Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 16

Mesiya Anosvika

Mesiya Anosvika

Jehovha anozivisa kuti Jesu wekuNazareta ndiye Mesiya akanga avimbiswa kwenguva yakareba

JEHOVHA aizobatsira vanhu kuziva Mesiya akanga avimbiswa here? Hongu. Ona zvakaitwa naMwari. Pakanga papera makore anenge mazana mana pashure pokunge Magwaro echiHebheru apera kunyorwa. Muguta rinonzi Nazareta, kuchamhembe kweGarireya, imwe mhandara yainzi Mariya yakashanyirwa zvayaisatombotarisira. Ngirozi inonzi Gabrieri yakauya kwaari ndokumuudza kuti Mwari aizoshandisa simba rake, mudzimu wake mutsvene, kuita kuti abereke mwanakomana, kunyange zvazvo aiva mhandara. Mwanakomana uyu aizova Mambo akanga avimbiswa kwenguva refu, uyo aizotonga nokusingaperi! Mwana uyu aizova Mwanakomana waMwari pachake, ane upenyu hwaizotamiswa naMwari kubva kudenga kuenda mudumbu raMariya.

Mariya akabvuma nokuzvininipisa kuita basa iroro raikosha zvikuru. Murume waakanga avimbisana naye kuti vaizoroorana, muvezi ainzi Josefa, akamuroora pashure pokunge Mwari atumira ngirozi kuti imuzivise zvakanga zvaita kuti Mariya ave nepamuviri. Zvisinei, zvakadini nouprofita hunoti Mesiya aizoberekerwa muBhetrehema? (Mika 5:2) Taundi duku iroro raiva kure neanenge makiromita 140!

Mutongi weRoma akarayira kuti vanhu vaverengwe. Vanhu vaifanira kunonyoresa kutaundi ravakaberekerwa. Zvinoita sokuti Josefa naMariya vakanga vaberekerwa kuBheterehema, saka Josefa akaenda ikoko nomudzimai wake aiva nepamuviri. (Ruka 2:3) Mariya akasunungukira mudanga rezvipfuwo, ndokuradzika mwana wacho muchidyiro chezvipfuwo. Mwari akabva atumira ngirozi dzakawanda kuti dzinoudza boka revafudzi raiva mugomo kuti mwana akanga achangoberekwa ndiye aiva Mesiya akanga avimbiswa, kana kuti Kristu.

Pave paya, vamwe vaizopupurira kuti Jesu aiva Mesiya akanga avimbiswa. Muprofita Isaya akanga afanotaura kuti mumwe munhu aizouya kuti agadzire nzira kuitira basa rinokosha raMesiya. (Isaya 40:3) Mugadziri wenzira iyeye akanga ari Johani Mubhabhatidzi. Paakaona Jesu, akashevedzera kuti: “Onai, Gwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!” Vamwe vevadzidzi vaJohani vakabva vangotevera Jesu. Mumwe wavo akati: “Tawana Mesiya.”Johani 1:29, 36, 41.

Paiva nehumwezve uchapupu. Johani paakabhabhatidza Jesu, Jehovha pachake akataura ari kudenga. Achishandisa mudzimu mutsvene, akagadza Jesu kuva Mesiya ndokuti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.” (Mateu 3:16, 17) Mesiya ainge avimbiswa kwenguva refu akanga asvika!

Izvi zvakaitika rini? Mugore ra29 C.E., chaipo pakaperera makore 483 akafanotaurwa naDhanieri. Chokwadi, uhwu humwe hweuchapupu hunoshamisa hwokuti Jesu ndiye Mesiya, kana kuti Kristu. Zvisinei, aizozivisa mashoko api panguva yaaizova pasi pano?

—Kubva pana Mateu chitsauko 1 kusvika ku3; Mako chitsauko 1; Ruka chitsauko 2; Johani chitsauko 1.