CHIKAMU 4
Chii Chakaitika Kwavari Pavakateerera Satani?
Adhamu naEvha havana kuteerera saka vakafa. Genesisi 3:6, 23
Evha akateerera nyoka ndokudya muchero wacho. Akazopawo Adhamu, akaudya.
Vakaita zvakaipa, vakaita chitadzo. Mwari akavabvisa muParadhiso mavaigara.
Upenyu hwakanga hwakavaomera nevana vavo. Vakachembera vakafa. Pavakafa havana kuenda kunyikadzimu; vakanga vasisipo chete.
Genesisi 3:19
Vakafa havana upenyu sezvakangoita guruva.Tinofa nekuti tese takabva kuna Adhamu naEvha. Vakafa havaoni, havanzwi uye hapana chavanogona kuita.—Muparidzi 9:5, 10.
Jehovha akanga asingadi kuti vanhu vafe. Pasina nguva achamutsa vanhu vakafa. Kana vakamuteerera, vachararama nekusingaperi.