CHIKAMU 6
Tinodzidzei Pane Zvakaitika Pakanaya Mvura Zhinji?
Mwari akaparadza vakaipa asi akaponesa Noa nemhuri yake. Genesisi 7:11, 12, 23
Mvura yakanaya kwemazuva 40 neusiku 40, uye nyika yese yakazara nemvura. Vanhu vese vakaipa vakafa.
Ngirozi dziya dzakapanduka dzakachinja miviri yadzo yenyama uye dzakava madhimoni.
Vaya vaiva muareka vakapona. Kunyange zvazvo Noa nemhuri yake vakazofa, Mwari achavamutsa kuti vararame nekusingaperi.
Mateu 24:37-39
Mwari achaparadzazve vanhu vakaipa uye achaponesa vanhu vakanaka.Satani nemadhimoni ake vachiri kutsausa vanhu.
Mazuva ano vanhu vakawanda havadi kuteerera Jehovha sezvaiitwa nevanhu vepanguva yaNoa. Nekukurumidza Jehovha achaparadza vanhu vese vakaipa.—2 Petro 2:5, 6.
Kune vamwe vanhu vakaita saNoa. Vanoteerera Mwari uye vanoita zvaanoda; Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vacho.