Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Muenzaniso Wokutevedzera​—Pauro

Muenzaniso Wokutevedzera​—Pauro

Muenzaniso Wokutevedzera​—Pauro

Muapostora Pauro anonzwisisa manzwiro ake. Anobvuma nokutendeseka kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” Pauro munhu anoda kuita zvakanaka. “Ndinofarira mutemo waMwari maererano nomunhu wandiri nechomukati,” anonyora kudaro. Saka dambudziko rake nderei? Pauro anoti: “Ndinoona . . . mumwe mutemo uchirwisana nomutemo wepfungwa dzangu uye uchinditungamirira ndiri nhapwa kuenda kumutemo wechivi uri munhengo dzangu.” Zvaanokanganisa zvinomushayisa mufaro. Anoti: “Ndiri munhu wenhamo!”VaRoma 7:21-24.

Zvaunokanganisa zvinokushayisa mufaro here? Kana zvakadaro, yeuka kuti kunyange Pauro aimbonzwa saizvozvo. Asi Pauro aizivawo kuti Kristu akafira vanhu vakaita saiye, saka aigona kutaura kuti: “Mwari ngaaongwe nokuna Jesu Kristu Ishe wedu!” (VaRoma 7:25) Pauro aiona rudzikinuro sechipo chaakapiwa. Akanyora kuti: “Mwanakomana waMwari . . . akandida akazvipa nokuda kwangu.” (VaGaratiya 2:20) Paunonzwa wakaora mwoyo, fungisisa nezvorudzikinuro. Uye kana zvaunokanganisa zvichikuodza mwoyo, usambokanganwa kuti Kristu akafira vatadzi, kwete vanhu vakakwana.