Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndingaita Sei Kuti Ndiwedzere Kuva Nechivimbo?

Ndingaita Sei Kuti Ndiwedzere Kuva Nechivimbo?

CHITSAUKO 12

Ndingaita Sei Kuti Ndiwedzere Kuva Nechivimbo?

Hungu Kwete

Paunotarisa mugirazi unofara here nezvaunoona? □ □

Unonzwa sokuti une zvimwe zvaunogona zvinoyemurika here? □ □

Unokwanisa here kuramba kufanana nevezera rako? □ □

Pazvinenge zvakakodzera kuti utsoropodzwe unozvigamuchira here? □ □

Unokwanisa kushivirira here vamwe pavanotaura zvisina kururama nezvako? □ □

Unonzwa uchidiwa here? □ □

Unochengetedza utano hwako here? □ □

Unofarawo nevamwe zvinhu pazvinovafambira zvakanaka here? □ □

Unozviona semunhu anobudirira here? □ □

Kana wapindura kuti kwete kumibvunzo yakati kuti iri pamusoro apa, kungava kuti haukwanisi kuona zvaunogona kuita nokuti chivimbo chako chishoma. Chitsauko chino chakagadzirirwa kukubatsira kuziva zvaunogona kuita!

VECHIDUKU vakawanda vanonetseka nekusava nechokwadi nechitarisiko chavo, uyewo zvavari kana vachizvienzanisa nevezera ravo. Ndizvo zvaunoitawo here? Kana zviri izvo, ziva kuti muri vazhinji vakadaro!

“Kusakwanisa kuita zvimwe zvinhu kunoita kuti ndinzwe ndisingabatsiri chinhu. Kazhinji kacho ini pachangu ndini ndinonyanya kuzvitsoropodza.”—Leticia.

“Hazvinei nokuti wakanaka sei, unongogara uchisangana nevamwe vakakupfuura.”—Haley.

“Ndinonzwa ndisina kusununguka pandinenge ndiri pane vamwe. Ndinotya kuti vamwe vangandiona semunhu asina zvaanobatsira.”—Rachel.

Kana uchinzwa sezvinoita mumwe wevari pamusoro apa, usaore mwoyo. Unogona kubatsirwa. Funga zvinhu zvitatu zvinowedzera chivimbo zvichikubatsira kuti uzvione neziso rakanaka.

Iva Nezvaunoitira Vamwe

Rugwaro runobudisa pfungwa huru. “Kupa kune mufaro mukuru kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Zvarunoreva. Paunobatsira vamwe, unenge uchizvibatsirawo. Sei? Chirevo cheBhaibheri chinoti, “Rupo ruchapiwa mubayiro. Ipa kapu yemvura, uye uchapiwawo kapu yemvura.” (Zvirevo 11:25, Contemporary English Version) Hapana mubvunzo kuti ukabatsira vamwe unonzwa zviri nani! *

“Ndinofunga kuti zvii zvandingaitira vamwe ndoedza kuita chimwe chinhu kune vari muungano medu vanoda kubatsirwa. Kuda vamwe uye kuwana nguva yekuva navo kunoita kuti ndinzwe zvakanaka.”—Breanna.

“Ushumiri hwechiKristu hunobatsira nokuti hunoita kuti urege kuzvifunga wotanga kufunga nezvevamwe.”—Javon.

Nyevero: Usangobatsira vamwe uchingoitira chete kuti uzopiwawo chimwe chinhu. (Mateu 6:2-4) Hazvina zvazvinokubatsira kuti upe uine chinangwa chakaipa. Kazhinji zvinotooneka kuti une vavariro dzakaipa!—1 VaTesaronika 2:5, 6.

Mukana wako. Funga nezvomumwe munhu wawakambobatsira. Aiva ani, uye wakamuitirei?

․․․․․

Wakanzwa sei pashure pokumubatsira?

․․․․․

Funga nezvomumwe munhu waungabatsira uye nyora kuti ungamubatsira sei.

․․․․․

Tsvaka Shamwari

Rugwaro runobudisa pfungwa huru. “Shamwari yechokwadi ine rudo nguva dzose, uye ihama inoberekerwa kubatsira pakunenge kuine kutambudzika.”—Zvirevo 17:17.

Zvarunoreva. Shamwari yakanaka inogona kubatsira zvikuru munguva dzenhamo. (1 Samueri 18:1; 19:2) Kungoziva kuti mumwe munhu ane hanya newe kunogona kuita kuti unzwe zviri nani. (1 VaKorinde 16:17, 18) Saka tambira pedyo nevaya vanokuvaka.

“Shamwari dzechokwadi dzinokukurudzira.”—Donnell.

“Dzimwe nguva chinonyanya kukosha kuziva kuti mumwe munhu ane hanya newe zvechokwadi. Izvozvo zvingaita kuti unzwe kuti unokosha.”—Heather.

Nyevero: Iva nechokwadi chokuti shamwari dzako dzinoita kuti uratidze zvauri chaizvo—kwete kuva nounhu hwokunyepera kuitira kuti ukwane pachikwata. (Zvirevo 13:20; 18:24; 1 VaKorinde 15:33) Kuita zvinhu nokusachenjera uchingoitira kuti ufadze vamwe kunokusiya uchinzwa uchinyara uye washandiswa.—VaRoma 6:21.

Mukana wako. Pasi apa, nyora zita reshamwari ingaita kuti uwedzere kuva nechivimbo nenzira yakanaka.

․․․․․

Wadii kuronga kuwana nguva yokuva nemunhu iyeye wawanyora pamusoro apa?—Ona kuti: Munhu wacho anogona kunge asiri wezera rako.

Usakanda Mapfumo Pasi Kana Wakanganisa

Rugwaro runobudisa pfungwa huru. “Vanhu vose vakatadza, vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari.”—VaRoma 3:23.

Zvarunoreva. Chokwadi ndechokuti hauna kukwana. Izvozvo zvinoreva kuti pachava nenguva dzauchaita kana kutaura zvinhu zvisiri izvo. (VaRoma 7:21-23; Jakobho 3:2) Kunyange zvazvo usingagoni kudzivisa kukanganisa, unogona kudzora manzwiro aunoita kana wakanganisa. Bhaibheri rinoti: “Kunyange munhu akarurama akawira pasi kanokwana kanomwe anomukazve.”—Zvirevo 24:16, Bhaibheri Rinoera.

“Dzimwe nguva kuzvitarisira pasi kunoitika kana tikaenzanisa zvatisingakwanisi nezvinogonekwa nemumwe munhu.”—Kevin.

“Munhu wose ane zvaanoita zvakanaka uye zvakaipa. Tinofanira kudada nezvakanaka togadzirisa zvakaipa.”—Lauren.

Nyevero: Usashandisa kusakwana kwako sepembedzo yokuita zvivi. (VaGaratiya 5:13) Kuita zvakaipa nemaune kunoita kuti usafarirwe nemunhu anokosha kupfuura vamwe vose—Jehovha Mwari!—VaHebheru 10:26, 27.

Mukana wako. Pasi apa, nyora unhu hwaungada kunatsiridza.

․․․․․

Nyora musi wanhasi padivi peunhu hwawanyora. Uchishandisa mabhuku eWatchtower tsvakurudza kuti ungahunatsiridza sei, uye ona kuti mumwedzi mumwe chete unenge wasvika papi.

Kukosha Chaiko Kwaunoita

Bhaibheri rinoti, “Mwari mukuru kune mwoyo yedu.” (1 Johani 3:20) Izvi zvinoreva kuti anoona kukosha kwaunoita kwausingagoni kuona iwe pachako. Asi kusakwana kwako kunochinja izvozvo here? Ngatitii une $100 ine pakabvaruka. Ungairasa here kana kuti unoiona seisisina basa pamusana paizvozvo? Kwete! Kukosha kwayo kuchiri $100, yakabvaruka kana kuti isina.

Izvi zvakafanana nokukosha kwaunoita kana Mwari achikuona. Haatadzi kuona kukosha kwaunoita pamusana pezvaunokanganisa. Anoona uye anokoshesa zvaunoedza kuita kuti umufadze pasinei nokuti iwe ungasazviona sezvinokosha! Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinokuvimbisa kuti, ‘Mwari haasi munhu asina kururama zvokuti angabva akanganwa basa rako norudo rwawakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Dzimwe nguva unombosuruvara zvakanyanya here? Kana zvakadaro, ungaitei nazvo?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 21 Kana uri mumwe weZvapupu zvaJehovha, funga nezvemufaro mukuru waunowana pakuudza vamwe mashoko akanaka oUmambo.—Isaya 52:7.

RUGWARO RUNOKOSHA

“Munhu mumwe nomumwe ngaaratidze zvakaita basa rake oga, uye achabva ava nechikonzero chokupembera nomufaro pamusoro pebasa rake, asingazvienzanisi nomumwe munhu.”—VaGaratiya 6:4.

ZANO

Usazviudza zvinhu zvakadai sokuti ‘Ndinogara ndichikundikana’ uye kuti ‘Handimbofi ndakaita zvakarurama.’ Mashoko iwayo ekuwedzeredza anongoita kuti urambe wakaora mwoyo. Pane kudaro, bvuma kuti une zvausingakwanisi asi zivawo kuti une zvaunokwanisa.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Vamwe vachakuona kunyange kukubata zvichienderana nokuti iwe pachako unozviona sei.

ZVANDINORONGA KUITA!

Vezera rangu pavanonditsoropodza, ndicha- ․․․․․

Ndikaona kuti ndava kungocherechedza zvandisingakwanisi kuita, ndicha- ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Nei vechiduku vari ivo vanonyanya kushaya chivimbo?

● Nei zvichikosha kuti munhu anyatsozviremekedza?

[[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 88]

Munhu angava akanaka chaizvo asi angazviona seakashata. Kana kuti munhu angaita seasina kunyanya kunaka uye ofunga kuti ndiye akanaka kupfuura vose. Anongova mafungiro omunhu.’’—Alyssa

[Mufananidzo uri papeji 90]

Mari haidereri ukoshi hwayo nokuti yakabvaruka—uyewo kukosha kwaunoita kuna Mwari hakudereri nokuti hauna kukwana