Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingapfekei?

Ndingapfekei?

CHITSAUKO 11

Ndingapfekei?

Heather agadzirira kubuda mumba uye vabereki vake vanoshaya remuromo nezvavanoona.

Baba vake vanoerekana vati: “Ndochii chawakapfeka?”

Achiratidza kushamisika, Heather anopindura kuti, “Zvakaipei? Ndiri kungoenda kumashopu neshamwari dzangu.”

Amai vake vanoti, “Kwete wakapfeka izvozvo!”

Heather anon’urun’uta achiti, “Asika Mhamha vana vose ndizvo zvavari kupfeka. Uyezve zvinotaura kuti ndiri munhu werudzii!”

Baba vanotsika madziro vachiti, “Zvazviri kutaura ndizvo zvatisingadi, wanzwa! Iye zvino chienda unochinja chisikana, kana kuti hapana kwauri kuzoenda!”

KUNETSANA pamusoro pezvipfeko kwakabvira kare. Vabereki vako vangangodaro vainetsana nevabereki vavo pavaiva zera rako. Uye kare ikako, vangangodaro vainzwa sezvauri kuita nhasi! Asi iye zvino vavawo vabereki, uye nyaya yezvaungapfeka inoita kuti mugare muchinetsana.

Unoti: Inondiitira.

Vanoti: Haina mutsigo.

Unoti: Yakazonaka!

Vanoti: Inonyadzisa zvikuru.

Unoti: Yakachipa.

Vanoti: Haingamboregi kuchipa. . . . Imwe hafu yayo haipo!

Pane zvamungaita here kuti mudzimure moto wacho? Ehe! Megan ane makore 23 akadzidza kuti zvinoitwa sei. Anoti, “Hamufaniri henyu kuitisana nharo. Munogona kubvumirana.” Kubvumirana? Zvinoreva here kuti unofanira kupfeka sechembere? Kwete! Kubvumirana zvinoreva kuti iwe nevabereki vako munokurukura zvamuri kupesana moona kuti ndezvipi zvamungafara nazvo mose. Zvinobatsirei?

1. Unoratidzika zvakanaka zvikuru, kunyange kune vezera rako.

2. Vabereki vako havazonyanyi kutsoropodza zvaunopfeka.

3. Pashure pekuona kuti wava kugona kusarudza wega panyaya iyi, vabereki vako vangatokupa rusununguko rwokuita zvimwe zvinhu.

Saka ngatitangei kuongorora. Funga nezvechipfeko chaunoti “unofanira kuva nacho” chawakaona paIndaneti kana kuti muchitoro. Chinhu chaunotanga kuita ku- . . .

Funga Zvinotaurwa neBhaibheri

Bhaibheri rinotaura zvishomanana nezvezvipfeko. Kutaura zvazviri, mumaminitsi mashomanana ungatoverenga mazano ose emuMagwaro anotaura zvakananga nezvenyaya yacho! Kunyange zvakadaro, munguva iyoyo ungawana mirayiridzo inokosha uye yakasimba. Somuenzaniso:

● Bhaibheri rinorayira vakadzi kuti vapfeke zvinoratidza “mwero nepfungwa dzakanaka.” *1 Timoti 2:9, 10.

Shoko rokuti “mwero” ringaita kuti unetseke. Ungazvibvunza kuti, ‘Saka ndinofanira kupfeka saga here?’ Kwete! Papfungwa ino, mwero zvinoreva kuti mbatya dzako dzinoratidza kuti unozviremekedza uye une hanya nezvinofungwa nevamwe. (2 VaKorinde 6:3) Pane zvipfeko zvakasiyana-siyana zvinoratidza kuva nemwero nepfungwa dzakanaka. Danielle ane makore 23 anoti, “Zvingava zvakaoma asi unogona kuratidzika zvakanaka usingapfeki zvitayera zvekunyanyisa.”

● Bhaibheri rinotaura kuti panyaya yechitarisiko, unofanira kunyanya kufunga nezve“munhu akavanzika womwoyo”—kana kuti sezvinoshandurwa neToday’s English Version, “zvauri chaizvoizvo nechomukati.”—1 Petro 3:4.

Zvipfeko zvisina mwero zvingaita kuti vamwe vanhu vatorwe mwoyo kwekanguva asi pakupedzisira runako rwako rwemukati ndirwo ruchaita kuti uremekedzwe nevanhu vakuru uye vezera rako. Vezera rako nhai? Ehe—kunyange naivowo vangaona upenzi huri muzvitayera zvekunyanyisa. Brittany, musikana ane makore 16 anoti, “Zvinosembura kuona kuzvisasika kunoita vakadzi pamberi pevarume nemapfekero avanoita!” Kay anobvumirana nazvo. Anotsanangura mumwe aimbova shamwari yake achiti: “Zvose zvaaipfeka aizviitira kuti aonekwe nevanhurume. Aida kuonekwa nevakomana uye kuti zvidaro aibva apfeka hembe dzaiita kuti vasabvisa maziso paari.”

Inzwa Zvinotaurwa Nevabereki Vako

Zvinenge zvisina kunaka kuti urongedze chipfeko chisina mwero mubhegi rako remabhuku wozochipfeka wasvika kuchikoro. Vabereki vako vachawedzera kuvimba newe kana uchivabudira pachena uye wakatendeseka kwavari, kunyange muzvinhu zvaunofunga kuti unogona kuzviita vakasazviziva. Kutaura zvazviri, zvingava zvakanaka kumbovanzwawo kuti vanotii nezvechipfeko chauri kufunga nezvacho. (Zvirevo 15:22)—Shandisa “Pepa Rekuongorora Zvipfeko” riri pamapeji 82 ne83.

Asi ungadirei kunzwa zvavanofunga? Ungafunga kuti vabereki vako vanongoda kukurambidza kupfeka zvinhu zviri mufashoni asi hazvisi izvo. Ichokwadi kuti maonero ababa naamai vako angave akasiyana neako asi dzimwe nguva ndizvo zvinenge zvakakunakira. Nataleine ane makore 17 anoti, “Ndinotenda zano revabereki vangu nokuti handidi kubuda mumba ndichiita sendisina kupfeka kana kuita kuti vanhu vazotaura zvakaipa nezvangu nemhaka yemapfekero angu.”

Uyewo chokwadi ndeichi: Chero bedzi uchiri kugara nevabereki vako, uri pasi pavo. (VaKorose 3:20) Kunyange zvakadaro, kana wangonzwisisa maonero avo uye ivo vanzwisisa ako, ungashamisika nokubvumirana kwamunozoita pane zvakawanda. Zvikadaro, kunetsana pamusana pezvipfeko kungabva kwapera!

Zano Pamapfekero: Paunenge uchiedza hembe, usangofunga chete zvaunoona mugirazi. Hembe inoita seine mwero ingachinja paunogara pasi kana kuti paunokotama kuti unhonge chimwe chinhu. Kana zvichiita, inzwa kuti mubereki kana kuti shamwari inokuvaka vanotii.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Iwe pachako ndiwe mhandu yako yokupedzisira here? Ungaitei kana usingafari nezvauri?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 23 Kunyange zvazvo zano iri reBhaibheri richiudzwa vakadzi, pfungwa yacho inoshandawo kuvarume.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Kushonga kwenyu ngakurege kuva . . . kwokupfeka nguo dzokunze, asi ngakuve munhu akavanzika womwoyo.”—1 Petro 3:3, 4.

ZANO

Usapfeka zvitayera zvinoita kuti anokuona afunge zvepabonde. Zvinoita kuti uite sokunge wapererwa uye kuti hauna hanya nevamwe vanhu.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Mafungiro anotanga kuva nevanhu pavanokuona kazhinji anoenderana nezvaunenge wakapfeka.

ZVANDINORONGA KUITA!

Munhu womumhuri kana kuti shamwari inovaka wandingabvunza nezvehembe yandinoda kutenga ndi- ․․․․․

Pandichatengazve hembe, ndichafunga zvinotevera: ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Sei vabereki nevana vari kuyaruka vachiwanzonetsana panyaya yezvokupfeka?

● Kukurukura nyaya dzezvokupfeka nevabereki vako kungaita kuti uve nounyanzvi hupi?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 81]

Pandinoona vasikana vachipfeka hembe dzinoonesa nhengo dzakavanzika, kuvaremekedza kwandinoita kunobva kwadzikira. Ukuwo, pandinoona vanhu vakapfeka hembe dzine mwero asi dzakanaka, ndinobva ndati nechemumwoyo, ‘Ndinoda kuti vanhu vandione seizvi.’’’—Nataleine

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 82, 83]

Pepa Rekuongorora

Pepa Rekuongorora Zvipfeko

Mirayiridzo: Kopa mapeji aya. Kumbira vabereki vako kuti vazadze pepa riri kurudyi iwe wozadza riri kuruboshwe. Pave paya, iwe nevabereki vako chinjanai mapepa acho mokurukura mhinduro dzenyu. Pane zvakushamisai here? Mumwe nemumwe wenyu adzidzei zvaanga asingazivi pamaonerwo aanoitwa nemumwe?

Rako Funga nezveimwe hembe yauri kuda kupfeka kana kutenga.

Nei uchida hembe iyi? Isa nhamba pazvinhu zviri pasi apa maererano nezvaunokoshesa.

․․․․․ Zita revagadziri

․․․․․ Kuti ndionekwe nevakomana kana vasikana

․․․․․ Kuti ndifarirwe nevezera rangu

․․․․․ Kunzwa ndakasununguka

․․․․․ Mutengo wacho

․․․․․ Zvimwe ․․․․․

Zvingangotanga kuitwa nevabereki vangu nezvehembe iyi ndeizvi

□ “Kanganwa hako!”

□ “Ungaitenga.”

□ “Hapana chakaipa.”

Kana vakaramba chikonzero chacho chingangova chokuti

□ “Inonyadzisa.”

□ “Haina mutsigo.”

□ “Sitayira yacho yakanyanyisa.”

□ “Inoita kuti isu vabereki vako tisaonekwa zvakanaka.”

□ “Inodhura zvakanyanya.”

□ Zvimwe ․․․․․

Tingabatsirana Here Pane Izvi?

Maonero evabereki vangu akanakirei?

․․․․․

Ko kana paine zvinogona kuitwa kuti hembe yacho iratidzike zvakanaka?

․․․․․

Revabereki Vako Fungai nezvehembe iri kuda kupfekwa kana kutengwa nemwana wenyu ari kuyaruka.

Munofunga kuti nei mwana wenyu achifarira hembe iyi? Isai manhamba pazvinhu zviri pasi apa maererano nezvinhu zvamunofunga kuti ndizvo zvaanokoshesa.

․․․․․ Zita revagadziri

․․․․․ Kuti aonekwe nevakomana kana vasikana

․․․․․ Kuti afarirwe nevezera rake

․․․․․ Kunzwa akasununguka

․․․․․ Mutengo wacho

․․․․․ Zvimwe ․․․․․

Ndinobva ndangoti

□ “Kanganwa hako!”

□ “Ungaitenga.”

□ “Hapana chakaipa.”

Chikonzero chingangoita kuti ndirambe ndechokuti

□ “Inonyadzisa.”

□ “Haina mutsigo.”

□ “Sitayira yacho yakanyanyisa.”

□ “Inoita kuti isu vabereki vako tisaonekwa zvakanaka.”

□ “Inodhura zvakanyanya.”

□ Zvimwe ․․․․․

Tingabatsirana Here Pane Izvi?

Kuramba kwatiri kuita hembe iyi inongova nyaya yezvatinofarira here?

□ Hungu □ Zvichida □ Kwete

Ko kana paine zvinogona kuitwa kuti hembe yacho iratidzike zvakanaka?

․․․․․

Zvandichaita ․․․․․

[Bhokisi riri papeji 84]

Ko Vakomana?

Pfungwa dzemuBhaibheri dzinokurukurwa muchitsauko chino dzinoshandawo kuvakomana. Iva nemwero. Ita kuti munhu akavanzika wemwoyo kureva kuti zvauri chaizvoizvo nechomukati—aonekwe nevamwe. Paunofunga nezvechipfeko, zvibvunze kuti: ‘Vanhu vachatii nezvangu pandinochipfeka? Izvozvo zvinoratidza zvandiri chaizvoizvo here?’ Yeuka kuti hembe dzine zvadzinotaura. Iva nechokwadi chokuti zvaunopfeka zvinoratidza zvinhu zvaunotenda!

[Mufananidzo uri papeji 80]

Mapfekero ako akaita sechiratidzo chinoudza vanhu zvose zvauri. “Chiratidzo” chako chinotii nezvako?

[Mufananidzo uri papeji 80]

zvauri kutaura pano