Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ko Kana Mubereki Wangu Akapindwa Muropa Nezvinodhaka Kana Kuti Nedoro?

Ko Kana Mubereki Wangu Akapindwa Muropa Nezvinodhaka Kana Kuti Nedoro?

CHITSAUKO 23

Ko Kana Mubereki Wangu Akapindwa Muropa Nezvinodhaka Kana Kuti Nedoro?

“Baba vakati vaizoenda kunogadzira motokari, asi takaswera tisina kumbonzwa nezvavo. Amai vakaedza kuvafonera. Hapana akadavira. Papera nguva yakati, ndakaona kuti Amai vakanga vava kunetseka uye vakanga vava kugadzirira kuvatevera. Vakandiudza kuti, ‘Ndava kuenda kunoona kuti chii chaitika kuna baba vako.’

“Pave paya, Amai vakadzoka vari voga. Ndakavabvunza kuti, ‘Mavashayiwa here?’ Vakapindura kuti, ‘Vanga vasiko.’

“Panguva iyoyo ndakaziva kuti Baba vakanga vatanga misarinya yavo. Kaisava kokutanga. Munoonaka, baba vangu vakapindwa muropa nezvinodhaka. Uye pavakazouya kumba, ini naAmai takanga tava kunetseka zvikuru. Zuva rakatevera racho handina kumboda zvokutaura navo—uye ndinodemba kuti ndizvo zvandakaita.”—Karen, 14.

MAMIRIYONI evechiduku anotsungirira pfumvu yokurarama nomubereki akapindwa muropa nezvinodhaka kana kuti nedoro. Kana mumwe mubereki wako ari mumusungo iwoyo, angaita kuti unyare, ushungurudzike uye utogumbuka.

Somuenzaniso, Mary akarerwa nababa vaiita somunhu akanaka pane vanhu. Asi vaidhakwa kabisira, uye kumba vaibata mhuri yavo zvisina kunaka uye vaitaura zvinonyadzisira. “Vanhu vaiuya kwatiri isu vana votiudza kuti taiva nababa vakazonaka uye taiva takakomborerwa chaizvo,” Mary anotaura zvaanoyeuka asingafari. *

Kana mumwe mubereki wako akapindwa muropa nedoro kana kuti nezvinodhaka, ungazviita sei?

Kunzwisisa Zvinokonzera Kupindwa Muropa

Kutanga, zvinobatsira kuti uti nzwisisei dambudziko romubereki wako. Zvirevo 1:5 inoti: “Munhu anonzwisisa ndiye anowana kutungamirira kwounyanzvi.” Saka zvingava zvakanaka kuti udzidze zvinorehwa nokupindwa muropa, ndiani anopindwa muropa nedoro kana kuti nezvinodhaka, uye nei.

Somuenzaniso, munhu akapindwa muropa nedoro hazvingorevi munhu anodhakwa apo neapo. Asi munhu ane dambudziko rokugara akadhakwa. * Anogara ari pamukombe uye haagoni kuzvidzora kana angotanga kunwa. Kupindwa kwake muropa kunokonzera matambudziko anorwadza anokanganisa mhuri yake, basa rake uye utano hwake.

Kunyange zvazvo miviri yevamwe vanhu ingaita kuti zvive nyore kuti vapindwe muropa nedoro, izvi zvinoita sezvinobatanidzawo mafungiro avo. Kutaura zvazviri, vanhu vakawanda vakapindwa muropa nedoro havawanzofariri zvavari. (Zvirevo 14:13) Chokwadi, vamwe vavo vakakurira mumhuri dzaiva nevabereki vaiva vakapindwa muropa nedoro. Vanhu vakadaro vanofunga kuti kunwa kungaderedza marwadzo okushungurudzwa kwavaiitwa vari vaduku. Zvinhu zvakadaro zvingakonzerawo kuti munhu apindwe muropa nezvinodhaka.

Chokwadi, kunwa kana kuti kushandisa zvinodhaka kungatowedzera matambudziko omunhu; mafungiro uye manzwiro ake iye zvino angatowedzera kuvhiringidzika. Ndokusaka mubereki wako angangoda kubatsirwa zvikuru nomumwe munhu akadzidza basa racho kuti asunungurwe pakupindwa muropa.

Usatarisira Zvakawanda

Zvechokwadi, kunzwisisa chikonzero nei mubereki wako achiita zvinonyadzisa kudaro hakuiti kuti dambudziko racho rinyangarike. Kunyange zvakadaro, kunzwisisa kupindwa kwaakaitwa muropa kungaita kuti unzwire mubereki wako tsitsi.

Somuenzaniso, waizotarisira kuti mubereki wako akatyoka gumbo atambe bhora newe here? Ko kana uchiziva kuti akatyoka pamusana pokusachenjera kwake? Hapana mubvunzo kuti ungaora mwoyo. Kunyange zvakadaro, ungaziva kuti mubereki wako haangakwanisi kutamba bhora newe kusvikira apora. Kunzwisisa izvi kungakubatsira kuti usatarisire zvakawanda kumubereki wako.

Saizvozvowo, mubereki akapindwa muropa nedoro kana kuti nezvinodhaka anorwara mupfungwa. Chokwadi, “akazvikuvadza” nemaune. Uye zvingava zvakakodzera kuti ugumbukire zvinoitwa nomubereki wako nokusachenjera. Zvisinei, mubereki wako haakwanisi kukuchengeta zvizere kusvikira atsvaka kubatsirwa kuti anaye pakupindwa muropa. Kuona kupindwa muropa sokukuvara kunoremadza kungakubatsira kuti usatarisira zvakawanda.

Zvaungaita

Unofanira kuziva kuti kusvikira mubereki wako agadzirisa upenyu hwake, unofanira kurarama nemigumisiro yezviito zvake. Panguva ino, chii chaungaita nazvo?

Usazvipa mhosva yokupindwa muropa kwomubereki wako. Mubereki wako chete ndiye ane mhosva yokupindwa kwake muropa kwete mumwe munhu. VaGaratiya 6:5 inoti: “Mumwe nomumwe achatakura mutoro wake.” Saka harisi basa rako kuti urape mubereki wako, uyewo hausungirwi kuti umudzivirire pamigumisiro yokupindwa kwake muropa. Somuenzaniso, haufaniri hako kunyepera bhosi wake kana kuti kumuzvuzvurudza kubva pavheranda paanenge akafa nokudhakwa.

Kurudzira mubereki wako kuti atsvake kubatsirwa. Dambudziko guru romubereki wako ringava rokubvuma kuti ane chinetso. Paanenge asina kudhakwa uye akadzikama, zvichida mubereki asina kupindwa muropa pamwe chete nevamwe vana vakuru vangamuudza kuti zvaanoita zviri kukanganisa sei mhuri uye kuti anofanira kuitei.

Uyezve, mubereki wako akapindwa muropa angaita zvakanaka kana akanyora mhinduro dzemibvunzo inotevera: Chii chichaitika kwandiri nemhuri yangu kana ndikaramba ndichinwa doro kana kuti ndichishandisa zvinodhaka? Zvii zvichaitika kana ndikarega tsika yangu? Ndinofanira kuitei kuti ndibatsirwe?

Kana dambudziko rava kuda kutanga, ibvapo. Zvirevo 17:14 inoti: “Ibva kupopotedzana kusati kwatanga.” Usazviisa pangozi nokubatanidzwawo pakupopotedzana. Kana zvichiita, enda mumba mako maunorara kana kuti enda kumba kweshamwari yako. Pazvinoratidzika sokuti pacharwiwa, ungashevedza vamwe kuti vabatsire.

Ratidza manzwiro ako. Vamwe vechiduku vanonzwa vaine mhosva nokuti vanogumbukira mubereki akapindwa muropa. Zviri muropa kuti ugumbuke, zvikurukuru kana kupindwa muropa kwomubereki wako kuchimutadzisa kukuratidza rudo uye kukutsigira. Chokwadi, Bhaibheri rinokurayira kuti ukudze mubereki wako. (VaEfeso 6:2, 3) Asi ‘kukudza’ kunoreva kuremekedza chinzvimbo chake, sokuremekedza kwaunoita chinzvimbo chomupurisa kana kuti chomutongi. Hazvirevi hazvo kuti unotsigira kupindwa muropa kwomubereki wako. (VaRoma 12:9) Uyewo hazvirevi kuti uri munhu akaipa nokuti unonyangadzwa nokunwa kana kuti nokushandisa zvinodhaka kwaanoita; chokwadi ndechokuti, kushandisa zvinhu nenzira isina kururama kunonyangadza!Zvirevo 23:29-35.

Tsvaka shamwari dzinokurudzira. Kana zvinhu zvisina kumira zvakanaka kumba, ungatadza kuziva kuti zvakanaka ndezvipi. Naizvozvo zvinokosha kuti ushamwaridzane nevanhu vane utano hwakanaka pakunamata nomupfungwa. Nhengo dzeungano yechiKristu dzinokurudzira uye dzinotsigira zvikuru uyewo apo neapo dzinoita kuti uzorodzwe pazvinetso zvomumhuri. (Zvirevo 17:17) Kushamwaridzana nemhuri dzechiKristu kungaita kuti uve nomuenzaniso wakanaka woupenyu hwemhuri unotsiva muenzaniso wakashata waunoona kumba kwenyu.

Tsvaka kubatsirwa. Zvechokwadi zvinobatsira kuti uve nomunhu akura waunovimba naye waunogona kuudza manzwiro ako. Vakuru veungano vanonzwa vachida kukubatsira paunenge uchivada. Bhaibheri rinoti varume ava vanogona kuita “senzvimbo yokuvanda mhepo nenzvimbo yokuvanda dutu rine mvura, sehova dzemvura panyika isina mvura, somumvuri weibwe guru panyika yafa nenyota.” (Isaya 32:2) Saka usatya kana kunyara kuenda kwavari kuti vakunyaradze uye vakupe mazano.

Nyora pano apa kuti idanho ripi pamatanhatu ari pamusoro apa rauchaedza kushandisa pakutanga. ․․․․

Haungakwanisi kuchinja mamiriro ezvinhu kumba, asi unogona kuchinja zvaanokuita. Pane kuti uedze kudzora mubereki wako, omerera pamunhu waunogona kudzora—iyewe. Muapostora Pauro akanyora kuti: ‘Ramba uchishandira kuponeswa kwako.’ (VaFiripi 2:12) Kuita izvozvo kuchakubatsira kuti urambe uine maonero akanaka, uye kungatokurudzira mubereki wako kuti atsvake kubatsirwa pakupindwa muropa kwake.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Ko kana vabereki vako vachigara vachikakavadzana? Ungaita sei nezvinoshungurudza izvi?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Kana usiri kubatwa zvakanaka nomubereki akapindwa muropa nedoro, unofanira kutsvaka rubatsiro. Udza mumwe munhu akura waunovimba naye. Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, unogona kuudza mukuru weungano kana kuti mumwe muKristu akura.

^ ndima 11 Munhu anopindwa muropa nedoro anogona kuva murume kana kuti mukadzi.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.Zvirevo 19:11.

ZANO

Pane kuvenga mubereki wako, venga zvaanokanganisa.—Zvirevo 8:13; Judha 23.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

MuBhaibheri shoko rokuti “kudza” rinogona kungoreva kuziva chiremera chepamutemo. (VaEfeso 6:1, 2) Naizvozvo, kukudza mubereki hakurevi kuti nguva dzose unotsigira maitiro ake.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana mubereki wangu ava netsika yokundituka kana kuti kundibata zvisina kunaka, ndicha- ․․․․․

Ndinogona kukurudzira mubereki wangu kuti atsvake kubatsirwa noku- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

Chii chinokonzera kuti vamwe vanhu vapindwe muropa nedoro kana kuti nezvinodhaka?

Nei isiri mhosva yako kana mubereki wako akapindwa muropa?

Ndezvipi zvaunogona kudzora mumamiriro ako ezvinhu uye ungazviita sei?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 192]

“Ndinoziva kuti vabereki vangu vangangoita kuti ndinyare mune ramangwana, asi ndinozivawo kuti kana ndikavimba naJehovha, achandipa simba rokutsungirira.’’—Maxwell

[Bhokisi riri papeji 198]

Kana Mubereki Akarega Kushumira Jehovha

Kana mumwe wevabereki vako akarega kurarama maererano nemitemo yeBhaibheri—zvichida achitotaura kuti haachadi kuva nhengo yeungano yechiKristu—ungaita sei?

Ziva kuti Jehovha haakupi mhosva yezvinoitwa nomubereki wako. Bhaibheri rinoti: “Mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.”—VaRoma 14:12.

Usazvienzanisa nevamwe vechiduku vane mamiriro ezvinhu ari nani. (VaGaratiya 5:26) Mumwe mukomana ana baba vakatiza mhuri yavo anoti, “Pane kuramba uchifunga izvozvo, zvinonyanya kubatsira kufunga kuti uchaita sei nemamiriro acho ezvinhu.”

Ramba uchiremekedza mubereki anenge apanduka, uye kana zvaanorayira zvisingarwisani nezvinodiwa naMwari, zviteerere. Murayiro waJehovha wokuti vana vakudze vabereki vavo hauna basa nokuti mubereki wacho mutendi here kana kuti kwete. (VaEfeso 6:1-3) Paunokudza vabereki vako uye paunovateerera pasinei nezvavanokanganisa, unoratidza kuti unoda Jehovha.—1 Johani 5:3.

Wadzana zvikuru neungano yechiKristu. Ikoko unogona kunyaradzwa nemhuri yakakura yechiKristu. (Mako 10:30) Mumwe mukomana anonzi David aityira kuti vomuungano vaizoramba kutamba naye uye kutamba nevamwe vomumhuri make nokuti baba vake vakanga varega kushumira Jehovha. Asi David akaona kuti aitya zvisina chikonzero. Anoti, “Hatina kuitwa kuti tinzwe sevanhu vasingagamuchiriki. Izvi zvakaita kuti ndigutsikane kuti ungano yaiva nehanya zvechokwadi.”

[Mufananidzo uri papeji 194]

Kuona kupindwa muropa kwomubereki wako sokukuvara kunoremadza kungakubatsira kuti usatarisira zvakawanda