Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?

Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?

CHITSAUKO 3

Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?

Wana nguva yokuzadza zviri pasi apa:

Parizvino unhu hupi hwaungati hunokosha pamunhu waunoda kuroorana naye? Pane zvakarongwa pasi apa, isa ✔ pamberi pounhu huna hwaunofunga kuti ndihwo hunonyanya kukosha.

□ Akanaka □ Anoda zvokunamata

□ Ane ushamwari □ Akavimbika

□ Ane mukurumbira □ Ane tsika dzakanaka

□ Anonakidza □ Ane zvinangwa

Pawaiva muduku, wakambonzwa uchida mumwe munhu here? Pane zvakarongwa pamusoro apa, isa X pamberi pounhu hwainyanya kukutora mwoyo pamunhu wacho.

HAPANA chakaipa nounhu chero hupi zvahwo huri pamusoro apa. Humwe nohumwe hune zvahwakanakira. Zvisinei, haungabvumi here kuti kana uri muduku uchipengeswa norudo, kazhinji kacho unongotarisa unhu hunokurumidza kuoneka, sohuri kuratidzwa muchikamu chokuruboshwe?

Zvisinei, sezvaunokura unotanga kushandisa masimba okunzwisisa kuti uongorore unhu hunonyanya kukosha, sohuri kuratidzwa muchikamu chokurudyi. Somuenzaniso, unotanga kuona kuti tsvarakadenga inopfuura dzose kwaunogara ingave isina kuvimbika kana kuti mukomana anofarirwa zvikuru mukirasi angave asina tsika dzakanaka. Kana wapfuura nguva yokuyaruka, ungangotarisa unhu hunokosha kuti upindure mubvunzo uyu unoti, “Munhu uyu ndiye akandikodzera here?”

Tanga Kuziva Zvauri

Usati wafunga kuti ndiani akakukodzera, unofanira kunyatsoziva zvauri. Kuti uzive zvakawanda nezvako, pindura mibvunzo inotevera:

Ndohupi unhu hwangu hwakanaka? ․․․․․

Ndepapi pandisinganyatsoiti zvakanaka? ․․․․․

Ndezvipi zvandinoda pakunamata uye mumanzwiro angu? ․․․․․

Hazvisi nyore kuti uzive zvauri, asi mibvunzo yakaita seiri pamusoro apa inogona kukubatsira kuti utange kuziva zvauri. Paunowedzera kunzwisisa zvauri uchange wagadzirira kuwana mumwe munhu achanatsiridza unhu hwako hwakanaka pane kuti akudziridze zvaunokanganisa. * Zvakadini kana uchifunga kuti wawana munhu akakukodzera?

Munhu Wose Wose Anoita Here?

“Tingazivana zviri nani here?” Mubvunzo iwoyo ungaita kuti unzwe uine ruzazu kana kuti usvetuke nomufaro—zvichibva pakuti ndiani anenge achikubvunza. Ngatitii unopindura kuti hungu. Nokufamba kwenguva, ungaziva sei kana mukomana wako kana kuti musikana wako akakukodzera?

Ngatitii uri kuda kutenga bhutsu itsva. Unoenda kushopu wowana bhutsu dzinokutora mwoyo. Unodziedza, ndokuzoora mwoyo paunoona kuti dzinobata zvikuru. Waizoita sei? Waizongodzitenga chete here? Kana kuti waizotsvaka dzimwe here? Zviri pachena kuti waizodzorera bhutsu dzacho wotsvaka dzimwe. Zvaisazova nomusoro kuti upfeke bhutsu dzisingatombokwani!

Zvakafanana nokusarudza wokuroorana naye. Nokufamba kwenguva, ungatorwa mwoyo nevakomana kana kuti vasikana vakawanda. Asi haasi munhu wose wose anoita. Chokwadi, unoda mumwe munhu waunonzwa wakasununguka naye, munhu anonyatsoenderana nounhu hwako uye nezvinangwa zvako. (Genesisi 2:18; Mateu 19:4-6) Wakawana munhu akadaro here? Kana zvakadaro, ungaziva sei kana munhu wacho akakukodzera?

Usangotarira Unhu Hunokurumidza Kuoneka

Kuti upindure mubvunzo iwoyo wokupedzisira, ona mumwe wako sezvaari chaizvo. Kunyange zvakadaro, ngwarira! Ungangoda kutarira zvaunoda kuona chete. Saka dzikama. Edza kuona kuti mumwe wako ane unhu hwakadini. Izvi zvichada kuti iwe utopinda basa chairo. Asi haufaniri kumboshamiswa nazvo. Kuenzanisira: Ngatitii unoda kutenga motokari. Waizonyatsoiongorora zvakadini? Waizongotarira kunze kwayo chete here? Kwaisazova kuchenjera here kuti utarire zvakawanda-wanda—zvichida kuti uzive zvakaita injini yacho?

Kutsvaka wokuroorana naye inyaya inokosha kupfuura kusarudza motokari. Asi vakawanda vanofambidzana nomumwe munhu havatariri unhu hunokosha. Pane kudaro, vanokurumidza kungotaura nezvezvinhu zvavanofarira vose: ‘Tinofarira mumhanzi wakafanana.’ ‘Tinonakidzwa nokuita zvinhu zvakafanana.’ ‘Tinobvumirana pazvinhu zvose!’ Zvisinei, sezvambotaurwa, kana wanyatsopfuura nguva yokuyaruka, unotarira unhu hunokosha. Unoona kuti unofanira kunzwisisa “munhu akavanzika womwoyo.”—1 Petro 3:4; VaEfeso 3:16.

Somuenzaniso, pane kungoomerera pakuti munobvumirana pazvinhu zvakawanda sei, ungadzidza zvakawanda nezvomunhu wacho nokucherechedza zvinoitika pamusingabvumirani. Nemamwe mashoko, munhu uyu anoita sei pamunenge musiri kubvumirana—anoomerera pakuti zvinhu zviitwe sezvaanoda here, zvichida no“kufufutirwa nehasha” kana kuti “kutuka”? (VaGaratiya 5:19, 20; VaKorose 3:8) Kana kuti munhu uyu anonzwisisa here—anoda kubvumirana kuti pave norugare kana pasina chinokanganiswa?—Jakobho 3:17.

Chimwe chinhu chokufunga nezvacho ndechokuti: Munhu wacho anoda kukudzora pane zvose, kana kuti ane shanje here? Anoda kuziva zvose zvaunoita uye kwose kwaunenge uri here? Nicole anoti: “Ndinonzwa nezvevanofambidzana vanonetsana nokuti mumwe anenge asina kufona kana kutaura kuti anenge ari kupi. Ndinofunga kuti izvi zvinoratidza kuti pane dambudziko.”—1 VaKorinde 13:4.

Nyaya dzakadai sedzataurwa pamusoro apa dzine chokuita nounhu uye zvinoitwa nomunhu. Zvisinei, kuziva chimwe chinhu nezvomukurumbira womumwe wako kunokosha. Vamwe vanomuona sei? Ungada kutaura nevamwe vava nenguva vachiziva munhu wacho, vakadai sevanhu vakuru vari muungano yake. Kana ukaita izvi uchaziva kana munhu wacho ‘achipupurirwa zvakanaka kwazvo.’—Mabasa 16:1, 2.

Ungadzidza zvakawanda nezvake kana ukanyora zvaunenge waona kuti mumwe wako amire papi pane zvatotaurwa.

Unhu ․․․․․

Tsika ․․․․․

Mukurumbira ․․․․․

Uchabatsirwawo nokuona zviri “ Angava Murume Akandikodzera Here?” riri papeji 39 kana kuti rakanzi “ Angava Mudzimai Akandikodzera Here?” riri papeji 40. Mibvunzo iripo ichakubatsira kuziva kana mumwe wako angava munhu akakodzera kuroorana naye.

Zvakadini kana pashure pokunge wafungisisa nezvazvo, wogumisa kuti munhu uyu angave asina kukukodzera? Kana zvakadaro, unofanira kupindura mubvunzo unokosha wokuti:

Tinofanira Kurambana Here?

Dzimwe nguva zvakanaka kuti murambane. Chimbofunga zvakaitika kuna Jill. Anoti, “Pakutanga zvaindifadza kuziva kuti mukomana wangu aigara achinetseka kuti ndinenge ndiri kupi, ndiri kuitei uye ndinaani. Asi izvi zvakasvika pakuti akanga asingadi kuti ndipedze nguva nomumwe munhu asiri iye. Aitondiitira shanje pandaipedza nguva ndiine mhuri yedu—zvikurukuru ndiina baba vangu. Pandakamuramba, ndakanzwa ndarerukirwa zvikuru!”

Zvakada kufanana nezvakaitikawo kuna Sarah. Akatanga kucherechedza kuti John, mumwe mukomana waaifambidzana naye aitsvinya, ainyanya kurayira, uye akanga asina unhu. Sarah anoyeuka kuti, “Pane imwe nguva akanonoka kuuya kuzonditora kumba kwedu nemaawa matatu! Amai vangu pavakavhura dhoo haana kutaura navo, uye akabva angoti: ‘Hande. Tanonoka.’ Kwete kuti ‘Ndanonoka’ asi akati ‘Tanonoka.’ Aifanira kunge akakumbira ruregerero kana kuti kutsanangura kuti zvakanga zvafamba sei. Chinhu chikuru ndechokuti aifanira kuremekedza amai vangu!” Chokwadi, hazvirevi hazvo kuti kana munhu akangokanganisa kamwe chete mobva matogumisa kuti hapana kuri kuenda rudo rwedu. (Pisarema 130:3) Asi Sarah paakaziva kuti kushayiwa tsika kwaJohn kwakanga kuri magariro kwete chinhu chaakaita kamwe chete, akasarudza kumuramba.

Sezvakaonekwa naJill naSarah, zvakadini kana ukaona kuti munhu wauri kufambidzana naye haana kukodzera kuti uzoroorana naye? Kana zvakadaro, usamanikidza zvinhu zvinenge zvisingaiti! Kunyange zvazvo zvakaoma kuzvibvuma, zvingava zvakanaka kuti murambane. Zvirevo 22:3 inoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” Somuenzaniso, kana mumwe wako akaratidza humwe unhu hune ngozi huri pamapeji 39 ne40, unofanira kugumisa kufambidzana kwacho—zvimwe kusvika dambudziko racho ragadziriswa. Chokwadi, kurambana kungasava nyore. Asi kuroorana mubatanidzwa wechigarire. Zviri nani kurwadziwa kwenguva pfupi pane kuzotambura uchizvidemba kwoupenyu hwose!

Kumuudza Kwaungaita

Unofanira kumuudza sei nezvokugumisa kufambidzana kwenyu? Kutanga, sarudza kuti ndepapi pazvinoita kuti mukurukurirane. Pangava papi? Chimbofunga kuti iwe waizoda kubatwa sei mumamiriro ezvinhu akadaro. (Mateu 7:12) Waizoda kuti zvitaurwe pamberi pevamwe vanhu here? Hawaizoda kuti zvidaro. Kunze kwokuti mamiriro acho ezvinhu achiita, zvingava zvakanaka kuti musagumisa kufambidzana kwenyu muchishandisa muchina wokudavira foni, tsamba yeserura kana kuti yepakombiyuta. Pane kudaro, sarudza nguva nenzvimbo zvichaita kuti mukwanise kukurukura nyaya iyi inokosha.

Unofanira kutaura kutii kana nguva yokuti utaure yasvika? Muapostora Pauro akakurudzira vaKristu kuti ‘vataurirane chokwadi.’ (VaEfeso 4:25) Saka nzira yakanakisisa ndeyokuti uve akangwarira asi usingatsuduguki. Taura zvakajeka nei uchifunga kuti kufambidzana kwenyu hapana kwakunokusvitsai. Haufaniri hako kutaura ndandanda yezvikanganiso kana kuti kuramba uchingotsoropodza mumwe wako. Chokwadi, pane kuti utaure kuti, “Hauite” izvi kana kuti “Haumbofi” wakaita izvo, zvingava nani kuti utaure mashoko ane chokuita nemanzwiro ako—“Ndinoda munhu aka- . . . ” kana kuti “Ndinofunga kuti kufambidzana uku kunofanira kuguma nokuti . . . ”

Ino haisi nguva yokuti pamunhondo pamusasa kana kuti yokuchinjwa mafungiro ako nomumwe munhu. Yeuka kuti wasarudza kumuramba pamusana pechikonzero chakanaka. Saka ngwarira kana mumwe wako akaedza kuchinja mafungiro ako achikunyengetedza nemanomano. Mumwe musikana anonzi Lori anoti, “Pashure pokunge ndamuramba, aimbova mukomana wangu akatanga kuratidza kusuruvara nguva dzose. Ndinofunga kuti aiita izvozvo kuitira kuti ndimunzwire tsitsi. Ndaimunzwira tsitsi asi handina kumbobvumira zvaaiita kuti zvichinje chisarudzo changu.” Kufanana naLori, ziva zvaunoda. Omerera pane zvaunenge wasarudza. Aiwa wako ngaave aiwa.Jakobho 5:12.

Migumisiro Yokurambana

Usashamisike kana ukambosuruvara kwekanguva pashure pokunge marambana. Ungatonzwa sezvakaita munyori wepisarema akati: “Ndavhiringidzika, ndakotama zvakanyanya; zuva rose ndinofamba-famba ndakasuruvara.” (Pisarema 38:6) Dzimwe shamwari dzinenge dziine chinangwa chakanaka dzingaedza kubatsira dzichikukurudzira kuti mudzokererane. Ngwarira! Uchatofanira kurarama nemigumisiro yezvaunenge wasarudza—kwete neshamwari dzako. Saka usazeza kuramba wakaomerera pachisarudzo chako—kunyange uchirwadziwa nezvinenge zvaitika.

Iva nechokwadi chokuti pakupedzisira, kurwadziwa kwaunoita kuchapera. Panguva ino, wadii kutora matanho anobatsira, seanotevera, kuti ukurire mamiriro acho ezvinhu?

Taura manzwiro ako kune munhu waunovimba naye. * (Zvirevo 15:22) Nyengetera kuna Jehovha nezvenyaya yacho. (Pisarema 55:22) Ramba uine zvizhinji zvokuita. (1 VaKorinde 15:58) Usava zindoga! (Zvirevo 18:1) Ibva watanga kushamwaridzana nevanhu vanokukurudzira. Edza kuramba uchifunga zvinhu zvinobatsira.—VaFiripi 4:8.

Nokufamba kwenguva, ungawana mumwe wokufambidzana naye. Hapana mubvunzo kuti uchaona zvinhu wakadzikamira. Zvichida panguva ino unenge wava kugona kupindura mubvunzo uyu wokuti, “Munhu uyu ndiye akandikodzera here?” uchiti hungu!

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 31

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA Kana wava kufambidzana nomumwe munhu, unofanira kugumira papi panyaya yokuratidzana rudo?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Unogona kudzidza zvakatowanda nezvako nokuongorora mibvunzo iri muChitsauko 1 pasi pomusoro muduku unoti “Wagadzirira Kuroora Kana Kuroorwa Here?”

^ ndima 45 Vabereki vako kana kuti vamwe vanhu vabva zera, vakadai sevakuru vechiKristu vangakubatsira. Ungatoona kuti vakamborwadziwawo zvakadaro pavaiva vaduku.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Mukomana anoratidza kana basa rake rakachena uye kana rakarurama nezvaanoita.Zvirevo 20:11.

ZANO

Itai mabasa anoita kuti unhu hwomunhu hubude pachena:

● Dzidzai Shoko raMwari pamwe chete.

● Cherechedzanai zvamunoita pamisangano yeungano uye muushumiri.

● Itaiwo mabasa okuchenesa Imba yoUmambo uye okuvaka.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Ongororo dzinogara dzichiratidza kuti vanhu vanoroorana vasiri vechitendero chimwe chete vanowanzoguma nokurambana.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndichitorwa mwoyo nomunhu asingatendi, ndicha- ․․․․․

Kuti ndizive zvakawanda nezvomunhu wandiri kufambidzana naye, ndinogona ku- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Unhu hupi hwakanaka hwauinahwo huchaita kuti uve murume kana mudzimai akanaka?

Unhu hupi hunokosha hwaungatarisa pamunhu wauchada kuroorana naye?

Inyaya dzipi dzinotemesa musoro dzingamuka kana ukaroorana nomumwe munhu asiri wechitendero chako?

Ungaziva sei zvakawanda nezvounhu, tsika, uye mukurumbira zvomunhu waunenge uchifambidzana naye?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 37]

Mabatiro anoita mumwe wako vanhu vokumba kwavo ndiwo mabatiro aachakuita.’’—Tony

[Bhokisi riri papeji 34]

“Musasungwa Zvisina Kukodzera Pajoko”

“Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.” Ungangoona murayiro uyu weBhaibheri uri pana 2 VaKorinde 6:14 uine musoro. Kunyange zvakadaro, ungazviona wava kuda munhu asingatendi. Nei? Dzimwe nguva kungangova kutorwa mwoyo nezvaunenge waona. Mumwe mukomana anonzi Mark anoti, “Ndaigara ndichiona musikana uyu mukirasi yokurovedza muviri. Aiedza zvose zvaaigona kuti auye kuzotaura neni. Zvakanga zviri nyore kuti tishamwaridzane.”

Kana uchiziva zvauri, uchivimba nezvinhu zvaunokoshesa pakunamata—uye kana wakura zvokuti haudzorwi nemanzwiro ako—uchaziva zvaunofanira kuita. Chokwadi, pasinei nokuti munhu wacho anokwezva, akanaka, kana kuti anoita seakarurama zvakadini—haazonatsiridzi ushamwari hwako naMwari.—Jakobho 4:4.

Kutaura zvazviri, kana rudo rwavapo, kurambana hakusi nyore sezvakaonekwa nomusikana anonzi Cindy. Anoti, “Ndaichema mazuva ose. Ndairamba ndichifunga nezvomukomana wacho, kunyange pamisangano yechiKristu. Ndaimuda chaizvo zvokuti ndaifunga kuti zvaiva nani hazvo kuti ndife pane kuti tirambane.” Zvisinei, pasina nguva, Cindy akaona uchenjeri hwaiva muzano raamai vake rokuti asafambidzane nomunhu asingatendi. Anoti, “Ndinofara kuti ndakarambana naye. Ndine chivimbo chokuti Jehovha achandipa zvandinoda.”

Uri mumamiriro ezvinhu akaita seaCindy here? Kana zvakadaro, haufaniri kuagadzirisa uri woga! Unogona kuudza vabereki vako. Ndizvo zvakaitwa naJim paakanzwa achitorwa mwoyo nomusikana wokuchikoro kwake. Anoti, “Pakupedzisira ndakazokumbira vabereki vangu kuti vandibatsire. Izvi ndizvo zvakandibatsira kuti ndikurire manzwiro aya.” Vakuru veungano vanogonawo kukubatsira. Wadii kutaura nomumwe wavo zvauri kusangana nazvo?—Isaya 32:1, 2.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 39]

 Worksheet

Angava Murume Akandikodzera Here?

Zvinhu Zvinokosha Zvaunofanira Kuziva Nezvake

□ Anoshandisa sei simba raangava naro?—Mateu 20:25, 26.

□ Ane zvinangwa zvei?—1 Timoti 4:15.

□ Iye zvino ari kushanda kuti azadzise zvinangwa izvozvo here?—1 VaKorinde 9:26, 27.

□ Anobata sei vanhu vokumba kwavo?—Eksodho 20:12.

□ Shamwari dzake ndivanaani?—Zvirevo 13:20.

□ Anowanzotaura nezvei?—Ruka 6:45.

□ Anoona sei mari?—VaHebheru 13:5, 6.

□ Anofarira kuvaraidzwa nei?—Pisarema 97:10.

□ Anoratidza sei kuti anoda Jehovha?—1 Johani 5:3.

Unhu Hwake

□ Anobishaira here?—Zvirevo 6:9-11.

□ Anoshandisa mari zvakanaka here?—Ruka 14:28.

□ Ane mukurumbira wakanaka here?—Mabasa 16:1, 2.

□ Ane hanya nevamwe here?—VaFiripi 2:4.

Unhu Hune Ngozi

□ Haatani kutsamwa here?—Zvirevo 22:24.

□ Anoedza kuda kuti murare mose here?—VaGaratiya 5:19.

□ Anotuka here kana kuti anorova?—VaEfeso 4:31.

□ Kuti anakidzwe, anotofanira kunwa doro here?—Zvirevo 20:1.

□ Ane shanje uye anongozvifunga iye here?—1 VaKorinde 13:4, 5.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 40]

 Pepa Rokushandira

Angava Mudzimai Akandikodzera Here?

Zvinhu Zvinokosha Zvaunofanira Kuziva Nezvake

□ Anoratidza sei kuti anozviisa pasi mumhuri nomuungano?—VaEfeso 5:21, 22.

□ Anobata sei vanhu vokumba kwavo?—Eksodho 20:12.

□ Shamwari dzake ndivanaani?—Zvirevo 13:20.

□ Anowanzotaura nezvei?—Ruka 6:45.

□ Anoona sei mari?—1 Johani 2:15-17.

□ Ane zvinangwa zvei?—1 Timoti 4:15.

□ Iye zvino ari kushanda kuti azadzise zvinangwa izvozvo here?—1 VaKorinde 9:26, 27.

□ Anofarira kuvaraidzwa nei?—Pisarema 97:10.

□ Anoratidza sei kuti anoda Jehovha?—1 Johani 5:3.

Unhu Hwake

□ Anobishaira here?—Zvirevo 31:17, 19, 21, 22, 27.

□ Anoshandisa mari zvakanaka here?—Zvirevo 31:16, 18.

□ Ane mukurumbira wakanaka here?—Rute 3:11.

□ Ane hanya nevamwe here?—Zvirevo 31:20.

Unhu Hune Ngozi

□ Anokakavara here?—Zvirevo 21:19.

□ Anoedza kuda kuti murare mose here?—VaGaratiya 5:19.

□ Anotuka here kana kuti anorova?—VaEfeso 4:31.

□ Kuti anakidzwe, anotofanira kunwa doro here?—Zvirevo 20:1.

□ Ane shanje uye anongozvifunga iye here?—1 VaKorinde 13:4, 5.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Haisi saizi yose yose yebhutsu inokwana; saizvozvowo, haasi munhu wose wose akakodzera kuti uroorane naye

[Mufananidzo uri papeji 31]

Paunenge uchisarudza motokari, unofunga kuti zvinokosha here kutarira zvinhu zvinokosha pane kungotarira kunze? Pakusarudza wokuroorana naye unofanira kuita zvinopfuura ipapa!