Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 12

Kutaura “Neushingi Nesimba raJehovha”

Kutaura “Neushingi Nesimba raJehovha”

Pauro naBhanabhasi vanoratidza kuzvininipisa, kutsungirira, neushingi

Mabasa 14:1-28

1, 2. Chii chakaitika pakasvika Pauro naBhanabhasi kuRistra?

 IBATA-WABATA muguta reRistra. Murume akaberekwa akaremara ari kusvetuka-svetuka achifara pashure pekuporeswa nevarume vaviri vaasingazivi. Vanhu vaoma mate mukanwa nazvo, uye mupristi anouya nezvishongo zvekuremekedza varume vaviri ava, avo vari kufungwa kuti ndivanamwari nevanhu. Mikono yemombe iri kubowa ichida kuurayiwa nemupristi waZeusi. Pauro naBhanabhasi vari kushevedzera vachiedza kurambidza vanhu zvavari kuita. Vanobvarura nguo dzavo, vosvetukira mukati mevanhu vachivakumbira kuti vasavanamata, asi hapana ari kutombovateerera.

2 VaJudha vaivapikisa vanobva vasvika vachibva kuAndiyoki yekuPisidhiya uye kuIkoniyumu. Vanobva vataura mashoko akaipa, vachifurira vanhu vekuRistra. Vanhu vaya vanga vachimboda kunamata Pauro vanotanga kumutema nematombo kusvikira ati rabada. Vanobva vamuzvuzvurudzira kunze kweguta ravo, vachifunga kuti afa.

3. Tichakurukura mibvunzo ipi muchitsauko chino?

3 Zvakanga zvaita sei kuti zvese izvi zvizoitika? Ko vazivisi vemashoko akanaka vemazuva ano vangadzidzei pane zvakaitika kuna Bhanabhasi naPauro uye pakusatana kuchinja kwevanhu vekuRistra? Uye vakuru vechiKristu vanodzidzei pane zvakaitwa naBhanabhasi naPauro vachitsungirira muushumiri, uye “vachitaura neushingi nesimba raJehovha”?—Mab. 14:3.

“Vanhu Vakawanda . . . Vakava Vatendi” (Mabasa 14:1-7)

4, 5. Zvakafamba sei kuti Pauro naBhanabhasi vazoenda kuIkoniyumu, uye chii chakaitika ikoko?

4 Pauro naBhanabhasi vakanga vachangobva kudzingwa muguta reAndiyoki yekuPisidhiya raitongwa neRoma pashure pekunge vadenherwa vanhu nevaJudha vaipikisa. Asi panzvimbo pekuora mwoyo, varume vaviri ava vakazunzira vanhu vemuguta iri vakanga vasingateereri “guruva raiva patsoka dzavo.” (Mab. 13:50-52; Mat. 10:14) Pauro naBhanabhasi vakabva chinyararire vachisiyira zvese zvavakaitirwa nevanhu ivavo mumaoko aMwari. (Mab. 18:5, 6; 20:26) Vakaenderera mberi nerwendo rwavo vachiparidza nemufaro. Vakafamba makiromita angasvika 150 vakasvika panzvimbo yakati dzikirei iri pakati pemakomo eTaurus neSultan.

5 Vakatanga kumira muIkoniyumu, guta raigara vanhu vechiGiriki uye rimwe remaguta aikosha zvikuru munharaunda yeRoma yainzi Garatiya. a Muguta iri maigara vaJudha nevamwe vakatendeukira kuchiJudha vakati wandei. Sezvavaigara vachiita, Pauro naBhanabhasi vakapinda musinagogi ndokutanga kuparidza. (Mab. 13:5, 14) “Vakataura zvekuti vanhu vakawanda vechiJudha nevechiGiriki vakava vatendi.”—Mab. 14:1.

6. Chii chaiita kuti Pauro naBhanabhasi vabudirire sevadzidzisi, uye tingavatevedzera sei?

6 Chii chakaita kuti Pauro naBhanabhasi vabudirire zvakadaro pakuparidza? Pauro aiita seane dura reuchenjeri hweMagwaro. Aishandisa unyanzvi kubatanidza zvakaitika, neuprofita uye Mutemo waMozisi kuti aratidze kuti Jesu ndiye Mesiya akanga akavimbiswa kuti aizouya. (Mab. 13:15-31; 26:22, 23) Bhanabhasi aiva munhu airatidza vanhu kuti ane hanya navo. (Mab. 4:36, 37; 9:27; 11:23, 24) Hapana mumwe wavo airatidza kuti aivimba nekunzwisisa kwake asi vaitaura “nesimba raJehovha.” Ungatevedzera sei mamishinari iwayo mubasa rako rekuparidza? Ita zvinotevera: Nyatsoziva Shoko raMwari. Sarudza Magwaro angangofarirwa nevateereri vako. Tsvaga nzira dzekubatsira nadzo vanhu vauri kuparidzira. Uye zvaunodzidzisa ngazvinyatsobva muShoko raJehovha, kwete pauchenjeri hwako.

7. (a) Chii chinogona kukonzerwa nemashoko akanaka? (b) Kana usiri kuwirirana nevamwe mumhuri menyu pamusana pemashoko akanaka unofanira kuyeukei?

7 Asi havasi vese muIkoniyumu vakafarira zvakataurwa naPauro naBhanabhasi. Ruka anoenderera mberi achiti: “VaJudha vakanga vasingatendi vakakusvudzira vanhu vemamwe marudzi vakavafurira kupandukira hama.” Pauro naBhanabhasi vakaona kuti vaitofanira kuramba vari muIkoniyumu kuti vatsigire mashoko akanaka, uye “vakatora nguva yakawanda vachitaura neushingi.” Izvi zvakaita kuti ‘vanhu vakawanda veguta iri vatadze kuwirirana; vamwe vaitsigira vaJudha, vamwe vachitsigira vaapostora.’ (Mab. 14:2-4) Ndizvo zvinoitwawo nemashoko akanaka mazuva ano. Anobatanidza vamwe, asi vamwe achivaparadzanisa. (Mat. 10:34-36) Kana usiri kuwirirana nevamwe vemumhuri mako nemhaka yemashoko akanaka, kazhinji vanenge vachikupikisa nemhaka yekuti vakaudzwa zvisiri izvo kana kuti vanotovenga mashoko akanaka. Kana ukazvibata zvakanaka unogona kuvaratidza kuti vakaudzwa zvenhema uye unogona kutopfavisa mwoyo yevanhu vanokupikisa.—1 Pet. 2:12; 3:1, 2.

8. Nei Pauro naBhanabhasi vakabva muIkoniyumu, uye tinodzidzei pane zvavakaita?

8 Nekufamba kwenguva vaya vaipikisa Pauro naBhanabhasi muIkoniyumu vakaronga kuvatema nematombo. Pauro naBhanabhasi pavakazvinzwa vakasarudza kuenda kunopupurira kune dzimwe nzvimbo. (Mab. 14:5-7) Ndizvo zvinoitwawo nevazivisi veUmambo mazuva ano. Panotaurwa zvakaipa pamusoro pedu, tinotaura neushingi. (VaF. 1:7; 1 Pet. 3:13-15) Asi patinoona kuti pava kuda kumuka mhirizhonga, hatiiti chivindi chisina basa tichiisa upenyu hwedu nehwevamwe pangozi.—Zvir. 22:3.

“Mutendeukire Kuna Mwari Mupenyu” (Mabasa 14:8-19)

9, 10. Ristra yaiva kupi, uye tinozivei nezvevanhu vaigaramo?

9 Pauro naBhanabhasi vakabva vananga nechekumaodzanyemba kuRistra, guta raitongwa neRoma riri kure neIkoniyumu nemakiromita angasvika 30. Ristra yaidyidzana neAndiyoki yekuPisidhiya, asi yakanga isina vaJudha vakawanda. Kunyange zvazvo vanhu vacho vangangove vaitaura chiGiriki, mutauro wavo chaiwo waiva chiRikaoniya. Sezvo guta racho rakanga risina sinagogi, Pauro naBhanabhasi vanogona kunge vakatanga kuparidza munzvimbo yaiungana ruzhinji. Petro akamboporesa murume akaberekwa akaremara kuJerusarema. Pauro akaporesawo murume akaberekwa akaremara muRistra. (Mab. 14:8-10) Chishamiso chakaitwa naPetro chakaita kuti vanhu vakawanda vave vatendi. (Mab. 3:1-10) Asi chishamiso chakaitwa naPauro hachina kuita kuti vanhu vadaro.

10 Sezvatsanangurwa patangira chitsauko chino, murume akanga akaremara paakasimuka ndokutanga kufamba, vanhu vemuRistra vakafunga zvisiri izvo. Vakafunga kuti Bhanabhasi ndiZeusi, mukuru wavanamwari, uye Pauro vakamuti Hemesi, mwanakomana waZeusi aitaura achimiririra vanamwari. (Ona bhokisi rakanzi “ Ristra, Guta Rainamatwa Zeusi naHemesi”.) Asi Bhanabhasi naPauro vaida kuti vanhu vanzwisise kuti zvese zvavaiita vakanga vasiri kuzviita nesimba ravanamwari vechihedheni asi nesimba raJehovha, Mwari mumwe chete wechokwadi.—Mab. 14:11-14.

“Mubve pazvinhu izvi zvisina zvazvinobatsira mutendeukire kuna Mwari mupenyu, akasika denga nenyika.”​—Mabasa 14:15

11-13. (a) Pauro naBhanabhasi vakatii kuvagari vekuRistra? (b) Tinodzidzei pane zvakataurwa naPauro naBhanabhasi?

11 Pasinei nezvese zvaiitika izvi, Pauro naBhanabhasi vakanga vachiri kuedza kuti vanzwisiswe nevanhu vavaitaura navo. Nhoroondo iyi yakanyorwa naRuka inotibatsira kuziva nzira yekuparidzira kuvanhu vasingazivi kuti kuna Mwari. Ona kuti Pauro naBhanabhasi vakataura sei zvakabata-bata mwoyo yevanhu vavaitaura navo: “Varume, muri kuitirei zvinhu izvi? Isu tiri vanhu vakangoitawo semi. Uye tiri kukuzivisai mashoko akanaka, kuti imi mubve pazvinhu izvi zvisina zvazvinobatsira mutendeukire kuna Mwari mupenyu, akasika denga nenyika negungwa nezvinhu zvese zviri mazviri. Muzvizvarwa zvakapfuura akabvumira marudzi ese kuti afambe munzira dzawo, kunyange zvazvo asina kurega kuzvipupurira pakuti akaita zvakanaka, achikupai mvura yekudenga nemwaka inobereka zvibereko, achikugutsai nezvekudya uye achizadza mwoyo yenyu nemufaro.”—Mab. 14:15-17.

12 Tingadzidzei pamashoko akataurwa naPauro naBhanabhasi? Chekutanga ndechekuti Pauro naBhanabhasi havana kuzvitora sevakakwirira kupfuura vateereri vavo. Havana kunyepedzera kuva zvavasiri. Vakatotaura vachizvininipisa kuti vaiva vanhuwo venyama vanotadza sezvakangoitawo vanhu vaivateerera. Ichokwadi kuti Pauro naBhanabhasi vakanga vagamuchira mweya mutsvene uye vakanga vasunungurwa padzidziso dzenhema. Vakanga vakomborerwawo nekuva netariro yekuzotonga naKristu. Asi vaizivawo kuti vagari ivavo vekuRistra vaigonawo kugamuchira zvipo izvozvo vakateerera Kristu.

13 Tinofanira kuona sei vaya vatinoparidzira? Tinovaona sevakaenzana nesu here? Patinobatsira vamwe kudzidza chokwadi chiri muShoko raMwari, tinoramba kuti vasaita sevachatinamata sezvakaitwa naPauro naBhanabhasi here? Charles Taze Russell, uyo aiva neunyanzvi hwekudzidzisa, achitungamirira basa rekuparidza kubva muna 1870 kusvika muna 1916, akaita zvakanaka panyaya iyi. Akanyora kuti: “Hatidi kunamatwa, hatidi kutyiwa pamusana pezvatiri kana kuti zvatinonyora; uyewo hatidi kunzi vaMufundisi kana kuti Rabhi.” Kuzvininipisa kwaHama Russell kwakanga kwakafanana nekwaPauro naBhanabhasi. Nesuwo chinangwa chedu pakuparidzira hachisi chekuti tipiwe mbiri asi ndechekuti titendeutsire vanhu kuna “Mwari mupenyu.”

14-16. Ndechipi chidzidzo chechipiri nechechitatu chatinowana pane zvakataurwa naPauro naBhanabhasi kuvagari vekuRistra?

14 Chimbofunga chidzidzo chechipiri chatinowana pane zvakataurwa izvi. Pauro naBhanabhasi vaichinja mharidzo yavo kuti ienderane nezviripo. Vagari vemuRistra vakanga vakasiyana nevaJudha vekuIkoniyumu nekuti vakanga vasingazivi Magwaro kana zvakamboitirwa vaIsraeri naMwari. Vanhu vaitaurwa navo naPauro naBhanabhasi vairarama nekurima. Ristra yakanga yakakomborerwa nemvura yainaya zvakanaka uye ivhu rakaorera. Vanhu ivavo vaigona kuona uchapupu hwakawanda hwekunaka kweMusiki pazvinhu zvakadai semwaka yaiita kuti zvirimwa zvibereke, saka mamishinari aya akashandisa izvi kuvabatsira kuti vafunge.—VaR. 1:19, 20.

15 Isuwo tinogona kuchinja mharidzo dzedu kuti dzienderane nevatiri kutaura navo here? Murimi anogona kudyara mbeu imwe chete muminda yakasiyana-siyana, asi magadziriro aanoita minda yacho ndiwo anozosiyana zvichienderana nevhu racho. Rimwe ivhu ringadaro rakatopfava richiita kutodyara mbeu pakarepo. Rimwe ivhu rinenge richitoda kutanga ratimbwa zvakanaka. Ndizvo zvimwe chete nembeu yeUmambo inowanikwa muShoko raMwari; haichinji. Asi kana tichida kutevedzera Pauro naBhanabhasi, tinofanira kunzwisisa kuti vanhu vatiri kuparidzira vakamira sei uye ndevechitendero chipi. Tinobva taparidza shoko reUmambo zvinoenderana nezvatinenge taziva zvacho.—Ruka 8:11, 15.

16 Pane chimwe chidzidzo chechitatu chatinowana panyaya iyi. Mbeu yatinodyara dzimwe nguva inobvutwa kana kuti inowira paivhu rine matombo, pasinei nezvatinoedza kuita. (Mat. 13:18-21) Kana izvozvo zvikaitika, usaora mwoyo. Pauro akazoudza vadzidzi vaiva kuRoma kuti, “mumwe nemumwe wedu [kusanganisira wese watinoparidzira] achazvidavirira kuna Mwari.”—VaR. 14:12.

“Vakavaisa Mumaoko aJehovha” (Mabasa 14:20-28)

17. Pavakabva kuDhebhe, Pauro naBhanabhasi vakaenda nekupi, uye vaizviitirei?

17 Pashure pekunge vanhu vemuRistra vazvuzvurudzira Pauro kunze kweguta vachifunga kuti akanga afa, vadzidzi vakamuunganira achibva amuka ndokuwana pekurara muguta. Mangwana acho, Pauro naBhanabhasi vakatanga rwendo rwemakiromita 100 vakananga kuDhebhe. Urwu runofanira kunge rwaiva rwendo rwunorwadza zvikuru kuna Pauro sezvo akanga ambotemwa nematombo nezuro wacho. Kunyange zvakadaro, Pauro naBhanabhasi vakatsungirira uye pavakasvika muDhebhe vakaita kuti “vakawanda vave vadzidzi.” Saka pane kutora nzira pfupi kuenda kumba kwavaiwanzogara muAndiyoki yeSiriya, “vakadzokera kuRistra, kuIkoniyumu, uye kuAndiyoki [yekuPisidhiya].” Nei vakaita saizvozvo? Vaida kusimbisa “vadzidzi ikoko, vachivakurudzira kuramba vari mukutenda.” (Mab. 14:20-22) Tinodzidza zvakawanda pavarume ava. Vaikoshesa ungano kupfuura kuita zvakavanakira ivo. Ndizvo zvinoitwawo nevatariri vematunhu nemamishinari mazuva ano.

18. Zvinofamba sei panozogadzwa vakuru?

18 Kuwedzera pakusimbisa vadzidzi nemashoko avo uye nenzira yavaizvibata nayo, Pauro naBhanabhasi vakagadza “vakuru muungano imwe neimwe.” Kunyange zvazvo vakaenda parwendo urwu “vachitumwa nemweya mutsvene,” Pauro naBhanabhasi vakaramba vachinyengetera uye vachitsanya, vakaisa vakuru ivavo “mumaoko aJehovha.” (Mab. 13:1-4; 14:23) Izvi ndizvo zvinoitwawo mazuva ano. Dare revakuru reungano rinotanga ranyengetera rozoongorora zvinotaurwa neMagwaro risati rarumbidza vanenge vachifanira kugadzwa. (1 Tim. 3:1-10, 12, 13; Tito 1:5-9; Jak. 3:17, 18; 1 Pet. 5:2, 3) Chavanonyanya kukoshesa haisi nyaya yekuti munhu ava nenguva yakadii ari muKristu. Asi kuti matauriro ake, mukurumbira wake, uye nzira yaanozvibata nayo zvinofanira kunyatsoratidza kuti mweya mutsvene uri kushanda zvakadii muupenyu hwake. Anofanira kuita zvinoenderana nezvinotaurwa neMagwaro kuti aratidze kuti anokodzera kufudza makwai aMwari. (VaG. 5:22, 23) Mutariri wedunhu ndiye ane basa rekugadza vanhu vakadaro.—Enzanisa na1 Timoti 5:22.

19. Vakuru vanofanira kuyeukei pamabatiro avanoita ungano, uye vanotevedzera sei Pauro naBhanabhasi?

19 Vakuru vakagadzwa vanoziva kuti vanozvidavirira kuna Mwari pane zvavanoitira ungano. (VaH. 13:17) Sezvaingoita Pauro naBhanabhasi, vakuru vanotungamirira pabasa rekuparidza. Vanosimbisa vamwe vadzidzi nezvavanotaura. Uye vakagadzirira kuita zvinhu zvakanakira ungano kupfuura zvakavanakira ivo.—VaF. 2:3, 4.

20. Kuverenga nezvebasa riri kuitwa nehama dzedu kunotibatsira sei?

20 Pauro naBhanabhasi pavakazodzokera kuAndiyoki yekuSiriya, nzvimbo yavaiwanzogara kana vari munharaunda iyi, “vakarondedzera zvinhu zvakawanda zvakanga zvaitwa naMwari achivashandisa, uye kuti akanga avhurira vemamwe marudzi suo rekutenda.” (Mab. 14:27) Patinoverenga nezvebasa riri kuitwa nehama dzedu dzechiKristu mazuva ano, toona kukomborerwa kwavari kuitwa naJehovha pabasa ravo, zvinotikurudzira kuramba tichitaura “neushingi nesimba raJehovha.”

a Ona bhokisi rakanzi “ Ikoniyumu, Guta revaFrijiya”.