Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 7

Jesu Aiva Ani?

Jesu Aiva Ani?

Jehovha akatuma Jesu panyika. 1 Johani 4:9

Kana tichida kufadza Jehovha, pane mumwe munhu anokosha watinofanira kuteerera. Munhu wacho aiva ngirozi ine simba kudenga uye Mwari akamusika asati atombosika Adhamu.

Nekufamba kwenguva Jehovha akazoita kuti aberekwe nemhandara yainzi Mariya muguta reBhetrehema. Akapiwa zita rekuti Jesu.​—Johani 6:38.

Jesu paaiva panyika, zvaaiita zvainge zvakangofanana nezvinoitwa naMwari. Aiva nerudo netsitsi uye vanhu vainzwa vakasununguka kutaura naye. Akadzidzisa vanhu chokwadi nezvaJehovha asingatyi.

Jesu aiita zvakanaka asi aivengwa. 1 Petro 2:21-24

Jesu akarapawo vairwara uye akamutsa vakafa.

Vatungamiriri vechitendero vaivenga Jesu nekuti aifumura nhema dzavaidzidzisa nezvinhu zvakaipa zvavaiita.

Vatungamiriri vechitendero vakanyengetedza vaRoma kuti varove Jesu uye kuti vamuuraye.