 14; Judha 4.

6 Unozviona wava paMapani eMoabhi emazuva ano here? Uri kuona mubayiro wako wokupinda munyika itsva yawanga wakamirira kwenguva refu wava pedyo here? Kana zvakadaro ita zvose zvaunogona kuti urambe uri murudo rwaMwari nokuteerera murayiro wokuti: “Tizai ufeve.”—1 VaKorinde 6:18.

Mapani eMoabhi

UFEVE CHII?

7, 8. “Ufeve” chii, uye vanohuita vanokohwa sei zvavanodyara?

7 Semashandisirwo arakaitwa muBhaibheri, shoko rokuti “ufeve” (chiGiriki, por·neiʹa) rinoreva kuita zvepabonde kwevanhu vasina kuroorana maererano neMagwaro. Hunosanganisira upombwe, upfambi, kusangana pabonde kwevanhu vasina kuroorana, uyewo kuita zvepabonde nomumuromo kana nokunobuda netsvina uye kubata-bata nhengo dzokubereka nadzo dzomunhu wausina kuroorana naye. Hunosanganisirawo kusangana pabonde kwomurume nomurume kana kuti mukadzi nomukadzi uyewo kushinha nemhuka. *

8 Magwaro akanyatsojeka paanoti vaya vanoita ufeve havagoni kuramba vari muungano yechiKristu uye havazowani upenyu husingaperi. (1 VaKorinde 6:9; Zvakazarurwa 22:15) Uyewo, kunyange iye zvino vanovhiringidza zvinhu zvakawanda nokuti zvinoguma nokuti vasavimbwa navo uye vasazviremekedza, vasawirirana mumhuri dzavo, vave nehana inovapa mhaka, nhumbu dzavasingadi, zvirwere, uye kunyange kufa. (Verenga VaGaratiya 6:7, 8.) Zvino ungatangirei kufamba munzira yakazara nematambudziko zvakadaro? Zvinosuwisa kuti vakawanda havaswerofunga zvose izvozvo pavanotora nhanho yokutanga, iyo inowanzosanganisira kuona zvinonyadzisira.

ZVINONYADZISIRA​—NHANHO YOKUTANGA

9. Kuona zvinonyadzisira hakukuvadzi here sezvinotaurwa nevamwe? Tsanangura.

9 Munyika dzakawanda zvinonyadzisira zvinowanika munzvimbo dzinotengwa mapepanhau nevoruzhinji, mumimhanzi, paterevhizheni, uye zvakazara paIndaneti. * Hazvikuvadzi here, sezvinotaurwa nevamwe? Uku kuzvinyepera chaiko! Vaya vanoona zvinonyadzisira vangapedzisira vava netsika yokuita bonhora uye vava “nechido chinonyadzisa chokurara nomumwe munhu,” icho chingaita kuti munhu ade zvepabonde pose pose, ade kuzviita nenzira dzisingagamuchirwi mutsika dzevanhu, asawirirana newaakaroorana naye, kana kuti atorambane naye. * (VaRoma 1:24-27; VaEfeso 4:19) Mumwe mutsvakurudzi akafananidza kuda kuita zvepabonde pose pose nekenza. Anoti: “Inoramba ichingowedzera uye ichipararira. Haiwanzoperi uye inonetsa kurapa chaizvo.”

Kuchenjera kuita kuti munhu avhure Indaneti ari panzvimbo inoonekwa nomunhu wose mumba

10. Tingashandisa sei mashoko ari pana Jakobho 1:14, 15? (Onawo bhokisi rakanzi “ Kuwana Simba Rokuva Netsika Dzakachena.”)

10 Funga nezvemashoko akanyorwa pana Jakobho 1:14, 15 anoti: “Mumwe nomumwe anoedzwa nokutorwa mwoyo onyengerwa nokuchiva kwake. Ipapo kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi; chiviwo pachinenge chaitwa, chinokonzera rufu.” Saka kana ukapindwa nepfungwa yakaipa, kurumidza kuita chimwe chinhu kuti uibudise! Somuenzaniso, kana pakangoerekana pava kubuda mifananidzo inonyadzisira, kurumidza kutarisa rutivi, kana kuti dzima kombiyuta yacho, kana kuti chinja purogiramu yeTV. Ita zvose zvaunogona kuti ubvise chido chokuita unzenza chisati chadzika midzi mauri uye chisati chakukurira!—Verenga Mateu 5:29, 30.

11. Patinenge tichirwisa pfungwa dzakaipa, tingaratidza sei kuti tinovimba naJehovha?

11 Hazvishamisi kuti Jehovha, uyo anonyatsotiziva kupfuura zvatinozviita, anotikurudzira achiti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora uko kunoreva kunamata zvidhori.” (VaKorose 3:5) Ichokwadi kuti izvi hazvisi nyore. Asi yeuka kuti tina Baba vokudenga vane rudo uye vane mwoyo murefu vokuudza kana zvatiomera. (Pisarema 68:19) Saka kurumidza kuvaudza kana pfungwa dzakaipa dzakupinda. Nyengetera kuti upiwe “simba rinopfuura renguva dzose,” womanikidza pfungwa dzako kuti dzifunge zvimwe zvinhu.—2 VaKorinde 4:7; 1 VaKorinde 9:27; ona bhokisi rakanzi “ Ndingarega Sei Tsika Yakaipa?

12. “Mwoyo” wedu chii, uye nei tichifanira kuuchengetedza?

12 Murume akachenjera Soromoni akati: “Pazvinhu zvose zvinofanira kuchengetedzwa, chengetedza mwoyo wako, nokuti mauri ndimo mune matsime oupenyu.” (Zvirevo 4:23) “Mwoyo” wedu ndizvo zvatiri nechomukati, zvatiri chaizvo sokuonekwa kwatinoitwa naMwari. Kuwana kwedu upenyu husingaperi hakubvi pakuti vamwe vanotiona sei, asi pakuti Mwari anoona sei “mwoyo” wedu. Ndizvo chete zvinokosha. Asi haisi nyaya yekutamba nayo. Murume akanga akatendeka Jobho akaita sungano kana kuti chibvumirano nemaziso ake, kuti arege kutarisa munhukadzi neziso roruchiva. (Jobho 31:1) Izvi ndizvo zvinofanira kutevedzerwaka izvi! Achiratidza mafungiro akadaro, munyori wepisarema akanyengetera kuti: “Itai kuti maziso angu arege kutarira zvinhu zvisina zvazvinobatsira.”—Pisarema 119:37.

KUSACHENJERA KWADHINA

13. Dhina aiva ani, uye nei masarudziro aakaita shamwari aiva okusachenjera?

13 Sezvatakaona muChitsauko 3, shamwari dzedu dzine simba rokuti tiite zvakanaka kana kuti zvakaipa. (Zvirevo 13:20; verenga 1 VaKorinde 15:33.) Funga nezvomuenzaniso waDhina, mwanasikana waJakobho. Pasinei nokuti akarerwa zvakanaka, Dhina akaita ufuza hwokushamwaridzana nevasikana vechiKenani. Kufanana nevaMoabhi, vaKenani vakanga vasingabviri paunzenza. (Revhitiko 18:6-25) Mukuona kwevarume vechiKenani, kusanganisira Shekemu, uyo “aikudzwa kwazvo” mumba mababa vake, zvaiita sokuti hapana chaivatadzisa kuita zvepabonde naDhina.​—Genesisi 34:18, 19.

14. Kusarudza kwakaita Dhina shamwari kwakakonzera dambudziko sei?

14 Zvimwe Dhina haana kumbofunga nezvenyaya dzepabonde paakaona Shekemu. Zvisinei, Shekemu akaita zvaizongoitwa chero nomuKenani upi zvake kana anzwa kuda kurara nomunhu. Kana Dhina akazoedza kuramba hazvina kubatsira, nokuti Shekemu ‘akamutora, akamubata chibharo.’ Kunenge kuti Shekemu akazotanga ‘kuda’ Dhina, asi izvozvo hazvina kuchinja zvaakanga amuita. (Verenga Genesisi 34:1-4.) Uye Dhina haasi iye oga akatambudzwa nezvakanga zvaitika. Kusarudza kwaakaita shamwari kwakakonzera zviitiko zvakazonyadzisa uye zvakashoresa mhuri yake yose.—Genesisi 34:7, 25-31; VaGaratiya 6:7, 8.

15, 16. Tingawana sei uchenjeri hwechokwadi? (Onawo bhokisi rakanzi “ Magwaro Okufungisisa.”)

15 Kana Dhina aine zvaakadzidza, akazvidzidza nenzira inorwadza. Vaya vanoda uye vanoteerera Jehovha havafaniri kudzidza zvidzidzo zvoupenyu nenzira inorwadza. Vanoteerera Mwari saka vanosarudza ‘kufamba nevanhu vakachenjera.’ (Zvirevo 13:20a) Saka vanosvika pakunzwisisa “zvinhu zvose zvakanaka” vonzvenga mamwe matambudziko nemarwadzo.—Zvirevo 2:6-9; Pisarema 1:1-3.

16 Uchenjeri hwaMwari hunowanika nevaya vane shungu nahwo uye vanoramba vachihunyengeterera uye vanogara vachidzidza Shoko raMwari nemabhuku anobudiswa nemuranda akatendeka, akangwara. (Mateu 24:45; Jakobho 1:5) Chimwe chinokosha kuzvininipisa, uko kunoratidzwa nokuva akagadzirira kuteerera zano rinobva muMagwaro. (2 Madzimambo 22:18, 19) Somuenzaniso, muKristu angaziva hake kuti mwoyo unonyengera uye wakaipa. (Jeremiya 17:9) Asi kana ava kurasika gwara, anozozvininipisa here zvokubvuma zano nokubatsirwa kwaanenge achiitwa?

17. Tsanangura zvingaitika mumhuri, woratidza kuti baba vangabatsira sei mwanasikana wavo pakadaro.

17 Fungidzira mamiriro ezvinhu anotevera. Baba havabvumiri mwanasikana wavo kuti afambe nomukomana wake pasina mumwe wechitatu. Mwanasikana wacho anoti: “Baba, asi hamuvimbi neni? Hatimboiti misikanzwa!” Angava achida Jehovha uye asingafungi kuita zvakaipa, asi ari ‘kufamba nouchenjeri hwaMwari here’? Ari ‘kutiza ufeve here’? Kana kuti haasi kuita upenzi here ‘hwokuvimba nomwoyo wake’? (Zvirevo 28:26) Zvimwe unogona kufunga nezvemamwe magwaro angabatsira baba ava nomwanasikana wavo kuti vaone zvokuita panyaya yacho.—Ona Zvirevo 22:3; Mateu 6:13; 26:41.

JOSEFA AKATIZA UFEVE

18, 19. Muedzo upi wakasangana naJosefa, uye akaita sei?

18 Munhu wechiduku aiva nounhu hwakanaka aida Mwari uye akatiza ufeve ndiJosefa, hanzvadzi yaDhina. (Genesisi 30:20-24) Achiri muduku, Josefa akazvionera oga zvakaitika nemhaka youpenzi hwehanzvadzi yake. Zviri pachena kuti ndangariro idzi pamwe chete nechido chaJosefa chokuramba ari murudo rwaMwari, zvakamudzivirira makore akazotevera ava muIjipiti apo mudzimai watenzi wake akaedza kumukwezva “zuva nezuva” kuti arare naye. Ichokwadi kuti sezvo Josefa aiva muranda, aisakwanisa kungotaura kuti haachadi basa oenda hake! Aitofanira kuchenjera oshinga. Izvozvo akazviita achiramba arambazve zvaitaurwa nomudzimai waPotifari ndokuzopedzisira amutiza.—Verenga Genesisi 39:7-12.

19 Chimbofunga izvi: Dai Josefa aigara achizvifungidzira achirara nomudzimai wacho kana kuti aigara achifungidzira zvepabonde nomukadzi, aizokwanisa here kuramba akatendeka? Pamwe aisazokwanisa. Pane kugara achifunga zvinhu zvakaipa, Josefa aikoshesa ukama hwake naJehovha, izvo zvakaratidzwa nemashoko ake kumudzimai waPotifari. Aiwanzoti, “Tenzi wangu . . . haana kana chaakandirambidza kunze kwenyu, nokuti muri mudzimai wake. Naizvozvo ndingaita seiko chinhu ichi chakaipa kwazvo, nditadzire Mwari?”—Genesisi 39:8, 9.

20. Jehovha akaita sei kuti zvinhu zvichinje kuna Josefa?

20 Fungidzira kuti Jehovha akafara sei paakaona Josefa achiramba akatendeka zuva nezuva asi ari kure nevemumhuri yake. (Zvirevo 27:11) Jehovha akazoita kuti zvinhu zvichinje zvokuti Josefa akazobudiswa mujeri akaitwa mutungamiriri wehurumende yeIjipiti uye gurukota raiona nezvezvokudya munyika! (Genesisi 41:39-49) Mashoko ePisarema 97:10 ndeechokwadi anoti: “Vanoda Jehovha ngavavenge zvakaipa, nokuti anorinda upenyu hwavanhu vake vakatendeka uye anovarwira muruoko rwowakaipa.”!—Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi.

21. Imwe hama yechiduku munyika iri muAfrica yakaratidza sei kuti yakashinga kuti irambe iine tsika dzakanaka?

21 Saizvozvowo nhasi, vashumiri vaMwari vakawanda vanoratidza kuti ‘vanovenga zvakaipa, vachida zvakanaka.’ (Amosi 5:15) Mumwe mukomana munyika iri muAfrica anoyeuka kuti mumwe musikana waaidzidza naye akanyatsomuvimbisa kuzorara naye kana aizomubatsira pabvunzo dzemasvomhu. Anoti: “Ndakabva ndangoramba pakarepo. Kuramba ndakatendeka kwakaita kuti ndirambe ndiine chiremerera uye ndichizviremekedza.” Ichokwadi kuti chivi ‘chinofadza kwenguva duku,’ asi kunakidzwa kwakadaro nezvinhu zvinopfuura kunowanzosiya munhu ava kurwadziwa zvikuru. (VaHebheru 11:25) Uyezve hapana kunakidzwa kunombovapo kana tichienzanisa nomufaro unoramba uripo unobva pakuteerera Jehovha.—Zvirevo 10:22.

BVUMA KUBATSIRWA NAMWARI WENGONI

22, 23. (a) Kana muKristu akaita chivi chakakura, nei zvisingarevi kuti haachabatsiriki? (b) Mutadzi angabatsirwa naani?

22 Sezvo tiine chivi, tose tinotambudzika kuti tikurire zvido zvenyama yedu toita zvakarurama mukuona kwaMwari. (VaRoma 7:21-25) Jehovha anozviziva izvozvo “achiyeuka kuti tiri guruva.” (Pisarema 103:14) Zvisinei, dzimwe nguva muKristu angaita chivi chakakura. Zvinoreva kuti haachabatsiriki here? Kana! Ichokwadi kuti mutadzi wacho angazotambura nemhaka yezvaakaita, sezvakaita Mambo Dhavhidhi. Zvisinei, Mwari “akagadzirira kukanganwira” vaya vanopfidza uye ‘vanoreurura pachena’ zvivi zvavo.—Pisarema 86:5; Jakobho 5:16; verenga Zvirevo 28:13.

23 Uyezve, Mwari akapa ungano yechiKristu “zvipo zviri varume,” kureva vafudzi vakakura mune zvokunamata avo vakakodzera uye vane chido chokubatsira. (VaEfeso 4:8, 12; Jakobho 5:14, 15) Chinangwa chavo ndechokubatsira mutadzi kuti adzoke pakuva noukama hwakanaka naMwari uye sezvakarehwa nomumwe murume akachenjera, kumubatsira “kuwana mwoyo une njere” kuti arege kudzokorora chivi chacho.—Zvirevo 15:32.

“WANA MWOYO UNE NJERE”

24, 25. (a) Mukomana anotsanangurwa pana Zvirevo 7:6-23 akaratidza sei kuti aiva “nomwoyo usina njere”? (b) Tingaita sei kuti ‘tiwane mwoyo une njere’?

24 Bhaibheri rinotaura nezvevanhu vane “mwoyo usina njere” uye vari “kuwana mwoyo une njere.” (Zvirevo 7:7) Nemhaka yokusanyatsonzwisisa zvinodiwa naMwari uye kusava nenguva refu mukushumira Mwari, mumwe munhu ane “mwoyo usina njere” angatadza kunzwisisa uye kuziva zvokuita. Kufanana nomukomana anotsanangurwa pana Zvirevo 7:6-23, zvingava nyore kuti aite chivi chakakura. Zvisinei, “munhu anowana mwoyo une njere” anozviongorora nechomukati nokugara achidzidza Shoko raMwari achinyengetera. Uye anoedza nepaanogona napo somunhu ane chivi, kuti pfungwa dzake, zvido zvake, uye zvinangwa zvake muupenyu zvienderane nezvinodiwa naMwari. Saka zvinoratidza kuti “anoda mweya wake” kana kuti ari kuita kuti adiwe, uye “achawana zvakanaka.”—Zvirevo 19:8.

25 Zvibvunze kuti: ‘Ndinonyatsogutsikana here kuti zvinodiwa naMwari ndizvo zvakarurama? Ndinotenda zvakasimba here kuti kuzviteerera kunoguma nomufaro mukuru?’ (Pisarema 19:7-10; Isaya 48:17, 18) Kana paine zvimwe zvausina chokwadi nazvo, kunyange zviduku-duku, gadzirisa. Fungisisa zvinozoitika kana ukasateerera mitemo yaMwari. Uyezve, ‘ravira hako uone kuti Jehovha akanaka sei’ nokurarama muchokwadi uye nokugara uchifunga zvinhu zvinovaka, kureva zvinhu zvechokwadi, zvakarurama, zvakachena, zvinodiwa, uye zvakanaka. (Pisarema 34:8; VaFiripi 4:8, 9) Iva nechokwadi chokuti paunoramba uchidaro ucharamba uchiwedzera kuda Mwari, kuda zvaanoda, uye kuvenga zvaanovenga. Josefa aiva munhu akaitawo sesu. Asi akakwanisa ‘kutiza ufeve’ nokuti akabvumira Jehovha kumuumba kwemakore akawanda, achimupa mwoyo une njere. Dai izvozvo zvikaitikawo kwauri.—Isaya 64:8.

26. Inyaya ipi inokosha ichatevera kukurukurwa?

26 Musiki wedu akatipa nhengo dzokubereka nadzo, kwete sezvinhu zvokungotambisawo hazvo, asi kuti tidzishandise pakubereka uye pakufadzana newatakaroorana naye. (Zvirevo 5:18) Maonero aMwari panyaya yokuroorana achakurukurwa muzvitsauko zviviri zvinotevera.

^ ndima 4 Zvinoratidza kuti nhamba inotaurwa pana Numeri inosanganisira “vakuru vose vevanhu” vakaurayiwa nevatongi avo vangadaro vakasvika varume 1 000, uye vaya vakaurayiwa naJehovha pachake.—Numeri 25:4, 5.

^ ndima 7 Kuti uwane mamwe mashoko nezvezvinoreva kusachena uye maitiro ekushaya nyadzi, ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi,” muNharireyomurindi yaJuly 15, 2006, yakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 9 Pano, “zvinonyadzisira” zvinoreva mifananidzo, zvakanyorwa kana kuti manzwi anonyadzisira, zvinoitirwa kuti mumwe munhu anzwe achida zvepabonde. Zvinonyadzisira zvingava mufananidzo womunhu akamira zvokuti vanhu vanzwe vachida kuita zvepabonde naye kana kuti mifananidzo yevanhu vaviri kana kuti vanopfuura vanenge vachiita zvepabonde zvisingaiti kutsanangura.

^ ndima 9 Bonhora rinotsanangurwa muMashoko Okuwedzera panyaya inoti Kukurira Tsika Yokuita Bonhora.