Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndagadzirira Kubva Pamba Here?

Ndagadzirira Kubva Pamba Here?

CHITSAUKO 7

Ndagadzirira Kubva Pamba Here?

“Dzimwe nguva ndinombonzwa sokuti vanhu vanonditarisira pasi nokuti ndine makore 19 asi ndichiri kugara pamba nevabereki vangu, sokunge kuti handizombokuri ndokugona kuzviraramira ndoga.”—Katie.

“Ndava kuda kusvitsa makore 20 uye zvinondirwadza kuti handina kusununguka kuita zvandinoda nemhaka yokuti ndichiri kugara pamba. Ndiri kufunga nezvekubva pamba.”—Fiona.

USATI watombogadzirira kubva pamba, ungatanga kunzwa kuda kuzvimiririra. Vakawanda vanonzwawo saizvozvo. Uyewo sezvinokurukurwa muChitsauko 3, chinangwa chaMwari chepakutanga chaiva chokuti vaduku vakure vosiya baba naamai vavo vova nemhuri dzavo. (Genesisi 2:23, 24; Mako 10:7, 8) Asi ungaziva sei kana wanyatsogadzirira kubva pamba? Funga nezvemibvunzo mitatu inokosha yaunofanira kupindura. Wokutanga ndeuyu . . .

Nei Ndichida Kubva Pamba?

Tarisa zvakanyorwa pasi apa. Isa nhamba zvichienderana nokukosha kwezvikonzero zvinoita kuti ude kubva pamba.

․․․․․ Ndinoda kutiza matambudziko epamba

․․․․․ Ndinoda kuva nerusununguko rwakawanda

․․․․․ Ndinoda kuremekedzwa neshamwari dzangu

․․․․․ Ndinoda kubatsira shamwari yangu inoda wokugara naye

․․․․․ Ndinoda kubatsira mubasa rokuzvipira kune imwe nzvimbo

․․․․․ Ndinoda kudzidza kuti ndingagara sei ndoga

․․․․․ Ndinoda kurerutsira vabereki vangu panyaya dzemari

․․․․․ Zvimwe ․․․․․.

Zvikonzero zviri pamusoro apa hazvina kumboipa. Mubvunzo ndewokuti, Chinangwa chako ndechei? Somuenzaniso, kana uchida kubva pamba nokuti chete unoda kusununguka kuita zvaunoda, ungangozoshamisika!

Danielle uyo akambobva pamba kwekanguva paaiva nemakore 20, akadzidza zvakawanda kubva pane zvakaitika kwaari. Anoti: “Munhu wose anototi ararame aine zvimwe zvaanorambidzwa kuita. Kana uchirarama woga, nguva yaunoshanda kana kuti kushaya mari zvichakutadzisa kuita zvaunoda.” Carmen, uyo akatamira kune imwe nyika kwemwedzi mitanhatu anoti: “Zvakandinakidza chaizvo asi ndaingonzwa sokuti ndakanga ndisina nguva yokumbozorora! Ndaifanira kugara ndichiita mabasa emumba akadai sekuchenesa mumba, kugadzira zvinhu zvainge zvisingachashandi, kudzura masora pachivanze, kuwacha, kukorobha, nezvimwewo.”

Usarega vamwe vachiita kuti umhanyirire kusarudza kubva pamba. (Zvirevo 29:20) Kunyange kana ungava nezvikonzero zvine musoro zvokuti ubve pamba, handizvo chete zvinodiwa. Unofanira kunge uchikwanisa kuzviriritira—zvotisvitsa pamubvunzo wechipiri . . .

Ndagadzirira Here?

Kubva pamba uri woga kwakafanana nokufamba musango. Ungaenda here kunzvimbo isingagari vanhu usingagoni kudzika tende, kubatidza moto, kubika kana kuverenga mepu? Kwete! Asi vechiduku vakawanda vanobva pamba vaine ruzivo rushoma runodiwa pakutarisira imba.

Mambo akachenjera Soromoni akati “munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.” (Zvirevo 14:15) Kuti ubatsirwe kuona kana wagadzirira kubva pamba uri woga, funga nezvemisoro inotevera. Isa padivi peunyanzvi hwaunotova nahwo uye X padivi pehuya hwaunoda kushandira.

Kushandisa mari zvakanaka: Serena ane makore 19 anoti, “Handisati ndambozvibhadharira chero chinhu chipi zvacho. Ndinotya kubva pamba ndozobhajeta mari yangu ndega.” Ungadzidza sei kushandisa mari zvakanaka?

Chirevo cheBhaibheri chinoti: “Munhu akachenjera achateerera owana mumwe murayiridzo.” (Zvirevo 1:5) Saka wadii kubvunza vabereki vako kuti zvingada marii pamunhu mumwe chete pavhiki yokubhadhara rendi kana kuti chikwereti chemba, kutenga zvokudya, uye kutarisira motokari kana kubhadhara mari yokufambisa? Wadaro chivakumbira kuti vakudzidzise kuti kubhajeta mari uye kubhadhara mabhiri zvinoitwa sei. *

Unyanzvi hwokuita mabasa epamba: Brian ane makore 17 anoti kuzviwachira mbatya dzake ndicho chinhu chinonyanya kuita kuti asada kubva pamba. Ungaziva sei kana wagadzirira kuzviriritira? Aron ane makore 20 anopa zano iri: “Edza kumborarama kwevhiki uchiita sokuti uri woga. Idya chete zvokudya zvaunozvibikira woga, zvaunozvitengera woga kuchitoro uye zvaunotenga nemari yaunenge watambira. Pfeka mbatya dzaunenge wawacha uye waayina wega. Chenesa pose paunenge wasvibisa mumba. Uye edza kuenda kwose kwaunoda uri woga pasina anokuendesa kana kuzokutora.” Kutevedzera zano iri kuchakubatsira pazvinhu zviviri: Zvichaita kuti (1) uve neunyanzvi hunokosha uye (2) uwedzere kukoshesa basa rinoitwa nevabereki vako.

Kugarisana nevamwe zvakanaka: Unowirirana nevabereki vako uye vana vomumba menyu here? Kana zvisina kudaro ungafungidzira kuti upenyu hungava nyore kana ukanogara neshamwari yako. Asi funga zvinotaurwa naEve ane makore 18 kuti: “Shamwari dzangu mbiri dzakaenda kunogara dzose. Vaiwirirana chaizvo vasati vava kugara vose asi vakanga vasingachawirirani pavakanga vava kugara vose. Mumwe wacho aiva noutsanana asi mumwe aine uchapa. Mumwe wacho ainyanya kukoshesa zvokunamata asi mumwe wacho akanga asingadaro. Vakanga vasingawirirani!”

Ungaitei kuti izvi zvisaitika? Erin ane makore 18 anoti: “Unogona kudzidza zvakawanda nezvekugarisana nevanhu uchiri pamba. Unodzidza kugadzirisa matambudziko uye kubvuma zvinodiwawo nevamwe. Ndakacherechedza kuti vaya vanobva pamba kuti varege kunetsana nevabereki vavo vanodzidza kuti vangatiza sei matambudziko kwete kuti vangaagadzirisa sei.”

Purogiramu yokunamata: Vamwe vanobva pamba vachitiza purogiramu yevabereki vavo yokunamata. Vamwe vanenge vachida chaizvo kuramba vaine purogiramu yakanaka yokudzidza Bhaibheri uye kunamata asi pasina nguva vanotanga kuita zvakaipa. Ungaita sei kuti ‘kutenda kwako kusaparara sengarava yaparara’? *1 Timoti 1:19.

Jehovha Mwari anoda kuti tose tive nechokwadi nezvinhu zvatinotenda. (VaRoma 12:1, 2) Iva nepurogiramu yakanaka yokudzidza Bhaibheri uye kunamata woomerera pairi. Wadii kuita zvokunyora purogiramu yako yokunamata pakarenda woona kuti unogona kuitevedzera here kwemwedzi usingaiti zvokufudzwa nevabereki vako?

Pakupedzisira, mubvunzo wechitatu waunofanira kufunga nezvawo ndeuyu . . .

Chinangwa Changu Ndechei?

Uri kuda kubva pamba kuti utize matambudziko here? Kana kuti unoda kusava pasi pevabereki here? Kana zvakadaro, unenge uchinyanya kutarisa zvauri kusiya kwete kwauri kuenda. Kuita izvozvo kwakafanana nokuedza kutyaira motokari maziso ako akati ndee pagirazi rinoratidza zviri shure—uri kunyanya kutarisa kwauri kubva zvokuti hauoni zviri mberi. Unodzidzei? Usangonyanya kufunga nezvekubva pamba—isa pfungwa dzako pachinangwa chinobatsira.

Vamwe vechiduku vabva zera pakati peZvapupu zvaJehovha vakabva pamba kuitira kuti vanoparidza kune dzimwe nzvimbo munyika mavo kana kuti kune dzimwe nyika. Vamwewo vanobva pamba kuti vanobatsira pakuvaka nzvimbo dzokunamatira kana kuti kunoshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha. Vamwewo ndivo vanofunga nezvekumboti garei vari voga vasati varoora kana kuroorwa. *

Chero chingava chinangwa chako, nyatsofungisisa nezvazvo. Chirevo cheBhaibheri chinoti, “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” (Zvirevo 21:5) Teerera zano revabereki vako. (Zvirevo 23:22) Nyengetera nezvenyaya yacho. Uye paunenge uchisarudza zvokuita, funga mashoko eBhaibheri achangobva kukurukurwa.

Mubvunzo chaiwo hausi wokuti Ndagadzirira kubva pamba here? asi ndowokuti Ndagadzirira kunogara ndiri ndoga here? Kana mhinduro yemubvunzo wokupedzisira iri hungu, zvinoreva kuti unenge wagadzirira kunorarama usina vabereki vako.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 23 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, Chitsauko 19.

^ ndima 27 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Bhuku 2, Zvitsauko 34 ne35.

^ ndima 32 Mune dzimwe tsika zvakajairika kuti mwana, zvikurukuru mwanasikana, agare pamba kusvikira aroorwa. Bhaibheri harina zano rakananga nezvenyaya iyi.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Murume achasiya baba vake naamai vake.”—Mateu 19:5.

ZANO

Kwenguva yakati, ipa vabereki vako mari yose yechikafu chaunodya, rendi nezvimwe. Kana usingakwanisi kana kuti usingadi kubhadhara mari yezvinhu izvi uchiri pamba, zvinoreva kuti unenge usina kugadzirira kubva pamba.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Paunenge wabva pamba chinangwa chawabvira ndicho chichaita kuti ufare kana kuti kwete.

ZVANDINORONGA KUITA!

Zvandinovavarira kuita kana ndabva pamba ndeizvi ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kunyange kana upenyu hwemumhuri menyu hwakaoma, kumboti garei paimba kungakubatsira sei?

● Uchiri pamba, zvii zvaungaita zvichabatsira mhuri yenyu uye zvichakubatsira kugadzirira kuzvichengeta kana wava neimba yako?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 52]

Zvinoitika kuti unzwe uchida kuzvimiririra. Asi kana chinangwa chako chokuti ubve pamba chiri chokuti unoda kutiza mitemo yevabereki, zvinongoratidza kuti hausati wanyatsogadzirira kubva pamba.’’—Aron

[Mufananidzo uri papeji 50, 51]

Kubva pamba uri woga kwakafanana nokufamba musango—unofanira kudzidza unyanzvi hwokuti urarame usati watanga rwendo rwacho