Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

‘Zvivakei Pakutenda Kwenyu Kutsvenetsvene’

‘Zvivakei Pakutenda Kwenyu Kutsvenetsvene’

‘Zvivakei pakutenda kwenyu kutsvenetsvene . . . Rambai muri murudo rwaMwari.’​—JUDHA 20, 21.

1, 2. Ibasa ripi rokuvaka rauri kuita, uye nei mavakiro auri kuita achikosha kwazvo?

URI kushanda nesimba pabasa rokuvaka. Rava nenguva richiitwa uye richiripo. Kusvika pari zvino ranga richirwadza asi richigutsa. Kunyange zvikatsvuka sei, hausi kuzorisiyira panzira kana kuti kuriita zvemasiyandaita, nokuti mavakiro auchaita achabatabata upenyu hwako, kunyange remangwana rako. Nei? Nokuti chiri kuvakwa chacho ndiwe!

2 Mudzidzi Judha akasimbisa basa rokuzvivaka kwatinoita. Paakakurudzira vaKristu achiti “rambai muri murudo rwaMwari,” akataurawo mundima idzodzo chinhu chinokosha chichatibatsira kudaro achiti: ‘Zvivakei pakutenda kwenyu kutsvenetsvene.’ (Judha 20, 21) Ndedzipi dzimwe nzira dzaungazvivaka nadzo dzingasimbisa kutenda kwako kuti urambe uri murudo rwaMwari? Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvaunofanira kuita pakuzvivaka mune zvokunamata.

RAMBA UCHIVAKA KUTENDA KWAKO MUMITEMO YAJEHOVHA YAKARURAMA

3-5. (a) Satani anoda kukunyengera kuti uone sei mitemo yaMwari? (b) Tinofanira kuona sei mitemo yaMwari, uye maonero iwayo anofanira kuita kuti tinzwe sei? Ipa muenzaniso.

3 Chokutanga tinofanira kusimbisa kutenda kwatinoita mitemo yaMwari. Mubhuku rino, wadzidza zvakawanda nezvemitemo yaJehovha yakarurama pamusoro pokuzvibata. Unoiona sei? Satani anoda kukunyengera kuti ufunge kuti mitemo yaJehovha uye zvaanoda kuti uite zvinokutadzisa kusununguka, uye zvinokudzvinyirira. Anga achishandisa zano irori kubvira muEdheni paakaona kuti rinobudirira. (Genesisi 3:1-6) Zano rake richashanda pauri here? Zvakawanda zvichaenderana nemaonero aunoita zvinhu.

4 Somuenzaniso: Ngatitii uri kufamba muimwe nzvimbo yakanaka, woona fenzi yakareba yakaganhura nzvimbo yacho. Kuseri kwefenzi yacho kuri kuyevedza. Pakutanga, unogona kuona fenzi yacho seiri kukutadzisa kuona wakasununguka. Zvisinei, unozoona kuti seri kwayo kune shumba inotyisa iri kunyangira imwe mhuka! Iye zvino wava kunyatsoziva kuti fenzi iyoyo yakaisirwa kukudzivirira. Pane chikara chine ngozi chiri kukunyangira iye zvino here? Shoko raMwari rinoyambira kuti: “Svinurirai, rindai. Mhandu yenyu Dhiyabhorosi, inofamba-famba seshumba inodzvova, ichitsvaka kudya mumwe munhu.”—1 Petro 5:8.

5 Satani chikara chinorura. Jehovha akaisa mitemo inotidzivirira ‘kumanomano’ akawanda aSatani, nokuti haadi kuti tidyiwe naye. (VaEfeso 6:11) Saka pose patinofungisisa mitemo yaMwari, tinofanira kuona rudo rwaBaba vedu vokudenga rwunoratidzwa mairi. Ikaonekwa saizvozvo, mitemo yaMwari inodzivirira uye inofadza. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Anonyatsotarira mumutemo wakakwana worusununguko uye anorambira mauri, munhu iyeye achafara paanouita.”—Jakobho 1:25.

6. Ndeipi nzira yakanakisisa yokuvaka nayo kutenda mumitemo yaMwari yakarurama? Ipa muenzaniso.

6 Kurarama maererano nemirayiro yaMwari kunoratidza kuti tiri kutenda muna iye akapa mitemo yacho uye kuti tiri kubvuma kuti mitemo yacho inoratidza uchenjeri hwake. Somuenzaniso, “mutemo waKristu” unosanganisira murayiro waJesu wokuti tidzidzise vamwe “kuchengeta zvinhu zvose [zvaakatirayira.]” (VaGaratiya 6:2; Mateu 28:19, 20) VaKristu vanokoshesawo murayiro wokuramba vachiungana nevamwe kuti vanamate uye vawadzane navo zvinovaka. (VaHebheru 10:24, 25) Mirayiro yaMwari inosanganisirawo kunyengetera nguva dzose nomwoyo wose. (Mateu 6:5-8; 1 VaTesaronika 5:17) Sezvatinorarama nemirayiro yakadaro, tinoramba tichiona kuti iri kutitungamirira murudo. Tikaiteerera tinowana mufaro uye kugutsikana kwatisingambofa takawana munyika ino ine matambudziko. Sezvaunofungisisa kubatsirwa kwawakaitwa nokurarama uchitevedzera mitemo yaMwari, kutenda kwako hakuwedzeri kusimba here?

7, 8. Shoko raMwari rinokurudzira sei vaya vanotyira kuti vangangokundikana kuramba vakarurama nokufamba kwemakore?

7 Dzimwe nguva vamwe vanotyira kuti zvinozovanetsa kutevedzera mitemo yaJehovha nokufamba kwemakore. Vanotyira kuti vangangokundikana. Kana uchimbonzwa saizvozvo, yeuka mashoko aya: “Ini, Jehovha, ndini Mwari wako, Iye anokudzidzisa kuti ubatsirwe, Iye anokufambisa panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa kudai waizoteerera mirayiro yangu! Rugare rwako rwaizoita sorwizi, nokururama kwako semafungu egungwa.” (Isaya 48:17, 18) Wakambofunga kukurudzira kunoita mashoko iwayo here?

8 Pano Jehovha anotiyeuchidza kuti tinobatsirwa nokumuteerera. Anovimbisa kutikomborera nezvinhu zviviri kana tikadaro. Chokutanga, rugare rwedu ruchava rwakawanda uye ruchangoramba rwuchiyerera kufanana nerwizi. Chechipiri, kururama kwedu kuchava semafungu egungwa kana kuti masaisai. Kana ukamira kumahombekombe egungwa uchiona zviri kuita masaisai, hapana mubvunzo kuti unoziva kuti acharamba achidaro. Unoziva kuti masaisai acharamba achiuya achirovera kumahombekombe kwemakore nemakore. Jehovha anoti kururama kwako kuchava saizvozvo. Chero bedzi uchiedza kuva akatendeka kwaari, haambokusiyi uchikundikana! (Verenga Pisarema 55:22.) Kuvimbiswa nenzira yakadai inozorodza mwoyo hakuvaki kutenda kwako muna Jehovha nemitemo yake yakarurama here?

“NGATISHANDEI NESIMBA KUTI TIVE VAKURU”

9, 10. (a) Nei zvakanaka kuti vaKristu vavavarire kuva vakakura mune zvokunamata? (b) Kuona zvinhu nenzira yomudzimu kunotibatsira sei kuti tifare?

9 Chechipiri pabasa rako rokuvaka chinotaurwa pamashoko aya akafemerwa: “Ngatishandei nesimba kuti tive vakuru.” (VaHebheru 6:1) Chinhu chakanaka kuti muKristu avavarire kuva akakura mune zvokunamata. Kusiyana nokukwana, uko kusingaitiki iye zvino, zvinoita kuti munhu ave akakura mune zvokunamata. Uyezve, vaKristu vanofara zvikuru pakushumira Jehovha sezvavanowedzera kukura. Nei zvakadaro?

10 MuKristu akakura mune zvokunamata ndouya anoona zvinhu sezvazvinoitwa naJehovha. (Johani 4:23) Pauro akanyora kuti: “Vaya vanoita maererano nenyama vanoisa pfungwa dzavo pazvinhu zvenyama, asi vaya vanoita maererano nomudzimu pazvinhu zvomudzimu.” (VaRoma 8:5) Kuona zvinhu nenzira yenyama kunounza mufaro mushoma, nokuti kunoita kuti ungozvifunga, usafunga zviri mberi, uye uise pfungwa pakuda kupfuma. Kuona zvinhu nenzira yomudzimu kunofadza, nokuti kunoisa pfungwa pana Jehovha, “Mwari anofara.” (1 Timoti 1:11) Munhu akakura mune zvokunamata ane chido chokufadza Jehovha uye anofara kana ari mumiedzo. Nei? Miedzo inopa mikana yokuratidza Satani kuti anoreva nhema uye yokuvaka mukurumbira wekutendeka, tichifadza Baba vedu vokudenga.—Zvirevo 27:11; verenga Jakobho 1:2, 3.

11, 12. (a) Pauro akatii ‘nezvesimba rokunzwisisa’ romuKristu, uye shoko rakashandurwa kuti ‘kurovedzwa’ rinorevei? (b) Kuti muviri unyatsosimba uye uve nounyanzvi zvinoda kuti munhu adzidzire zvakadii?

11 Kusimba mune zvokunamata kunotodzidzirwa. Funga zvinotaura ndima iyi: “Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru, zvevaya vanoita kuti simba ravo rokunzwisisa rirovedzwe kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa nokurishandisa kwavanoita.” (VaHebheru 5:14) Paakataura ‘nezvekurovedza,’ Pauro akashandisa shoko rechiGiriki ringava raiwanzoshandiswa mudzimba dzaiitirwa mitambo yokusimbisa muviri muGirisi kare ikako nokuti rinogona kushandurwa richinzi ‘akadzidzira senyanzvi inosimbisa muviri.’ Iye zvino chifunga kuti chii chinodiwa pakudzidzira ikoko.

Muviri wenyanzvi inosimbisa muviri unojaira nokuramba uchishandiswa

12 Patakazvarwa, miviri yedu yakanga isina zvayakadzidziswa. Somuenzaniso, mwana mucheche haatombokwanisa kuziva pane nhengo dzake. Ndosaka achingomwaya maoko, achizvirova kumeso, zvotomuvhundutsa nokumushamisa. Zvishoma nezvishoma muviri unodzidza nokuramba uchishanda kwaunenge uchiita. Mwana anotanga kukambaira, anofamba, uye anomhanya. * Ko zvakadini nenyanzvi yokusimbisa muviri? Paunoona nyanzvi yakadaro ichisvetuka, yoita chamupidigori, ichizvonyongoka iri mumhepo ichiita zvidavado, hapana mubvunzo kuti ungatoshamiswa kuti muviri wemunhu here uyu. Unyanzvi hwacho haungoerekani hwavapo asi kuti panototorwa maawa asingaverengeki okudzidzira. Bhaibheri rinobvuma kuti kurovedza muviri kwakadaro “kunobatsira zvishoma.” Kurovedza simba rekunzwisisa zvinhu zvokunamata kunotokosha zvikuru!—1 Timoti 4:8.

13. Tingadzidzisa sei simba redu rokunzwisisa?

13 Mubhuku rino, takurukura zvakawanda zvichakubatsira kudzidzisa simba rako rokunzwisisa kuitira kuti urambe uri munhu akakura mune zvokunamata uye wakatendeka kuna Jehovha. Paunosarudza zvokuita zuva nezuva fungisisa zvinotaurwa naMwari uye mitemo yake uchinyengetera. Pose paunosarudza zvokuita, zvibvunze kuti: ‘Ndeipi mitemo iri muBhaibheri kana kuti zvarinotaura zvinoshanda panyaya iyi? Ndingazvishandisa sei? Ndezvipi zvichafadza Baba vangu vokudenga?’ (Verenga Zvirevo 3:5, 6; Jakobho 1:5.) Chose chaunosarudza kuita nenzira iyoyo chichawedzera kudzidzisa simba rako rokunzwisisa. Kudzidzira kwakadaro kuchakubatsira kuva munhu akakura zvechokwadi mune zvokunamata uye woramba wakadaro.

14. Tinofanira kuva nenzara yechii kuti tikure mune zvokunamata, asi chiiwo chatinofanira kugara tichingwarira?

14 Kunyange uchikwanisa kusvika pakuva muKristu akakura mune zvokunamata, mukana wokuwedzera unoramba uripo. Kuti munhu akure zvinoda kudya. Pauro akati: “Zvokudya zvikukutu ndezvevanhu vakuru.” Chinhu chikuru chinodiwa kuti uvake kutenda kwako kudya paShoko raMwari. Kuchenjera kushandisa nemazvo zvinhu zvaunodzidza. Bhaibheri rinoti: “Uchenjeri ndihwo chinhu chikuru pane zvose.” Nokudaro, tinofanira kuva nenzara yechokwadi chinokosha chatinopiwa naBaba vedu. (Zvirevo 4:5-7; 1 Petro 2:2) Asi kuva nouchenjeri hunobva kuna Mwari nezivo hakutipi chikonzero chokuzvikudza kana kuzvitutumadza. Tinoda kuzviongorora nguva nenguva kuitira kuti tisapedzisire tava kudada kana kuti tava nezvimwe zvatinotadza. Pauro akanyora kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kana muri mukutenda, rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.”—2 VaKorinde 13:5.

15. Nei rudo ruchikosha kuti tikure mune zvokunamata?

15 Kuvaka imba kunogona kupera asi basa rinoramba riripo. Inoda kuchengetwa uye zvinenge zvafa zvichigadzirwa, uye ingawedzerwa mipanda kana mhuri yakura. Chii chinodiwa kuti tirambe tichikura mune zvokunamata? Rudo ndiwo musimboti. Kuda Jehovha nevatinonamata navo kunofanira kuramba kuchiwedzera. Kana tisina rudo, ruzivo rwedu nemabasa edu zvinova pasina; kunenge kuri kunyaudza vanhu. (1 VaKorinde 13:1-3) Kana tiine rudo, tinogona kuva vaKristu vakakura uye tinoramba tichikura mune zvokunamata.

PFUNGWA DZAKO NGADZIRAMBE DZIRI PATARIRO INOPIWA NAJEHOVHA

16. Satani anokurudzira kuti vanhu vafunge sei, uye Jehovha anotipa chii chokuzvidzivirira nacho?

16 Ngatikurukurei chinhu chechitatu chaunofanira kuita pabasa rako rokuvaka. Kuti uzvivake somuteveri wechokwadi waKristu, unofanira kungwarira zvaunofunga. Satani, mutongi wenyika ino, inyanzvi pakuita kuti vanhu vafunge zvinhu zvakaipa, zvisingakurudziri, zvokusavimba nevamwe uye zvokuora mwoyo. (VaEfeso 2:2) Mafungiro akadaro ane ngozi kumuKristu sekupfukutwa kungaitwa bango rakashandiswa pakuvaka. Zvinofadza kuti Jehovha anotipa tariro iyo inotibatsira kuti tizvidzivirire.

17. Shoko raMwari rinoenzanisira sei kukosha kwakaita tariro?

17 Bhaibheri rinotaura nhumbi dzakasiyana-siyana dzokurwa nadzo mune zvokunamata sezvatinorwisana naSatani nenyika ino. Chinonyanya kukosha panhumbi idzodzo ingowani, inova “tariro yoruponeso.” (1 VaTesaronika 5:8) Munguva yeBhaibheri musoja aiziva kuti hapana kwaaisvika muhondo kana asina ngowani yake. Ngowani, iyo yaiwanzogadzirwa nesimbi yoiswa kepesi yejira kana kuti yedehwe mukati, yaiita kuti miseve nemapfumo aida kurova musoro asakuvadze zvakanyanya. Sokudzivirira kunoita ngowani musoro, tariro inodzivirira pfungwa dzako, mafungiro ako.

18, 19. Jesu akaratidza sei muenzaniso wokuti munhu anogona kuramba aine tariro, uye tingamutevedzera sei?

18 Jesu akaratidza muenzaniso mukuru wokuti munhu anogona kuramba aine tariro. Yeuka kutsungirira kwaakaita usiku hwaakapedzisira kurarama pasi pano. Shamwari yepedyo yakamutengesa ichida mari. Mumwe akatoramba kuti aimuziva. Vamwe vakamusiya vakatiza. Vanhu vomunyika yake vakamupandukira, vachidaidzira kuti aurayiwe achitambudzwa nemauto eRoma. Vakawanda vedu tinobvuma kuti Jesu akasangana nemiedzo inorema yatisingambofi takasangana nayo. Chii chakamubatsira? VaHebheru 12:2 inopindura kuti: “Iye akatsungirira padanda rokutambudzikira nokuda kwomufaro wakaiswa pamberi pake, asina hanya nokunyadziswa, uye akagara kuruoko rworudyi rwechigaro choumambo chaMwari.” Jesu haana kumbokanganwa “mufaro wakaiswa pamberi pake.”

19 Mufaro wei wakaiswa pamberi paJesu? Aiziva kuti akatsungirira, aizobatsirawo pakutsveneswa kwezita dzvene raJehovha. Aizopa uchapupu hwakasimba kupfuura zvaizoitwa naani zvake kuti Satani murevi wenhema. Hapana tariro yaizopa Jesu mufaro kupfuura iyi! Aizivawo kuti Jehovha aizomupa mubayiro wakakura wokutendeka kwake, pakuti pasina nguva aizofara adzokera kuna Baba vake. Jesu akaramba achifunga nezvetariro iyoyo inofadza munguva dzakaoma. Ndizvo zvatinofanira kuitawo. Nesuwo tine mufaro wakaiswa pamberi pedu. Jehovha anotiremekedza nokupa mumwe nomumwe wedu mukana wokuti tibatsire pakutsvenesa zita rake guru. Tinogona kuratidza kuti Satani murevi wenhema nokusarudza Jehovha saChangamire wedu uye kuramba takachengetedzwa murudo rwaBaba vedu pasinei nemiedzo yatingasangana nayo.

20. Chii chingakubatsira kugara uchifunga zvakanaka uye zvinoratidza kuti une tariro?

20 Jehovha anoda kupa vashumiri vake vakatendeka mubayiro uye anotofara kuzviita. (Isaya 30:18; verenga Maraki 3:10.) Anofara kupa vashumiri vake zvinhu zvakarurama zvinodiwa nemwoyo yavo. (Pisarema 37:4) Saka pfungwa dzako ngadzirambe dziri patariro yakaiswa pamberi pako. Usakundwa nemafungiro akaipa, akafumuka, asina kuti twasu enyika yaSatani. Kana ukaona kuti mafungiro enyika ava kutanga kupinda mupfungwa dzako kana kuti mumwoyo, nyengetera kuna Jehovha akupe “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” Rugare irworwo rwunobva kuna Mwari rwunogona kurinda mwoyo wako uye simba rako rokufunga.—VaFiripi 4:6, 7.

21, 22. (a) Itariro ipi inoshamisa ine “boka guru revanhu”? (b) Patariro ine vaKristu, ndechipi chaunonyanya kutarisira, uye ucharamba uchiitei?

21 Une tariro inofadza yokufungisisa nezvayo! Kana uri ‘weboka guru revanhu’ avo ‘vachabuda mukutambudzika kukuru,’ funga nezvoupenyu hwauchava nahwo munguva pfupi iri kutevera. (Zvakazarurwa 7:9, 14) Satani nemadhimoni ake vasisipo, uchanzwa wasunungurwa zvausingagoni kufungidzira iye zvino. Zvakaoma kuzvifungidzira nokuti hapana kana mumwe wedu ati amborarama pasina simba raSatani rinokanganisa zvinhu. Simba iroro risisipo, zvichafadza zvikuru kushanda tichichinja nyika kuti ive paradhiso tichitungamirirwa naJesu nevane 144 000 vaachatonga navo kudenga! Tinofara kwazvo netariro yokuzoona zvirwere zvose noundonda zvisisiko, yokutambira hama neshamwari dzichabva kumakuva, uye kurarama upenyu sezvaidiwa naMwari pakutanga! Sezvatinenge tichiwedzera kuva vakakwana, pane mubayiro wakatokura unenge uchiswedera, unovimbiswa pana VaRoma 8:21, “rusununguko runobwinya rwevana vaMwari.”

22 Jehovha anoda kuti uve norusununguko rwakakura zvausingambofi wakafungidzira. Kuteerera ndiyo nzira inoenda kurusununguko irworwo. Hazvina kukodzera here kuti uite zvose zvaunogona kuti uteerere Jehovha zuva nezuva? Saka, nepaunokwanisa napo pose, ramba uchizvivaka pakutenda kwako kutsvenetsvene, kuti urambe uri murudo rwaMwari nokusingaperi!

^ ndima 12 Vesayenzi vanoti patinenge tichikura, zvishoma nezvishoma muviri unotanga kuziva zvawakaita, kuziva pane maoko nemakumbo. Somuenzaniso kuziva ikoko kunoita kuti ukwanise kuombera wakavhara maziso. Mumwe murwere ane muviri wakarasika kuziva pane nhengo dzawo akapedzisira asisagoni kumira, kufamba kunyange kugara.