Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 18

Jesu Anoita Zvishamiso

Jesu Anoita Zvishamiso

Jesu anoita zvishamiso kuti aratidze mashandisiro aachaita simba rake saMambo

MWARI akapa Jesu simba rokuita zvinhu zvaisagona kuitwa nevamwe vanhu. Jesu akaita zvishamiso zvikuru zvakawanda—kazhinji pamberi pevanhu vakawanda vaiona. Zvishamiso izvozvo zvakaratidza kuti Jesu ane simba rokukurira vavengi uye zvipingamupinyi zvisina kumbokwaniswa nevanhu vasina kukwana. Ona mimwe mienzaniso.

Nzara. Chishamiso chaJesu chokutanga chaiva chokuchinja mvura kuva waini yakanaka. Pane zvimwe zviitiko zviviri, akadyisa zviuru zvevanhu vaiva nenzara nezvingwa nehove zvishomanana. Muzviitiko zvacho zvose, vanhu vakadya vakasiya.

Zvirwere. Jesu akarapa vanhu vaiva ne“hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose.” (Mateu 4:23) Jesu akarapa vanhu vaiva mapofu, matsi, vaiva nemaperembudzi, uye vaiva netsviyo. Akarapawo vakaremara. Hapana urwere hwaaitadza kurapa.

Mamiriro okunze ane ngozi. Jesu nevadzidzi vake pavakanga vachifamba nechikepe vari muGungwa reGarireya, dutu rine simba kwazvo rakamuka. Vadzidzi vakatya kwazvo. Jesu akangotarisa dutu racho ndokuti: “Shii! Nyarara!” Ipapo kudzikama kukuru kwakavapo. (Mako 4:37-39) Pane imwe nguva, akafamba pamusoro pemvura pakwaiva nedutu rinotyisa.Mateu 14:24-33.

Midzimu yakaipa. Midzimu yakaipa ine simba zvikuru kupfuura vanhu. Vanhu vakawanda vakaratidza kuti havana simba rokuzvisunungura pavavengi vaMwari ava vane utsinye. Asi pazviitiko zvakawanda, Jesu paakairayira kuti ibude, akaita kuti ishaye simba pavanhu vayaitambudza. Akanga asingatyi midzimu iyoyo. Asi, yaiziva simba rake uye yaimutya.

Rufu. Zvarunonzi nenzira yakakodzera “muvengi wokupedzisira,” rufu muvengi asina kana munhu anomukunda. (1 VaKorinde 15:26) Asi Jesu akamutsa vakafa, achidzorera kuupenyu mwanakomana weimwe chirikadzi uye mwanasikana aiva nevabereki vaichema. Mune chimwe chiitiko chinokatyamadza, Jesu akamutsa Razaro shamwari yake yaaida kwazvo pamberi pevanhu vakawanda vaichema, kunyange zvazvo murume wacho akanga akafa kwemazuva anoda kusvika mana! Kunyange vavengi vaJesu vaida chaizvo kumuuraya vakabvuma kuti akanga aita chishamiso ichi.Johani 11:38-48; 12:9-11.

Jesu akaitirei zvishamiso zvose izvozvo? Uyewo, vose vaya vaakabatsira havana kuzongofa here? Hongu vakafa, asi zvishamiso zvaJesu zvakabatsira zvikuru. Zvakaratidza kuti uprofita hwose hunofadza hune chokuita nokutonga kwaMambo Mesiya hwaiva hwechokwadi. Hapana chikonzero chokusava nechokwadi kuti Mambo akagadzwa waMwari anogona kubvisa nzara, zvirwere, mamiriro okunze ane ngozi, midzimu yakaipa kana kuti rufu pacharwo. Akatoratidza kuti Mwari akamupa simba rokuita zvose izvozvo.

Kubva mubhuku raMateu, Mako, Ruka, naJohani.