Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nei Ndichifanira Kuchengetedza Utano Hwangu?

Nei Ndichifanira Kuchengetedza Utano Hwangu?

CHITSAUKO 10

Nei Ndichifanira Kuchengetedza Utano Hwangu?

Isa padivi pechinangwa chimwe nechimwe chaungada kuzadzisa.

□ Kuderedza kuzvidya mwoyo

□ Kudzora hasha

□ Kuwedzera kuva nechivimbo

□ Kuwedzera kuva akangwarira

□ Kuva nesimba rakawanda

□ Kunatsiridza ganda rangu

□ Kuderedza uremu

SEWECHIDUKU, pane zvimwe zvinhu zvausingazvisarudziri muupenyu zvakadai sevabereki vako, vana vomumba menyu, uye kwaunogara. Zvisinei, pane zvaunogona kuita kuti urambe uine utano hwakanaka. Kunyange zvazvo majini emuviri aine zvaanoita, kazhinji utano hwako hunoenderana nemararamiro aunoita. *

Ungati, ‘Asi ndichiri muduku chaizvo kuti ndizvinetse nezvoutano hwangu!’ Unofunga kudaro here? Ona zvinangwa zviri papeji 71. Wamaka zvingani? Chokwadi ndechokuti utano hwakanaka hunokosha zvikuru pakuzadzisa chimwe nechimwe chezvinangwa izvozvo.

Chokwadi, manzwiro ako angafanana neaAmber ane makore 17, anoti, “Nguva dzose handingaomereri chete pakudya zvinhu zvinonzi ndezvewiti yakazara, zvine mafuta mashoma uye zvisina shuga!” Kana ariwo mafungiro ako, usanetseke, haufaniri hako kurega zvachose kudya zvinhu zvine shuga uye kugara uchimhanya madaro marefu vhiki imwe neimwe. Chokwadi, zvingada kuchinja zvinhu zvishomanana kuti utange kuratidzika zviri nani, kuti unzwe wakagwinya uye muviri wako uchinyatsoshanda. Ngationei kuti vamwe vezera rako vakazviita sei.

Idya Zvine Mwero, Uratidzike Zvakanaka!

Bhaibheri rinokurudzira kuva nemwero pane zvatinoita. Zvirevo 23:20 inoti, “Usadyisa.” (Contemporary English Version) Zano iroro harisi nyore kutevedzera nguva dzose.

“Ndinogara ndichinzwa nzara sezvinoita vakawanda vachiri kuyaruka. Vabereki vangu vanoti dumbu rangu rakaita segomba risingazari!”—Andrew, ane makore 15.

“Sezvo ndisinganyatsooni kuti zvimwe zvokudya zviri kundikuvadza zvakadini iye zvino, handioni sezvakaipa.”—Danielle, ane makore 19.

Panyaya yezvaunodya, unofanira kuwedzera kuzvidzora here? Izvi ndizvo zvinotaurwa nevamwe vezera rako kuti zvinovabatsira.

Idya kusvika waguta. Julia ane makore 19 anoti, “Ndaimboona kuti ndadya zvokudya zvinopa simba zvakawanda sei, asi iye zvino ndinongorega kudya pandinonzwa kuti ndaguta.”

Usadya zvokudya zvisina utano. Peter ane makore 21 anoti, “Ndakadzikira nemakirogiramu 5 mumwedzi mumwe chete pandakarega kunwa mafizzy drinks!”

Chinja madyiro akaipa. “Ndinoedza kusadzokorora kupakura zvokudya kechipiri,” anodaro Erin ane makore 19.

Zvaungaita Kuti Ubudirire: Idya nguva dzose dzokudya! Kana ukasadaro, unonyanya kuita nzara wobva wadyisa.

Gara Uchiita Maekisesaizi Unzwe Wakagwinya!

Bhaibheri rinoti: “Kurovedza muviri kunobatsira.” (1 Timoti 4:8) Asi vechiduku vakawanda vanoita sevasinganyanyi kuda kuita maekisesaizi.

“Haungazvibvumi kuti vana vangani vakafoira chidzidzo chokurovedza muviri pandaiva kusekondari. Ndicho chidzidzo chaiva nyore zvikuru kungofanana nokudya kwemasikati!”—Richard, ane makore 21.

“Vamwe vanofunga kuti, ‘Ungamhanyirei hako muzuva rinopisa kusvikira wadikitira uye waneta nepo uchigona kutamba mutambo wevhidhiyo uchiita sokunge kuti ndiwe uri kumhanya?’”—Ruth, ane makore 22.

Shoko rokuti “maekisesaizi” rinoita kuti unzwe kuneta here? Kana zvakadaro, ona mibayiro mitatu yaunowana kana ukagara uchiita maekisesaizi.

Mubayiro #1. Kuita maekisesaizi kunosimbisa muviri vako kuti urwise zvirwere. “Baba vangu vaigara vachiti, ‘Kana uchida kugara uchirwara, rega kuita maekisesaizi,’” anodaro Rachel ane makore 19.

Mubayiro #2. Kuita maekisesaizi kunobudisa makemikari emupfungwa anoita kuti unzwe wazorora. Emily ane makore 16 anoti, “Kumhanya kunondizorodza pandinenge ndakaremerwa mupfungwa. Ndinonzwa nyama dzangu dzazorodzwa uye ndanyevenuka zvikuru mupfungwa.”

Mubayiro #3. Kuita maekisesaizi kunoita kuti uwedzere kunakidzwa. Ruth, ane makore 22 anoti, “Ndinofarira kuita maekisesaizi ndiri kunze, saka ndinoita zvinhu zvakadai sokufamba netsoka musango, kutuhwina uye kuchovha bhasikiro.”

Zvaungaita Kuti Ubudirire: Katatu pavhiki ita zvinhu zvinokunakidza zvaunoshandisira simba rakawanda kwemaminitsi 20 kana kupfuura.

Rara Zvakakwana Muviri Wako Unyatsoshanda!

Bhaibheri rinoti: “Zviri nani kuzorora zvishoma pane kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri asi uchidzingana nemhepo.” (Muparidzi 4:6) Ukasarara zvakakwana, hauiti zvinhu kwazvo!

“Kana ndikasanyatsorara, handifungi zvakanaka. Handizombogoni kuisa pfungwa dzangu chero pachii zvacho!”—Rachel, ane makore 19.

“Panenge pana 2:00 masikati, ndinonzwa ndaneta zvokuti ndinoita sendicharara tiri pakati penyaya!”—Kristine, ane makore 19.

Unoda imwe nguva yokurara here? Ona zvakaitwa nevamwe vezera rako.

Usanonoka kurara. Catherine ane makore 18 anoti, “Ndave ndichiedza kurara nenguva kwayo.”

Siya zvenyaya kana nguva yokurara yakwana. Richard ane makore 21 anoti, “Dzimwe nguva shamwari dzaindifonera kana kunditumira meseji nguva dzafamba, asi ndakadzidza kumisa nyaya dzacho ndobva ndaenda kunorara.”

Vavarira kusachinja-chinja. Jennifer ane makore 20 anoti, “Ndiri kuedza kusachinja-chinja nguva yandinorara uye yandinomuka zuva nezuva.”

Zvaungaita Kuti Ubudirire: Edza kurara maawa masere kana kupfuura usiku hwoga hwoga.

Zvinokufambira zvakanaka kana ukatora matanho mashomanana ari nyore anoratidza kuti une hanya noutano hwako. Yeuka kuti kuva noutano hwakanaka kuchakubatsira kuratidzika zvakanaka, kunzwa wakagwinya uye kunoita kuti muviri wako unyatsoshanda. Kusiyana nezvimwe zvinhu muupenyu, une zvimwewo zvaunogona kuita pautano hwako. Erin ane makore 19 anoti, “Pakupedzisira, utano hwako hunongoenderana nezvaunoita iwe.”

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Iwe nevabereki vako hamubvumirani here panyaya yembatya? Ona kuti mungakwanisa sei kusvika pakubvumirana!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 11 Tinobvuma kuti vakawanda vane matambudziko outano kana kuti urema zvavasingagoni kuchinja. Chitsauko chino chinogona kubatsira vakadaro kuti vave noutano huri nani zvichienderana nezvavanokwanisa kuita.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Kurovedza muviri kunobatsira.”—1 Timoti 4:8.

ZANO

Iva newaunoita maekisesaizi pamwe chete naye. Izvi zvichakukurudzira nokuti hauzodi kuodza mwoyo mumwe wako.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kuita maekisesaizi kunoita kuti muviri wako ubudise makemikari omuuropi anonzi maendorphin anoderedza marwadzo zvoita kuti unzwe zviri nani.

ZVANDINORONGA KUITA!

Zvandiri kuronga kuita panyaya yezvokudya ndeizvi ․․․․․

Zvandiri kuronga kuita pakuekisesaiza ndeizvi ․․․․․

Ndichaedza kurara kwemaawa. usiku hwoga hwoga mwedzi unouya. ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kuchengetedza utano hwako kungawedzera sei chivimbo chako?

● Chii chinotonyanya kukosha kudarika kuchengetedza utano hwako?—1 Timoti 4:8.

[Mashoko okukwezva vaverenge ari papeji 74]

Ndinonzwa ropa rangu kumhanya zvakanaka chaizvo pandinoita maekisesaizi. Uye pandinotanga kuratidzika zviri nani nemhaka yokuita maekisesaizi, izvozvo zvinoita kuti ndiwedzere kuva nechivimbo!’’—Emily

[Bhokisi riri papeji 73]

“Ndakachinja zvandaiita”

“Pandaiyaruka, ndakanga ndakafuta chaizvo, chinhu chandakanga ndisingambodi. Ndakanga ndisingambofariri zvandakanga ndiri! Nguva nenguva, ndaiedza kudya chikafu chinoita kuti ndidzikire muviri, asi ndaizongofuta zvakare. Saka pandakanga ndava nemakore 15, ndakasarudza kuita kuti zvibve zvangopera. Ndaida kudzikira muviri wangu nenzira yakanaka—kuita zvinhu zvandaizokwanisa kuita kweupenyu hwangu hwose. Ndakatenga bhuku raitaura nezvokusarudza zvokudya zvinopa utano uye zvokuita pakurovedza muviri, uye ndakashandisa zvandakanga ndaverenga. Ndakanga ndakatsunga kuti kunyange kana ndikambodzokera shure kana kuti kuora mwoyo, handaizokanda mapfumo pasi. Unozivei? Zvakashanda! Pasina gore ndakanga ndadzikira nemakirogiramu 27. Kwemakore maviri, ndaedza kuramba ndiine uremu hwandinoda. Handina kumbofunga kuti zvaizoitika! Ndinofunga kuti chakaita kuti ndibudirire hakusi kungodhaeta chete asiwo kuti ndakachinja zvandaiita.”—Catherine, ane makore 18.

[Mufananidzo uri papeji 74]

Utano hwako hwakafanana nemotokari—kana ukasaitarisira zvakanaka, inofa