Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Uchifanira Kuongorora Bhaibheri?

Nei Uchifanira Kuongorora Bhaibheri?

Unoziva Bhaibheri here? Pamabhuku ose hapana rakaparadzirwa kupfuura Bhaibheri. Vanhu vane tsika dzakasiyana-siyana vakaona kuti mashoko aro anonyaradza, anopa tariro uye kuti mazano aro anoshanda mukurarama kwezuva nezuva. Asi mazuva ano vakawanda vanongoziva zvishoma nezveBhaibheri. Ungave uchiita zvechitendero kana kuti kwete, zvimwe unoda kuziva nezvaro. Bhurocha rino rakagadzirirwa kukubatsira kuziva pfupiso yezviri muBhaibheri.

USATI watanga kuverenga Bhaibheri, zvinobatsira kuziva zvishomanana nezvekurongwa kwakaitwa bhuku iri. Bhaibheri muunganidzwa wemabhuku 66, kana kuti zvikamu, kutanga naGenesisi richipera naZvakazarurwa uye rinonziwo Magwaro Matsvene.

Mashoko ari muBhaibheri ndeaani? Uyu mubvunzo wakanaka. Chokwadi ndechokuti Magwaro acho akanyorwa nevarume 40 mumakore anenge 1 600. Zvinoshamisa kuti varume ivavo havana kumbotaura kuti ndivo varidzi vemashoko ari muBhaibheri. Mumwe wevanyori vacho akanyora kuti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Mumwe akati: “Mudzimu waJehovha ndiwo wakataura uchindishandisa, Shoko rake raiva parurimi rwangu.” (2 Samueri 23:2) Saka vanyori vacho vakati Jehovha Mwari, Mutongi Mukuru wezvinhu zvose zvakasikwa, ndiye muridzi wemashoko ari muBhaibheri. Vanyori vacho vakabudisa pachena kuti Mwari anoda kuti vanhu vamuzive.

Pane chimwezve chinokosha pakunzwisisa Bhaibheri. Magwaro ose ane dingindira rimwe chete: kurevererwa kwekodzero yaMwari yokutonga vanhu achishandisa Umambo hwake hwokudenga. Mumapeji anotevera, uchaona kuti dingindira iri rinowanika muBhaibheri rose kubva kuna Genesisi kusvika kuna Zvakazarurwa.

Uine zviri pamusoro apa mupfungwa, funga nezvemashoko anowanika mubhuku rinofarirwa kupfuura ose munyika, Bhaibheri.

^ ndima 9 Pane nzira dzakasiyana-siyana dzokunyora misi. Mubhurocha rino, C.E. zvinoreva “Nguva Yavose” uye B.C.E. zvinoreva “Nguva Yavose Isati Yasvika.” Uchaona izvi zvichienzanisirwa nenguva dzezviitiko dziri nechepasi pemapeji.