Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?

Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?

CHITSAUKO 6

Ndingawirirana Sei Nevana Vomumba Medu?

Ungayera sei kuwirirana kwaunoita nevana vomumba menyu kudai taizviisa pachikero chine nhamba 1 kusvika ku5, 1 ichimiririra “kusanyanya kuwirirana” uye 5 ichimiririra “kuwirirana zvikuru”? ․․․․․

VAMWE vana vanowirirana zvokuti huya uone. Somuenzaniso Felicia, ane makore 19 anoti, “Munin’ina wangu Irena, ane makore 16, ndemumwe weshamwari dzangu dzepamwoyo.” Uye Carly ane makore 17 anoti nezvehanzvadzi yake Eric ine makore 20: “Tinowirirana zvisina mukare akamboona. Hatimbopopotedzani.”

Asi kune vamwewo vakawanda vanoita zvinoitwa naLauren naMarla. Lauren anoti, “Tinopopotedzana pakanhu kese kese. Hazvina basa kuti kanyaya kacho ndekenhando.” Kana kuti zvimwe ungabvumirana nezvinotaurwa naAlice ane makore 12 nezvehanzvadzi yake Dennis ane makore 14. Alice anoti, “Anondisvota zvokuti! Anongopinda mumba mangu achitora zvinhu asina kukumbira uye asingazvidzosi. Dennis chana chaicho!”

Mumhuri menyu mune mwana anokusvota here? Ichokwadi kuti vabereki vako ndivo vane basa rokuti mumba muve norunyararo. Asi nokufamba kwenguva, unofanira kudzidza kuwirirana nevamwe. Unogona kudzidza izvi uchiri pamba.

Chimbofunga nezvokupopotedzana kwawakamboita nemukoma kana munin’ina wako kana kuti hanzvadzi yako. Munowanzopopotedzana nezvechii? Ona zviri pasi apa woisa ✔ mubhokisi riri padivi pezvinoita kuti uvire nehasha!

Zvinhu zvako. Anongotora zvinhu zvangu asina kukumbira.

Kusiyana kweunhu. Ane udyire kana kuti anoita zvinhu asina kufunga kana kuti anoedza kundiudza zvokuita noupenyu hwangu.

Kusandiremekedza pazvinhu zvangu. Anongopinda mumba mangu asina kana kumbogogodza kana kuti anoverenga mae-mail nemameseji angu asina kundikumbira.

Zvimwe ․․․․․

Zvinogona kuoma kuti usagumbuka kana mumwe mwana womumba menyu achiramba achingoita zvinhu zvinogumbura, achingokuudza zvokuita uye achida kungoziva zvose zvose zvaunoita. Asi chimwe chirevo chiri muBhaibheri chinoti: “Mhino dzadzvinyiwa dzinobudisa ropa, saizvozvowo hasha dzavambwa dzinobudisa kukakavara.” (Zvirevo 30:33; Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Kana ukadzvinya mhino inobuda ropa, saka ukachengeta chigumbu zvinoguma nokupopota nehasha. Dambudziko racho rinobva ratowedzera. (Zvirevo 26:21) Kana paine zviri kukusvota, ungaitei kuti musasvike pakupopotedzana? Danho rokutanga nderokuziva pane nyaya chaipo.

Nyaya Iri Pane Zvaitika Zvacho Here Kana Kuti Zvazvikonzera?

Kunetsana kwevana vomumhuri imwe chete kwakafanana nemburwa. Mburwa inoonekwa nechipundu chisingafadzi kuona chinenge chabuda paganda, asi chinenge chakonzera mburwa yacho utachiona hunenge huri mukati. Saizvozvowo, kusawirirana pakati pevana chiratidzo chokuti pane chiri kukonzera kuti zviitike.

Ungaedza kurapa mburwa nokuisvina. Asi unenge uchingorapa zviratidzo zvacho uye ungasiya vanga kana kutowedzera utachiona hwacho. Zviri nani ndezvokuuraya utachiona hwacho zvobva zvaita kuti husapararire. Izvi ndizvo zvinoitika pamatambudziko evana vomumhuri imwe chete. Dzidza kuona zvinenge zvakonzera nyaya yacho, uye uchasvika pamudzi wedambudziko racho usingatarisi chete zvinenge zvaitika. Uchakwanisawo kushandisa zano raMambo akachenjera Soromoni, uyo akanyora kuti: “Njere dzomunhu dzinodzora kutsamwa kwake.”—Zvirevo 19:11.

Somuenzaniso, Alice ambotaurwa nezvake anoti nezvaDennis hanzvadzi yake, “Anongopinda mumba mangu achitora zvinhu asina kukumbira uye asingazvidzosi.” Izvozvo ndizvo zvinoitika. Asi unofunga kuti nyaya chaiyo iri pakuti kudii? Ingangova iine chokuita nokuremekedzana. Alice anogona kuedza kugadzirisa nyaya yacho nokuudza Dennis kuti asazombopinda mumba make kana kuti asazomboshandisa zvinhu zvake. Asi kuita izvozvo kunongova kugadzirisa zvaitika chete, uye kungatoita kuti vanetsanezve. Zvisinei, kana Alice akanyatsobatsira Dennis kuti amuremekedze pazvinhu zvake, zvichaita kuti vawirirane zviri nani.

Dzidza Kugadzirisa Kana Kuti Kudzivisa Kunetsana

Ichokwadi kuti kuziva zvinokonzera dambudziko raungava naro nemwana womumhuri menyu kunongova danho rokutanga rokugadzirisa nyaya yacho. Zvii zvaungaita kuti ugadzirise nyaya yacho uye kuti musazopopotedzanazve? Edza kutora matanho matanhatu anotevera.

1. Bvumiranai mitemo yamuchashandisa. Tarisazve zvinhu zvawati ndizvo zvinoita kuti unetsane nemwana womumba menyu. Ona kana mose mungava nemitemo yamunobvumirana kuti mugadzirise chiri kukonzera dambudziko racho. Somuenzaniso, kana muchinetsana panyaya yezvinhu, Mutemo wokutanga ungava wokuti: “Nguva dzose kumbira usati watora chinhu chomumwe.” Mutemo wechipiri ungava wokuti: “Remekedza kodzero yomumwe yokuti, ‘Kwete, haukwanisi kushandisa chinhu ichocho.’” Pamunenge muchidzika mitemo iyi, fungai nezvomurayiro waJesu wokuti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Kana mukaita izvi, muchadzika mitemo yamunogona kutevedzera mose. Uye kurukurai nevabereki venyu kuti muve nechokwadi chokuti vanobvumirana nemitemo yenyu.—VaEfeso 6:1.

2. Iwewe tevedzerawo mitemo yacho. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvisinei, iwe unodzidzisa mumwe munhu, hauzvidzidzisi here? Iwe, unoparidza kuti ‘Usaba,’ haubi here?” (VaRoma 2:21) Ungashandisa sei rugwaro rwacho? Somuenzaniso, kana uchida kuti mumwe wako akuremekedze pazvinhu zvako, unofanirawo kugogodza usati wapinda mumba make kana kuti kumukumbira usati waverenga mae-mail kana mameseji ake.

3. Usakurumidza kugumbuka. Nei zano iri rakanaka? Nokuti chimwe chirevo chiri muBhaibheri chinoti, “mapenzi ndiwo anokurumidza kutsamwa uye kuchengeta mafi.” (Muparidzi 7:9, Contemporary English Version) Kana uchikurumidza kugumbuka, uchagara usingafari muupenyu hwako. Ichokwadi kuti vana vomumba menyu vangaita kana kuti vangataura zvinokugumbura. Asi zvibvunze kuti, ‘Ndakambovaitira zvakada kudaro here?’ (Mateu 7:1-5) Jenny anoti, “Pandaiva nemakore 13, ndaifunga kuti ndaiziva kupfuura vamwe vose uye zvandaifunga ndizvo zvainyanyokosha uye ndizvo zvaifanira kuteererwa. Munin’ina wangu ndizvo zvaava kuitawo. Saka ndinoedza kuita kuti ndisagumburwa nezvaanotaura.”

4. Kanganwira wobva wakanganwa nezvenyaya yacho. Matambudziko makuru anofanira kukurukurwa ogadziriswa. Asi unofanira kubva wangomubvunza kose kose kaanenge akanganisa here? Jehovha Mwari anofara chaizvo kana uchida “kukanganwira kudarika kwomumwe.” (Zvirevo 19:11, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Alison ane makore 19 anoti: “Ini nemunin’ina wangu Rachel tinogona kupedza kusawirirana kwatinenge taita. Tinokurumidza kukumbirana ruregerero totaura zvatinofunga kuti ndizvo zvaita kuti tisawirirane. Dzimwe nguva ndinombosiya nyaya yacho yakadaro ndozozviona mangwana acho. Mangwana acho zvinenge zvava kuita sokuti hapana chakamboitika uye handizombotaurizve nezvazvo.”

5. Itai kuti vabereki venyu vakuyananisei. Kana mukatadza kugadzirisa nyaya inokosha, vabereki venyu vangakubatsirai kuti muite kuti pave norugare. (VaRoma 14:19) Zvisinei, yeuka kuti kukwanisa kugadzirisa kusawirirana musingakumbiri rubatsiro rwevabereki venyu kunoratidza kukura chaiko.

6. Ongawo zvakanaka zvinoitwa nevamwe vana. Vana vomumba menyu vangangodaro vaine unhu hwaunoyemura. Nyora chinhu chimwe chaunoonga pane mumwe nomumwe wavo.

Zita Chandinoonga

․․․․․ ․․․․․

Pane kungoti nangananga nezvavanokanganisa, wadii kutsvaka mukana wokuvaudza nezvezvinhu zvaunoyemura pavari?—Pisarema 130:3; Zvirevo 15:23.

Bhaibheri rinototaura kuti mukoma, munin’ina kana kuti hanzvadzi angasava shamwari yako yepedyo nguva dzose. (Zvirevo 18:24) Asi unogona kusimbisa ushamwari hwako nevana vomumba menyu kana ‘mukaramba muchishivirirana,’ kunyange zvazvo vachiita kuti uve ‘nechikonzero chakanaka chokunyunyuta.’ (VaKorose 3:13) Kana ukaita izvi, hauzonyanyi kusvotwa nevana vomumba menyu. Uye iwewo hauzonyanyi kuvagumbura!

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Unoziva sei kuti wanyatsogadzirira kubva pamba?

RUGWARO RUNOKOSHA

“Kunzwisisa kwenyu ngakuzivikanwe nevanhu vose.”—VaFiripi 4:5.

ZANO

Kana uine mwana womumba menyu waunoona kuti akaoma kugarisana naye zvakanaka, iva nemaonero akanaka okuti mwana iyeye ari kukubatsira kuwana zvidzidzo zvinokosha zvichazokubatsira mune remangwana!

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Paunobva pamba dzimwe nguva ungagara nevanhu vanokusvota—vaunoshanda navo uye vamwe vasina ruremekedzo, vasingakendengi uye vanongozvifunga. Kana uri pamba ndipo paunokwanisa kudzidza kugadzirisa matambudziko iwayo zvine rugare.

ZVANDINORONGA KUITA!

Mimwe mitemo yatingabvumirana nemwana kana vana vomumba medu ndeiyi ․․․․․

Ndingarega kunyanya kugumbura vana vomumba medu kana ndika- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei zvichikosha kuona kusiyana kwakaita zvakaitika nezvakakonzera nyaya yacho?

● Unoona zvakanakirei kuva nevakoma kana vanin’ina kana kuti hanzvadzi?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 46]

Dai pasina hanzvadzi yangu uye munin’ina wangu, ndingadai ndisina kumbonakidzwa noupenyu sezvandakaita. Ndinoti kune vaya vane vanin’ina, madzikoma nehanzvadzi, ‘Vakoshesei!’’’—Marilyn

[Bhokisi riri papeji 42]

 

Ziva Pane Nyaya Chaipo

Unoda kunatsiridza unyanzvi hwako hwokuziva zvinoita kuti vana vomumhuri vanetsane here? Kana zvakadaro, verenga mufananidzo waJesu wemwanakomana akabva pamba ndokupambadza pfuma yake. (Ruka 15:11-32) Nyatsocherechedza kuti mukomana mukuru akaita sei munin’ina wake paakadzoka kumba. Ibva wapindura mibvunzo inotevera.

Chii chakaitika chakakonzera kuti mukomana mukuru aite zvaakaita? ․․․․․

Unofunga kuti nyaya yakakonzera yakanga iri yei?․․․․․

Baba vavo vakaedza kugadzirisa nyaya yacho sei? ․․․․․

Mukomana mukuru aifanira kuitei kuti nyaya yacho igadziriswe? ․․․․․

Iye zvino chifunga nezvekunetsana kwauchangobva kuita nemwana womumba menyu. Ibva wanyora mhinduro dzako pamberi pemibvunzo iri pasi apa. ․․․․․

Chii chakaitika chakaita kuti munetsane? ․․․․․

Unofunga kuti nyaya ingava yakazvikonzera ndeipi? ․․․․․

Mitemo ipi yamungabvumirana kushandisa ingagadzirisa nyaya yacho kuitira kuti musazonetsanazve? ․․․․․

[Mufananidzo uri papeji 43]

Kunetsana kwevana vomumhuri imwe chete kwakafanana nemburwa—kuti dzibve unofanira kuuraya utachiona hwacho kwete kungorwisa chiratidzo chacho