Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 1

Musiki Anopa Vanhu Paradhiso

Musiki Anopa Vanhu Paradhiso

Mwari anosika zvinhu zvose zvinooneka uye upenyu panyika; anosika murume nemukadzi vakakwana, ovaisa mumunda wakanaka, uye anovapa mirayiro yokuti vateerere

MASHOKO anotevera anonzi ndiwo mashoko okusuma anozivikanwa zvikuru ati anyorwa. “Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.” (Genesisi 1:1) Nemutsetse iwoyo usina zvakawanda asi uchitaura zvinhu zvikuru, Bhaibheri rinotisuma nezveMunhu anokosha zvikuru anotaurwa muMagwaro Matsvene—Mwari wemasimbaose, Jehovha. Ndima yekutanga yeBhaibheri inoratidza kuti Mwari ndiye Musiki wezvose zvinooneka, kusanganisira nyika yatinogara pairi. Ndima dzinotevera dzinotsanangura kuti munguva refu dzinotevedzana, dzinonzi nenzira yekufananidzira mazuva, Mwari akagadzira nyika kuti tigare pairi, achiita kuti zvinhu zvose zvinoshamisa zviri munyika zvivepo.

Munhu ndiye aiva chisikwa chikuru pazvisikwa zvaMwari zvepanyika. Aiva chisikwa chakaitwa nomufananidzo waMwari—achikwanisa kuratidza unhu hwaJehovha, hwakadai serudo neuchenjeri. Mwari akaumba munhu neguruva revhu. Mwari akamutumidza kuti Adhamu, akabva amuisa muparadhiso—munda weEdheni. Mwari pachake ndiye akasima munda wacho, achiuzadza nemiti yakanaka inobereka.

Mwari akaona zvichibatsira kuti munhu ave nemudzimai. Achishandisa imwe yembabvu dzaAdhamu, Mwari akaumba mukadzi uye akamuendesa kumurume semudzimai wake, akazonzi Evha. Achifara, Adhamu akadetemba achiti: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.” Mwari akatsanangura kuti: “Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake uye achanamatira mudzimai wake uye vachava nyama imwe.”Genesisi 2:22-24; 3:20.

Mwari akapa Adhamu naEvha mirayiro miviri. Kutanga, akavaudza kuti varime uye vatarisire nyika uye vaizadze nevana vavo. Chechipiri, akavaudza kuti vasadya muchero womuti mumwe chete bedzi mumunda wose wakakura kudaro, “muti wokuziva zvakanaka nezvakaipa.” (Genesisi 2:17) Kana vaisazoteerera, vaizofa. Nemirayiro iyoyo, Mwari akapa murume nomudzimai wake mukana wokuratidza kuti vaibvuma kuti ndiye Mutongi wavo. Kuteerera kwavo kwaizoratidzawo rudo rwavo uye kuonga kwavo. Vaiva nezvikonzero zvokubvuma kutonga kwake kwomutsa. Pakanga pasina chakakanganisika pavanhu ivavo vakakwana. Bhaibheri rinotiudza kuti: “Mwari akaona zvinhu zvose zvaakanga aita uye, tarira! zvakanga zvakanaka kwazvo.”Genesisi 1:31.

—Kubva pana Genesisi zvitsauko 1 ne2.