Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MASHOKO OKUWEDZERA

Kukurira Tsika Yokuita Bonhora

Kukurira Tsika Yokuita Bonhora

Bonhora itsika isingafadzi Mwari, inoita kuti munhu agare achifunga zvokungozvigutsa uye inosvibisa mafungiro ake. * Munhu ane tsika yokuita bonhora angaona vamwe sevekungorara navo kuti agutse chete nzara yake yebonde. Zvepabonde zvinopedzisira zvisisinei norudo, zvangova zvokupedza shungu dzepanguva iyoyo. Asi shungu idzodzo hadzitore nguva dzisina kudzoka. Zvinoita bonhora ndezvokuti rinotomutsa nhengo dzomuviri pane kudziuraya “kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido [chisingadzorwi] chokurara nomumwe munhu.”—VaKorose 3:5.

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Vadiwa, zvatiine zvipikirwa izvi, ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Kana uri kutambura kuti uteerere mashoko aya, usaora mwoyo. Jehovha “akagadzirira kukanganwira” uye kubatsira nguva dzose. (Pisarema 86:5; Ruka 11:9-13) Chokwadi ndechokuti kuzvitongesa kwauri kuita uye kuedza kwauri kuita kusiya tsika yacho, kunyange zvazvo zvichimbokukunda, kunoratidza kuti uri kuzviona kuti zvakaipa. Yeukawo kuti “Mwari mukuru kune mwoyo yedu uye anoziva zvinhu zvose.” (1 Johani 3:20) Mwari haangotarisi zvivi zvedu chete; anoona zvakanaka zvose zvinoitwa nomunhu. Kuziva zvose izvozvo kunoita kuti atinzwire tsitsi patinoteterera kwaari. Saka usamboneta kunyengetera kuna Mwari nemwoyo wose uye uchizvininipisa, sezvinoita mwana anoenda kuna baba vake kana aine zvamunetsa. Jehovha achakukomborera nehana yakachena. (Pisarema 51:1-12, 17; Isaya 1:18) Unofanira kutora matanho anofambirana neminyengetero yako. Somuenzaniso, unofanira kuedza kusiyana nezvinonyadzisira zvemarudzi ose uye shamwari dzakaipa. *

Kana dambudziko rako rebonhora rikaramba richikunetsa, tapota taura nyaya yacho nomubereki wako kana ari muKristu, kana kuti shamwari ine ruzivo uye ine hanya newe. *Zvirevo 1:8, 9; 1 VaTesaronika 5:14; Tito 2:3-5.

^ ndima 1 Bonhora kupuruzira kana kuti kubata-bata nhengo dzokubereka nadzo kuchiita kuti munhu anzwe seari kuita zvepabonde.

^ ndima 2 Senhanho yokudzora mashandisirwo ekombiyuta mumba, mhuri dzakawanda dzinoita kuti kombiyuta igare panoonekwa nomunhu wose. Uyewo dzimwe mhuri dzinotenga purogiramu inogona kusarudza zvinhu zvakashata kuti zvisabuda pakombiyuta dzavo. Asi hapana purogiramu yokuvimba nayo zvizere.

^ ndima 1 Kuti uwane mamwe mazano okuti ukurire tsika yokuita bonhora, ona nyaya inoti “Vechiduku Vanobvunza Kuti . . . Ndingakurira Sei Tsika Iyi?” iri muMukai! yaJanuary–March 2007 uye pamapeji 178-182 ebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1.