Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingakunda Sei Muedzo?

Ndingakunda Sei Muedzo?

CHITSAUKO 9

Ndingakunda Sei Muedzo?

Karen haana nguva refu asvika papati paanoona vakomana vaviri vakagukuchira mapepabheki mahombe akati kuti. Anoziva zvirimo. Ambonzwa vakomana ava vachitaura kuti nhasi papati iyi “pachava nedoro rakawanda.”

Karen anobva angonzwa inzwi remunhu waanoziva nechekumashure kwake. “Nei wangoti tumbi ipapo nhai iwe wokusada kufara nevamwe?” Karen anocheuka oona shamwari yake Jessica akabata mabhodhoro maviri edoro achangobva kuvhurwa. Jessica anotambidza rimwe kuna Karen obva ati, “Usandiudza kuti hausati wakura zvokuti umbofarawo!”

Karen anoda kuramba. Asi muedzo wacho wakasimba kupfuura zvaanga achitarisira. Jessica ishamwari yake, uye Karen haadi kuonekwa semunhu asingambodiwo kufara nevamwe, sezvataurwa naJessica. Uyewo, anoona Jessica semusikana kwaye. Uye kana ari kunwa, chii chakaipa? Karen anofunga kuti, ‘Rinongova doro. Zvakasiyana nema“drugs” kana kuti kurara nevakomana.’

KANA uri mudiki, miedzo inouya nenzira dzakasiyana-siyana. Kazhinji kacho inosanganisira zvevakomana nevasikana. Ramon ane makore 17 anoti, “Vasikana vekuchikoro ndivanachandagwinyira. Vanoda kukubata-bata vachida kuona kuti unozoramba zvasvika papi. Kunyange kana ukati hauzvidi, havakuregi!” Ndizvowo zvakataurwa naDeanna anewo makore 17. Anoti, “Mumwe mukomana akauya kwandiri achibva andikochekera. Ndakamurova ruoko rwacho ndichibva ndati: ‘Unopenga here iwe? Handitombokuzivi futi!’”

Iwewo ungasangana nemiedzo, uye zvingaita sekuti icharamba yakati namename newe. Kuramba uchiedzwa kwakaita sokugogodzwa kunoitwa padhoo rako pasinei nokuti wamboedza kusadavira. Unogara uchiedzwa zvokuti zvava kutokufinha here? Somuenzaniso, pane zvinotevera pane chiri muedzo kwauri here?

□ Kusvuta

□ Kuona zvinonyadzisira

□ Kunwa doro

□ Kuita zvepabonde

□ Kushandisa madrugs

□ Zvimwe ․․․․․

Kana waisa ✔ pane chero chipi chiri pamusoro apa, usagumise kuti haukwanisi kuva muKristu. Unogona kudzidza kudzora zvishuwo zvisina kunaka uye kukunda miedzo. Sei? Zvinobatsira kuziva zvinokonzera miedzo. Ona zvinhu zvitatu zvinotevera.

1. Kusakwana. Kuda kuita zvakaipa kuri mumunhu wese asina kukwana. Kunyange muapostora Pauro—muKristu aive akakura mune zvekunamata—akabvuma pachena kuti: “Pandinoda kuita zvakarurama, zvakaipa zviri mandiri.” (VaRoma 7:21) Zviri pachena kuti kunyange munhu akarurama, pano neapo anombobatwawo no“kuchiva kwenyama nokuchiva kwemaziso.” (1 Johani 2:16) Asi kuramba uchifunga nezvemiedzo yokuita zvakaipa kunongoita kuti zvinhu zvinyanye kuipa, nokuti Bhaibheri rinoti: “Kuchiva pakunenge kwakura, kunobereka chivi.”—Jakobho 1:15.

2. Kufurirwa nevamwe. Miedzo iri kwese kwese. Trudy anoti, “Kuchikoro uye kubasa, nyaya dzinongova dzezvepabonde chete. MaTV nemafirimu anoita kuti zviratidzike sezvinonakidza chaizvo. Kashoma paunoona migumisiro yazvo yakaipa!” Trudy akazvionera ega kuti zvinoitwa nevezera rake uye zvinobudiswa muTV, redhiyo kana kuti mumapepanhau zvine simba rakadini. Anoti, “Pandaiva nemakore 16 ndakafunga kuti ndawana chibayamwoyo changu. Amai vangu vakagara neni pasi ndokundiudza kuti kana ndaisazochinja, ndaizoguma ndaita nhumbu. Zvakandikatyamadza kuti amai vangandifungira zvinhu zvakadaro! Papera mwedzi miviri, ndainge ndava nenhumbu.”

3. “Kuchiva kwouduku.” (2 Timoti 2:22) Mashoko iwaya angasanganisira kuchiva kwese kunoitika kune vechiduku, kwakadai sokuda kufarirwa nevamwe kana kuti kuda kuzviitawo munhu mukuru. Kuchiva ikoko hakuna kumboipa, asi kukasadzorwa, kunoita kuti zvikuomere kukunda muedzo. Somuenzaniso, kuda kuzviita munhu mukuru kungaita kuti urase tsika dzakanaka dzawakadzidziswa kumba. Ndizvo zvakaitika kuna Steve paaiva nemakore 17. Anoti, “Ndichangobva kubhabhatidzwa, ndakapandukira vabereki vangu uye ndakaita zvese zvavakanga vandidzidzisa kuti ndisaite.”

Kukunda Kwaungaita

Ichokwadi kuti zvataurwa pamusoro apa zvine simba. Zvisinei, unogona kukunda muedzo. Sei?

● Chokutanga, ziva muedzo wakakuomera kupinda mimwe yose. (Ungadaro watozviita papeji 65.)

● Zvadaro, zvibvunze kuti, ‘Muedzo uyu unganyanya kuitikira rini?’ Isa ✔ pane chimwe chete chezvinotevera:

□ Kuchikoro

□ Uri wega

□ Kubasa

□ Kumwe ․․․․․

Kuziva kuti ungangosangana nemuedzo rini kungakubatsira kuti uudzivise zvachose. Somuenzaniso, funga nezvechiitiko chiri patangira chitsauko chino. Karen akawana nyevero ipi kuti zvinhu hazvaizomira zvakanaka kupati kwaakaenda?

․․․․․

Angadai akaita sei kuti asambopinda mumuedzo wacho?

․․․․․

● Zvawava kuziva muedzo wacho uye kuziva paungangoitika, wava kuziva zvekuita. Chinhu chekutanga kufunga zvaungaita kuti urege kunyanya kusangana nemuedzo wacho kana kuti kutorega zvachose zvinhu zvinoita kuti usangane nawo. Pasi apa nyora zvaungaita.

․․․․․

(Mienzaniso: Kana zvichiwanzoitika kuti paunenge wava kuenda kumba, unosangana nevana vepachikoro penyu vanokukurudzira kuti usvute navo, zvimwe ungachinja nzira kuti usaonane navo. Kana zvinonyadzisira zvichierekana zvabuda paIndaneti usingazvidi, ungaisa mapurogiramu anoita kuti usaone nzvimbo dzakadaro dzepaIndaneti. Uyewo, paunenge uchitsvaka chimwe chinhu, nyora mashoko acho chaiwo.)

Kutaura chokwadi, haungadzivisi miedzo yose. Nokufamba kwenguva, ungangopedzisira wasangana nezvimwe zvichakukwezva zvine simba—zvichida paunenge usingambofungiri. Ungaita sei pakadaro?

Gara wakagadzirira

Jesu paakanga “achiedzwa naSatani,” akaramba pakarepo. (Mako 1:13) Nei? Nokuti akanga agara achiziva paainge amire nezvenyaya dzakanga dzamuka. Jesu akanga akatosarudza kare kuti aizoteerera Baba vake nguva dzose. (Johani 8:28, 29) Airevesa paakati: “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma.”—Johani 6:38.

Papeji inotevera, nyora zvikonzero zviviri nei uchifanira kukunda muedzo waunowanzosangana nawo uye zvinhu zviviri zvawatsunga kuita kuti uukunde.

Zvikonzero nei uchifanira kukunda:

1 ․․․․․

2 ․․․․․

Zvauchaita zvichakubatsira kuti ukunde:

1 ․․․․․

2 ․․․․․

Yeuka kuti paunokundwa nemuedzo, unova muranda wekuchiva kwako. (Tito 3:3) Ungaregererei zvishuvo zvako zvichikudzora? Iva nesimba rokudzora zvishuvo zvako pane kuzvirega zvichikudzora. (VaKorose 3:5) Uye nyengeterera kuti urambe uchidaro.—Mateu 6:13. *

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 15

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Uri kungonzwa kupera simba here? Ona kuti ungavandudza sei utano hwako wowanazve simba!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 43 Onawo Zvitsauko 33 ne34 zvebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.”—1 VaKorinde 10:13.

ZANO

Shandisa bhokisi rakanzi “Zvandingaita Kuti Ndisafurirwe,” riri pamapeji 132 ne133 ebhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 2, kuti unyore zvaungashandisa kana mumwe munhu achikuedza kuti uite zvakaipa.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Mwari akafanotaura kuti Jesu aizova akatendeka, asi izvozvo hazvirevi kuti Jesu akanga akaita serobhoti, rinoita zvarakarongerwa kuti riite. Pane kudaro, Jesu aiva munhu aigona kuzvisarudzira. Akanga asarudza ega kuva akatendeka, haana kunge afanosarudzirwa. Ndokusaka akanyengetera zvakasimba paaiedzwa.—VaHebheru 5:7.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kuti ndiwedzere kutsunga kwangu kukunda muedzo, ndicha- ․․․․․

Vanhu, nzvimbo, uye mamiriro ezvinhu zvandinofanira kudzivisa zvinosanganisira ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Zvisikwa zvakakwana zvingaedzwa here?—Genesisi 6:1-3; Johani 8:44.

● Paunokunda muedzo, kutendeka kwako kunoita kuti vamwe vaite sei?—Zvirevo 27:11; 1 Timoti 4:12.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 68]

Ndinobatsirwa nokuziva kuti ndinotsigirwa nemunhu ane simba kupfuura vose uye kuti ndinogona kukumbira kuti andibatsire chero nguva!’’—Christopher

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 67]

Edza Izvi!

Tora kambasi woita kuti tsono yacho inongedzere kuchamhembe. Chiisa magineti pedyo nayo. Chii chinoitika? Tsono yacho haichisina kunongedza kuchamhembe. Pane kudaro, yatevera kune magineti.

Hana yako yakafanana nekambasi iyoyo. Kana yakadzidziswa zvakanaka, ichanongedza divi rakarurama yokubatsira kusarudza nokuchenjera. Asi sezvinoita magineti, shamwari dzakaipa dzinogona kuvhiringidza maonero aunoita tsika dzakanaka. Unodzidzei? Edza kusiyana nevanhu uye mamiriro ezvinhu angavhiringidza maonero aunoita tsika dzakanaka!—Zvirevo 13:20.

[Mufananidzo uri papeji 69]

Paunokundwa nemuedzo, unova muranda wekuchiva kwako