Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Ndichirwara Zvakadai?

Nei Ndichirwara Zvakadai?

CHITSAUKO 8

Nei Ndichirwara Zvakadai?

“Paunenge uchiri muduku, unofunga kuti hapana chinokukunda. Zvadaro, unongoerekana warwara zvakaipisisa woziva kuti pane chinokukunda. Unonzwa sokuti watochembera muusiku humwe chete.”—Jason.

AVA nemakore 18, Jason akaziva kuti aiva nechirwere chinonzi Crohn, chirwere chomuura chinopedza simba uye chinorwadza zvikuru. Zvichida iwewo une chirwere chisingaperi kana kuti wakaremara. Zvinhu zvinongoitwa nevakawanda—zvinosanganisira kupfeka mbatya, kudya, kana kuti kuenda kuchikoro—zvingakuomera zvikuru.

Dambudziko routano risingaperi ringaita kuti unzwe sokuti wakavharirwa mujeri, mausina rusununguko. Ungasurukirwa. Ungatotanga kunetseka kuti zvimwe wakatadzira Mwari kana kuti Mwari ari kukuedza kuti aone kuvimbika kwawakaita kwaari. Zvisinei, Bhaibheri rinoti: “Hapana munhu angaedza Mwari nezvinhu zvakaipa uyewo iye haaedzi munhu.” (Jakobho 1:13) Kurwara kunongova chinhu chinongoitika pakurarama kwatiri kuita parizvino, uye tose tinowirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.”—Muparidzi 9:11.

Zvinofadza kuti Jehovha Mwari akavimbisa nyika itsva isina “mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Kunyange vakafa vachamutswa kuitira kuti vawane mukana wokuva munyika itsva iyoyo. (Johani 5:28, 29) Zvisinei panguva ino, ungararama sei nezvauri?

Edza kuva netariro. Bhaibheri rinoti: “Mwoyo unofara unorapa.” (Zvirevo 17:22) Vamwe vangati kufara uye kuseka hakuna kukodzera kana munhu achirwara zvikuru. Asi ny’ambo dzakanaka uye kutandara kunofadza zvinogona kuzorodza pfungwa zvichiwedzera chido chokurarama. Saka funga nezvezvaungaita kuti uwedzere mufaro muupenyu hwako. Yeuka kuti mufaro chibereko chomudzimu waMwari. (VaGaratiya 5:22) Mudzimu iwoyo unogona kukubatsira kutsungirira kurwara uchifara.—Pisarema 41:3.

Iva nezvinangwa chaizvo. Bhaibheri rinoti: “Vane mwero ndivo vane uchenjeri.” (Zvirevo 11:2) Kuva nomwero kuchakubatsira kuti usazviregeredza uye usanyanya kuzvityira. Somuenzaniso, kana utano hwako huchiita, kuita mabasa akakodzera kungakubatsira kuti unzwe zviri nani. Ndokusaka zvipatara zvichiwanzova nedzimwe purogiramu dzokurapa vechiduku dzakadai sokurovedza muviri. Kazhinji kurovedza muviri kwakakodzera hakungoiti kuti ukurumidze kupora chete asiwo kunobatsira kuti urambe uine tariro. Chinhu chinokosha ndechokuti uongorore nomwoyo wose mamiriro ako ezvinhu wova nezvinangwa chaizvo.

Dzidza kugarisana nevamwe zvakanaka. Ko kana vamwe vakataura zvinoratidza kusafunga nezvemamiriro ako ezvinhu? Bhaibheri rinoti: “Mwoyo wako ngaurege kuva nehanya nemashoko ose angataurwa nevanhu.” (Muparidzi 7:21) Dzimwe nguva zvakanaka kungosiyana nazvo. Kana kuti zvichida unogona kuita kuti vanhu vasataure mashoko akadaro. Somuenzaniso, kana vamwe vachiita sevasina kusununguka uinavo pamusana pokuti uri pawiricheya, edza kuita kuti vasanetseka nazvo. Ungati: “Zvichida munonetseka kuti nei ndichishandisa wiricheya. Mungada kuziva chikonzero here?”

Usakanda mapfumo pasi. Paakanga achirwadziwa zvikuru, Jesu akanyengetera kuna Mwari, akavimba naye, uye akaisa pfungwa dzake pamufaro waiva mberi pane kuti afunge kurwadziwa kwaaiita. (VaHebheru 12:2) Akadzidza kubva pane zvaakatambura. (VaHebheru 4:15, 16; 5:7-9) Akabvuma kubatsirwa uye kukurudzirwa. (Ruka 22:43) Ainyanya kuisa pfungwa dzake pakugara zvakanaka kwevamwe panzvimbo pezvaimunetsa.—Ruka 23:39-43; Johani 19:26, 27.

Jehovha ‘Ane Hanya Newe’

Chero ringava dambudziko rako, haufaniri kufunga kuti Mwari anokuona sousingabatsiri. Asi Jehovha anoona vaya vanoedza kumufadza sevanokosha. (Ruka 12:7) ‘Iye ane hanya newe’ sezvauri, uye anofara kuti uite basa rake pasinei nokurwara kwaunoita kana kuti kuremara.—1 Petro 5:7.

Saka usarega kutya kana kuti kusava nechokwadi zvichikutadzisa kuita zvinhu zvaunoda uye zvaunofanira kuita. Gara uchitarisira kutsigirwa naJehovha Mwari. Anonzwisisa zvaunoda uye manzwiro aunoita. Uyezve, anogona kukupa “simba rinopfuura renguva dzose” kuti rikubatsire kutsungirira. (2 VaKorinde 4:7) Nokufamba kwenguva, ungangova netariro seyaiva naTimothy, akabatwa chirwere chisingaperi chinokonzera kushayiwa simba uye kungonzwa kuneta paaiva nemakore 17. Anoti: “Maererano na1 VaKorinde 10:13, Jehovha haatiregi tichisangana nezvatisingagoni kutsungirira. Ndinofunga kuti kana Musiki wangu aine chivimbo chokuti ndinogona kukurira muedzo uyu, ndini ani kuti ndirambe izvozvo?”

Kana Mumwe Munhu Waunoziva Achirwara

Ko kana uri mutano asi uchiziva mumwe munhu ari kurwara kana kuti akaremara? Ungamubatsira sei? ‘Kumunzwira ngoni’ uye ‘kumunzwira tsitsi kwazvo’ ndizvo zvinonyanya kukosha. (1 Petro 3:8) Edza kunzwisisa zviri kusangana nomunhu wacho. Ona matambudziko ake semaonero aanoaita. Nina, akaberekwa aine chirwere chomuzongoza chinonzi spina bifida, anoti: “Sezvo ndiine muviri muduku uye ndichishandisa wiricheya, zvinogona kundiodza mwoyo vamwe vanhu pavanotaura neni sokunge kuti ndiri mwana. Zvisinei, vamwe vanogara pasi kuti vataure neni, kuitira kuti tienzane. Zvinondifadza chaizvo!”

Kana ukatarira zvimwewo zvisiri urwere hwavo, uchaona kuti vaya vane zvinetso zvoutano vakangofanana newe. Uye pafunge—une simba ‘rokupa vakadaro chipo chomudzimu’ nemashoko ako! Paunoita izvozvo, iwewo uchakomborerwa, nokuti ‘muchakurudzirana.’—VaRoma 1:11, 12.

VERENGA ZVAKAWANDA NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 1, CHITSAUKO 13

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Panguva iyoyo . . . hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’”—Isaya 33:23, 24.

ZANO

Zivo inoita kuti usanyanya kutya zvinhu zvausingazivi. Saka dzidza zvakawanda nezvechirwere chako. Bvunza chiremba wako mibvunzo yakananga kana paine zvimwe zvisina kukujekera.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kurwara kana kuti kuremara kwawakaita hakusi kurangwa naMwari. Asi kunokonzerwa nokusakwana kwatakagara nhaka kubva kuna Adhamu.—VaRoma 5:12.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndirambe ndiine maonero akanaka pasinei nourwere kana kuti urema hwangu, ndicha- ․․․․․

Chimwe chinangwa chine musoro chandingaronga kuita ndechoku- ․․․․․

Kana mumwe munhu akanditaurira zvakashata nezvourwere hwangu, ndichaedza kuona nyaya yacho zvakanaka noku- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Ungashandisa sei mashoko ari muchitsauko chino kuti ubatsire mumwe munhu akaremara kana kuti ane chirwere chisingaperi?

Kana uine chirwere chisingaperi, zvinhu zvipi zvakanaka zvaungafungisisa kuti zvinhu zvikufambire?

Unoziva sei kuti kurwara hachisi chiratidzo chokuti Mwari haakufariri?

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 75]

DUSTIN, 22

‘‘Ndinoyeuka ndichichema ndiri mumaoko amai vangu pandakaziva kuti ndaizogara muwiricheya. Ndaingova nemakore masere chete.

Ndine chirwere chinopedza tsandanyama chinonzi muscular dystrophy. Ndinoda kubatsirwa kupfeka, kugeza uye kudya. Handitombogoni kana kusimudza maoko angu. Asi ndave ndakabatikana, ndichifara, uye ndine zvakawanda zvinondiita kuti ndionge. Nguva dzose ndinobuda muushumiri uye ndiri mushumiri anoshumira muungano. Handitomboroti zvangu kuti upenyu hwakaoma. Pagara paine zvokuita uye zvokutarisira pakushumira Jehovha. Pakupedzisira, ndinotarisira nyika itsva yaMwari, ‘pandichakwakuka sezvinoita nondo hono.’’’—Isaya 35:6.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 75]

TOMOKO, 21

‘‘Pandaingova nemakore mana, chiremba akandiudza kuti: ‘Uchafanira kuzvibaya majekiseni echirwere cheshuga kwoupenyu hwako hwose.’

Hazvisi nyore kudzora uwandu hweshuga mumuviri womunhu ane chirwere chacho. Kazhinji, handigoni kudya pandinenge ndichida, asi pandinenge ndisingadi ndipo pandinofanira kudya. Kusvika parizvino ndakazvibaya majekiseni 25 000, saka ndine madzvanga mumaoko angu nomuzvidya. Asi vabereki vangu vakandibatsira kuti ndiite zvandinokwanisa nourwere hwangu. Vaigara vachifara uye vachitaura zvinokurudzira, uye vakandidzidzisa kuti ndikoshese zvinhu zvokunamata. Jehovha ave akanaka kwandiri. Utano hwangu pahwakava nani, ndakasarudza kuratidza kuonga kwangu nokutanga ushumiri hwenguva yakazara.’’

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 76]

JAMES, 18

‘‘Vanhu havazivi zvokuita nomunhu ane chimiro chakanyanya kusiyana nechevamwe, uye ndicho chimiro chandiinacho.

Ndakapfupika zvikuru. Vanhu vanonyanya kufunga nezvechitarisiko, saka nguva dzose ndinoedza kuratidza kuti handisi mwana mudiki ane bhesi. Pane kunetseka nezvandisiri, ndinoedza kufunga zvandiri. Ndinonakidzwa noupenyu hwangu. Ndinodzidza Bhaibheri uye ndinonyengetera kuna Jehovha kuti anditsigire. Mhuri yedu inogara ichindikurudzira. Ndinotarisira nguva apo Mwari achabvisa zvirwere zvose. Parizvino, ndinorarama nourema hwangu, asi handiiti kuti urema hwacho hudzore upenyu hwangu.’’

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 76]

DANITRIA, 16

‘‘Ndakaziva kuti chimwe chinhu hachina kumira zvakanaka nokuti kunyange pandaisimudza girazi chairo ndairwadziwa zvikuru.

Kuva nechirwere chinonzi fibromyalgia kunorwadza mupfungwa nomunyama. Sowechiduku, ndinodawo kuita zvinoitwa neshamwari dzangu, asi zvinhu zvose zvanyanya kundiomera kupfuura zvazvaiva. Kunyange kubatwa nehope ibasa chairo! Asi ndakadzidza kuti Jehovha anogona kundibatsira kuti ndiitewo zvinoita vamwe pasinei nechirwere changu. Ndakatombokwanisa kuwedzera ushimiri hwangu nokuva piyona webetsero. Zvakanga zvakaoma, asi ndakazviita. Ndinoedza kuita zvose zvandinogona. Ndinofanira ‘kuteerera’ muviri wangu ndoita zvandinogona. Amai vangu varipo nguva dzose kuti vandiyeuchidze kana ndikakanganwa!’’

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 77]

ELYSIA, 20

‘‘Ndaimbova shasha chaiyo kuchikoro. Iye zvino rava basa chairo kuverenga mutsara uri nyore, uye dzimwe nguva zvinondiodza mwoyo.

Chirwere chisingaperi chinokonzera kushayiwa simba uye kuneta chinonditadzisa kuita zvinhu zviri nyore. Kunyange kubuda mumagumbeze chaiko kunowanzova kwakaoma. Asi handisati ndamboita kuti chirwere changu chidzore upenyu hwangu. Ndinoverenga Bhaibheri rangu mazuva ose, kunyange zvazvo zvingareva kuverenga ndima shomanana kana kuti kuita kuti mumwe womumhuri medu andiverengere. Ndinoonga mhuri yedu zvikuru. Baba vakatorega imwe ropafadzo yavaiva nayo pane rimwe gungano kuti vandibatsire kuti ndivepowo. Havana kumbotsutsumwa. Vakati ropafadzo yakakura zvikuru yavangava nayo ndeyokutarisira mhuri yavo.’’

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 77]

KATSUTOSHI, 20

‘‘Ndinovhunduka ndoerekana ndava kuridza mhere ndichidedera zvinotyisa, ndichingokanda-kanda zvinhu uye ndichiparadza zvimwe.

Ndave ndiine pfari kubva ndiine makore mashanu. Dzinondibata kanomwe pamwedzi. Ndinofanira kunwa mushonga mazuva ose, uye nemhaka yaizvozvo ndinonzwa kuneta. Asi ndinoedza kufungawo vamwe kwete kungozvifunga. Muungano medu mune vashumiri venguva yakazara vaviri vezera rangu vave vachinditsigira zvikuru. Pandakapedza chikoro, ndakawedzera ushumiri hwangu. Kuva nepfari chinetso chezuva nezuva. Asi pandinenge ndakaora mwoyo, ndinova nechokwadi chokuti ndazorora. Panozosvika mangwana acho ndinenge ndava kunzwa zviri nani.’’

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 78]

MATTHEW, 19

‘‘Zvakaoma kuti uremekedzwe nevezera rako kana usingakwani muchikwata chevanhu vavanoti ‘vakakwana.’

Ndinofarira kutamba mitambo, asi handikwanisi. Ndine chirwere chinokanganisa tsinga netsandanyama dzinobva mumusoro, uye kufamba kunotondinetsa. Kunyange zvakadaro, handizvinetsi nezvinhu zvandisingagoni kuita. Ndinoita zvinhu zvandinogona, zvakadai sokuverenga. Imba yoUmambo ndiyo nzvimbo yandinonzwa ndakasununguka ndisinganetseki nokuti vamwe vanotii nezvangu. Zvinonyaradzawo kuziva kuti Jehovha anondida nemhaka yezvandiri nechomukati. Kutaura zvazviri, handitombozvioni somunhu akaremara asi somunhu ane rimwewo dambudziko rake oga rokukurira.’’

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 78]

MIKI, 25

‘‘Ndaimboita zvemitambo. Asi ndichiri kuyaruka ndakabva ndaerekana ndaita sokunge kuti ndachembera.

Ndakaberekwa ndiine buri mumwoyo. Zviratidzo zvacho zvakatanga kuoneka ndichiri kuyaruka. Kwapera makore matanhatu ndavhiyiwa, asi ndinongonzwa ndakaneta ndichirwadziwa nomusoro usingaperi. Saka ndinozviitira zvinangwa zvenguva pfupi zvandinokwanisa. Somuenzaniso, ndave ndichikwanisa kuita ushumiri hwenguva yakazara, kazhinji kacho ndichiita zvokunyora tsamba uye kupupurira norunhare. Uyewo urwere hwangu hwandibatsira kuva nounhu hwandakanga ndisina, hwakadai somwoyo murefu uye kuzvininipisa.’’

[Mufananidzo uri papeji 74]

Dambudziko routano risingaperi ringaita kuti unzwe sowakavharirwa mujeri—asi Bhaibheri rinopa tariro yokusunungurwa