Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kurambirei Ndiri Mhandara?

Kurambirei Ndiri Mhandara?

CHITSAUKO 5

Kurambirei Ndiri Mhandara?

“Ndinonzwa ndichishuva kumborara nomukomana.”—Kelly.

“Ndinonzwa sokuti ndini ndoga ndisati ndamborara nomusikana.”—Jordon.

“UCHIRI mhandara here?” Mubvunzo uyu ungaita kuti utye! Kutaura zvazviri, munzvimbo dzakawanda, wechiduku anenge ari mhandara angangoonekwa somunhu asiri kufambirana nenguva, wechinyakare. Ndosaka vechiduku vakawanda vachiita zvepabonde vachiri kuyaruka!

Kukwezvwa Nezvishuwo, Kumanikidzwa Nevezera Rako

Kana uri muKristu, unoziva kuti Bhaibheri rinokuudza kuti “urege ufeve.” (1 VaTesaronika 4:3) Zvisinei, ungaona zvakaoma kuti udzore zvishuwo zvokuita zvepabonde. Rimwe jaya rinonzi Paul rinoti, “Dzimwe nguva, ndinoerekana ndava kungofunga zvepabonde pasina chikonzero.” Iva nechokwadi chokuti munhu wose anonzwawo saizvozvo.

Zvisinei, kuramba uchisekwa uye uchishungurudzwa pamusana pokuti uri mhandara hakutombonakidze zvachose! Somuenzaniso, zvakadini kana vezera rako vakakuudza kuti hausi murume chaiye kana kuti mukadzi chaiye kana usati waita zvepabonde? Ellen anoti, “Vezera rako vanoita kuti zvepabonde zviite sezvinonakidza uye kuti hapana chakaipa nokuzviita. Kana usiri kuita zvepabonde nevanhu vakasiyana-siyana, unonzi hameno zvauri.”

Asi pane zvimwe zvine chokuita nokuenda pabonde musati maroorana izvo vezera rako vasingadi kutaura nezvazvo. Somuenzaniso, Maria uyo akamboita zvepabonde nomukomana wake anoyeuka kuti: “Pashure pacho ndakashayiwa pokupinda nokunyara. Ndakanzwa ndichizvivenga uye ndakavenga mukomana wangu.” Vechiduku vakawanda havazivi kuti izvi ndizvo zvinowanzoitika. Chokwadi, kuita zvepabonde musati maroorana kunowanzoita kuti munhu ashungurudzike uye kunova nemigumisiro inorwadza!

Zvisinei, mumwe musikana anonzi Shanda anobvunza kuti, “Nei Mwari akaita kuti vechiduku vave nezvishuwo zvokuita zvepabonde, achiziva hake kuti havafaniri kuzviita kutozosvikira varoora kana kuroorwa?” Uyu mubvunzo wakanaka. Asi chimbofunga zvinotevera:

Zvishuwo zvokuita zvepabonde ndizvo chete zvaunonyanya kunzwa here? Aiwa. Jehovha Mwari akakusika uchikwanisa kuva nemanzwiro uye zvishuwo zvakasiyana-siyana.

Unofanira kungogutsa zvishuwo zvako chero pazvamukira here? Aiwa, nokuti Mwari akakusika uchikwanisawo kudzora zvaunoita.

Saka unodzidzei? Ungangotadza kuita kuti zvimwe zvishuwo zvisamuka, asi unogona kudzora zvaunoita nazvo. Chokwadi, kuteerera zvishuwo zvokuita zvepabonde kwaizova kwakaipa uye huri upenzi sokurova mumwe munhu pose paunenge watsamwa.

Chokwadi ndechokuti Mwari haana kumbotirongera kuti tishandise nhengo dzedu dzokubereka nadzo nenzira isiri iyo. Bhaibheri rinoti: ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuziva kudzora muviri wake oga muutsvene nokukudzwa.’ (1 VaTesaronika 4:4) Sezvo paine “nguva yokuda nenguva yokuvenga,” panewo nguva yokuteerera zvishuwo zvokuita zvepabonde uye nguva yokusazviteerera. (Muparidzi 3:1-8) Saka iwe unokwanisa kudzora zvishuwo zvako!

Asi ungaita sei kana mumwe munhu akakuseka, asingazvibvumi achiti, “Uchiri mhandara zvechokwadi here? Usavhunduka. Kumunhu anenge achingoda kukudzikisira, ungati: “Ehe, ndichiri mhandara, uye rega ndikuudze. Ndiri kufara kuti ndozvandiri!” Kana kuti ungati, “Hazvinei newe, haisi nyaya yandinongotaura nevanhu vose vose.” * (Zvirevo 26:4; VaKorose 4:6) Ukuwo, ungafunga kuti munhu anenge achikubvunza anofanira kuziva zvakawanda. Kana zvakadaro ungasarudza kumutsanangurira zvaunotenda zviri muBhaibheri.

Ungafunga dzimwe mhinduro here kana munhu akakubvunza zvokutsvinya achiti “Uchiri mhandara zvechokwadi here?” Kana zvakadaro, dzinyore pasi apa.

․․․․․

Chipo Chinokosha

Mwari anonzwa sei vanhu pavanosarudza kuita zvepabonde vasati varoorana? Ngatitii watengera shamwari yako chipo. Asi usati waipa chipo chacho, inochivhura pamusana pokuda kuziva! Hawaizogumbuka here? Zvino chifungidzira kuti Mwari aizonzwa sei kudai waizoita zvepabonde usati waroora kana kuroorwa? Anoda kuti umirire kusvikira waroora kana kuroorwa kuti unakidzwe nechipo ichi chebonde.—Genesisi 1:28.

Unofanira kuitei nezvishuwo zvako zvokuita zvepabonde? Zvichitaurwa zviri nyore, dzidza kuzvidzora. Unogona kuzviita! Nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire. Mudzimu wake unogona kukubatsira kuti uzvidzore. (VaGaratiya 5:22, 23) Yeuka kuti Jehovha “haazonyimi vaya vanofamba vasina mhosva chero chinhu chipi zvacho chakanaka.” (Pisarema 84:11) Mumwe wechiduku anonzi Gordon anoti: “Pandinonzwa ndava kufunga kuti kuita zvepabonde ndisati ndaroora hakuna kunyanya kuipa, ndinofunga migumisiro yakaipa yakunounza pakunamata ndoziva kuti hapana chivi chinofanira kuita kuti ndirasikirwe noukama hwangu naJehovha.”

Chokwadi ndechokuti umhandara hakusi kusaririra. Unzenza ndihwo hunobvisa unhu, hunozvidzisa, uye hunokuvadza. Saka usarega zvinotaurwa nenyika zvichiita kuti ufunge kuti pane zvisina kumira zvakanaka pauri kana uchiomerera pamitemo yeBhaibheri. Kana ukaramba uri mhandara, unoramba uine utano hwakanaka, uine pfungwa dzakagadzikana uye zvinotonyanya kukosha—uine ukama naMwari.

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 24

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 15 Zvinofadza kuti Jesu akasarudza kuramba akanyarara paaibvunzwa naHerodhi. (Ruka 23:8, 9) Kazhinji zvakanaka kuti udaro kana ukabvunzwa mibvunzo isina ruremekedzo.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Kana munhu upi zvake akasarudza izvi mumwoyo make, kuti arambe asina kuroora kana kuroorwa, achaita zvakanaka.1 VaKorinde 7:37.

ZANO

Usashamwaridzana nevaya vasina tsika dzakanaka kunyange kana vachiti vanotendawo zvaunotenda.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vanhu vanongoita zvepabonde pamadiro kashoma kuti varege miitiro yavo nokungoti varoora kana kuroorwa. Asi vaya vanenge vakavimbika kumitemo yaMwari yetsika vasati varoorana kazhinji vanozova vakavimbika kune mumwe wavo.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndichizoramba ndiri mhandara kusvikira ndaroora kana kuroorwa, ndinofanira ku- ․․․․․

Kana shamwari dzangu dzichiita kuti zvindiomere kuramba ndakatsunga, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Unofunga kuti vamwe vanosekerei vanhu vanenge vachiri mhandara?

Nei zvingava zvakaoma kuramba uri mhandara?

Zvakanakirei kuti urambe uri mhandara kusvikira waroora kana kuroorwa?

Ungatsanangurira sei munun’una wako zvakanakira kuramba uri mhandara?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 51]

Ndinowana simba rokudzivisa muedzo wokuita zvepabonde nokugara ndichiyeuka kuti ‘hapana chifeve kana munhu asina kuchena ane nhaka chero ipi zvayo muumambo hwaMwari.’’’ (VaEfeso 5:5)—Lydia

[Bhokisi riri papeji 49]

Pepa Rokushandira

Chii Chaizvo Chinozoitika Pashure Pacho?

Vezera rako uye varaidzo yakakurumbira kazhinji zvinovanza zvakaipira kuita zvepabonde musati maroorana. Ona zviitiko zvitatu zvinotevera. Unofunga kuti chii chaizvo chingaitika kupwere idzi?

● Mumwe mwana wechikoro anotaura achivhaira kuti akaita zvepabonde nevasikana vakawanda. Anoti zvinonakidza, hapana anokuvara. Chii chaizvo chinozoitika pashure pacho—kwaari uye kuvasikana vacho? ․․․․․

● Rimwe firimu rinoguma nevaviri vasati varoorana vachiri kuyaruka vachiita zvepabonde senzira yokuratidza kuti vanodanana. Chii chinozoitika pashure pacho—mukurarama chaiko? ․․․․․

● Unosangana nomukomana akanaka chaizvo anokukumbira kuti muite zvepabonde. Anoti hapana anofanira kuzviziva. Kana ukabvuma woedza kuzviviga, chii chaizvo chinozoitika pashure pacho? ․․․․․

[Mufananidzo uri papeji 54]

Kuita zvepabonde usati waroora kana kuroorwa kwakafanana nokuvhura chipo usati wachipiwa