Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

Taura ‘Zvakanaka Zvinovaka’

Taura ‘Zvakanaka Zvinovaka’

“Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake.”—VAEFESO 4:29.

1-3. (a) Chipo chipi chatakapiwa naJehovha, uye chinogona sei kushandiswa zvisiri izvo? (b) Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira kushandisa sei chipo chokutaura?

KANA ukapa mumwe munhu chipo, unonzwa sei kana akachishandisa zvisiri izvo? Ngatitii wakamupa mota, wozonzwa kuti akaityaira achiita hake zvokutamba, akakuvadzisa vamwe. Zvingasakuodza mwoyo here?

2 Kukwanisa kubudisa mashoko chipo chinobva kuna Jehovha, uyo anopa “zvipo zvose zvakanaka nezvinopiwa zvose zvakakwana.” (Jakobho 1:17) Chipo ichi, chinova ndicho chinoita kuti vanhu vasiyane nemhuka, chinoita kuti tiudze vamwe zvatinofunga uye kuti tiri kunzwa sei. Zvisinei, kufanana nemota, chipo chokutaura chinogona kushandiswa zvisiri izvo. Saka Jehovha anofanira kunge achiodzwa mwoyo paanonzwa vanhu vachirasa muromo, vachishungurudza nokurwadzisa vamwe!

3 Kuti tirambe tiri murudo rwaMwari, tinofanira kushandisa chipo chokutaura sezvinodiwa neakachipa wacho. Jehovha haatisiyi tichiita zvokufungidzira kuti anofadzwa nokutaura kwakaita sei. Shoko rake rinoti: “Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu, asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.” (VaEfeso 4:29) Ngatikurukurei kuti nei tichifanira kungwarira zvatinotaura, kuti mashoko api atisingafaniri kutaura, uye kuti tingataura sei ‘zvakanaka, zvinovaka.’

NEI TICHIFANIRA KUBATA MUROMO WEDU?

4, 5. Zvimwe zvirevo zviri muBhaibheri zvinotsanangura sei simba rine mashoko?

4 Chimwe chikonzero nei tichifanira kubata muromo wedu ndechokuti mashoko ane simba. Zvirevo 15:4 inoti: “Kudzikama kworurimi muti woupenyu, asi kusarurama kuri maruri kunoreva kuputsika kwomudzimu [kana kuti kuora mwoyo].” * Sezvo mvura ichiraramisa muti wanga wava kuoma, rurimi runyoro runosimbisa vaya vanonzwa zvarwunotaura. Kusiyana naizvozvo, mashoko akaipa anopedza vamwe simba. Chokwadi, mashoko atinotaura ane simba rokukuvadza kana kuporesa.—Zvirevo 18:21.

5 Chimwe chirevo chinonyatsotsanangura simba riri mumashoko chichiti: “Kune munhu anotaura asingafungi zvinobaya sezvinoita bakatwa.” (Zvirevo 12:18) Mashoko asina kufungwa anogona kusiya vamwe vava nemaronda uye anoparadza ukama. Wati wamborwadziswa nomumwe munhu ataura zvinobaya sebakatwa here? Asiwo, chirevo ichocho chinoti: “Rurimi rwevakachenjera runoporesa.” Mashoko anenge anyatsofungwa anotaurwa nomunhu ane uchenjeri hunobva kuna Mwari anogona kuporesa mwoyo unenge wakuvadzwa uye anogona kuvaka ukama. Unoyeuka here pawakamboporeswa nemashoko akanga ataurwa nomunhu ane mutsa? (Verenga Zvirevo 16:24.) Tichiziva kuti mashoko ane simba, zvechokwadi tinoda kushandisa miromo yedu kuporesa vamwe kwete kuvakuvadza.

Kutaura nounyoro kunozorodza

6. Nei riri basa chairo kudzora rurimi rwedu?

6 Kunyange tikaedza zvakadini, hatigoni kudzora rurimi rwedu zvakazara. Saka ndicho chikonzero chechipiri nei tichifanira kubata muromo wedu: Chivi chiri matiri chinoita kuti tide kushandisa rurimi rwedu zvakaipa. Mumwoyo ndimo munobva mashoko, uye “zvinodiwa nomwoyo womunhu zvakaipa.” (Genesisi 8:21; Ruka 6:45) Saka kudzora rurimi rwedu ibasa chairo. (Verenga Jakobho 3:2-4.) Kunyange zvazvo tisingakwanisi kudzora rurimi rwedu zvakakwana, tinogona kugara tichiedza kutaura zviri nani. Sokurwisa kunofanira kuita munhu anoshambira achienda kuri kubva mvura, isuwo tinotofanira kurwisa chaizvo kapfungwa kanogara kari matiri kekuda kuita chivi tichishandisa rurimi zvisina kunaka.

7, 8. Jehovha ane basa here nematauriro atinoita?

7 Chikonzero chechitatu nei tichifanira kubata muromo ndechokuti tichazvidavirira kuna Jehovha pamusoro pezvatinotaura. Mashandisiro atinoita rurimi rwedu anokanganisa ukama hwedu nevamwe uye naJehovha. Jakobho 1:26 inoti: “Kana munhu chero upi zvake achizviona somunhu anonamata zvakarurama asi asingadzori rurimi rwake, achiramba achinyengera mwoyo wake, kunamata kwomunhu uyu hakuna zvakunobatsira.” Sezvatakaona muchitsauko chakapfuura, zvatinotaura zvakabatana nokunamata kwedu. Kana rurimi rwedu rusingadzorwi, tichingorutsa mashoko anorwadza, anokuvadza, mabasa edu ose sevaKristu anogona kuonekwa naMwari sepasina. Saka iyi inyaya yokuti tifungisise!—Jakobho 3:8-10

8 Zviri pachena kuti tinofanira kungwarira kuti tisashandisa zvisiri izvo chipo chokutaura. Tisati takurukura matauriro akanaka anovaka, ngatitangei takurukura kuti matauriro api asingafaniri kutomboitwa nomuKristu wechokwadi.

MATAURIRO ANOKUVADZA

9, 10. (a) Kutaura kwakaita sei kwazara munyika nhasi? (b) Nei tichifanira kusiyana nokutaura kunonyadzisa? (Onawo mashoko omuzasi.)

9 Kutaura kunonyadzisa. Kutuka, nokumwe kutaura kunonyadzisa zvakazara munyika nhasi. Vakawanda vanoshandisa mashoko anonyadzisa vachida kuti vasimbise zvavanenge vachitaura kana kuti vanenge vasina mashoko akawanda avanoziva vozongoshandisa iwayo. Vanoita mitambo yokusetsa vanhu vanowanzoshandisa mashoko anonyadzisira, anotaura nezvepabonde kuti vasekese vanhu. Zvisinei, kutaura zvinonyadzisira haisi nyaya yekutamba nayo. Anenge makore 2 000 akapfuura, muapostora Pauro akapa zano ungano yeKorose achiti ibvise “kutaura kunonyadzisa.” (VaKorose 3:8) Pauro akaudza ungano yeEfeso kuti “majee anonyadzisa” aiva pakati pezvinhu zvisingafaniri “kumbotaurwa nezvazvo pakati” pevaKristu vechokwadi.—VaEfeso 5:3, 4.

10 Kutaura kunonyadzisa kunogumbura Jehovha. Kunogumburawo vaya vanomuda. Chokwadi kuda Jehovha kunoita kuti tisiyane nokutaura kunonyadzisa. Achitaura ‘nezvemabasa enyama,’ Pauro anodoma “kusachena,” uko kunosanganisira kutaura kusina kuchena. (VaGaratiya 5:19-21) Iyi haisi nyaya yokutamba nayo. Munhu anogona kudzingwa muungano kana akapiwa apiwazve zano asi asingasiyi tsika yokutaura zvinhu zvisina unhu, zvinonyadzisa uye zvinokanganisa vamwe. *

11, 12. (a) Makuhwa chii, uye anokuvadza kana aita sei? (b) Nei vanamati vaJehovha vachifanira kusiyana nokuchera vamwe?

11 Makuhwa anokuvadza vamwe, uye kuchera. Makuhwa kungotaura kunoita vanhu nezvevamwe noupenyu hwavo. Makuhwa ose akaipa here? Haana kuipa kana tichitaura zvinhu zvakanaka kana kuti zvinobatsira, zvakadai sokutaura kuti nhingi akabhabhatidzwa kana kuti ngana anoda kukurudzirwa. VaKristu vekutanga vaifarira kuziva kuti vamwe vavo vakadii uye vaiudzana mashoko anokurudzira nezvevavainamata navo. (VaEfeso 6:21, 22; VaKorose 4:8, 9) Zvisinei, makuhwa anogona kukuvadza kana munhu amonyorora mashoko kana kuti atadza kuachengeta muhana. Chakatonyanya kuipa ndechokuti anogona kuita kuti munhu atange kuchera vamwe, uko kusina pakunombonzi kwakanaka. Kuchera “kupomera munhu zvenhema zvinosvibisa zita rake.” Somuenzaniso, vaFarisi vaitaura mashoko okuchera Jesu vachida kusvibisa zita rake. (Mateu 9:32-34; 12:22-24) Kuchera kunowanzoita kuti vanhu vapopotedzane.—Zvirevo 26:20.

12 Jehovha anoiona senyaya hombe kana vanhu vachishandisa chipo chokutaura kuti vasvibise vamwe kana kuti vavaparadzanise. Anovenga vaya vanoita kuti “pakati pehama pave nokukakavara.” (Zvirevo 6:16-19) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “mucheri” ndidi·aʹbo·los, iro rinoshandiswawo kureva Satani. Iye ndiye “Dhiyabhorosi,” munhu akashata akachera Mwari. (Zvakazarurwa 12:9, 10) Zvechokwadi tinoda kusiyana nokutaura kungaita kuti tifanane naDhiyabhorosi. Muungano hamufaniri kutaurwa zvinhu zvinoita kuti vanhu vaite mabasa enyama akadai ‘sokukakavadzana’ uye “kupesana.” (VaGaratiya 5:19-21) Saka, usati wataura zvawakanzwa nezvomumwe munhu, zvibvunze kuti: ‘Ichokwadi here? Zvakanaka here kuti ndiudzewo mumwe munhu? Zvinokosha uye zvine zvazvinondibatsira here kuti ndifambise mashoko aya?’—Verenga 1 VaTesaronika 4:11.

13, 14. (a) Munhu anorasa muromo anoita kuti vamwe vanzwe sei? (b) Kutuka kuita sei, uye nei munhu ane tsika yokutuka achizviisa pangozi?

13 Kutuka. Sezvambotaurwa, mashoko ane simba rokukuvadza. Ichokwadi kuti nemhaka yechivi chiri muvanhu, tose tinombotaura zvinhu zvatinozodemba. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera nezvematauriro asingafaniri kutomboitwa zvachose mumusha wevaKristu kana muungano. Pauro akapa zano vaKristu achiti: “Pfini dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.” (VaEfeso 4:31) Mamwe maBhaibheri anoshandura shoko rokuti “kutuka” achiti “mashoko akashata,” “kutaura kunokuvadza,” uye “kurasa muromo.” Kutuka, uko kunosanganisira kudana vamwe nemazita okutsvinya, uye kungotsoropodza zvose zvose, kunogona kubvisa vamwe chimiro kwovasiya vava kunzwa sevasiri vanhu. Vana vaduku ndivo vari nyore kukuvadzwa nemashoko okutuka nokuti vanenge vasati vava nechavanoziva.—VaKorose 3:21.

14 Bhaibheri rinoshora zvakasimba kutuka, uko kunoreva tsika yokuzvidza vamwe nemashoko anogumbura, okuvirima, kana kuti kutaura kwokungopotsera. Munhu ane tsika yokudaro anozvisikira moto muziso, nokuti munhu anotuka anogona kubviswa muungano kana akatadza kuteerera asi abatsirwa kakawanda kuti achinje. Akasachinja anogona kutadza kupinda munyika itsva. (1 VaKorinde 5:11-13; 6:9, 10) Saka zviri pachena kuti hatigoni kuramba tiri murudo rwaMwari kana tiine tsika yokutaura mashoko akaora, asiri echokwadi kana kuti asina kunaka. Kutaura kwakadaro kunokuvadza.

‘MASHOKO ANOVAKA’

15. Kutaura kworudzii ‘kunovaka?’

15 Tingashandisa sei chipo chokutaura sezvaidiwa neakachipa wacho? Yeuka kuti Shoko raMwari rinotikurudzira kutaura “shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake.” (VaEfeso 4:29) Jehovha anofara patinotaura mashoko anovaka, anokurudzira uye anosimbisa vamwe. Zvinoda kuti utange wafunga kuti utaure mashoko akadaro. Bhaibheri haripi bumbiro remitemo yokutevedzera pakutaura; harinawo mashoko akarongwa anonzi aya ndiwo okushandisa “uchitaura zvakanaka.” (Tito 2:8) Kuti titaure mashoko ‘anovaka,’ tinofanira kuyeuka zvinhu zvitatu zvinokosha zvinoita kuti kutaura kunzi kunovaka. Kunofanira kunge kwakanaka, kuri kwechokwadi, uye kuine mutsa. Tichifunga nezvezvinhu izvi ngatikurukurei mimwe mienzaniso yokutaura kunovaka.—Ona bhokisi rakanzi “ Kutaura Kwangu Kunovaka Here?

 

16, 17. (a) Nei tichifanira kurumbidza vamwe? (b) Mikana ipi iripo yokurumbidza vamwe muungano? mumhuri?

16 Kurumbidza nomwoyo wose. Jehovha naJesu vanoziva kuti vamwe vanoda kurumbidzwa uye kufarirwa. (Mateu 3:17; 25:19-23; Johani 1:47) SevaKristu, zvakanaka kuti isuwo tirumbidze vamwe nomwoyo wose. Nei? “Shoko rinotaurwa panguva yakakodzera, haiwa rakanaka sei!” inodaro Zvirevo 15:23. Chimbozvibvunza kuti: ‘Ndinonzwa sei kana mumwe munhu akandirumbidza nomwoyo wose? Hazvindifadzi nokundipa manyukunyuku here? Zvechokwadi, ukarumbidzwa nomwoyo wose unobva waziva kuti pane munhu ari kukucherechedzawo, ane hanya newe, uye kuti washandira zviripo. Kutendwa kwakadaro kunoita kuti uve nechivimbo uye kunoita kuti utozowedzera kushanda nesimba nguva inotevera. Sezvo uchifara kana ukarumbidzwa, haufaniriwo here kuedza nepaunogona napo kurumbidza vamwe?—Verenga Mateu 7:12.

17 Zvidzidzise kutarisa zvakanaka zvinoitwa nevamwe, wovarumbidza. Muungano, unganzwa hurukuro ichitsetsenurwa, ungacherechedza wechiduku ari kuvavarira zvimwe zvinangwa zvokunamata, kana kuti munhu akura asingaregi kuuya kumisangano pasinei nokuti nyama hadzichadi. Kurumbidza vanhu vakadaro kunovafadza kwosimbisa chido chavo chokushumira Jehovha. Mumhuri, varume nemadzimai vanoda kunzwa mashoko anofadza okurumbidzwa nokutendwa achitaurwa nemumwe wavo. (Zvirevo 31:10, 28) Kana vari vana, vanotonyanya kuda mashoko ekurumbidzwa uye izvi zvinoita kuti vaite zvakanaka. Kurumbidza mwana uye kumuonga kunokosha kwaari sezvinongoita zuva nemvura kuzvinhu zvinomera. Vabereki, tsvakai mikana yokurumbidza vana venyu pazvinhu zvavanoita zvinoyemurika. Kurumbidza kwakadaro kunoita kuti vana venyu vashinge, vave nechivimbo uye vade kuwedzera kushanda nesimba kuti vaite zvakarurama.

18, 19. Nei tichifanira kuedza nepatinogona napo kukurudzira uye kunyaradza vatinonamata navo, uye tingazviita sei?

18 Kukurudzira uye kunyaradza. Jehovha ane hanya zvikuru nomunhu “akaderera” uye “ari kudzvinyirirwa.” (Pisarema 72:13, 14; Isaya 57:15) Shoko rake rinotikurudzira kuti “rambai muchinyaradzana [kana kuti kukurudzirana]” uye “taurai zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.” (1 VaTesaronika 5:11, 14) Tine chokwadi chokuti Mwari anocherechedza uye anofadzwa nezvatinoita kuti tikurudzire uye tinyaradze vatinonamata navo vane mwoyo yakaremerwa.

Jehovha anofara patinotaura mashoko anovaka vamwe

19 Zvisinei, ungataurei kuti uvake muKristu akaora mwoyo kana kuti akasuruvara? Usafunga kuti unofanira kugadzirisa dambudziko racho. Kazhinji kacho mashoko mashoma anowanzobatsira zvikuru. Udza akaora mwoyo wacho kuti uri kutorwadziwawo nezviri kuitika kwaari. Mukumbire kuti munyengetere mose; unogona kukumbira Jehovha kuti abatsire munhu iyeye kuti azive kuti anodiwa nevanhu uye naMwari. (Jakobho 5:14, 15) Muudze kuti inhengo yeungano inokosha uye ine basa. (1 VaKorinde 12:12-26) Muverengere ndima yeBhaibheri inokurudzira inomuudza kuti azive kuti zvechokwadi Jehovha ane hanya naye. (Pisarema 34:18; Mateu 10:29-31) Kuwana nguva yokuudza munhu akaora mwoyo “shoko rakanaka” uchitaura naye zvinobva pamwoyo kuchamubatsira kunzwa kuti anodiwa uye anokosha.—Verenga Zvirevo 12:25.

20, 21. Zvinhu zvipi zvinoita kuti zano ribatsire?

20 Zano rinobatsira. Sevanhu vanotadza, tose tinofanira kupiwa zano nguva nenguva. Bhaibheri rinotikurudzira richiti: “Teerera zano ugamuchire kurangwa, kuti uve akachenjera munguva yako yemberi.” (Zvirevo 19:20) Vakuru havasi ivo voga vanopa zano. Vabereki vanopa vana vavo zano. (VaEfeso 6:4) Hanzvadzi dzakura dzingapa vakadzi vechiduku zano. (Tito 2:3-5) Kuda vamwe kunoita kuti tivape zano zvokuti vanoriteerera vasingasari vachifunga kuti vadzvinyirirwa. Chii chingatibatsira kupa zano rakadaro? Funga nezvezvinhu zvitatu zvinoita kuti zano rinyatsobatsira: mafungiro uye chinangwa cheari kupa wacho, kwaari kuritora, uye mapiro aanoriita.

21 Kubatsira kwezano kunotangira pane ari kuripa wacho. Zvibvunze kuti, ‘Ndepapi pazviri nyore kuti ndigamuchire zano?’ Riri nyore kugamuchira kana ukaziva kuti munhu ari kuripa ane chido chekukubatsira, haasi kuripa akagumbuka, uye haanawo zvimwe zvaari kutsvaga. Saka paunopa vamwe zano, haufaniri kudarowo here? Chimwe chinoita kuti zano ribatsire ndechekuti rinofanira kutorwa muShoko raMwari. (2 Timoti 3:16) Tingave tichiita zvokuverenga kubva muBhaibheri kana kuti kungotaura zvirimo, zano rose ratinopa rinofanira kubva muMagwaro. Saka vakuru vanofanira kuchenjerera kuti vasataure maonero avo pachavo; kana kumonyanisa Magwaro, vachiita kuti zvioneke sokuti Bhaibheri rinotsigira maonero avo. Zano rinobatsirawo chaizvo kana rikataurwa nenzira kwayo. Zano rakarungwa nomutsa riri nyore kugamuchira uye rinoita kuti ari kuripiwa arambe aine chiremerera chake.—VaKorose 4:6.

22. Wasarudza kushandisa sei chipo chokutaura?

22 Chokwadi, kutaura chipo chinokosha chinobva kuna Mwari. Kuda Jehovha kunofanira kuita kuti tishandise chipo ichi zvakanaka. Ngatiyeukei kuti mashoko atinotaura kune vamwe ane simba rokuvaka kana kuti kuparadza. Saka ngatishandisei chipo ichi sezvinodiwa neakatipa wacho, ‘kuti tivake’ vamwe. Kana tikadaro, kutaura kwedu kuchafadza vatinotaura navo uye kuchatibatsira kuramba tiri murudo rwaMwari.

^ ndima 4 Shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “kusarurama” pana Zvirevo 15:4 rinogona kureva “kusati twasu; kuipa.”

^ ndima 10 MuMagwaro, shoko rokuti “kusachena” rinogona kureva zvivi zvakasiyana-siyana. Kunyange zvazvo kusiri kusachena kwose kunogarirwa dare, pane mamwe maitiro okusachena kwakakomba anogona kudzingisa munhu muungano kana asingapfidzi.2 VaKorinde 12:21; VaEfeso 4:19; ona “Mibvunzo Inobva Kuvaverengi” muNharireyomurindi yaJuly 15, 2006.