Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 8

Kufa kwaJesu Kunotibatsira Sei?

Kufa kwaJesu Kunotibatsira Sei?

Jesu akafa kuti isu tirarame. Johani 3:16

Papera mazuva matatu Jesu afa, vamwe vakadzi vakaenda kuguva rake vakawana musina munhu. Jehovha ainge amutsa Jesu.

Jesu akazoita kuti vaapostora vake vamuone.

Jehovha ainge amutsa Jesu aine muviri wemweya usingafi uye aine simba. Vadzidzi vaJesu vakamuona achikwira kudenga.

Mwari akamutsa Jesu akamuita Mambo weUmambo hwaMwari. Dhanieri 7:13, 14

Jesu akafa kuti adzikinure vanhu. (Mateu 20:28) Mwari anoita kuti tikwanise kurarama nekusingaperi achishandisa rudzikinuro irworwo.

Jehovha akagadza Jesu kuva Mambo achatonga nyika yese. Achatonga nevanhu 144 000 vakatendeka avo vanomutswa kuti vararame kudenga. Jesu nevanhu ivavo 144 000 vanoumba hurumende yekudenga yakarurama inonzi Umambo hwaMwari.​—Zvakazarurwa 14:1-3.

Umambo hwaMwari huchaita kuti nyika ive paradhiso. Hondo, kuparwa kwemhosva nenzara zvichange zvisisipo. Vanhu vachanyatsofara.​—Pisarema 145:16.