Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingadzivirira Sei Kutenda Kwangu Muna Mwari?

Ndingadzivirira Sei Kutenda Kwangu Muna Mwari?

CHITSAUKO 36

Ndingadzivirira Sei Kutenda Kwangu Muna Mwari?

Chii chingangokutadzisa kuudza waunodzidza naye nezvokutenda kwako?

□ Kusava nezivo yeBhaibheri

□ Kutya kusekwa

□ Kusaziva kuti wotanga sei kukurukura

Inzira ipi yokutaura nezvokutenda kwako yaungaona iri nyore zvikuru?

□ Kutaura nomumwe mudzidzi muri vaviri

□ Kutaura pamberi pekirasi yose

□ Kunyora rondedzero yezvandinotenda zviri muBhaibheri

Nyora wokuchikoro kwako waunofunga kuti achabvuma kukurukura newe Bhaibheri kana uchiziva matangiro aungaita nyaya yacho. ․․․․․

ZVICHIDA kutaura nezvaMwari haisi nyaya inonyanya kufarirwa nevokuchikoro kwako. Taura dzimwe nyaya dzakadai—mitambo, mbatya, kana kuti vakomana nevasikana—uye muchatanga kukurukurirana zvine upenyu. Asi taura nezvaMwari, pangabva paita runyararo sokunge pafiwa.

Hakusi kuti vezera rako havatendi muna Mwari; vechiduku vakawanda vanotenda maari. Asi vamwe vanonyara kukurukura nezvenyaya yacho. ‘Hazvinakidzi,’ vangafunga kudaro.

Ko iwe?

Kana uchizeza kutaura nevokuchikoro kwako nezvaMwari, zvinonzwisisika. Hapana anonakidzwa nokusateererwa, uye kusekwa kwakatonyanya kuipa! Izvozvo zvingaitika here kana ukataura zvaunotenda? Hungu zvingaitika. Ukuwo, vezera rako vangatokushamisa. Vakawanda vavo vari kutsvaka mhinduro dzemibvunzo yakadai: Nyika ino iri kunanga kupi? uye Nei yakazara nezvinetso kudai? Vezera rako vangatokurukura nyaya idzi nomumwe wezera ravo pane kudzikurukura nomunhu mukuru.

Kunyange zvakadaro, kukurukura nevezera rako nezvechitendero kungaita sebasa rakaoma zvikuru. Zvisinei, haufaniri hako kupa pfungwa yokuti uri munhu anonyanyisa, uyewo haufaniri kunetseka nezvokutaura zvinhu chaizvo sezvazviri. Kutaura zvaunotenda kungangoti fananei nokuridza chiridzwa. Zvakaoma here pakutanga? Zvichida. Asi kana ukaramba uchidzidzira zvinova nyore, uye zvaunoita zvichabudirira. Zvisinei, ungatanga sei kukurukura?

Kazhinji, ungakurukura chimwe chinhu chaunonzwa wakasununguka kutaura nezvacho. Somuenzaniso, zvichida kana paine chimwe chinhu chichangobva kuitika chiri kukurukurwa kuchikoro, unogona kutaurawo maonero ako omuMagwaro. Kana kuti ungaedza kutaura nomunhu mumwe chete waunodzidza naye. Zvimwe zviri nyore ndezvokuti vamwe vaKristu vechiduku vakangoisa bhuku rinotsanangura Bhaibheri padhesiki kuti vaone kana richitora mwoyo womumwe wavanodzidza naye. Kazhinji, zvinoshanda uye munobva matanga kukurukura!

Ungaedza nzira ipi pane dziri pamusoro apa? ․․․․․

Ungafunga nezveimwe nzira yaungakurukura kutenda kwako newaunodzidza naye here? Kana zvakadaro, inyore pasi apa.

․․․․․

Dzimwe nguva rimwe basa rokuchikoro rinokupa mukana wokupupurira zvaunotenda. Somuenzaniso, ungaitei kana nyaya yokushanduka-shanduka kwezvinhu ikamuka? Ungadzivirira sei kutenda kwako mune zvakasikwa?

Kudzivirira Dzidziso Yokuti Zvinhu Zvakasikwa

Wechiduku anonzi Ryan anoti, “Pakanga pachikurukurwa dzidziso yokushanduka-shanduka mukirasi, yakanga yakasiyana nezvose zvandakanga ndadzidziswa. Yakakurukurwa sechokwadi uye izvozvo zvakandityisa.” Mumwe musikana anonzi Raquel anotaurawo zvakafanana. Anoti, “Ndakatya zvikuru mudzidzisi anodzidzisa nezvoupenyu hwevanhu paakati muchidzidzo chinotevera taizodzidza nezvokushanduka-shanduka. Ndaiziva kuti ndaifanira kutsanangurira kirasi zvandaitenda panyaya iyi yaiva pamakakatanwa.”

Unonzwa sei kana dzidziso yokushanduka-shanduka ikatanga kukurukurwa mukirasi? Unotenda kuti Mwari ndiye “akasika zvinhu zvose.” (Zvakazarurwa 4:11) Unoona uchapupu hwokurongwa kwezvinhu noungwaru pose paunenge uri. Asi mabhuku okuchikoro anoti upenyu hwakavapo nokushanduka-shanduka, uye ndizvo zvinotaurwawo nomudzidzisi wako. Ndiwe ani kuti upikise zvinotaurwa ne“nyanzvi”?

Iva nechokwadi chokuti hausiwe woga asingatendi dzidziso yokushanduka-shanduka. Chokwadi ndechokuti, kunyange mamwe masayendisiti haaitendi. Vadzidzisi nevadzidzi vakawanda havaitendiwo.

Zvisinei, kuti udzivirire zvaunotenda mune zvakasikwa, unofanira kuziva zvinonyatsodzidziswa neBhaibheri nezvenyaya yacho. Hapana chikonzero chokuitisana nharo pazvinhu zvisingataurwi zvakananga neBhaibheri. Chimboona mienzaniso mishomanana.

Bhuku rangu resayenzi rinoti pasi uye zuva nenyika dzinotenderera pariri zvave zviripo kwemabhiriyoni emakore. Bhaibheri rinoti pasi nezvimwe zvinhu zvose zvomuchadenga zvaivapo zuva rokutanga rokusika risati ravapo. Nokudaro, pasi uye zuva nenyika dzinotenderera pariri zvingave zvave zviripo kwemabhiriyoni emakore.—Genesisi 1:1.

Mudzidzisi wangu anoti nyika yaisagona kusikwa mumazuva matanhatu chete. Bhaibheri haritauri kuti mazuva matanhatu okusika aiva emaawa 24 chaiwo.

Kirasi yedu yakakurukura mienzaniso inoverengeka yokuchinja kwemhuka nevanhu kwakatora nguva. Bhaibheri rinoti Mwari akasika zvinhu zvipenyu “maererano nemarudzi azvo.” (Genesisi 1:20, 21) Haritsigiri pfungwa yokuti upenyu hwakabva muzvinhu zvisina upenyu kana kuti Mwari akaita kuti kushanduka-shanduka kuvepo zvichitanga nesero rimwe chete. Asi “rudzi” rumwe norumwe runogona kuva nemhando dzakasiyana-siyana. Saka Bhaibheri rinobvumira kuti pave nokuchinja mu“rudzi” rumwe norumwe.

Uchifunga zvakurukurwa muchitsauko chino, ungapindura sei kana mudzidzisi kana kuti waunodzidza naye akati:

“Sayenzi yakaratidza kuti takavapo nokushanduka-shanduka.” ․․․․․

“Handitendi muna Mwari nokuti handigoni kumuona.” ․․․․․

Iva Nechokwadi Chezvaunotenda!

Kana uri kurerwa nevabereki vechiKristu, ungatenda dzidziso yokusika nokungoti ndizvo zvawakadzidziswa. Zvisinei, iye zvino zvauri kukura, unoda kunamata Mwari ‘nesimba rako rokufunga,’ uchiva nenheyo yakasimba yezvaunotenda. (VaRoma 12:1) Uchifunga izvozvo, zvibvunze kuti, ‘Chii chinoita kuti ini ndive nechokwadi chokuti kune Musiki?’ Sam ane makore 14 anofunga nezvomuviri womunhu. Anoti, “Une zvakawanda uye haunzwisisiki, uye nhengo dzawo dzose dzinoshanda pamwe chete zvakanaka. Muviri womunhu haugoni kunge wakashanduka-shanduka!” Holly ane makore 16 anobvumirana nazvo. Anoti, “Kubvira pandakaziva kuti ndaiva nechirwere cheshuga, ndakadzidza zvakawanda nezvokushanda kunoita muviri. Somuenzaniso, zvinoshamisa kuti rwatata—nhengo dukuduku iri kuseri kwedumbu—runoita basa rakakura kudaro kuita kuti ropa nedzimwe nhengo zvirambe zvichishanda.”

Pasi apa, nyora zvinhu zvitatu zvinoita kuti utende kuti kune Musiki.

1. ․․․․․

2. ․․․․․

3. ․․․․․

Hapana chikonzero chokuti unzwe usina kusununguka kana kuti uchinyara nokuti unotenda muna Mwari uye mune zvaakasika. Tichifunga nezvouchapupu huripo, zvine musoro chaizvo kutenda kuti isu vanhu takavapo nokurongwa kwezvinhu noungwaru.

Pakupedzisira, kushanduka-shanduka ndiko kunoda kuti uve nokutenda kwakawedzerwa kupfuura zvingadiwa pakutenda zvakasikwa—kureva kuti kutenda zvishamiso pasina muiti wazvo! Pashure pokunge wafungisisa nyaya iyi uchishandisa simba rako rokufunga, uchawedzera kuva nechivimbo pakudzivirira kutenda kwako muna Mwari.

ZVIRI MUCHITSAUKO CHINOTEVERA

Unoona vamwe vezera rako vachibhabhatidzwa. Wagadzirira kutora danho iri here?

RUGWARO RUNOBUDISA PFUNGWA HURU

Handinyari nemashoko akanaka; iwo chokwadi, isimba raMwari rinoponesa kumunhu wose anotenda.VaRoma 1:16.

ZANO

Ngwarira zvaunoita paunenge uchitaura zvaunotenda. Kana uchiita kunge unonyara, ungaita kuti vezera rako vakuseke. Asi kana ukataura nechivimbo—sezvinoita vokuchikoro kwako pavanotaura maonero avo—vangangokuremekedza.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Dzimwe nguva vadzidzisi pavanokumbirwa kuti varatidze kuti dzidziso yokushanduka-shanduka ndeyechokwadi, vanoona kuti havakwanisi kudaro uye vanosvika pakuziva kuti vanongobvuma dzidziso yacho nokuti ndizvo zvavakadzidziswa.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti nditange kukurukura Bhaibheri newandinodzidza naye, ndinga- ․․․․․

Kana ndikabvunzwa kuti nei ndichitenda kuti kune Musiki ndichati ․․․․․

Izvi ndizvo zvandingada kubvunza vabereki vangu nezve- nyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei zvichikosha kuti uudze vamwe zvaunotenda?

● Kuchikoro ndedzipi dzimwe nzira dzaungataura nadzo wakasununguka kuti unotenda kuti zvinhu zvakasikwa?

● Ungaratidza sei kuti unoonga Munhu akasika zvinhu zvose?—Mabasa 17:26, 27.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 299]

“Chikoro indima yokuparidzira inogona kungosvikwa nesu chete.’’—Iraida

[Mufananidzo uri papeji 298]

Kufanana nokuridza chiridzwa, zvinoda unyanzvi kuti utaure nezvokutenda kwako—ukadzidzira, unova nyanzvi

[Mufananidzo uri papeji 300, 301]

Unogona kukunda kutya kwaunoita kudzivirira zvaunotenda