Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 11

“Kuroorana Ngakukudzwe”

“Kuroorana Ngakukudzwe”

“Fara nomudzimai wouduku hwako.”​—ZVIREVO 5:18.

1, 2. Mubvunzo upi watichakurukura nezvawo, uye nei?

WAKAROORA here? Wakaroorwa here? Kana zvakadaro uri kufadzwa nemba yako here, kana kuti muri kunetsana nomumwe wako? Mava kungoita mazvake mazvake here? Wava kungogarira kuti hapana zvokuzviita here? Kana zviri izvo, zvinofanira kuva zviri kukurwadza kuti imba yako yaimbova norudo rwaipfuta moto haichisina rugare. SomuKristu, chido chako ndechokuti imba yako ikudze Jehovha, Mwari waunoda. Saka mamiriro akaita imba yako angakushaisa hope. Kunyange zvakadaro, tapota usafunga kuti zvinhu hazvichagadzirisiki.

2 Nhasi uno kune varume nemadzimai echiKristu vanofara asi kare vaingogara mudzimba zvokungoti vodii. Asi vakawana nzira yokusimbisa nayo rudo rwavo. Kana newewo unogona kugutswa nemba yako. Sei?

KUSWEDERA PEDYO NAJEHOVHA UYE NOMUMWE WAKO

3, 4. Nei vanhu vakaroorana vachiva pedyo nepedyo kana vakashanda nesimba kuti vaswedere pedyo naMwari? Ipa muenzaniso.

3 Iwe nomumwe wako muchava pedyo nepedyo kana mose muchishanda nesimba kuti muswedere pedyo naMwari. Nei? Funga nezvomuenzaniso unotevera: Fungidzira gomo rine pamusorosoro pakaita patetetete asi muzasi maro makapamhama. Murume akamira mujinga maro nechokuchamhembe, mukadzi akamira nechokumaodzanyemba. Vose vanotanga kukwira. Pavanenge vachiri mujinga maro, vanenge vari kure nokure. Asi sezvavanenge vachikwira vakananga kwakatetepa, zvishoma nezvishoma vanenge vachiswedera pedyo nepedyo. Uri kuona here chidzidzo chatinowana pamuenzaniso uyu?

4 Simba raunoisa pakushumira Jehovha ringafananidzwa nesimba raunoisa pakukwira gomo. Sezvo uchida Jehovha, zvakaita sokuti uri kuedza zvakaoma kukwira gomo. Kana iwe nomumwe wako muri kuita mazvake mazvake, makafanana nevanhu vari kukwira vakati mumwe kuno mumwe kuseri. Asi, chii chinoitika kana mukaramba muchikwira? Ichokwadi kuti mungava kure nokure pamunotanga kukwira. Zvisinei, pamunoedza nepamunogona napo kuswedera pedyo naMwari, sokunge muri kuramba muchikwira, mucharambawo muchiswedera pedyo nepedyo. Chokwadi, kuswedera pedyo naMwari ndiwo musimboti wokuswedera pedyo nomumwe wako. Asi izvozvo ungazviita sei?

Kana mukaishandisa, zivo yeBhaibheri ine simba rokusimbisa imba yenyu

5. (a) Ndeipi imwe nzira yokuswedera nayo pedyo naJehovha uye newawakaroorana naye? (b) Jehovha anoona sei wanano?

5 Imwe nzira inokosha yamungaita nayo somuri kukwira gomo ndeyokuti iwe nomumwe wako muteerere mazano ari muShoko raMwari nezvewanano. (Pisarema 25:4; Isaya 48:17, 18) Saka funga nezverimwe zano rinokosha rakanyorwa nomuapostora Pauro. Akati: “Kuroorana ngakukudzwe navose.” (VaHebheru 13:4) Izvi zvinorevei? Shoko rokuti “ngakukudzwe” rinoratidza kuti chinhu chinoremekedzwa uye chinokosheswa. Izvi zvinonyatsoratidza maonero anoita Jehovha wanano; anoiremekedza nokuikoshesa.

KUDA JEHOVHA NOMWOYO WOSE KUCHAKUKURUDZIRA

6. Zvaitaurwa naPauro paakapa zano nezvewanano zvinoratidzei, uye nei zvichikosha kugara uchizviziva?

6 Ichokwadi kuti iwe nomumwe wako, sezvo muri vashumiri vaMwari, munotoziva kuti kuwanana kunokosha, uye kunotova kutsvene. Jehovha pachake ndiye akatanga urongwa hwewanano. (Verenga Mateu 19:4-6.) Zvisinei, kana musiri kugarisana zvakanaka mumba menyu, kungoziva kuti wanano inokudzwa hakuna kukwana kuti kukukurudzirei kudanana uye kuremekedzana. Saka chii chichakukurudzirai kuti mudaro? Nyatsocherechedza kuti Pauro akataura sei nyaya yokukudza. Haana kuti “kuroorana kunokudzwa”; asi akati “kuroorana ngakukudzwe.Pauro akanga asiri kutaura zvakaita wanano; aitopa zano rezvinofanira kuitwa. * Kugara uchiziva musiyano iwoyo kungakubatsira kuwedzera kuremekedza kwaunoita wawakaroorana naye. Zvinodaro sei?

7. (a) Mirayiro ipi yomuMagwaro yatinoteerera, uye nei tichiiteerera? (b) Zvii zvakanaka zvinobva pakuteerera?

7 Chimbofunga maonero aunoita mimwe mirayiro iri muMagwaro, yakadai sebasa rokudzidzisa vanhu kana kuti kupinda misangano. (Mateu 28:19; VaHebheru 10:24, 25) Ichokwadi kuti dzimwe nguva hazvisi nyore kutevedzera mirayiro iyi. Vanhu vaunoparidzira vangasateerera, kana kuti basa rako rokunyika ringakusiya wadhamba zvokuti kupinda misangano yechiKristu ibasa chairo. Kunyange zvakadaro unongoramba uchiparidza shoko roUmambo nokupinda misangano yechiKristu. Hapana angakurambidza, kunyange Satani! Nei? Nokuti kuda kwaunoita Jehovha nomwoyo wose kunokuita kuti uteerere mirayiro yake. (1 Johani 5:3) Zvozokubatsira sei? Kuita basa rokuparidza uye kupinda misangano kunoita kuti unzwe wakadekara uye ufare nokuti unoziva kuti uri kuita kuda kwaMwari. Manzwiro iwayo anoitawo kuti uwanezve simba. (Nehemiya 8:10) Saka tinodzidzei pano?

8, 9. (a) Chii chingatikurudzira kuteerera murayiro wokuti tikudze wanano, uye zvichatibatsira sei? (b) Ipfungwa dzipi mbiri dzatava kuzokurukura?

8 Sezvo kuda kwako Mwari zvakadzama kuchikuita kuti uteerere mirayiro yake yokuparidza nokupinda misangano pasinei nezvipingamupinyi, kuda kwaunoita Jehovha kunogona kukuita kuti uteerere murayiro uri muMagwaro wokuti “kuroorana [kwenyu] ngakukudzwe,” kunyange kana zvichiita sezvakaoma. (VaHebheru 13:4; Pisarema 18:29; Muparidzi 5:4) Uyezve, sezvo kushanda nesimba kwaunoita kuti uparidze uye upinde misangano kuchiita kuti Mwari akukomborere, kushanda nesimba kuti ukudze wanano yenyu kuchaonekwawo naJehovha uye achakukomborera.—1 VaTesaronika 1:3; VaHebheru 6:10.

9 Saka ungaita sei kuti wanano yenyu ikudzwe? Unofanira kusiyana netsika dzinoparadza imba. Uyezve unofanira kutora matanho okusimbisa imba yenyu.

SIYANA NOKUTAURA UYE TSIKA DZISINGAKUDZI WANANO

10, 11. (a) Itsika ipi isingakudzi wanano? (b) Mubvunzo upi watinofanira kukurukura newatakaroorana naye?

10 Mumwe mudzimai wechiKristu akamboti: “Ndinonyengetera kuna Jehovha kuti andipe simba rokutsungirira.” Kutsungirira chii? Akatsanangura kuti: “Murume wangu anondirova nemashoko. Ndingasava zvangu nemavanga anooneka, asi magaramwoyo aanondikandira akadai sokuti ‘Ndaneta newe!’ uye ‘Wakangogarira kudya chete!’ anosiya mavanga pamwoyo pangu.” Nyaya iri kutaurwa nomudzimai uyu inyaya yanetsa, nyaya yekutukana mudzimba.

11 Zvinorwadza kuona vaKristu vakaroorana vachikandirana makobvu nematete, anosiya mavanga asingazopora zviri nyore! Zviri pachena kuti imba inogara vanhu vachingokandirana makukutu haikudzwi. Ko imi munotaurirana sei mumba menyu? Imwe nzira yokuziva nayo ndeyokuzvininipisa wobvunza wawakaroorana naye kuti, “Mashoko angu anoita kuti unzwe sei?” Kana akakuudza kuti unogara uchimurwadzisa nezvaunotaura, unofanira kuva nechido chokuchinja.—VaGaratiya 5:15; verenga VaEfeso 4:31.

12. Chii chingaita kuti Mwari azoona kunamata kwomunhu sokusina zvakunobatsira?

12 Gara uchinyatsoziva kuti mashandisiro aunoita rurimi rwako mumba mako ane zvaanoita paukama hwako naJehovha. Bhaibheri rinoti: “Kana munhu chero upi zvake achizviona somunhu anonamata zvakarurama asi asingadzori rurimi rwake, achiramba achinyengera mwoyo wake, kunamata kwomunhu uyu hakuna zvakunobatsira.” (Jakobho 1:26) Matauriro ako anoratidza manamatiro ako. Bhaibheri haritsigiri pfungwa yokuti zvekumba ndezvekumba hazvinei nokunamata Mwari. Tapota usazvinyengera. Iyi haisi nyaya yokutamba nayo. (Verenga 1 Petro 3:7.) Ungava nezvipo uye uchishingaira, asi kana uchirwadzisa wawakaroorana naye nemagaramwoyo uchiziva hako, hausi kukudza urongwa hwewanano uye kunamata kwako kungaonekwa naMwari sokusina zvakunobatsira.

13. Munhu akaroora kana kuti akaroorwa angarwadzisa sei mumwe wake?

13 Vanhu vakaroorana vanofanirawo kungwarira kuti vasagumburisana nezvinhu zvavanoita nevamwe vanhu. Funga nezvemienzaniso miviri: Amai vasina murume vanogara vachifonera murume akaroora ari muungano vachimubvunza mazano, uye vanotaura kwenguva refu; hama yechiKristu isati yaroora inoita nguva yakawanda vhiki imwe neimwe iri mubasa romumunda nehanzvadzi yechiKristu yakaroorwa. Vanhu ivavo vane dzimba vangava vasina havo pfungwa dzakaipa; asi varume vavo kana kuti madzimai vanonzwa sei? Mumwe mudzimai ane murume anodaro akati: “Zvinondirwadza kuona murume wangu achiita nguva yakawanda kudaro achibatsira imwe hanzvadzi iri muungano. Zvinoita kuti ndinzwe semunhu asingakoshi.”

14. (a) Chii chinofanira kuitwa nevakaroorana chinosimbiswa pana Genesisi 2:24? (b) Tinofanira kuzvibvunza kutii?

14 Zvinonzwisisika kuti vanoitirwa izvi vanorwadziwa. Vavakaroorana navo vanofuratira zvakarayirwa naMwari zvinokosha zvokuti: “Murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake.” (Genesisi 2:24) Ichokwadi kuti vaya vanoroorana vanoramba vachiremekedza vabereki vavo; zvisinei, ndiMwari akaronga kuti wavakaroorana naye ave iye wepedyo kupfuura vamwe vose. Saizvozvowo, vaKristu vanoda zvikuru vavanonamata navo; asi vanofanira kunyanya kuda wavakaroorana naye. Saka kana vaKristu vane dzimba vachipedza nguva yakawandisa kana kuti vachinyanya kujairirana nevavanonamata navo, zvikurukuru vasiri varume vavo kana kuti vakadzi vavo, vanenge vachikanganisa rudo rwavo newavakaroorana naye. Ndizvo zvingava zviri kukanganisa imba yako here? Zvibvunze kuti, ‘Ndinopa mumwe wangu kodzero dzake nokuwana nguva yekuva naye, kunzwawo zvaanoda, uye kumuratidza kuti ndinomuda here?’

15. Maererano naMateu 5:28, nei vaKristu vane dzimba vasingafaniri kujairirana nevarume kana kuti vakadzi vasiri vavo?

15 Uyezve, vaKristu vane dzimba vanojairirana nevarume kana kuti vakadzi vasiri vavo vanenge vachizvisikira moto muziso. Zvinosuwisa kuti vamwe vaKristu vane dzimba vakapedzisira vava kuda vaya vavakanga vajairirana navo. (Mateu 5:28) Izvi zvakapedzisira zvaita kuti vaite zvimwe zvinhu zvinotonyanya kuita kuti wanano yavo isakudzwa. Funga zvakataurwa nomuapostora Pauro nezvenyaya iyi.

“MUBHEDHA WEVAKAROORANA NGAUREGE KUSVIBISWA”

16. Pauro anopa murayiro wokutii nezvokuroorana?

16 Pauro achangotaura mashoko okuti “kuroorana ngakukudzwe,” akabva apa yambiro yokuti: “Mubhedha wevakaroorana ngaurege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 13:4) Pauro akati “mubhedha wevakaroorana” achireva kusangana kwomurume nomudzimai. Kusangana ikoko kunenge kusina “kusvibiswa” kana kuti kwakachena, kana kukaitwa nevanhu vakaroorana chete. Saka, vaKristu vanoteerera mashoko akafemerwa okuti: “Fara nomudzimai wouduku hwako.”—Zvirevo 5:18.

17. (a) Nei vaKristu vasingafaniri kuona upombwe sezvinoitwa nenyika? (b) Tingatevedzera sei muenzaniso waJobho?

17 Vaya vanorara nomunhu wavasina kuroorana naye vanoshora zvikuru mitemo yaMwari yetsika. Ichokwadi kuti vakawanda nhasi vanoona upombwe sechinhu chinongoitwa nomunhu wose. Asi zvinofungwa nevanhu hazvifaniri kukanganisa maonero anoita vaKristu upombwe. Vanoziva kuti pakupedzisira, haasi munhu, asi “Mwari achatonga zvifeve nemhombwe.” (VaHebheru 10:31; 12:29) Saka vaKristu vechokwadi vanoramba vaine maonero aJehovha panyaya iyi. (Verenga VaRoma 12:9.) Yeuka kuti Jobho akati: “Ndakaita sungano nemaziso angu.” (Jobho 31:1) Kuti varege kupedzisira vaita upombwe, vaKristu vechokwadi vanodzora maziso avo uye havarambi vakangoti ndee vachichiva munhu wavasina kuroorana naye.—Ona Mashoko Okuwedzera, panyaya inoti “Zvinotaura Bhaibheri Nezvokurambana Uye Kuparadzana.”

18. (a) Jehovha anoona sei upombwe? (b) Upombwe hwakafanana papi nokunamata zvidhori?

18 Jehovha anoona sei upombwe? Mutemo waMosesi unotibatsira kunzwisisa kuti Jehovha anonzwa sei nezvenyaya yacho. Munguva yevaIsraeri, kuita upombwe nokunamata zvidhori imhosva dzaiita kuti munhu atongerwe rufu. (Revhitiko 20:2, 10) Unoona here kufanana kwakaita zviviri izvi? MuIsraeri ainamata zvidhori aityora sungano yake naJehovha. Saizvozvowo, muIsraeri aiita upombwe aityora sungano yake newaakaroorana naye. Vose vainge vanyengera. (Eksodho 19:5, 6; Dheuteronomio 5:9; verenga Maraki 2:14.) Saka vose vaiva nemhosva kuna Jehovha, Mwari akatendeka uye akavimbika.—Pisarema 33:4.

19. Chii chingabatsira munhu kuti asatomboda kuita upombwe, uye kuhuita kungakonzera chii?

19 Ichokwadi kuti vaKristu havasi pasi poMutemo waMosesi. Asi kuyeuka kuti muIsraeri upombwe hwaitorwa sechivi chinourayisa, kungabatsira vaKristu kuti vasamboda kuhuita. Nei? Funga nezvomuenzaniso uyu: Ungafa wakapinda muchechi here ugopfugama uchinamata chidhori? Ungati, ‘Hazvifi zvakaita!’ Asi ungazviita here kana ukanzi uchapiwa mari yakawanda? ‘Kana!’ ungapindura uchidaro. Chokwadi hazvitomboiti kuti muKristu wechokwadi afunge zvokusiya Jehovha achinamata zvidhori. Saizvozvowo, vaKristu vanofanira kuona zvisingatomboiti kuti vasiye Mwari wavo Jehovha uye wavakaroorana naye vachiita upombwe, pasinei nokuti vachawanei nokuita chivi ichocho. (Pisarema 51:1, 4: VaKorose 3:5) Hatidi kufa takaita chimwe chinhu chingaita kuti Satani apembere asi chichishoresa Jehovha uye chisingakudzi urongwa hutsvene hwewanano.

KUSIMBISA KWAUNGAITA IMBA YAKO

20. Chii chakaitika kune dzimwe wanano? Ipa muenzaniso.

20 Kuwedzera pakusaita tsika dzisingakudzi wanano, matanho api aungatora kuti utangezve kuremekedza wawakaroorana naye? Kuti tiwane mhinduro ngatimbofananidzai wanano neimba chaiyo. Chifunga nezvezvinhu zvakadai semashoko omutsa, uye zvinhu zvinoratidza kufunga mumwe wako nezvose zvaunoita kuti wanano ikudzwe, sezvinhu zvinoiswa mumba kuti munake. Kana muchinzwa muri pedyo nepedyo wanano yenyu yakaita semba yakashongedzwa nezvinhu zvakanaka zvinoita kuti iyevedze uye ifadze. Kana rudo rwenyu rwatonhora, panenge pasisina zvinhu izvozvo, wanano yenyu yosara yakangoti hwa, kunge imba isina kana chinhu chinoishongedza. Chido chako chokuteerera murayiro waMwari wokuti “kuroorana ngakukudzwe,” chichakupa simba rokuti ude kugadzirisa zvinhu. Chokwadi chinhu chinokosha uye chinokudzwa chakakodzera kugadziriswa kana kuvakiridzwa. Ungazviita sei? Shoko raMwari rinoti: “Imba inovakwa nouchenjeri, uye inosimbiswa kwazvo noungwaru. Dzimba dzomukati dzichazara nezvinhu zvose zvinokosha uye zvinofadza nokuda kwokuva nezivo.” (Zvirevo 24:3, 4) Funga kuti mashoko aya angashandiswa sei nevakaroorana.

21. Tingasimbisa sei imba yedu zvishoma nezvishoma? (Onawo bhokisi rakanzi “ Ndingavandudza Sei Imba Yangu.”)

21 Zvimwe ‘zvezvinhu zvinokosha’ zvinozadza imba ine vanhu vanofara, rudo rwechokwadi, kutya Mwari, nokutenda kwakasimba. (Zvirevo 15:16, 17; 1 Petro 1:7) Zvinhu izvi zvinoita kuti imba isimbe. Asi waona here kuti chii chakashandiswa kuti dzimba dziri muchirevo chiri mundima yapfuura dzizadzwe nezvinhu zvinokosha? ‘Izivo.’ Chokwadi, kana zivo yeBhaibheri ikashandiswa ine simba rokuchinja mafungiro evanhu ichiita kuti vakuchidzire rudo rwavo rwanga rwodzima. (VaRoma 12:2; VaFiripi 1:9) Saka pose pamunogara pasi nomumwe wako kuti munyatsodzidza imwe ndima iri muBhaibheri inenge ichitaura nezvevakaroorana, yakadai sorugwaro rwezuva, kana kuti magazini inotsanangura Bhaibheri yakadai seNharireyomurindi kana kuti Mukai!, zvinoita sokuti muri kuongorora chimwe chinhu chinoyevedza chokuisa mumba menyu kuti munake. Kana kuda Jehovha kuchiita kuti mude kushandisa zvamunenge muchangobva kudzidza mumba menyu, zvinoita sokuti muri kuisa zvinoshongedza ‘mudzimba dzomukati’ dzeimba yenyu. Izvi zvingadzora mufaro wamaimbova nawo mumba menyu.

22. Tichagutsikana nechii kana tichiedza kuita zvatinogona kusimbisa imba yedu?

22 Ichokwadi kuti zvingatora nguva yakati wandei uye simba kuti mudzorere zvinhu zvinoshongedza panzvimbo yazvo chimwe nechimwe. Asi kana uchiedza kuita pako, uchanzwa kugutsikana kunobva mukuziva kuti uri kuteerera murayiro weBhaibheri wokuti: “Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaRoma 12:10; Pisarema 147:11) Kupfuura zvose, kuedza kwaunoita nomwoyo wose kukudza wanano yenyu kuchaita kuti urambe uri murudo rwaMwari.

^ ndima 6 Mashoko ari pedyo anoratidza kuti paakapa zano pamusoro pewanano, Pauro aipa mazano panyaya dzakasiyana-siyana.​—VaHebheru 13:1-5.