Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingawana Sei Rusununguko Rwakawanda?

Ndingawana Sei Rusununguko Rwakawanda?

CHITSAUKO 3

Ndingawana Sei Rusununguko Rwakawanda?

“Ndinoshuva kuti dai vabereki vangu vachimbondirega ndichivhakacha apo neapo.”—Sarah, 18.

“Ndinogara ndichibvunza vabereki vangu kuti nei vasingandivimbi pandinenge ndichida kumbonotandara neshamwari dzangu. Vanowanzondiudza kuti: ‘Tinovimba newe, asi hatingovimbi neshamwari dzako.’”—Christine, 18.

KUFANANA naSarah naChristine, unoshuva kuva norusununguko rwakawanda here? Kuti uruwane, unofanira kuita kuti vabereki vako vavimbe newe. Asi chivimbo chakangofanana nemari. Zvakaoma kuiwana asi kurasikirwa nayo kuri nyore, uye pasinei nokuti unopiwa yakawanda zvakadini, haimbofi yakaita seinokwana. Iliana ane makore 16 anoti, “Pose pandinoda kuvhakacha, vabereki vangu vanondinaya nemibvunzo vachindibvunza kwandinenge ndichienda, vanhu vandichaenda navo, zvandichange ndichiita, uye kuti ndichadzoka nguvai. Ndinoziva kuti vabereki vangu, asi zvinondisvota chaizvo pavanondibvunza saizvozvo!”

Zvii zvaungaita kuti vabereki vako vawedzere kuvimba newe uye vakupe rusununguko rwakawanda? Tisati tapindura mubvunzo iwoyo, ngationei kuti nei kuvimbana iri nyaya inonetsa pakati pevabereki vakawanda nevechiduku.

Kunetsana Kunovapo

Bhaibheri rinoti “murume achasiya baba vake naamai vake.” (Genesisi 2:24) Izvozvo zvinogonawo kutaurwa nezvomukadzi. Ungave uri mukomana kana kuti musikana, pakuyaruka unenge uchigadzirira kuva munhu mukuru—pauchazokwanisa kubva pamba uye zvichida kuva nemhuri yako. *

Zvisinei, kuchinja kuti uve munhu mukuru hakuna kufanana nedhoo raunongopinda naro paunenge wasvika rimwe zera. Kwakaita semasitepisi aunokwira danho nedanho, paunenge uchiyaruka. Chokwadi, iwe nevabereki vako mungave muchifunga zvakasiyana kuti wasvika papi pakukwira masitepisi acho. Maria uyo anofunga kuti vabereki vake havavimbi naye pakusarudza kwaanoita shamwari dzake anoti, “Ndine makore 20 uye iyi ichiri nyaya inonetsa. Vabereki vangu vanofunga kuti handina ushingi hwokubva panenge pachiitwa zvakaipa. Ndakaedza kuvaudza kuti ndakatombobva kakawanda paiitwa zvakaipa, asi havagutsikani nazvo!”

Sezvinoratidzwa nemashoko aMaria, nyaya yokuvimbana inogona kuita kuti pave nemakakatanwa pakati pevechiduku nevabereki. Ndizvo zviri kuitika mumhuri menyu here? Kana zvakadaro, ungaita sei kuti vabereki vako vawedzere kuvimba newe? Uye kana vasingachavimbi newe pamusana pokuti unoita zvinhu nokusachenjera, chii chaungaita kuti vavimbezve newe?

Ratidza Kuti Wakavimbika

Muapostora Pauro akanyorera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti: “Rambai muchizviedza kuti muone kuti makadini.” (2 VaKorinde 13:5) Ichokwadi kuti akanga asiri hake kuudza vari kuyaruka. Kunyange zvakadaro, izvi zvinoshanda kwavari. Kazhinji unopiwa rusununguko zvichienderana nokuti unoratidza kuti unogona kuvimbwa newe zvakadini. Haufaniri hako kunge wakakwana. Uyewo, munhu wose anokanganisa. (Muparidzi 7:20) Zvisinei, maitiro ako anoita here kuti vabereki vako vave nechikonzero chokuti varege kuvimba newe?

Somuenzaniso, Pauro akanyora kuti: “Tinoda kuva vakatendeseka muzvinhu zvose.” (VaHebheru 13:18) Zvibvunze kuti, ‘Ndinoratidza kuti ndakatendeseka zvakadini pakuudza vabereki vangu kwandinenge ndaenda uye zvandinenge ndichiita?’ Chimboona zvakataurwa nevamwe vechiduku vashomanana vakaona kuti vane zvavaifanira kugadzirisa panyaya iyi. Pashure pokunge waverenga zvavakataura, pindura mibvunzo iri pasi apa.

Lori: “Ndaitumira mumwe mukomana wandaida tsamba dzee-mail pasina aizviziva. Vabereki vangu vakazviziva vachibva vandiudza kuti ndisiyane nazvo. Ndakavavimbisa kuti ndaizorega, asi handina. Ndakaramba ndichizviita kwegore rose. Ndaimunyorera, vabereki vangu vozviziva, ndaikumbira ruregerero uye ndaivimbisa kuzvirega, asi ndaizviita zvekare. Vabereki vangu vakazopedzisira vasingachavimbi neni zvachose!”

Unofunga kuti nei vabereki vaLori vakarega kuvimba naye? ․․․․․

Dai waiva mubereki waLori, ungadai wakaita sei uye nei? ․․․․․

Lori angadai akaita sei kuratidza kuti anogona kuvimbwa naye apo vabereki vake vakatanga kutaura naye nezvedambudziko racho? ․․․․․

Beverly: “Panyaya yevakomana, vabereki vangu vakanga vasingambovimbi neni, asi iye zvino ndava kunzwisisa chikonzero chacho. Ndaitamba nevakomana vaviri vaiva vakuru kwandiri nemakore maviri ndichiita sendaivada. Ndaipedzawo nguva yakawanda ndichitaura navo pafoni, uye pakutandara nevamwe ndivo vandaiwanzotaura navo. Vabereki vangu vakanditorera foni yangu kwemwedzi, uye vaisandibvumidza kuenda kunzvimbo dzainge dziine vakomana ava.”

Dai waiva vabereki vaBeverly, ungadai wakaita sei uye nei? ․․․․․

Unofunga kuti zvaiitwa nevabereki vaBeverly kwaari zvakanga zvisina musoro here? Kana zvakadaro, nei? ․․․․․

Beverly angadai akaita sei kuti vabereki vake vatange kuvimba naye zvakare? ․․․․․

Kuita Kuti Uvimbwezve

Kufanana nevechiduku vambotaurwa pamusoro apa, zvakadini kana maitiro ako akaita kuti vabereki vako varege kuvimba newe? Kunyange kana zviri izvo zvakaitika, iva nechokwadi chokuti unogona kuita kuti vavimbezve newe. Sei?

Vabereki vako vangangowedzera kuvimba newe uye kuwedzera rusununguko rwako paunoramba uchiratidza kuti uri munhu anogona kuvimbwa naye. Annette akazonzwisisa izvozvo. Anoti, “Paunenge uchiri muduku, unenge usinganyatsonzwisisi kuti kuva munhu anovimbwa kunokosha. Iye zvino ndinonzwa kuda kuita zvinhu ndisingatumwi, uye ndinonzwa ndichifanira kuita zvinhu nenzira ichaita kuti vabereki vangu varambe vachivimba neni.” Unofanira kudzidzei pane izvi? Pane kunyunyuta kuti vabereki vako havavimbi newe, ramba uchiratidza unhu hunoita kuti vavimbe newe. Ungangowana rusununguko rwakawanda.

Somuenzaniso, uri munhu anogona kuvimbwa naye here pazvinhu zviri pasi apa? Isa ✔ mubhokisi riri padivi pemaitiro api neapi aunofanira kushandira paari.

□ Kusvika pamba nenguva yandinotarisirwa kusvika nevabereki vangu

□ Kuita zvose zvandakavimbisa

□ Kubata nguva

□ Kushandisa mari nouchenjeri

□ Kupedza mabasa epamba

□ Kumuka nenguva ndisingaiti nharo

□ Kuchengetedza imba yangu yakachena

□ Kutaura chokwadi

□ Kushandisa foni kana kuti kombiyuta zvakanaka

□ Kubvuma zvandinokanganisa uye kukumbira ruregerero

□ Zvimwe ․․․․․

Wadii kutsunga kuti uratidze kuti wakavimbika muzvinhu zvawamaka? Tevedzera zano riri muBhaibheri rinoti: ‘Bvisai unhu hwekare hunotsinhirana nowaimbova mufambiro wenyu.’ (VaEfeso 4:22) “Hungu wenyu ngaave Hungu.” (Jakobho 5:12) “Mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake.” (VaEfeso 4:25) “Teererai vabereki venyu pazvinhu zvose.” (VaKorose 3:20) Nokufamba kwenguva, kufambira mberi kwako kuchaonekwa nevamwe, kusanganisira vabereki vako.—1 Timoti 4:15.

Asi zvakadini kana uchifunga kuti pasinei nezvaunoedza kuita, vabereki vako havasi kukupa rusununguko rwaunofanira kuva narwo? Wadii kutaura navo nezvazvo? Pane kunyunyuta kuti vanofanira kuwedzera kuvimba newe, vabvunze noruremekedzo kuti vanofunga kuti unofanira kuitei kuti vavimbe newe. Vatsanangurire zvakajeka zvinangwa zvako panyaya iyi.

Usatarisira kuti vabereki vako vachabva vangochinja pane zvavanokurambidza. Hapana mubvunzo kuti vachada kuva nechokwadi chokuti uchaita zvaunovimbisa. Shandisa mukana uyu kuti uratidze kuti uri munhu anogona kuvimbwa naye. Nokufamba kwenguva, vabereki vako vachawedzera kuvimba newe uye kukupa rusununguko. Ndizvo zvakaitika kuna Beverly, ambotaurwa. “Zvakaoma kuti uvimbwe pane kuti usavimbwe,” anodaro, uye anowedzera kuti, “Iye zvino ndava munhu anovimbwa naye, uye ndiri kufara!”

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 22

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Vabereki vako vakarambana here? Ungaramba sei wakadzikama kana zvinhu zvaita manyama amire nerongo?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Chitsauko 7 chebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Hamufaniri kushandisa rusununguko rwenyu sechinhu chokuzvipembedza nacho pakuita zvakaipa.”—1 Petro 2:16, Contemporary English Version.

ZANO

Pane kuti uenzanise zvinhu zvaunorambidzwa iye zvino norusununguko rungava nemukoma wako, enzanisa zvinhu zvawaimborambidzwa pawaiva muduku norusununguko rwauinarwo iye zvino.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Harusi rudo kana vabereki vachirega mwana achiita madiro asi kushaya hanya.

ZVANDINORONGA KUITA!

Ndichawedzera kuvimbwa neni pane zvinotevera: ․․․․․

Kana vabereki vangu vasisavimbi neni, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei vabereki vako vangazeza kukupa rusununguko rwakawedzerwa kunyange kana uchiedza nepaunogona napo kuti uratidze kuti uri munhu anogona kuvimbwa naye?

● Kukwanisa kukurukura nevabereki vako kunoita sei kuti vade kukupa rusununguko rwakawedzerwa?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]

Pandinenge ndichitaura nevabereki vangu, ndinonzwa ndakasununguka kutaura matambudziko angu uye zvinondidya mwoyo. Ndinofunga kuti izvi ndizvo zvinoita kuti zvive nyore kwavari kuvimba neni.’’—Dianna

[Dhiagramu/Mufananidzo uri papeji 23]

Kuchinja kuti uve munhu mukuru anovimbwa naye kwakafanana nemasitepisi aunokwira danho nedanho, paunenge uchiyaruka

[Dhiagramu]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

KUVA MUNHU MUKURU

KUYARUKA

UDUKU