Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 14

Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose

Iva Akatendeseka Muzvinhu Zvose

“Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VAHEBHERU 13:18.

1, 2. Nei Jehovha achifara paanotiona tichiedza kuva vakatendeseka? Ipa muenzaniso.

AMAI vanobuda muchitoro nekakomana kavo. Kakomana kanobva kamira kachiratidza kushamisika. Kakabata toyi yakanhonga muchitoro. Kakanganwa kuidzorera kana kukumbira amai kuti vakatengere. Kanonetseka uye kanobvunza amai kuti koita sei. Vanokanyaradza uye vanodzokera nako muchitoro kuti kadzorere toyi yacho uye kuti kakumbire ruregerero. Pakanodaro, mwoyo waamai vako unofashuka nomufaro uye vanodada nako. Nei?

2 Hapana chinhu chinofadza vabereki sokuona vana vavo vachiratidza kunzwisisa kukosha kwokuva akatendeseka. Ndizvo zvinoitawo Baba vedu vokudenga, “Mwari [anoda] chokwadi.” (Pisarema 31:5) Paanotiona tichikura muukama hwedu naye, anofara kutiona tichiedza zvatinogona kuti tive vakatendeseka. Nemhaka yokuti tinoda kumufadza uye kuramba tiri murudo rwake, tinonzwa sezvaiita Pauro uyo akati: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Pane dzimwe nguva zvingatiomera chaizvo kuva vakatendeseka. Ngationgororei kuti muupenyu zvingatiomera pazvinhu zvipi zvina. Tadaro tozokurukura zvikomborero zvinobva pakuva akatendeseka.

KUSAZVINYENGERA

3-5. (a) Shoko raMwari rinotinyevera sei nezvengozi dzokuzvinyengera? (b) Chii chichatibatsira kuti tisazvinyengera?

3 Dambudziko redu guru rokutanga nderokudzidza kusazvinyengera. Zviri nyore chaizvo kuti isu vanhu vane chivi tizvinyengere. Somuenzaniso, Jesu akaudza vaKristu vokuRaodhikiya kuti vakanga vachizvifurira vachiti vakapfuma asi ivo chaizvoizvo vaiva ‘varombo, vari mapofu uye vasina kupfeka’ panyaya dzokunamata, izvo zvaisiririsa zvikuru. (Zvakazarurwa 3:17) Kuzvinyengedza kwavo kwakatoita kuti zvinhu zvinyanye kuvaipira.

4 Ungayeuka zvakare kuti mudzidzi Jakobho akayambira kuti: “Kana munhu chero upi zvake achizviona somunhu anonamata zvakarurama asi asingadzori rurimi rwake, achiramba achinyengera mwoyo wake, kunamata kwomunhu uyu hakuna zvakunobatsira.” (Jakobho 1:26) Kana tikafunga kuti tinogona kusabata miromo yedu uye toramba tichinamata Jehovha zvinomufadza, tinenge tabudirira pakuzvinyepera. Kunamata kwedu Jehovha kunenge kusina zvakunobatsira, pasina zviripo. Chii chingatibatsira kuti tisafamba nenzira ine ngozi kudaro?

5 Mundima idzodzo, Jakobho anofananidza chokwadi cheShoko raMwari negirazi. Anotipa zano rokuti titarise mumutemo waMwari wakakwana togadzirisa zvinenge zvakakanganisika. (Verenga Jakobho 1:23-25.) Bhaibheri rinogona kutibatsira kuti tizviongorore uye toona zvatinofanira kuvandudza. (Mariro 3:40; Hagai 1:5) Tinganyengeterawo kuna Jehovha tichikumbira kuti ationgorore, otibatsira kuona uye kugadzirisa zvatinenge tichikanganisa. (Pisarema 139:23, 24) Hazvisi nyore kuziva kuti hauna kutendeseka, saka tinofanira kukuona sezvakunoitwa naBaba vedu vokudenga. Zvirevo 3:32 inoti: “Munhu anonyengedzera anosemesa Jehovha, asi Iye anoshamwaridzana nevakarurama.” Jehovha anogona kutibatsira kuti tinzwe sezvaanoita uye kuti tizvione sezvaanotiita. Yeuka kuti Pauro akati: “Tinoda kuva vakatendeseka.” Hatigone kuva vakakwana iye zvino, asi tinoda nemwoyo wose uye tinoedza zvechokwadi kuva vakatendeseka.

KUTENDESEKA MUMHURI

Kana takatendeseka hatizobatwi nomuedzo wokuita zvatinozoda kuvanza

6. Nei murume nomudzimai vachifanira kubudirana pachena, uye izvi zvichaita kuti vasaita zvinhu zvipi zvakaipa?

6 Mhuri yechiKristu inofanira kuzivikanwa nokutendeseka. Saka murume nomudzimai vanofanira kubudirana pachena vachitaurirana nokutendeseka. Mumba mevaKristu hamutombofaniri kunzwika nyaya dzinorwadza, uye dzisina kuchena dzakadai sokuti mumwe wavo anoedza kukwezva munhu waasina kuroorana naye, anoita shamwari dzepachivande paIndaneti, kana kuti anoona zvinonyadzisira chero zverudzi rwupi. Vamwe vaKristu vane dzimba vakaita zvinhu zvakaipa kudaro vachivanzira mumwe wavo. Kuita izvozvo kusatendeseka. Cherechedza mashoko aMambo Dhavhidhi aive akatendeka: “Handina kugara nevanhu venhema; handifambidzani nevaya vanovanza zvavari.” (Pisarema 26:4) Kana wakawana kana kuwanikwa, usambofa wakaita zvinhu zvingakuedza kuti uvanzire mumwe wako zvauri!

7, 8. Mienzaniso ipi yomuBhaibheri inogona kubatsira vana kudzidza kuti kutendeseka kunokosha?

7 Pavanodzidzisa vana vavo kuti kutendeseka kunokosha, vabereki vangaita zvakanaka kushandisa mienzaniso iri muBhaibheri. Mienzaniso yakaipa ndeiya yakadai saAkani, akaba ndokuedza kuvanza; Gehazi, akanyepa kuti awane mari; Judhasi, akaba uye akanyepa zvoutsinye kuti aurayise Jesu.—Joshua 6:17-19; 7:11-25; 2 Madzimambo 5:14-16, 20-27; Mateu 26:14, 15; Johani 12:6.

8 Mienzaniso yakanaka ndeiya yakadai saJakobho, akakurudzira vanakomana vake kuti vanodzorera mari yavakanga vawana iri mumabhegi avo achifunga kuti yakanga yaiswa netsaona; Jefta nemwanasikana wake, uyo akaita zvakanga zvatsidzwa nababa vake kuna Jehovha kunyange zvakanga zvakamuomera; uye Jesu, uyo akaita chivindi chokuzvizivisa kumhomho yevanhu yaityisa kuti azadzise uprofita uye adzivirire shamwari dzake. (Genesisi 43:12; Vatongi 11:30-40; Johani 18:3-11) Mienzaniso iri pamusoro apa ingaita kuti vabereki vaone zviri muShoko raMwari zvinogona kuvabatsira kudzidzisa vana vavo kuda uye kukoshesa kuva vakatendeseka.

9. Chii chisingafaniri kuitwa nevabereki kana vachida kuti varatidze vana vavo muenzaniso wokutendeseka, uye nei izvozvo zvichikosha?

9 Kudzidzisa kwakadaro hakungogumiri pamuromo chete. Muapostora Pauro akabvunza kuti: “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ haubi here?” (VaRoma 2:21) Vamwe vabereki vanovhiringa vana vavo nokuvadzidzisa kuti vave vakatendeseka asi ivo pachavo vasingazviiti. Vangaba tunhu tuduku kana kuti vangataura mashoko asiri echokwadi vozozvipembedza nokutaura kwakadai sokuti “Aa, vagara vanozviziva kuti tinotora zvinhu izvi” kana kuti “Hakusi kunyepa, kungotambawo hangu.” Chokwadi ndechokuti kuba kuba chete kunyange chiri kubiwa chacho chiri chiduku, uye kunyepa kunyepa chete, pasinei nokuti inyaya yei kana kuti ingasvika kupi. * (Verenga Ruka 16:10.) Vana vanokurumidza kuona unyengeri uye hunogona kuvakuvadza zvikuru. (VaEfeso 6:4) Zvisinei, vakadzidza kutendeseka kuvabereki vavo, kakawanda kacho vanokura vachikudza Jehovha munyika ino isina kutendeseka.—Zvirevo 22:6.

KUTENDESEKA MUUNGANO

10. Zvii zvatinofanira kungwarira pakukurukura nokutendeseka nevatinonamata navo?

10 Kuwadzana nevamwe vaKristu kunotipa mikana yakawanda yokudzidza kutendeseka. Sezvatakadzidza muChitsauko 12, tinofanira kungwarira mashandisiro atinoita chipo chokutaura, zvikurukuru patinenge tiine vatinonamata navo. Zviri nyore kuti vanhu vari kungoita havo nyaya vapedzisire vava kuita makuhwa kana kutochera vamwe! Kana tikapfuudza nyaya yatisingazivi kuti yatangira kupi, tingava tichibatsira kuparadzira nhema, saka zviri nani kubata muromo. (Zvirevo 10:19) Uyezve, tinogona kuziva kuti chimwe chinhu ndechechokwadi, asi izvozvo hazvirevi kuti tinofanira kuchitaura. Somuenzaniso, nyaya yacho ingava isinei nesu, kana kuti kuitaura kungava kusava nomutsa. (1 VaTesaronika 4:11) Vamwe vanotaura zvinhu zvinorwadza vamwe vachiti chokwadi hachiputsi ukama, asi mashoko edu anofanira kuva nenyasha nomutsa nguva dzose.—Verenga VaKorose 4:6.

11, 12. (a) Vamwe vanenge vaita zvitadzo zvakakura vanowedzera kuipisa nyaya yacho sei? (b) Ndedzipi dzimwe nhema dzinotsigirwa naSatani pamusoro pezvivi zvakakura, asi ichokwadi chipi chatinofanira kuziva? (c) Tingaratidza sei kuti takatendeseka kusangano raJehovha?

11 Zvinonyanya kukosha kuti tive vakatendeseka kune vaya vanotungamirira muungano. Vamwe vanenge vaita zvitadzo zvakakura vanowedzera kuipisa nyaya yacho nokuedza kuvanza chivi chavo uye kunyepera vakuru veungano pavanobvunzwa nezvazvo. Vakadaro vanototanga kurarama vachinyepedzera kushumira Jehovha uku vachiita chivi chakakura. Izvi zvinobva zvaita kuti upenyu hwavo hwose huve hwenhema. (Pisarema 12:2) Vamwe vanoudza vakuru chokwadi asi vachisiyirira mashoko anokosha. (Mabasa 5:1-11) Kusatendeseka kwakadaro kunowanzokonzerwa nokutenda nhema dzinotsigirwa naSatani.​—Ona bhokisi rakanzi “ Nhema dzaSatani Pamusoro Pezvivi Zvakakura.”

12 Zvinokoshawo kuva vakatendeseka kusangano raJehovha patinopindura mibvunzo tichiita zvokunyora. Somuenzaniso, kana tichishuma basa redu romuushumiri, tinongwarira kusanyora zvisiri izvo. Saizvozvowo, kana tichinyora mafomu okukumbira kuita rimwe basa musangano raJehovha, hatifaniri kunyora zvisiri izvo nezvoutano hwedu kana kuti nezvemamwe mashoko ezvakaitika muupenyu hwedu.—Verenga Zvirevo 6:16-19.

13. Tingaramba sei takatendeseka kana tichiita bhizimisi nevatinonamata navo?

13 Kutendeseka kune vatinonamata navo kunosvikawo kunyaya dzebhizimisi. Dzimwe nguva hama nehanzvadzi dzechiKristu dzingaita bhizimisi pamwe chete kana kuti dzingava mushandi nomushandirwi. Dzinofanira kungwarira kuti dzisakurukura nyaya dzakadaro paImba yoUmambo kana kuti muushumiri. Kana tichishandirwa nehama kana nehanzvadzi, tinofanira kungwarira kuvabata nokutendeseka, tichivabhadhara nenguva, uye tichivapa mari yatakabvumirana, nezvimwe zvinonzi nemutemo zviitirwe vashandi. (1 Timoti 5:18; Jakobho 5:1-4) Vashandiwo, kana tichishandira hama kana hanzvadzi, tinofanira kushanda zvakakwana panguva yebasa nokuti tiri kubhadharwa. (2 VaTesaronika 3:10) Hatitarisiri kuti tibatwe zvetsvete nokuti tinonamata newatinoshandira, sokunge kuti anofanira kutirega tichingobva hedu pabasa patadira, tichitora zvatinoda kana kuitirwa zvimwe zvinhu zvisingaitirwi vamwe vashandi.—VaEfeso 6:5-8.

14. VaKristu pavanoita bhizimisi vakabatana nevamwe, vanofanira kungwarira kuitei, uye nei vachifanira kudaro?

14 Ko kana tiri kuita bhizimisi takabatana nevamwe kana kuti takapanana chikwereti chokutangisa bhizimisi? Bhaibheri rine mashoko anokosha uye anobatsira: Nyoreranai pasi zvinhu zvose! Somuenzaniso, Jeremiya paakatenga munda, akaita kuti panyorwe magwaro maviri, apupurirwe, uye achengetwe kuti azoshandiswa. (Jeremiya 32:9-12; onawo Genesisi 23:16-20.) Patinoita bhizimisi nevatinonamata navo, kuva negwaro rinonyorwa zvose zvataita, rosainwa, uye ropupurirwa, hakurevi kuti hatisi kuvimba navo. Asi zvinodzivisa kusanzwisisana, kuora mwoyo, uye kupesana. VaKristu vose vanoita bhizimisi vanofanira kuyeuka kuti hapana bhizimisi rinokosha zvokuti ringasiyiwa richiparadza kubatana uye runyararo rweungano. *1 VaKorinde 6:1-8.

KUTENDESEKA MUNYIKA

15. Jehovha anonzwa sei nezvemaitiro okusatendeseka mubhizimisi, uye vaKristu vanoona sei maitiro akadaro akakurumbira?

15 Kutendeseka kwemuKristu hakugumiri muungano. Pauro akati: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Panyaya dzemabhizimisi nevanhu vokunyika, Musiki wedu anoda kwazvo kuti tive vakatendeseka. Mubhuku raZvirevo roga, chikero chinonyengedza chinotaurwa kanoverengeka. (Zvirevo 11:1; 20:10, 23) Makarekare, zvakanga zvakajairika kuti munhu ashandise chikero kuyera zvinhu zvaanenge atenga uye mari yaashandisa kuzvitenga. Vatengesi vasina kutendeseka vaigona kushandisa matombo maviri okuyeresa nechikero chisingashandi zvakanaka kuti vanyengedze nokubiridzira vanhu vaitenga. * Jehovha anovenga zvinhu zvakadaro! Kuti tirambe tiri murudo rwake, tinofanira kusiyana zvachose nemaitiro okusatendeseka mubhizimisi.

16, 17. Marudzi api okusatendeseka akazara munyika nhasi, uye vaKristu vakatsunga kuitei?

16 Hatishamiswi nokuzara kwakaita kusatendeseka munyika nokuti Satani ndiye mutongi wayo. Tingasangana nomuedzo wokuti tisatendeseka zuva nezuva. Vanhu pavanonyora magwaro anotaura kukodzera kwavakaita pabasa, vakawanda vanonyepa uye vanowedzeredza, vachizvipa dzidzo yavasina kana kuti ruzivo rwavasina. Vanhu pavanonyora mafomu okuti vabude munyika, emitero, einishuwarenzi, nezvimwe zvakadaro, vanowanzonyora mhinduro dzisiri dzechokwadi kuti vawane zvavanoda. Vana vechikoro vakawanda vanobiridzira pabvunzo, kana kuti pavanonyora rondedzero dzokuchikoro, vangaenda paIndaneti vokopa zvavanowana ipapo, voita kuti zvakaitwa nomumwe munhu zviite sezvavo. Uye vanhu pavanoda kubatsirwa nevakuru vakuru vane uori, vanowanzovapa chiokomuhomwe kuti vawane zvavanenge vachida. Ndizvo zvatinotarisira munyika ine vakawanda “vanozvida, vanoda mari, . . . vasingadi zvakanaka.”—2 Timoti 3:1-5.

17 VaKristu vechokwadi havadi kutomboita chero chinhu chipi zvacho chakadaro. Chinoita kuti kutendeseka kuome ndechokuti dzimwe nguva vaya vasina kutendeseka vanoita sevanobudirira uye zvinhu zvinoita sezvinovafambira zvakanaka munyika yanhasi. (Pisarema 73:1-8) Iye zvino vaKristu vangava nematambudziko emari zvichikonzerwa nokuti vanoda kuramba vakatendeseka “muzvinhu zvose.” Zvine zvazvinobatsira here? Zviripo! Zviri zvii izvozvo? Pane zvikomborero zvipi zvinowanika nokuva akatendeseka?

ZVIKOMBORERO ZVOKUVA AKATENDESEKA

18. Nei kuzivikanwa somunhu akatendeseka kuchikosha zvikuru?

18 Hazvisi zvinhu zvakawanda muupenyu zvauchaona zvichikosha kupfuura kuzivikanwa somunhu akatendeseka uye akavimbika. (Ona bhokisi rakanzi “ Ndakatendeseka Zvakadii?”) Chinofadza ndechokuti munhu wose anogona kuzivikanwa semunhu akatendeseka. Hazvinei nechipo chaunacho, pfuma, chimiro chako, kwaunobva, kana kuti zvimwe zvinhu zvausingagoni kuchinja. Zvisinei, vakawanda vanokundikana kuva nomukurumbira wakanaka. Hauwanzowanika. (Mika 7:2) Vamwe vangakuseka nokuti wakatendeseka, asi vamwe vachakuyemura, uye vachavimba newe uye vokuremekedza. Zvapupu zvaJehovha zvakawanda zvakatoona kuti kutendeseka kwakazvibatsira panyaya dzemari. Vakasiyiwa vari pamabasa pakabudiswa vashandi vasina kutendeseka, kana kuti vakawana mabasa paitsvakwa vashandi vakatendeseka nemaziso matsvuku.

19. Kurarama upenyu hwokutendeseka kungava sei nechokuita nehana yedu uye ukama hwedu naJehovha?

19 Kunyange izvozvo zvikasaitika kwauri, uchaona kuti kutendeseka kunounza zvikomborero zvakatokura. Uchakomborerwa nehana yakachena. Pauro akanyora kuti: “Tinovimba kuti tine hana yakatendeseka.” (VaHebheru 13:18) Uyezve mukurumbira wako uri kucherechedzwa naBaba vedu vokudenga avo vanoda vanhu vakatendeseka. (Verenga Pisarema 15:1, 2; Zvirevo 22:1.) Zvechokwadi kuva akatendeseka kunokubatsira kuti urambe uri murudo rwaMwari, uye chii chimwe chatingazodazve! Ngatikurukurei imwe nyaya yakafanana naiyoyi: Maonero anoita Jehovha basa.

^ ndima 9 Muungano, tsika yokunyepa nechinangwa chiri pachena chokusvibisa mazita evamwe ingaita kuti mumwe agadzwe dare nevakuru.

^ ndima 14 Ona Mashoko Okuwedzera panyaya inoti “Kugadzirisa Kusawirirana Munyaya Dzebhizimisi” nezvezvaungaita kana bhizimisi rikaenda nepasipo.

^ ndima 15 Vaishandisa mamwe matombo okuyeresa pakutenga vozoshandisa mamwe pakutengesa kuti zvinakire ivo chete. Vaigonawo kushandisa chikero chakarebera kana kuti chakaremera kurutivi rumwe chete kuti vabiridzire pakutenga kana kuti pakutengesa.