Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vakomana Nevasikana

Vakomana Nevasikana

CHIKAMU 1

Vakomana Nevasikana

Unoona mukomana nomusikana vakabatana maoko vachifamba zvishoma nezvishoma vari mukoridho, vachibva kune imwe kirasi vachienda kune imwe. Unonzwa sei?

□ Handina basa nazvo

□ Ndinonzwa kagodo

□ Ndinonzwa shanje zvikuru

Uri kufirimu neshamwari dzako paunoona kuti vamwe vose vane vakomana kana vasikana vavo—kunze kwako! Unonzwa sei?

□ Handina basa nazvo

□ Ndinonzwa ndisina kusununguka

□ Ndinonzwa godo zvikuru

Munguva pfupi yadarika, shamwari yako yepamwoyo yakatanga kufarira mumwe musikana kana mukomana uye iye zvino vava kufambidzana. Unonzwa sei?

□ Ndinofara

□ Ndinonzwa kagodo

□ Ndinosvotwa nazvo

Mukomana nomusikana, musikana nomukomana. Unovaona kwose kwaunotarira—kuchikoro, mumugwagwa, kumashopu. Pose paunovaona, unonzwa uchida chaizvo kuvawo newako. Asi wagadzirira kufambidzana nomumwe munhu here? Kana wakagadzirira, ungawana sei mumwe munhu akakukodzera? Kana ukamuwana, mungaramba sei muchifambidzana nenzira yakachena? Zvitsauko 1-5 zvichakubatsira kupindura mibvunzo iyoyo.

[Mufananidzo unozadza peji yose uri papeji 12, 13]