Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Tsamba Inobva kuDare Rinotungamirira

Kumuzivisi Wemashoko eUmambo:

Fungidzira uri mumwe wevaapostora vakamira paGomo reMiorivhi. Munobva maona Jesu amire pamberi penyu. Asarirwa nenguva pfupi kuti akwire kudenga anobva ati kwamuri: “Muchagamuchira simba pachauya mweya mutsvene pamusoro penyu, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, muJudhiya mese nemuSamariya, uye kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika.” (Mab. 1:8) Waizonzwa sei?

Pamwe waizoona sekuti basa iroro rakawandisa zvekuti haringambokwanisiki. Pamwe waitozvibvunza kuti, ‘Isu vadzidzi vashomanana kudai tingaparidza sei “kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika”?’ Pamwe waibva wafunga mashoko akataurwa naJesu usiku hwekupedzisira asati afa, ekuti: “Muranda haasi mukuru kuna tenzi wake. Kana vakanditambudza, vachakutambudzaiwo; kana vakachengeta shoko rangu, vachachengetawo renyu. Asi vachakuitirai zvese izvi nekuda kwezita rangu, nekuti havazivi akandituma.” (Joh. 15:20, 21) Unobva wafungisisa mashoko iwayo, uchizvibvunza kuti, ‘Kana ndichizopikiswa uye ndichizotambudzwa zvakadaro ndingakwanisa sei kupa uchapupu hwakasimba kuvanhu?’

Mazuva ano tinozvibvunzawo mibvunzo yakadaro. Basa redu seZvapupu zvaJehovha rinodawo kuti tipe uchapupu hwakasimba “kusvikira kunzvimbo dziri kure dzenyika,” kuvanhu “vemarudzi ese.” (Mat. 28:19, 20) Basa iri ringakwanisika sei tichitarisa kupikiswa kwakataurwa kuti taizoitwa?

Bhuku raMabasa Evaapostora rinorondedzera nenzira inonakidza zvakakwanisa kuitwa nevaapostora nevamwe vaKristu vekutanga vachibatsirwa naJehovha kuti vaite basa ravo. Bhuku rauri kuverenga iye zvino rakanyorwa kuti rikubatsire kuongorora nhoroondo iyoyo uye kuti uone kufara kwavaiita vachiona basa ravo richiwedzera nekukurumidza. Uchashamiswa nekuona kufanana kwakaita zvaiitika kuvashumiri vaMwari pakatanga chiKristu nezviri kuitika kuvanhu vake nhasi. Uchaona kuti kufanana uku hakungogumiri pabasa ratinoita chete asi kunosanganisirawo kurongeka kwatakaita pakuita basa racho. Paunofunga nezvekufanana kuri pakati pevaKristu vekutanga nevariko nhasi, kutenda kwaunoita kuti Jehovha Mwari ari kutungamirira sangano rake repasi pano kuchasimba.

Tinonyengeterera kuti kuongorora kwauchaita bhuku raMabasa kusimbise chivimbo chako chekuti Jehovha achakubatsira uye kuti mweya mutsvene wake uchakutsigira. Tinovimba kuti pauchadaro, uchakurudzirwa kuramba uchipa “uchapupu hwakasimba” pamusoro peUmambo hwaMwari uye uchibatsira vamwe kuti vapinde munzira inoenda kuupenyu husingaperi.—Mab. 28:23; 1 Tim. 4:16.

Hama dzako,

Dare Rinotungamirira reZvapupu zvaJehovha