Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 2

Mwari Wechokwadi Ndiani?

Mwari Wechokwadi Ndiani?

Kunongova naMwari mumwe chete wechokwadi, uye zita rake ndiJehovha. (Pisarema 83:18) Mwari Mweya; hatikwanisi kumuona. Anotida uye anoda kuti timudewo. Anodawo kuti tide vamwe vanhu. (Mateu 22:35-40) Ndiye Wemasimbaose, Musiki wezvinhu zvese.

Chisikwa chaMwari chekutanga chaiva munhu wemweya ane simba, akazozivikanwa saJesu Kristu. Jehovha akasikawo ngirozi.

Jehovha ndiye akasika zvinhu zvese zviri kudenga . . . nepanyika. Zvakazarurwa 4:11

Jehovha Mwari akasika nyeredzi nenyika nezvinhu zvese zviri pairi.​—Genesisi 1:1.

Akasika murume wekutanga Adhamu neguruva revhu.​—Genesisi 2:7.