Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Mabatiro Atinofanira Kuita Munhu Akadzingwa

Mabatiro Atinofanira Kuita Munhu Akadzingwa

Hapana chinhu chinorwadza sokudzingwa muungano kwehama kana shamwari yepedyo yaita chivi ikasapfidza. Kuteerera kwatinoita zvinotaurwa neBhaibheri panyaya iyi kunoratidza kuda kwatinoita Mwari uye kuvimbika kwatakaita kuurongwa hwake. * Funga nezvemimwe mibvunzo ingavapo pamusoro penyaya iyi.

Tinofanira kubata sei munhu akadzingwa? Bhaibheri rinoti: “Murege kufambidzana nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro.” (1 VaKorinde 5:11) Nezvemunhu wose “asingarambi ari mudzidziso yaKristu” tinoverenga kuti: “Musambomugamuchira mudzimba dzenyu kana kumukwazisa. Nokuti uyo anomukwazisa anogoverana naye mumabasa ake akaipa.” (2 Johani 9-11) Hatikurukure nomunhu akadzingwa zvinhu zvokunamata kana kushamwaridzana naye. Nharireyomurindi yeChirungu yaSeptember 15, 1981, papeji 25, yakati: ‘Kungoti “mhoroi” kune mumwe munhu kunogona kuva nhanho yokutanga inoita kuti mutange kukurukurirana uye kunyange kuva noushamwari. Tingada kuita nhanho yokutanga iyoyo nomunhu akadzingwa here?’

Zvingada kuti tibva tatosiyana naye zvachose here? Hongu, uye pane zvikonzero zvinoverengeka zvatinozviitira. Chokutanga inyaya yokuva vakavimbika kuna Mwari neShoko rake. Hatiteerere Jehovha kana zvinhu zviri nyore chete asiwo pazvinenge zvakaoma. Kuda Mwari kunoita kuti titeerere mirayiro yake, tichiziva kuti anotonga zvakanaka, ane rudo uye kuti mitemo yake inotibatsira zvikuru. (Isaya 48:17; 1 Johani 5:3) Chechipiri, kusiyana nemunhu akadzingwa kunotidzivirira pamwe neungano kuti tisasvibiswa patsika nepakunamata uye kunochengetedza mukurumbira weungano. (1 VaKorinde 5:6, 7) Chechitatu, kutsigira zvakasimba zvinotaurwa neBhaibheri kunogona kutobatsira akadzingwa wacho. Patinotsigira zvinenge zvasarudzwa nedare ratonga, tinogona kuita kuti mutadzi wacho, uyo anenge aomesa musoro vakuru pavanga vachiedza kumubatsira, afunge kaviri. Kurasikirwa nehama neshamwari dzokuwadzana nadzo kungamubatsira ‘kupengenuka,’ oona kuipa kwemhosva yake, otora matanho okudzoka kuna Jehovha.—Ruka 15:17.

Ko kana hama yepedyo ikadzingwa? Pakadaro, kudanana kunoita vanhu vomumba mumwe chete kunogona kuita kuti pave nomuedzo chaiwo wokuvimbika. Tinofanira kubata sei hama yepedyo yakadzingwa? Pano hatingapedzi zvose, asi ngatikurukurei zvinhu zviviri zvinokosha.

Dzimwe nguva akadzingwa wacho angava achiri kugara nemhuri yake. Sezvo kudzingwa kwake kusingarevi kucheka ukama nevemhuri yake, anongoramba achiita zvimwe zvinhu navo sezvaagara achiita. Asi nezvaaita, anenge asarudza kucheka ukama nemhuri yake mune zvokunamata. Saka nhengo dzemhuri dzakavimbika dzinenge dzisisakwanisi kuwadzana naye mune zvokunamata. Somuenzaniso, kana akadzingwa wacho aripo pakunamata kwemhuri, haafaniri kuva nezvaanopindura. Zvisinei, kana akadzingwa ari mwana muduku, vabereki vachine basa rokumudzidzisa nokumudzora. Saka vabereki vane rudo vangaronga kudzidzisa mwana wacho Bhaibheri. *Zvirevo 6:20-22; 29:17.

Pamwe pacho akadzingwa anenge ari hama yepedyo kana kuti mwana asingagari pamba ipapo. Kunyange zvazvo vangada kuonana apo neapo kuti vakurukure nyaya dzemhuri, hazvifaniri kugara zvichiitwa. Nhengo dzakavimbika dzemhuri yechiKristu hadzitsvaki mikana yokukurukura nehama yakadzingwa yavasingagari nayo. Asi kuti, kuvimbika kuna Jehovha nesangano rake kunoita kuti vatsigire urongwa hwomuMagwaro hwokudzinga. Izvozvo zvinoita kuti akadzingwa wacho abatsirwe nechirango chaakapiwa. *VaHebheru 12:11.

^ ndima 1 Zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yemunhu akadzingwa zvinoshandawo pane vaya vanozvibvisa musangano.

^ ndima 2 Kana uchida mamwe mashoko nezvevana vaduku vakadzingwa vanogara nevabereki, ona Nharireyomurindi yaOctober 1, 2001, pamapeji 16-17, neyaNovember 15, 1988, peji 20.

^ ndima 3 Kuti uwane mamwe mashoko nezvokuti ungabata sei hama dzepedyo dzakadzingwa, ona mazano anobva muMagwaro ari muNharireyomurindi yaApril 15, 1988, pamapeji 26-31, neyeChirungu yaSeptember 15, 1981, pamapeji 26-31.