Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Zvebonde?

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Zvebonde?

CHITSAUKO 29

Ndingaita Sei Kuti Ndisaramba Ndichifunga Zvebonde?

“NDINOZVIONA ndichifunga nezvevasikana nguva dzose—kunyange pavanenge vasipo,” anodaro mumwe mukomana anonzi Michael. “Kupenga chaiko. Dzimwe nguva ndinotadza kuisa pfungwa dzangu pamwe chete!”

Kufanana naMichael, unoswera uchingofunga vakomana kana kuti vasikana here? Kana zvakadaro, unganzwa sokuti uri muhondo chaiyo nepfungwa dzako. Pfungwa dzine chokuita nezvepabonde dzingafora dzichipinda mauri semasoja omuvengi. Michael anoti, “Pfungwa idzi dzinogona kukumomotera. Dzingaita kuti utore nzira inoenda nokure kuti usvike kumotokari yako kuitira kuti ungopfuura nepane nyenye yomusikana kana kuti kana uri muchitoro ungafamba nokwawanga usingadi kuenda nako kuitira kuti unyatsoona mumwe munhu.”

Zvisinei, yeuka kuti manzwiro okuda kuita zvepabonde haana hawo kuipa pachawo. Chokwadi, Mwari akasika murume nomukadzi kuti vakwezvane uye kugutsa zvishuwo zvebonde kwakakodzera kune vakaroorana. Paunenge usati waroora kana kuroorwa, ungava nezvishuwo zvebonde zvakasimba zvikuru. Kana uchinzwa saizvozvo, usafunga kuti wakaberekwa uri nzenza kana kuti haugoni kuramba wakachena mutsika. Unogona kuva akachena kana ukasarudza kudaro! Asi kuti ubudirire kuramba wakachena zvinoda kuti urambe uchidzora pfungwa dzokuda vakomana kana kuti vasikana. Ungazviita sei?

Ongorora shamwari dzako. Kana vaunodzidza navo vakatanga kutaura nezvounzenza, ungaedzwa kuti utaurewo—kuitira kuti usava zambiringa munyemba. Asi kutaura chokwadi, izvi zvichangoita kuti zvinyanye kukuomera kudzora pfungwa dzako. Unofanira kuitei—kungosimuka wobvapo here? Ndizvozvo, uye haufaniri kunzwa uchinyara kuita izvozvo! Kazhinji ungawana mabviro usingazviiti akarurama uye usingavapi mukana wokukuseka.

Usavaraidzwa nezvinhu zvounzenza. Chokwadi, haasi mafirimu ose kana kuti maCD akaipa. Kunyange zvakadaro, varaidzo yakawanda yemazuva ano yakagadzirirwa kuti imutse manzwiro ezvepabonde asina kururama. Zano reBhaibheri rinotii? “Ngatizvichenesei pazvinhu zvose zvinosvibisa nyama nomudzimu, tichikwanisa utsvene pakutya Mwari.” (2 VaKorinde 7:1) Tambira kure nevaraidzo yose ingangomutsa zvishuwo zvokuita unzenza. *

Dambudziko Rebonhora

Vamwe vechiduku vanoedza kuderedza chido chokuita zvepabonde nokuita bonhora. Asi izvozvo zvinogona kukonzera matambudziko akakomba. Bhaibheri rinokurudzira vaKristu richiti: “Naizvozvo, urayai nhengo dzemiviri yenyu dziri panyika kana tichitaura nezvoufeve, zvinhu zvisina kuchena, chido chokurara nomumwe munhu, kuchiva kunokuvadza, nokuchochora.” (VaKorose 3:5) Kuita bonhora kunonyatsopesana ‘nokuuraya chido chokurara nomumwe munhu.’ Zvechokwadi, kunomutsa uye kunokurudzira chido ichocho!

Kuita bonhora kunogona kukuita muranda wezvishuwo zvako. (Tito 3:3) Imwe nzira yaungatanga nayo kukurira tsika iyi ndeyokuudza mumwe munhu. MuKristu akatambura nebonhora kwemakore anoverengeka anoti: “Ndinoshuva kwazvo kuti dai ndakava noushingi hwokukurumidza kuudza mumwe munhu nezvazvo pandaiva muduku! Kunzwa ndiine mhaka kwakandinetsa kwemakore, uye kwakakanganisa kwazvo ukama hwangu nevamwe uye kunyanya naJehovha.”

Ndiani waunofanira kutaurira? Kazhinji zvine musoro kuti utaurire mubereki wako. Kana kuti zvimwe munhu akura womuungano yechiKristu angakubatsira. Ungatanga nokutaura kuti, “Ndiri kuda kumbotaura nemi nezvechimwe chinhu chiri kundinetsa zvikuru.”

André akataurira mumwe mukuru wechiKristu, uye anofara kuti ndozvaakaita. André anoti, “Mukuru wacho paaiteerera ndichitaura, maziso ake akayangarara misodzi. Ndapedza, akandivimbisa kuti Jehovha akanga achiri kundida. Akandiudza kuti vakawanda vane dambudziko iroro. Akandivimbisa kuti aizogara achibvunza kuti zviri kuita sei uye kuti aizondipa mamwe mashoko anobva mumabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri. Pashure pokunge ndataura naye, ndakasarudza kuramba ndichirwisana nedambudziko iri—kunyange zvazvo ndaimbopota ndichikundikana.”

Mário akasarudza kutaurira baba vake, avo vakamunzwira tsitsi uye vakamunzwisisa zvikuru. Vakatoudzawo Mário kuti ivo pavaiva muduku vakamboomerwa nokukurira tsika iyoyo. Mário anoti, “Kutaura chokwadi uye kutendeseka kwababa vangu kwakandikurudzira zvikuru. Ndakagumisa kuti kana vakakunda, neni ndichakundawo. Ndakakurudzirwa nemafungiro ababa vangu zvokuti ndakatadza kuzvidzora ndokubva ndachema.”

Kufanana naAndré naMário, unogona kubatsirwa pane zvaunoedza kuita kuti ukunde tsika yebonhora. Kunyange kana zvichimbopota zvichidzoka, usakanda mapfumo pasi. Iva nechokwadi chokuti unogona kukunda muhondo yacho. *

Kudzora Pfungwa Dzako

Muapostora Pauro akati: “Ndinorwadzisa muviri wangu ndichiuita somuranda.” (1 VaKorinde 9:27) Saizvozvowo, ungada kuzviomesera kana pfungwa dzisina kururama pamusoro pevakomana kana kuti vasikana dzikambouya mupfungwa dzako. Kana dzikaramba dzichikunetsa, edza kumborovedza muviri. Bhaibheri rinoti: “Kurovedza muviri kunobatsira zvishoma.” (1 Timoti 4:8) Ungangoda kumbofamba uchiita zvokukurumidza kana kuti kumbopedza maminitsi mashomanana uchirovedza muviri kuti urwise pfungwa dzinokanganisa.

Kupfuura zvose, usarerutsa rubatsiro rwaunopiwa naBaba vako vokudenga. Mumwe muKristu anoti, “Pandinonzwa zvishuwo zvokuita zvepabonde, ndinonyengetera nomwoyo wose.” Zvisinei, usafunga kuti Mwari achabvisa chido chako chokufarira vakomana kana kuti vasikana. Asi uchibatsirwa naye, unogona kuona kuti pane zvimwe zvinhu zvakawanda zvokufunga nezvazvo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Kuzvivaraidza kuchakurukurwa zvakadzama muChikamu 8 chebhuku rino.

^ ndima 14 Kuti uwane mamwe mashoko ane chokuita nebonhora, ona Bhuku 1, zvitsauko 25.

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Kunaka kwose kungavapo, zvinhu zvose zvinorumbidzwa zvingavapo, rambai muchifunga zvinhu izvi.VaFiripi 4:8.

ZANO

Kana watangazve bonhora, usakanda mapfumo pasi muhondo iyi! Ongorora kuti chii chaita kuti utangezve uye edza kuti usazvidzokorora.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Zvaunobvumira pfungwa dzako kufunga nezvazvo zvinoumba unhu hwako uye zvine zvazvinoita pane zvaunoita.—Jakobho 1:14, 15.

ZVANDINORONGA KUITA!

Pandinoda kuita kuti pfungwa dzangu dzisarambe dzichifunga bonde, ndicha- ․․․․․

Kana zvandinenge ndichitaura nevandinodzidza navo zvava kuda kuenda kusiri iko kana kuti zvava kunyadzisira, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezvenya- ya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei manzwiro okuita zvepabonde asingafaniri kuonekwa nguva dzose sokuti “muvengi”?

● Nei uchifanira kudzora manzwiro ako okuita zvepabonde?

● Zvinhu zvipi zvokuzvivaraidza nazvo zvingaita kuti urambe uchifunga vakomana kana kuti vasikana?

● Nei zvichikosha kuti ubve kana zvinenge zvichitaurwa zvava kurerekera kune zvepabonde kana kuti zvava kunyadzisira?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 240]

“Ndinobatsirwa nokuchinja nyaya yacho—ndorega kufunga zvinhu zvinomutsa zvishuwo zvepabonde. Ndinozviyeuchidza kuti manzwiro aya kana zvishuwo izvi zvichazopera.’’—Scott

[Mufananidzo uri papeji 239]

Waizobvumira mavhairasi kuti akanganise kombiyuta yako here? Saka unodirei kupinza pfungwa dzounzenza mumusoro mako?