Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndadii Ndangozviuraya?

Ndadii Ndangozviuraya?

CHITSAUKO 14

Ndadii Ndangozviuraya?

“ZVIRI nani kuti ndife zvangu pane kuti ndirarame.” Ndiani akataura mashoko iwayo? Aiva munhu ainge asingatendi muna Mwari here? Aiva munhu ainge asiya Mwari here? Aiva munhu ainge asiyiwa naMwari here? Zvose hazvisirizvo. Akazvitaura aiva Jona, murume akanga akazvipira asi akanga aora mwoyo.—Jona 4:3, Bhaibheri Rinoera.

Bhaibheri haritauri kuti Jona akanga ava kuda kuzviuraya. Kunyange zvakadaro, chikumbiro chake chokupererwa chinoratidza chokwadi chisingarambiki chokuti dzimwe nguva kunyange mushumiri waMwari anogona kuremerwa nemarwadzo.—Pisarema 34:19.

Vamwe vechiduku vanorwadziwa zvakanyanya zvokuti vanoona pasina chikonzero chokuramba vachirarama. Vanganzwa sezvaiita Laura ane makore 16 uyo anoti: “Kwemakore, pane nguva dzakawanda dzandinonzwa ndakaora mwoyo. Ndinogara ndichifunga kuzviuraya.” Kana uchiziva nezvomumwe munhu akambotaura nezvokuda kuzviuraya kana kuti iwe wakambozvifungawo, ungaitei? Ngationgororei kuti nei pfungwa yakadaro ichimbouya.

Zvinokonzera Kuora Mwoyo

Nei munhu angafunga kuzviuraya? Zvingasanganisira zvinhu zvakawanda. Chokutanga ndechokuti tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” uye vakawanda vachiri kuyaruka vanovhiringidzwa zvikuru nematambudziko oupenyu. (2 Timoti 3:1) Uyewo kusakwana kwevanhu kunovaita kuti vangoramba vachifunga zvisiri izvo nezvavo uye nyika yakavapoteredza. (VaRoma 7:22-24) Dzimwe nguva izvi zvinokonzerwa nokusabatwa zvakanaka. Pamwe pacho kuora mwoyo kungakonzerwawo nezvinenge zvisina kumira zvakanaka mumuviri. Cherechedza kuti mune imwe nyika, zvinofungidzirwa kuti 90 muzana yevakazviuraya vaiva nechirwere chepfungwa. *

Ichokwadi kuti hapana asingatamburi. Kutaura zvazviri, Bhaibheri rinoti “zvisikwa zvose zvinoramba zvichigomera pamwe chete uye zvichirwadziwa pamwe chete.” (VaRoma 8:22) Izvi zvinosanganisira vechiduku. Chiripo ndechokuti vechiduku vanogona kunetseka chaizvo nezvinhu zvisina kunaka sezvinotevera:

Kufirwa nehama kana kuti shamwari

Kupopotedzana kunoitika mumhuri

Kufoira muchikoro

Kurambana

Kusabatwa zvakanaka (kusanganisira kuitirwa chisimba kana kuti kushungurudzwa mune zvepabonde)

Ichokwadi kuti vechiduku vose pane imwe nguva vanotombosangana nemamiriro ezvinhu ataurwa pamusoro apa. Nei vamwe vachigona kutsungirira kupfuura vamwe pavanenge vari mumamiriro ezvinhu akadai? Nyanzvi dzinotaura kuti vechiduku vasingadi kutsungirira vanopedzisira vava kunzwa sokuti havabatsiri zvachose uye hapana chinogona kugadzirisa matambudziko avo. Kureva kuti vechiduku vakadaro havaoni sokuti ramangwana ravo rakajeka. Kufa chaiko havadi; vanongoda kupedza zvinovarwadza.

Hapasisina Tariro Here?

Ungangodaro uchiziva nezvomumwe ari kuda kupedza zvinomurwadza zvokuti akatotaura kuti haachadi kurarama. Kana iriyo nyaya yacho, ungaitei?

Kana shamwari iri kushungurudzika zvokutoda kuzviuraya, ikurudzire kuti iwane rubatsiro. Pasinei nokuti haadi kuti vamwe vazive nezvazvo, zviudze mumwe munhu mukuru akavimbika uye anogona kubatsira. Usambotya kuti ushamwari hwenyu huchaparara. Kana ukataura nezvenyaya yacho, ungaponesa upenyu hweshamwari yako!

Asi zvakadini kana iwe wafunga zvokuzviuraya? Usangozvipfimbika mumwoyo mako. Taura nemumwe munhu, zvimwe mubereki, shamwari, kana kuti chero munhu ane hanya newe uyo achateerera zvinokunetsa uye achikuona sokuti uri kurevesa. Kana ukataura nezvematambudziko ako, hauna chaunobva asi kuti unotobatsirwa. *

Ichokwadi kuti matambudziko ako haabvi angopera nekuti wataura nezvawo. Asi kana ukataura kune mumwe munhu waunovimba naye uchabatsirwa kuona nyaya yacho zvakanaka. Zvingatokubatsira kuona dzimwe nzira dzinoshanda dzokugadzirisa nadzo.

Zvinhu Zvinochinja

Paunenge uchishushikana, yeuka izvi: Pasinei nokuti unoona sokuti hapasisina kana tariro, nokufamba kwenguva zvinhu zvichachinja. Pane imwe nguva munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo akanga asangana nematambudziko akawanda akakwanisa kutaura kuna Mwari mumunyengetero achiti: “Makachinja kuchema kwangu kuti kuve kutamba.”—Pisarema 30:11.

Dhavhidhi akanga asingatarisiri kuti aizotamba nokusingaperi. Kubva pane zvaakasangana nazvo, aiziva kuti matambudziko oupenyu anouya achienda. Unoona zviri izvo here zvinoitika pamatambudziko ako? Iye zvino mamwe acho angaita semakomo. Asi shivirira. Zvinhu zvinochinja kutozoita nani. Dzimwe nguva, matambudziko angaita nani nenzira yaunenge usina kumbotarisira. Pamwe pacho, ungatowana imwe nzira yokuakurira nayo yawanga usina kumbofunga nezvayo. Nyaya iripo ndeyokuti matambudziko anoshungurudza haazorambi aripo.—2 VaKorinde 4:17.

Kukosha Kunoita Munyengetero

Munyengetero ndiyo nzira inonyanya kukosha yokukurukurirana nayo. Unogona kunyengetera sezvakaitwa naDhavhidhi kuti: “Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa, munditungamirire panzira isingagumi.”—Pisarema 139:23, 24.

Munyengetero haungoitwi chete kana zvinhu zvaoma. Kutaura chaiko naBaba vako vokudenga, avo vanoda kuti ‘udurure mwoyo wako’ kwavari. (Pisarema 62:8) Ona chokwadi chinokosha chinotevera nezvaMwari:

Anonyatsoziva mamiriro ezvinhu anoita kuti uore mwoyo.—Pisarema 103:14.

Anokuziva zviri nani kupfuura zvaunozviita.—1 Johani 3:20.

“Ane hanya” newe.—1 Petro 5:7.

Munyika yake itsva, Mwari “achapukuta misodzi yose” pamaziso ako.—Zvakazarurwa 21:4

Kana Dambudziko Racho Riine Chokuita Neutano

Sezvambotaurwa, kunzwa uchida kuzviuraya kunowanzokonzerwa nekurwara. Kana kuri kuti ndizvo zvinoitika kwauri, usanyare kutsvaga rubatsiro. Jesu akataura kuti vaya vanorwara vanofanira kutsvaka chiremba. (Mateu 9:12) Chinofadza ndechokuti zvirwere zvakawanda zvinogona kurapwa. Uye kurapwa kunogona kuita kuti unzwe zviri nani! *

Bhaibheri rine vimbiso inonyaradza zvechokwadi yokuti munyika itsva yaMwari, “hakuna mugari wemo achati: ‘Ndiri kurwara.’” (Isaya 33:24) Mwari anoti panguva iyoyo, “zvinhu zvekare hazvizoyeukwi, uyewo hazvizouyi mumwoyo.” (Isaya 65:17) Panguva ino, ita zvose zvaunogona kuti utsungirire matambudziko oupenyu uchivimba kuti panguva yaMwari yakakodzera, kuora mwoyo kuchava chinhu chenguva yekare.—Zvakazarurwa 21:1-4.

VERENGA ZVIMWE NEZVENYAYA IYI MUBHUKU 2, CHITSAUKO 9

MUCHITSAUKO CHEDU CHINOTEVERA

Vabereki vako vanoda kuziva zvose zvinoitika muupenyu hwako kunyange zvausingadi kuti vazive. Ungakunda here pahondo iyi yokusada kuti vanhu vazive zvose zvauri kuita?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Zvisinei, zvinokosha kuziva kuti vechiduku vakawanda vanorwara nepfungwa havazviurayi.

^ ndima 18 VaKristu vakaora mwoyo vanogona kuwana rumwe rubatsiro kuvakuru vemuungano.—Jakobho 5:14, 15.

^ ndima 31 Kuti uwane mamwe mashoko, ona Chitsauko 13 chebhuku rino.

RUGWARO RUNOKOSHA

‘Kuteterera kwenyu ngakuziviswe Mwari; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nesimba renyu rokufunga.’—VaFiripi 4:6, 7.

ZANO

Paunenge wakaora mwoyo, chimbofamba uchiita zvokukurumidza. Kuita maekisesaizi uri panze kungaita kuti unzwe zvakanaka uye wakagadzikana.

WAIZVIZIVA HERE KUTI . . . ?

Kuzviuraya hakungorwadzi vazviuraya vacho chete asi kunorwadzawo vanovada vanenge vasara.

ZVANDINORONGA KUITA!

Kana ndichinzwa ndisingabatsiri uye ndisingadiwi, ndicha- edza kutaura na-(nyora zita remunhu waungataura naye) ․․․․․

Chikomborero chimwe chete muupenyu hwangu chandinofunga nezvacho ndichionga ndeichi ․․․․․

Izvi ndizvo zvandinoda kubvunza vabereki vangu nezvenyaya iyi ․․․․․

UNOFUNGEI?

● Kunyange matambudziko makuru anouya achienda. Kufunga izvi kunokubatsira sei?

● Kuzviuraya kunoita sei kuti matambudziko emunhu aende pane mumwe?

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 104]

Dzimwe nguva ndaimboora mwoyo zvakanyanya zvokuti ndainzwa ndichida zvangu kufa, asi iye zvino zvakapera nokuti ndakaramba ndichinyengetera uye ndakarapwa.’’—Heidi

[Bhokisi riri papeji 100]

Kana Zvakuremera

Kunyange vamwe varume nevakadzi vakatendeka vanotaurwa muBhaibheri pane dzimwe nguva vakamboremerwa nekuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu. Ona mienzaniso inotevera.

Ribheka: “Kana zvakadai, neiko ndiri mupenyu?”—Genesisi 25:22.

Mosesi: “Ndapota ndiurayei henyu, . . . musaita kuti ndione dambudziko rangu.”—Numeri 11:15.

Eriya: “Haiwa Jehovha, chiurayai henyu mweya wangu, nokuti handisi nani kupfuura madzitateguru angu.”—1 Madzimambo 19:4.

Jobho: “Haiwa, kudai maizondivanza henyu muSheori, . . . kudai maizonditemera nguva yakatarwa, mondiyeuka!”—Jobho 14:13.

Muchiitiko chimwe nechimwe chiri pamusoro apa, pakupedzisira mamiriro ezvinhu akachinja zvikava nani uye hapana mumwe nomumwe aigona kufanoona kuti zvaizochinja saizvozvo. Iva nechokwadi chokuti zvakaitika izvi zvinogona kuitikawo kwauri!

[Mufananidzo uri papeji 102]

Kuora mwoyo kwakafanana nemakore emvura, nokufamba kwenguva kuchanyangarika