Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 6

Tinodzidzei Pane Zvakaitika Pakanaya Mvura Zhinji?

Tinodzidzei Pane Zvakaitika Pakanaya Mvura Zhinji?

Mwari akaparadza vakaipa asi akaponesa Noa nemhuri yake. Genesisi 7:11, 12, 23

Mvura yakanaya kwemazuva 40 neusiku 40, uye nyika yese yakazara nemvura. Vanhu vese vakaipa vakafa.

Ngirozi dziya dzakapanduka dzakachinja miviri yadzo yenyama uye dzakava madhimoni.

Vaya vaiva muareka vakapona. Kunyange zvazvo Noa nemhuri yake vakazofa, Mwari achavamutsa kuti vararame nekusingaperi.

Mwari achaparadzazve vanhu vakaipa uye achaponesa vanhu vakanaka. Mateu 24:37-39

Satani nemadhimoni ake vachiri kutsausa vanhu.

Mazuva ano vanhu vakawanda havadi kuteerera Jehovha sezvaiitwa nevanhu vepanguva yaNoa. Nekukurumidza Jehovha achaparadza vanhu vese vakaipa.​—2 Petro 2:5, 6.

Kune vamwe vanhu vakaita saNoa. Vanoteerera Mwari uye vanoita zvaanoda; Zvapupu zvaJehovha ndivo vanhu vacho.