Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Tichingogara Tichiitisana Nharo?

Nei Tichingogara Tichiitisana Nharo?

CHITSAUKO 2

Nei Tichingogara Tichiitisana Nharo?

Pakutaurirana kuri panotangira chitsauko chino, Rachel ane zvinhu zvitatu zvaanoita zvinoita kuti vaitisane nharo. Ndezvipi? Nyora mhinduro dzako pasi apa, wobva wadzienzanisa nedziri mubhokisi rakanzi  “Mhinduro” riri papeji 20.

․․․․․

Musi weChitatu manheru. Rachel ane makore 17, apedza mabasa ake epamba, uye yava nguva yake yokuti azorore. Anovhura TV obva anyura zvake musofa raanofarira.

Pakarepo, amai vake vanobva vapinda mumba uye zviri kuoneka kuti havasi kufara. “Rachel! Uri kutambisirei nguva uchiona TV iwe uchifanira kubatsira munin’ina wako kuita homuweki yake? Haumboiti zvaunenge waudzwa!”

Rachel anobva an’urun’uta zvinotonzwika achiti, “Zvatanga futi.”

Amai vacho vanobva vati, “Rachel, wati chii?”

“Hapana,” anodaro Rachel achitura befu achifinyamisa kumeso.

Iye zvino amai vatuta nehasha. Vanobva vati, “Usataure neni uchidaro nhaika!”

Rachel anodzosera achiti, “Ko imiwo matauriro amuri kuita neni?”

Zvokuzorora zvapera . . . kumwezve kuitisana nharo kwatanga.

ZVIRI pamusoro apa zvinoitika here? Iwe nevabereki vako munogara muchiitisana nharo here? Kana zviri izvo, imboongorora mamiriro acho ezvinhu. Inyaya dzipi dzinoita kuti munyanye kunetsana? Isa ✔ mukabhokisi kakakodzera—kana kuti nyora nyaya yako pachako pamberi pepakanzi “Zvimwe.”

□ Mafungiro

□ Mabasa epamba

□ Zvipfeko

□ Nguva yekusvika pamba

□ Zvokuzvivaraidza nazvo

□ Shamwari

□ Vakomana kana vasikana

□ Zvimwe. ․․․․․

Pasinei nokuti inyaya yei, kuitisana nharo kunoita kuti iwe nevabereki vako mutenderere musoro. Ichokwadi kuti unogona kungonyarara zvako wonyepedzera kunge uri kubvumirana nezvose zviri kutaurwa nevabereki vako. Asi ndizvo zvaunotarisirwa naMwari kuti uite here? Aiwa. Ichokwadi kuti Bhaibheri rinokuudza kuti ‘ukudze baba vako naamai vako.’ (VaEfeso 6:2, 3) Asi rinokukurudzirawo kuti ukudziridze “mano okufunga” uye ushandise ‘simba rako rokufunga.’ (Zvirevo 1:1-4; VaRoma 12:1) Paunodaro, uchatoti uve nechokwadi nezvauri kuita, asi pamwe pacho zvingasiyana nezviri kufungwa nevabereki vako. Kunyange zvakadaro, mumhuri dzinoshandisa zvinotaurwa neBhaibheri, vabereki nevana vanogona kukurukura zvakanaka-naka kunyange vasingawirirani pane zvose.—VaKorose 3:13.

Pamunenge muchikurukurirana, ungataura sei zvokuti kukurukurirana kwamunoita hakupedzisiri kwava hondo yemashoko? Zviri nyore kuti: “Vabereki vangu ndivo vane dambudziko. Uyezve, ndivo vanogara vakangoti nangananga neni!” Asi chimbofunga kuti: Unogona kunyatsochinja vamwe vanhu here, kusanganisira vabereki vako? Kutaura chokwadi, munhu waunongogona kuchinja ndiwe pachako. Uye chinofadza ndechokuti, kana iwe ukaita zvaunogona kuti udzikamise zvinhu, vabereki vako vangangoramba vakadzikamawo, voteerera zvaunenge uchitaura.

Saka ngatichionai zvaungaita kuti musaramba muchiitisana nharo. Shandisa mazano anotevera, uye iwe nevabereki vako mungatoshamisika neunyanzvi hwokukurukura hwaunenge wava nahwo.

Funga usati wapindura. Usangobvotomoka chinenge changouya mumusoro paunenge uchiona sokuti uri kupopoterwa. Ngatitii amai vako vanoti: “Nei usina kusuka ndiro? Haumboiti zvaunenge waudzwa!” Mhinduro yokubvotomoka ingava yokuti, “Nei muchingoti nangananga neni?” Asi shandisa mano ako okufunga. Edza kufunga manzwiro avangava vari kuita pane zvavari kutaura. Kazhinji mashoko okuti “nguva dzose” uye “haumbo-” haafaniri kungotorwa sezvaari. Asi anenge achiratidza manzwiro emunhu ari kutaura. Angava api?

Zvimwe amai vako vari kushushikana nokuti vari kuita mabasa epamba akawandisa kupfuura avanofanira kunge vachiita. Vangangove vachida kuva nechokwadi chokuti uchavabatsira. Kana zviri izvo, mapinduriro okuti “Nei muchingoti nangananga neni?” hapana kwaanokusvitsa kunze kwokuti muitisane nharo. Saka pane kudaro, wadii kuita kuti amai vako vasanetseke? Somuenzaniso, ungati: “Ndine urombo amai ndinoziva kuti ndakugumburai. Regai ndibve ndanosuka ndiro dzacho.” Asi ngwarira: Usataure zvisina ruremekedzo. Pindura uchiratidza kunzwira tsitsi uye amai vako vangangonyevenuka vokuudza dambudziko racho chairo. *

Nyora pasi apa mashoko angataurwa nababa kana kuti amai vako angangoita kuti ugumbuke—kana ukabvumira kuti zvidaro.

․․․․․

Iye zvino chifunga nezvemhinduro inoratidza kuti wanzwisisa manzwiro avari kuita pane zvavataura.

․․․․․

Taura nenzira yokuremekedza. Michelle akadzidza kubva pane zvakaitika kwaari kuti matauriro aanoita naamai vake anokosha zvakadini. Anoti, “Hazvinei nokuti inyaya ipi, Amai vanoti havafariri mapinduriro andinoita.” Kana zvirizvo zvaunogara uchiita, dzidza kutaura nenzwi riri pasi uye zvishoma nezvishoma, uye usafinyamisa kumeso kana kuita zvimwe zvinhu zvingaratidza kuti wasemburwa. (Zvirevo 30:17) Kana ukaona kuti wava kuda kugumbuka, ita munyengetero mupfupi nechomumwoyo. (Nehemiya 2:4) Kutaura zvazviri, chinangwa chako hachisi chokuti ubatsirwe naMwari kuti ‘vabereki vako vasaramba vachingoti nangananga newe’ asi ndechokuti urambe uchizvidzora kuitira kuti zvinhu zvisawedzera kuipa.—Jakobho 1:26.

Nyora pasi apa mapinduriro kana kuti zvimwe zvaungangoita zvaunofanira kudzivisa.

Mapinduriro (zvaunotaura):

․․․․․

Maitiro (zvaunoita chiso kana kuti muviri):

․․․․․

Teerera. Bhaibheri rinoti: “Panowanzwa mashoko kutadza hakushayikwi.” (Zvirevo 10:19, Bhaibheri Rinoera) Saka ona kuti wapa baba kana kuti amai vako mukana wokuti vataure, uye nyatsoteerera. Usavadimburira uchida kuratidza kuti hauna chawakanganisa. Ingoteerera chete. Pave paya pavanenge vapedza kutaura, uchange wava nemukana wakakura wokubvunza mibvunzo kana kutsanangura maonero ako. Asi pavanenge vachitaura ukaita chandagwinyira kuti utaure zvaunofunga, ungangoita kuti zvinhu zvinyanye kuipa. Kunyange ungave nezvakawanda zvokutaura, iyoyo ingangova “nguva yokunyarara.”—Muparidzi 3:7.

Inzwa uchida kukumbira ruregerero. Zvakanaka nguva dzose kuti uti “Ndine urombo” pane zvose zvaunenge waita zvakonzera kuti mukakavadzane. (VaRoma 14:19) Ungatokumbira ruregerero pamusana pokukakavadzana kwamunenge maita. Kana uchiona zvakakuomera kuzvitaura makatarisana, edza kuita zvokunyora. Zvadaro, itoita zvakawanda nokuchinja maitiro angave akonzera kuti mukakavadzane. (Mateu 5:41) Somuenzaniso, kana kuri kuti une basa repamba rausina kuita raita kuti muitisane nharo, wadii kuita kuti vabereki vako vazongoona waita basa racho? Kunyange kana usingafariri basa racho, kuriita kungasava nani here pane kuzotosvorana nevabereki vako pavanoona kuti harisati raitwa? (Mateu 21:28-31) Funga kuti kuita zvaunofanira kuita kunobatsira sei kuti usanyanye kunetsana nevabereki vako.

Mhuri dzinofara dzinombokakavadzana, asi dzinoziva kugadzirisa matambudziko acho zvine rugare. Shandisa mazano ataurwa muchitsauko chino, uye uchaona kuti ungakwanisa kukurukura kunyange nyaya dzakaoma nevabereki vako—pasina kuitisana nharo!

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Unonzwa sokuti vabereki vako vanofanira kukupa rusununguko rwakawanda here? Kana zvakadaro, ungaitei?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 26 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, Chitsauko 21.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Vanhu vakanaka vanofunga vasati vapindura.”—Zvirevo 15:28, Today’s English Version.

Zano

Vabereki vako pavanenge vachitaura newe, dzima mumhanzi, isa mabhuku kana kuti magazini ako parutivi wobva waramba wakatarisana navo.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kugadzirisa kana kuti kudzivisa kukakavadzana kuchaita kuti zvikuitire nyore. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti munhu “ane mutsa worudo anoitira mweya wake zvakanaka.”—Zvirevo 11:17.

ZVANDINORONGA KUITA!

Zano riri muchitsauko chino randinoda kunyanya kushandisa ndeiri ․․․․․

Ndinoda kutanga kushandisa zano iri kutanga pana (nyora musi) ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei vamwe vezera rako vachifunga kuti kuhwina pakuitisana nharo kwakanaka?

● Nei Jehovha Mwari achiona munhu ane nharo sebenzi?—Zvirevo 20:3.

● Zvinokubatsirei kana ukaderedza kunetsana kwaunoita nevabereki vako?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 18]

Dzimwe nguva amai vangu vanoti ‘Ndine urombo,’ vachindimbundira ndobva ndafara. Tinobva takanganwa zvinenge zvaitika. Ndinoedzawo kuita izvozvo. Kumbozvininipisa ndoti nemwoyo wose ‘Ndine urombo’ kunobatsira zvikuru, kunyange zvazvo ndichibvuma kuti hazvisi nyore.’’—Lauren

 [Bhokisi riri papeji 20]

Mhinduro

1. Kushandisa mashoko ekutsvinya (“Zvatanga futi”) kunongoita kuti amai vake vawedzere kugumbuka.

2. Zvaitwa pachiso naRachel (kufinyamisa kumeso) kwanga kuri kudenha.

3. Kupindura zvisina ruremekedzo (“Ko imiwo matauriro amuri kuita neni?”) kunowanzoita kuti zviwedzere kuipa.

[Mufananidzo uri papeji 19]

Kuitisana nharo nomubereki kwakafanana nokumhanya pamuchina wekusimbisa muviri—unoshandisa simba rakawanda asi hapana kwaunoenda